Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzidzisai Mwana Wenyu Kutaura Nevamwe Zvakanaka

Dzidzisai Mwana Wenyu Kutaura Nevamwe Zvakanaka

Dzidzisai Mwana Wenyu Kutaura Nevamwe Zvakanaka

Afadzwa nokuti mhuri yavo yaizotama ichienda kunogara kure, Nicole, ane makore masere, aigara achiudza shamwari yake yapedyo Gabrielle kuti zvinhu zvainge zvava papi. Mumwe musi Gabrielle akachenamira Nicole achiti zvokuenda kwake zvakanga zvisinei naye. Arwadziwa uye ashatirwa, Nicole akataurira amai vake kuti, “Handichadi kuonana naGabrielle zvakare!”

ZVINETSO zvouhwana zvakadai sechakava naNicole naGabrielle zvinowanzoda kuti vabereki vapindire, kwete zvokungovanyaradza asi kuvadzidzisa kugadzirisa zvinetso zvacho. Vana vaduku vagara vanoratidza “miitiro youcheche,” uye kazhinji kacho vanenge vasingazivi kuti mashoko avo nezviito zvingakuvadza vamwe zvakadini. (1 VaKorinde 13:11) Vanotoda kubatsirwa kudzidza kuva nounhu hunoita kuti vagarisane nevamwe zvakanaka mumhuri nokumwewo.

Vabereki vechiKristu vane chido chikuru chokudzidzisa vana vavo kuti ‘vatsvake rugare varutevere.’ (1 Petro 3:11) Panotova nebasa chairo kuti mwana akurire kufungira vamwe zvakaipa, kuvhiringidzika, uye kuvenga vamwe, asi zvinofadza zvikuru kana akabudirira! Kana uri mubereki, ungadzidzisa vana vako sei kuti vataurirane nevamwe zvakanaka?

Vabatsirei Kuva Nechido Chokufadza “Mwari Worugare”

Jehovha anonzi “Mwari worugare” uye anozivikanwa souya “anopa rugare.” (VaFiripi 4:9; VaRoma 15:33) Saka vabereki vakangwara vanoshandisa Shoko raMwari, Bhaibheri nounyanzvi kuti vadzidzise vana vavo kuva nechido chokufadza Mwari uye chokumutevedzera. Somuenzaniso, batsirai vana venyu kufungidzira zvakaratidzwa muapostora Johani. Iye akaratidzwa muraraungu une chitarisiko chinoshamisa cheemaradhi wakakomberedza chigaro chaJehovha choumambo. * (Zvakazarurwa 4:2, 3) Vatsanangurirei kuti muraraungu unomiririra rugare uye runyararo zvina Jehovha uye kuti achakomborera vanhu vose vanomuteerera nazvo.

Jehovha anopawo mazano achishandisa Mwanakomana wake, Jesu, uyo anonzi “Muchinda woRugare.” (Isaya 9:6, 7) Naizvozvo, verengai mokurukura nevana venyu nhoroondo dzeBhaibheri dzinotaura nezvaJesu paaidzidzisa zvidzidzo zvinokosha nezvokudzivisa kurwisana uye kukakavadzana. (Mateu 26:51-56; Mako 9:33-35) Tsanangurai kuti nei Pauro, uyo aimbova “munhu aiita zvakaipa,” akachinja ndokunyora kuti “muranda waShe haafaniri kurwa, asi anofanira kuva norupfave kuna vose, . . . anoramba achizvidzora pakuitirwa zvakaipa.” (1 Timoti 1:13; 2 Timoti 2:24) Ungashamiswa nokuchinja kungaita mwana wako.

Evan anoyeuka kuti paaiva nemakore manomwe akambotsvinyirwa nomumwe mukomana vari mubhazi rokuchikoro. Anoti, “Ndakamugumbukira zvokuti ndaida kumutsvinyirawo! Ndakabva ndayeuka zvandakanga ndadzidziswa kumba nezvevanhu vanoedza kumutsa dzivo. Ndaiziva kuti Jehovha anoda kuti ndi‘sadzorera chakaipa nechakaipa kuna ani naani zvake’ uye kuti ndive ‘norugare nevanhu vose.’” (VaRoma 12:17, 18) Evan akabva awana simba noushingi zvokuti ataure zvinyoronyoro kuti apomhodze nyaya yaigona kusvika pakuipa. Aida kufadza Mwari worugare.

Iva Mubereki Ane Muenzaniso Wakanaka

Mumusha menyu mune rugare here? Kana zvakadaro, vana venyu vangadzidza zvakawanda nezvorugare vachingoona zvamunoita imi. Kubudirira kwenyu pakudzidzisa vana venyu kuti vave norugare kunonyanya kubva pakuti imi munotevedzera sei Mwari naKristu pakuva norugare.—VaRoma 2:21.

