Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kukwegura Pakunova “Korona Yakaisvonaka”

Kukwegura Pakunova “Korona Yakaisvonaka”

“Kubatsirwa Kwangu Kunobva Kuna Jehovha”

Kukwegura Pakunova “Korona Yakaisvonaka”

“NDIHWO upenyu hwakanaka zvikuru,” akadaro Muriel ane makore 101. “Chokwadi iropafadzo!” ndiwo matauriro anoita Theodoros ane makore 70. “Hakuna imwe nzira yandaigona kushandisa nayo upenyu hwangu iri nani kudarika iyi,” akadaro Maria ane makore 73. Vose vakanga vapedzera nguva youpenyu hwavo vachishumira Jehovha Mwari.

Vakwegura vakadaro mienzaniso yevamwe vanamati vaJehovha vanoshingaira vakawanda vari munyika yose. Pasinei nokukwegura, zvinetso zvoutano, uye mamwe mamiriro ezvinhu asina kunaka, vachiri kushumira Mwari nemweya wose. Muungano yechiKristu, vakwegura vakadaro vakatendeka mienzaniso inoremekedzwa yevanhu vanozvipira kuna Mwari. Jehovha anokoshesa chaizvo basa revakwegura, kunyange zvazvo vangasaita zvakawanda pamusana pemamiriro avo ezvinhu. *2 VaKorinde 8:12.

Bhuku raPisarema rinotaura mashoko akakodzera zvikuru nezvoupenyu hungatarisirwa kuraramwa nevakwegura vakatendeka.Vanogona kuita somuti wakwegura uye wakatsiga unoramba uchibereka zvibereko. Nezvevakwegura vakatendeka, munyori wepisarema akaimba kuti: “Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo; vachava vanyoro navatsva.”—Pisarema 92:14.

Vamwe vangatya kuti vacharambwa uye vachasiyiwa kana simba ravo rava shoma pavanokwegura. Dhavhidhi akateterera Mwari achiti: “Regai kundirasa panguva yokukwegura kwangu; musandisiya kana ndapera simba.” (Pisarema 71:9) Chii chinoita kuti pave nomusiyano pakati pokupera simba nokuwedzera simba muukweguru? Unhu hwaMwari huya hwokururama. “Wakarurama uchamera somuchindwe,” akaimba kudaro munyori wepisarema.—Pisarema 92:12.

Vaya vakaita basa rokutendeka kuna Mwari muupenyu hwavo vanoita sevanoramba vachibereka zvibereko zvakanaka mumakore avo oukweguru. Chaizvoizvo, mbeu zhinji dzavanenge vakadyara muupenyu hwavo kana mune hwevamwe dzinomera dzokura kuva goho rakanaka. (VaGaratiya 6:7-10; VaKorose 1:10) Zvechokwadi, vanhu vakatambisa upenyu hwavo vachitsvaka zvinhu zvoudyire zvisingaenderani nenzira dzaMwari havawanzovi nezvinhu zvakawanda zvokukoshesa pavanokwegura.

Kuratidza kuti kururama chishongo choukweguru zvinosimbiswawo mubhuku reBhaibheri raZvirevo. Imomo tinoverenga kuti: “Bvudzi rachena ikorona yakaisvonaka, inowanikwa panzira yokururama.” (Zvirevo 16:31) Chokwadi, kururama kunoratidza kunaka kwomukati. Kuedza kurarama upenyu hwakarurama kwoupenyu hwakareba kunoita kuti munhu aremekedzwe. (Revhitiko 19:32) Munhu ane bvudzi rachena kana aine uchenjeri norunako, zvinoita kuti akudzwe.—Jobho 12:12.

