Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuparidza kwaSauro Kunokonzera Kushorwa

Kuparidza kwaSauro Kunokonzera Kushorwa

Kuparidza kwaSauro Kunokonzera Kushorwa

VAJUDHA vaiva muDhamasiko vaisagona kuzvinzwisisa. Mudziviriri anoshingaira wezvitendero zvetsika ava sei munhu akaramba kutenda? Sauro aizivikanwa somurume akanga anetsa vaya vaidana zita raJesu muJerusarema. Akanga auya kuDhamasiko kuzotambudza vadzidzi ikoko. Asi zvino iye pachake akanga achiparidza kuti Jesu ainzi tsotsi rinozvidzwa rakarovererwa padanda nokuda kwokumhura Mwari, akanga ari Mesiya! Sauro akanga ava kupenga here?—Mabasa 9:1, 2, 20-22.

Zvichida pakanga pane tsananguro. Vamwe vakafamba vachibva kuJerusarema vari muboka rimwe iroro naSauro vangangove vakataura nezvezvakaitika mumugwagwa. Pavakanga vava kusvika kuDhamasiko, chiedza chakavapenyera kamwe kamwe, uye ivo vose vakawira pasi. Inzwi rakanzwikawo. Hapana kana mumwe akakuvadzwa kunze kwaSauro. Akanga arere mumugwagwa. Paakazosimuka, vamwe vaaifamba navo vaitofanira kumutungamirira kuenda kuDhamasiko, nokuti akanga ava bofu.—Mabasa 9:3-8; 26:13, 14.

Muvengi Anova Mutsigiri

Chii chakanga chaitika kuna Sauro pamugwagwa unoenda kuDhamasiko? Rwendo rurefu kana kuti kupisa kwezuva kwemasikati makuru zvakanga zvamuremadza here? Vachitsunga kuwana tsananguro dzezvinongoitika zvoga, vatsoropodzi vemazuva ano vanopa mamiriro ezvinhu anosanganisira kurasika pfungwa, kuona zvinhu zvisipo, njodzi yakakomba yepfungwa inokonzerwa nokurova kwehana inonetseka yaSauro, kushushikana mupfungwa, uye kubatwa netsviyo kunofungidzirwa.

Zvakaitika ndezvokuti Jesu Kristu akazviratidza kuna Sauro muchiedza chaipofumadza, achimuita kuti atende kuti Iye akanga ari Mesiya. Mimwe mifananidzo younyanzvi yechiitiko ichi inoratidza Sauro achiwa pabhiza. Kunyange zvazvo izvozvo zvichigona kuitika, Bhaibheri rinongotaura kuti “akawira pasi.” (Mabasa 22:6-11) Chero kuwa kupi zvakwo kwakaitwa naSauro kwakanga kusiri kukuru chaizvo kana kuchienzaniswa nokuwa kunonyadzisa pachinzvimbo chake chekare. Zvino aitofanira kuziva kuti zvaiparidzwa nevateveri vaJesu zvaiva zvechokwadi. Zvaingovapo bedzi ndezvokuti Sauro abatane navo. Kubva pakuva muvengi anorwisa shoko raJesu, Sauro akava mumwe wevatsigiri varo vakasimba zvikuru. Pashure pokunge ava kuona uye abhabhatidzwa, “Sauro akaramba achiwana simba zvikuru uye akanga achishamisa zvikuru vaJudha vaigara muDhamasiko sezvaairatidza nenzira inonzwisisika kuti uyu ndiye Kristu.”—Mabasa 9:22.

Zano Rokuuraya Rinokundikana

Sauro akazonzi Pauro, akazoenda kupi pashure pokutendeuka kwake? Pakunyorera vaGaratiya, akati: “Ndakaenda Arabhiya, ndikadzokerazve kuDhamasiko.” (VaGaratiya 1:17) Shoko rokuti “Arabhiya” rinogona kushandisirwa kurwendo rwokuenda chero kurutivi rwose zvarwo rwePeninsula yeArabhiya. Dzimwe nyanzvi dzinoti Pauro angave akaenda kuRenje reSiriya kana kuti kune imwewo nzvimbo iri muumambo hweNabataea hwaAretasi IV. Zvingangodaro kuti Sauro akaenda kune imwe nzvimbo yakanyarara kuti anofungisisa pashure pokunge abhabhatidzwa, sezvakaita Jesu akaenda murenje pashure pokunge abhabhatidzwa.—Ruka 4:1.

Sauro paakadzokera kuDhamasiko, “vaJudha vakarangana pamwe kuti vamuuraye.” (Mabasa 9:23) Gavhuna aishanda somumiririri waMambo Aretasi muDhamasiko akanga achirinda guta kuti abate Sauro. (2 VaKorinde 11:32) Asi vavengi pavainge vachirangana kuuraya Sauro, vadzidzi vaJesu vakaronga kuti atize.

Pakati pevaya vakabatsira Sauro kuti atize paiva naAnaniyasi nevadzidzi avo muapostora wacho akafara kuva pamwe chete navo pashure pokunge atendeuka. * (Mabasa 9:17-19) Vamwe vakanga vava vatendi nokuda kwokuparidza kwaSauro muDhamasiko vangava vakabatsirawo, nokuti Mabasa 9:25 inoti: “Vadzidzi vake vakamutora vakamuburutsa nousiku nepakanga pakazaruka porusvingo, vachimudzikisa ari mudengu.” Kutaura kwokuti “vadzidzi vake” kungareva vaya vakanga vadzidziswa naSauro. Chero zvazviri, zvichida kubudirira kwoushumiri hwake kwakaita kuti atonyanya kuvengwa sezvaakanga achiitwa nechakare.

Chinofanira Kudzidzwa

Patinoongorora zvimwe zvezviitiko zvakabatana nokutendeuka kwaSauro nokubhabhatidzwa kwake, tinonyatsoona kuti akanga asinganyanyi kuva nehanya nokuti vamwe vanhu vaimuona sei; uyewo haana kurega pamusana pokushorwa zvakasimba. Chaikosha zvikuru kuna Sauro raiva basa rokuparidza raakanga agamuchira.—Mabasa 22:14, 15.

Munguva pfupi yakapfuura, wakanyatsova nechokwadi here kuti kuparidza mashoko akanaka kunokosha? Kana zvakadaro, unoziva kuti vaKristu vose vechokwadi vanofanira kuva vaparidzi voUmambo. Haufaniri kushamiswa kana ushumiri hwako padzimwe nguva hukakonzera kuti ushorwe. (Mateu 24:9; Ruka 21:12; 1 Petro 2:20) Zvakaitwa naSauro paakashorwa zvinoratidza muenzaniso wakanaka. VaKristu vanotsungirira kutambudzwa vasingaregi vachawana nyasha dzaMwari. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Muchavengwa nevanhu vose nemhaka yezita rangu.” Asi, akavavimbisa kuti: “Muchawana mweya yenyu nokutsungirira kwenyu.”—Ruka 21:17-19.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 ChiKristu chingave chakasvika muDhamasiko zvichida pashure pokuparidza kwaJesu muGarireya kana kuti pashure pePendekosti ya33 C.E.—Mateu 4:24; Mabasa 2:5.

[Mufananidzo uri papeji 28]

Sauro ‘akawira pasi’ Jesu paakazviratidza kwaari

[Mufananidzo uri papeji 29]

Sauro akatiza paakanga arongerwa kuurayiwa muDhamasiko