Russ naCindy vanoshanda zvakaoma kuti vadzidzise vanakomana vavo vaviri, vachivakurudzira kuratidza rudo pavanenge vagumburwa nevamwe. Cindy anoti, “Zvatinoitira vanakomana vedu nevamwewo kana pakava nezvinetso, zvinobatsira zvikuru kuti vazive zvokuita kana vasanganawo nemamiriro ezvinhu akadaro.”

Kunyange kana mukakanganisa, nokuti hakuna mubereki asingakanganisi, munogona kushandisa mukana iwoyo kudzidzisa vana venyu zvidzidzo zvinokosha. Stephen anobvuma kuti: “Pane dzimwe nguva ini naTerry taikurumidza kugumbuka toranga vana vedu vatatu tisati taziva zvinenge zvanyatsoitika. Paiitika zvinhu zvakadaro, taikumbira ruregerero.” Terry anowedzera kuti: “Tinoita kuti vana vedu vazive kuti nesuwo hatina kukwana uye tinokanganisa. Tinofunga kuti izvi zviri kuita kuti titaurirane zvakanaka mumhuri uyewo zviri kubatsira vana vedu kudzidza kutaura nevamwe zvakanaka.”

Vana venyu vari kudzidza kuva norugare kubva pamabatiro amunovaita here? Jesu akakurudzira kuti: “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.” (Mateu 7:12) Pasinei nokuti mune zvamunokanganisa, ivai nechivimbo chokuti rudo rwamunoratidza vana venyu ruchava nezvibereko zvakanaka pavari. Vana venyu vachaona zviri nyore kukuteererai kana muchivarayira norudo.

Nonokai Kutsamwa

Zvirevo 19:11 inoti: “Njere dzomunhu dzinodzora kutsamwa kwake.” Ungabatsira sei vana kuti vave nenjere dzakadaro? David anotsanangura imwe nzira yaanoshandisa nomudzimai wake Mariann pakubatsira vana vavo. Anoti: “Pavanogumbukira mumwe munhu anenge ataura kana kuita chimwe chinhu chinorwadza, tinovabatsira kuti vanzwisise chinenge chaita kuti munhu wacho adaro. Tinovabvunza mibvunzo iri nyore yakadai seiyi: ‘Hakusi kuti pane zvaswera zvichimunetsa here? Kungava kuti ane godo here? Hapana mumwe munhu amugumbura here?’” Mariann anowedzera kuti, “Izvi zvinodzimura hasha dzevana zvichivaita kuti vasaramba vachifunga zvavatadzirwa kana kuti kuramba vachingoitirana nharo dzokuti ndiani anga akanganisa.”

Kudzidzisa vana nenzira yakadaro kungaita kuti pazova nezvibereko zvakanaka. Cherechedza kuti Nicole ambotaurwa kwokutanga kwenyaya ino akabatsirwa sei naamai vake Michelle, nenzira yaipfuura kungogadzirisa zvavakanga vatadzirana neshamwari yake Gabrielle. Michelle anoti: “Ndakaverenga naNicole chitsauko 14 chebhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. * Ndokuzomutsanangurira zvairehwa naJesu paakati tinofanira kukanganwira mumwe munhu ‘kusvikira kane makumi manomwe nekanomwe.’ Ndanyatsoteerera paaitaura zvaiva mumwoyo make, ndakazomubatsira kunzwisisa kuti Gabrielle akanga achirwadziwa nokuti shamwari yake yepamwoyo yakanga yava kutamira kure kure.”—Mateu 18:21, 22.

Kunzwisisa kwakazotanga kuita Nicole zvakanga zvaita kuti Gabrielle amuchenamire kungava kwakamubatsira kutanga kumunzwira tsitsi akabva amufonera achikumbira ruregerero. Michelle anoti, “Kubvira ipapo, Nicole anonakidzwa nokunzwisisa manzwiro anoita vamwe uye kuvaitira zvinhu zvakanaka kuti vanzwe zviri nani.”—VaFiripi 2:3, 4.

Batsira vana vako kuti vasazvidya mwoyo kana vakanganisa kana kuti vapesana nomumwe munhu. Zvichida uchazofara kuona vana vako vachitaurira vamwe vavo mashoko omutsa norudo.—VaRoma 12:10; 1 VaKorinde 12:25.

Vaudze Zvakanakira Kukanganwira

Zvirevo 19:11 inoti: ‘Zvakanaka kuti uregerere kudarika.’ Ari panguva yakaoma zvikuru muupenyu hwake, Jesu akatevedzera Baba vake pakuratidza pfungwa yokukanganwira. (Ruka 23:34) Vana venyu vanogona kudzidza zvakanakira kukanganwira pavanoona kunaka kwazvakaita imi pamunovakanganwira.

