Jeremiya 6:1-30

  • Jerusarema rava kuda kukombwa (1-9)

  • Jehovha anotsamwira Jerusarema (10-21)

    • Vanoti “Kune runyararo!” iko kusina runyararo (14)

  • Kurwiswa zvine utsinye nevanobva kuchamhembe (22-26)

  • Jeremiya anoitwa munhu anoedza simbi (27-30)

6  Hwandai kure neJerusarema haiwa vanakomana vaBhenjamini. Ridzai hwamanda+ muTekoa;+Batidzai moto wechiratidzo pamusoro peBheti-hakeremu! Nekuti dambudziko rava kutosvika richibva kuchamhembe, dambudziko rakakura.+  2  Mwanasikana weZiyoni akafanana nemukadzi ane runako, akagarika.+  3  Vafudzi vachauya nezvipfuwo zvavo. Vachadzika matende avo vakamupoteredza,+Mumwe nemumwe achifudza makwai ake.+  4  “Gadzirirai kumurwisa! Simukai timurwise ari masikati!” “Tine nhamo, nekuti kwava kuda kuvira,Nekuti mimvuri yemanheru iri kuramba ichireba!”  5  “Simukai tirwise usikuTiparadze shongwe dzake dzakavakwa zvakasimba.”+  6  Nekuti zvanzi naJehovha wemauto: “Temai miti muunganidze murwi wekukomba Jerusarema.+ Iguta rinofanira kuzvidavirira;Rizere neudzvinyiriri chete.+  7  Rakachengeta zvakaipa zvaro zvichitonhorera,Sezvinoita mugodhi unochengeta mvura yawo ichitonhorera. Mariri munonzwika mhirizhonga nekuparadza;+Urwere nedambudziko zvinogara zviri pamberi pangu.  8  Bvuma kuyambirwa, haiwa iwe Jerusarema kuti ndisakusiya ndasemeswa* newe;+Ndichakuita dongo, nyika isingagarwi nevanhu.”+  9  Zvanzi naJehovha wemauto: “Vachanyatsounganidza vaIsraeri vakasara semazambiringa ekupedzisira pamuzambiringa. Pfuudza ruoko rwako zvakare semunhu ari kutanha mazambiringa pamizambiringa.” 10  “Ndichataura naani ndimuyambire? Ndiani achateerera? Onai! Nzeve dzavo dzakavhara* zvekuti havakwanisi kuteerera.+ Onai! Kwavari shoko raJehovha rava chinhu chavanoshora;+Havarifariri. 11  Saka ndazara nekutsamwa kwaJehovha,Uye ndaneta nekuzvidzora.”+ “Dururira kutsamwa kwacho pamwana ari mumugwagwa,+Pamapoka emajaya akaungana. Vese vachatapwa, murume pamwe chete nemudzimai wake,Varume vakwegura pamwe chete nevaya vakwegura zvakanyanya.*+ 12  Dzimba dzavo dzichapiwa vamwe vanhu,Pamwe chete neminda yavo nemadzimai avo.+ Nekuti ndichatambanudzira ruoko rwangu pavagari vemunyika yacho,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 13  “Nekuti kubvira kumudiki kusvika kumukuru, mumwe nemumwe ari kuwana pfuma nekubiridzira;+Kubvira kumuprofita kusvika kumupristi, mumwe nemumwe ari kubiridzira.+ 14  Vanoedza kurapa ronda revanhu vangu zvekungonyepedzera, vachiti,‘Kune runyararo! Kune runyararo!’ Iko kusina runyararo.+ 15  Vanonyara here nezvinhu zvinosemesa zvavakaita? Havatombonyari! Havatombozivi kuti kunyara kwacho kuita sei!+ Saka vachawa pakati pevaya vakawa. Vachagumburwa pandichavaranga,” anodaro Jehovha. 16  Zvanzi naJehovha: “Mirai pamharadzano dzemugwagwa muone. Bvunzai nezvemigwagwa yekare kare,Bvunzai kunowanika nzira yakanaka mufambe mairi,+Muwane* zororo.” Asi ivo vanoti: “Hatisi kuzofamba mairi.”+ 17  “Ndakagadza varindi+ avo vakati,‘Teererai kurira kwehwamanda!’”+ Asi ivo vakati: “Hatisi kuzoteerera.”+ 18  “Saka inzwai, haiwa imi marudzi! Uye ziva zvichaitika kwavari,Haiwa iwe ungano. 19  Teerera, haiwa iwe nyika! Ndiri kuunza dambudziko pavanhu ava+Nemhaka yezvirongwa zvavo,Nekuti havana kuteerera mashoko anguUye vakaramba mutemo* wangu.” 20  “Ndine basa nazvo here kuti munouya nezvinonhuhwirira zvichena kubva kuShebhaNetsanga dzinonhuhwirira kubva kunyika iri kure? Mipiro yenyu inopiswa handiigamuchiri,Uye zvibayiro zvenyu hazvindifadzi.”+ 21  Saka zvanzi naJehovha: “Ndiri kuisira vanhu ava zvipinganidzo,Uye vachagumburwa nazvo,Vanababa nevanakomana pamwe chete,Muvakidzani neshamwari yake,Uye vese vachaparara.”+ 22  Zvanzi naJehovha: “Onai! Kune vanhu vari kuuya vachibva kunyika yekuchamhembe,Uye pachamutswa rudzi rukuru runobva kumativi ari kure kwazvo enyika.+ 23  Vachabata uta nepfumo diki. Vane utsinye uye havazovi netsitsi. Inzwi ravo richatinhira segungwa,Uye vakatasva mabhiza.+ Vanoronga uto ravo semurume wehondo kuti varwe newe, haiwa iwe mwanasikana weZiyoni.” 24  Tanzwa mashoko pamusoro parwo. Maoko edu ati regwede;+Tabatwa nekunetseka,Iwo marwadzo akaita seemukadzi ari kusununguka.+ 25  Musabuda muchienda musango,Uye musafamba mumugwagwa,Nekuti muvengi ane bakatwa;Kumativi ese kuri kutyisa zvikuru. 26  Haiwa iwe mwanasikana wevanhu vangu,Pfeka masaga+ uumburuke mumadota. Chema uchirwadziwa chaizvo semunhu ari kuchema mwanakomana wake mumwe chete,+Nekuti muparadzi achangoerekana auya kwatiri.+ 27  “Ndakakuita* munhu anoedza simbi pakati pevanhu vangu,Munhu anonyatsotsvaga;Unofanira kucherechedza uye kuongorora nzira yavo. 28  Vese zvavo varume vakaoma musoro zvisingaiti,+Vanofamba vachisvibisa mazita evamwe.+ Vakaita semhangura nesimbi;Vese zvavo vakaipa. 29  Mvuto* dzabvuraudzwa. Mumoto wadzo munobuda mutobvu. Anoramba achivanatsa mumoto asi haabudiriri,+Uye vaya vakaipa havana kubviswa pavanhu.+ 30  Chokwadi vanhu vachavashevedza kuti sirivha yakarambwa,Nekuti Jehovha avaramba.”+

Mashoko Emuzasi

^ Kana kuti “mweya wangu usakusiya wasemeswa.”
^ ChiHeb., “Nzeve yavo haina kuchecheudzwa.”
^ ChiHeb., “nevaya vazere nemazuva.”
^ Kana kuti “Mweya yenyu iwane.”
^ Kana kuti “murayiro.”
^ Kureva, Jeremiya.
^ Uyu mudziyo unoshandiswa kufuridza moto kuti upfute zvine simba.