Kuna Jehovha, upenyu hwakarurama hwakapedzerwa mubasa rake hunomufadza zvikuru. Magwaro anoti: “Kusvikira makwegura, ndini iye [Jehovha], ndichakutakurai kusvikira bvudzi renyu rachena; ini ndakakuitai, ndichakutakurai, zvirokwazvo ndichakusimudzai, nokukurwirai.” (Isaya 46:4) Chokwadi zvinonyaradza kuziva kuti Baba vedu vane rudo vokudenga vanovimbisa kuchengeta uye kutsigira vanhu vavo vakavimbika pavanenge vakwegura!—Pisarema 48:14.

Sezvo upenyu hunopedzerwa mubasa rokutendeka kuna Jehovha huchimufadza zvikuru, hahuremekedzwiwo nevamwe here? Tichiratidza maonero aMwari, tinokoshesa vakwegura vatinonamata navo. (1 Timoti 5:1, 2) Naizvozvo ngatitsvakei nzira dzinoshanda dzokuratidza nadzo rudo rwechiKristu mukutarisira zvavanoda.

Kupinda Munzira Yakarurama Pava Paya Muupenyu

“Panzira yakarurama ndipo pane upenyu,” anotivimbisa kudaro Soromoni. (Zvirevo 12:28) Ukweguru hautadzisi munhu kupinda munzira iyi pava paya muupenyu. Somuenzaniso, kuMoldova, mumwe murume akwegura ane makore 99 akanga akatsaurira uduku hwake kusimudzira zvinangwa zvevaKomonisiti. Aidada kuti akanga ambokurukurirana zvakananga nevamwe vevatungamiriri vechiKomonisiti vaizivikanwa chaizvo, vakadai saV. I. Lenin. Zvisinei, nokudzikira uye kupera kwechiKomonizimu, upenyu hwomurume akwegura uyu hahuna kuzova nechinangwa uye gwara. Asi Zvapupu zvaJehovha pazvakamuratidza kuti Umambo hwaMwari chete ndihwo hunogona kupedza zvinetso zvevanhu, akagamuchira chokwadi cheBhaibheri ndokuva mudzidzi weMagwaro anoshingaira. Rufu bedzi ndirwo rwakazomutadzisa kuva mushumiri waJehovha akabhabhatidzwa.

Paaidzidza nezvezvinodiwa naMwari mutsika, mumwe mukadzi ane makore 81 kuHungary akaziva kuti aifanira kuroorwa nomurume waakanga agara naye kwemakore akawanda. Mukadzi wacho akaratidza ushingi hwake hwose ndokutsanangurira mumwe wake maonero ake zvinotaurwa neBhaibheri. Zvichitoshamisa mukadzi wacho zvikuru uye zvichimufadza, murume wacho akabvuma kumuroora. Vabatanidzwa zviri pamutemo, mukadzi wacho akakurumidza kufambira mberi mune zvokunamata. Mumwedzi misere atanga kudzidza Bhaibheri, akava muparidzi asina kubhabhatidzwa, uye akabva abhabhatidzwa nguva pfupi adaro. Ichokwadi kuti kururama kunogona kuva korona yakaisvonaka kuvakweguru!

Kutaura zvazviri, vaKristu vakatendeka vanogona kuva nechokwadi chokuti Mwari anovafarira. Jehovha haazombosiyi vaya vanoramba vakavimbika kwaari. Asi anovimbisa kuvatungamirira, kuvatsigira, uye kuvachengeta kunyange kusvikira vakwegura. Uye vanobvumirana nemashoko omunyori wepisarema anoti: “Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha.”—Pisarema 121:2.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Ona Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya2005, January/February.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]

“Bvudzi rachena ikorona yakaisvonaka, inowanikwa panzira yokururama.”—ZVIREVO 16:31

[Bhokisi riri papeji 8]

JEHOVHA ANOTARISIRA VASHUMIRI VAKE VAKWEGURA

“Unofanira kusimukira wachena bvudzi, nokukudza mutana.”—Revhitiko 19:32.

“Kusvikira makwegura, ndini iye, ndichakutakurai kusvikira bvudzi renyu rachena.”—Isaya 46:4.