Somuenzaniso, Willy, ane makore mashanu, anofarira kunyora mifananidzo naambuya vake. Mumwe musi, ambuya vake vakangoerekana vasiya zvemifananidzo ndokumupopotera vachibva vabvapo. Willy akagumbuka. Baba vake, Sam vakati: “Ambuya vaWilly vanorwara nechirwere chepfungwa chinonzi Alzheimer. Saka takamutsanangurira nemashoko aaigona kunzwisisa.” Paakatsanangurira Willy kuti akanga akanganwirwa kakawanda uye kuti iye anofanira kukanganwirawo vamwe, Sam akashamiswa nokunzwisisa kwakaita Willy. “Fungidzira mafariro atakaita nomudzimai wangu patakaona Willy achienda kuna ambuya vake vane makore 80, ndokuvakumbira ruregerero, achibva avabata ruoko ndokudzokera navo patafura.”

Zvakanaka zvikuru vana pavanodzidza ‘kuramba vachishivirira’ zvikanganiso zvevamwe uye vachivakanganwira. (VaKorose 3:13) Kunyange kana vanhu vachiita nemaune zvinhu zvinoshatirisa, udzai mwana wenyu kuti kupindura nounyoro kungava nesimba zvikuru, nokuti “Jehovha paanofarira nzira dzomunhu, anoita kuti kunyange vavengi vake vave norugare naye.”—Zvirevo 16:7.

Rambai Muchibatsira Mwana Wenyu Kutaura Nevamwe Zvakanaka

Vabereki pavanoshandisa Shoko raMwari pakudzidzisa vana vavo “murugare” uye kana vari vabereki “vaya vanoita kuti pave norugare,” vanova chikomborero chaicho kuvana vavo. (Jakobho 3:18) Vabereki vakadaro vari kuita kuti vana vavo vazogona kupedza magakava kana akamuka uye kuti vave norugare. Izvi zvichaita kuti vafare zvikuru uye vagutsikane kwoupenyu hwavo hwose.

Dan naKathy vane vana vatatu vati yarukei, vari kuita zvakanaka kwazvo muungano. Dan anoti: “Kunyange zvazvo zvaimbooma pataivadzidzisa vachiri vaduku, tinofara kuti vana vedu vari kuita zvakanaka. Vanogarisana nevamwe zvakanaka, uye vanokanganwira vamwe pavanoona kuti zvinhu zvava kuda kuipa.” Kathy anoti: “Izvi zvinotikurudzira zvikuru sezvo rugare ruri chibereko chomudzimu waMwari.”—VaGaratiya 5:22, 23.

Saka sevabereki vechiKristu, ‘musarega’ kana kuti ‘musaneta’ pakudzidzisa vana venyu kugarisana nevamwe zvakanaka, kunyange kana pakutanga zvichiita sokuti hazvisi kubudirira. Pamunodaro, ivai nechivimbo chokuti “Mwari worudo neworugare achava nemi.”—VaGaratiya 6:9; 2 VaKorinde 13:11.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Ona mufananidzo uri papeji 75 yebhuku rinonzi Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 16 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 20]

CHIMWE CHINHU CHINGABATSIRA

Rondedzero yakabudiswa neMedia Awareness Network ine musoro unoti “Chisimba Chinobudiswa Mumitambo Yezvinobudisa Mashoko,” inoti: “Pfungwa yokuti kuita zvechisimba ndiko kunopedza zvinetso inokurudzirwa nemitambo inobudisa vanhu vakaipa nemagamba vachigara vachiita zvechisimba.” Pakaongororwa mitambo yepaTV, mabhaisikopo, uye mavhidhiyo enziyo, pakawanikwa kuti 10 muzana chete ndiwo aibudisa kuti chisimba chakaipa. Rondedzero yacho inoti: “Chisimba chacho chaibudiswa sechakanaka, uye sechinongoitwa nomunhu wose uye chisingadzivisiki, sokunge kuti hapana zvimwe zvaigona kuitwa kupedza chinetso chacho.”

Munoona kukosha kwazvakaita kugadzirisa maonero amunoita TV mumba menyu here? Musarega mitambo inobudiswa ichikanganisa zvamuri kuedza kuita kuti mudzidzise vana venyu kugara nevamwe zvakanaka.

[Mufananidzo uri papeji 17]

Dzidzisai vana venyu kuva nechido chokufadza “Mwari worugare”

[Mufananidzo uri papeji 18]

Gadzirisai mwana kana ataura kana kuti aita zvinorwadza vamwe

[Mufananidzo uri papeji 19]

Vana venyu vanofanira kudzidza kukumbira ruregerero