Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Samsoni aigona sei kubata zvitunha zvaakanga auraya asi achiramba ari muNaziri?

MuIsraeri yekare, munhu aigona kuita mhiko nokuzvidira ova muNaziri kwenguva yakati rebei. * Chimwe chairambidzwa pane zvaisungirwa munhu anoita mhiko iyi ndeichi: “Ngaarege kuswedera kuchitunha mazuva ose aanozvitsaurira Jehovha nawo. Haafaniri kuzvisvibisa nokuda kwababa vake, kana nokuda kwamai vake, kana nokuda kwomunun’una wake, kana nokuda kwehanzvadzi yake, kana vafa.” Zvakadini kana mumwe munhu “akafa kamwe kamwe pedyo naye”? Kubata chitunha kwetsaona kwakadaro kwaizosvibisa kuva kwake muNaziri. Saka zvakanzi: “Mazuva okutanga haangaverengwi.” Aizofanira kucheneswa otangazve nguva yokuva muNaziri.—Numeri 6:6-12.

Kunyange zvakadaro, Samsoni aiva muNaziri mupfungwa yakasiyana. Samsoni asati aberekwa, ngirozi yaJehovha yakaudza amai vake kuti: “Tarira, uchava nemimba, nokubereka mwanakomana; musoro wake haufaniri kuveurwa nechisvo, nokuti mwana uyu unofanira kuva muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vake; iye uchatanga kuponesa Israeri pamaoko avaFiristia.” (Vatongi 13:5) Samsoni haana kuita mhiko yokuva muNaziri. Aiva muNaziri akagadzwa naMwari, uye aizova muNaziri kwoupenyu hwake hwose. Kurambidzwa kubata chitunha kwaisagona kushanda kwaari. Kana kwaishanda uye aizobata chitunha netsaona, aizogona sei kutangazve kuva muNaziri kwoupenyu hwake hwose izvo zvakatangira pakuberekwa kwake? Saka zviri pachena kuti zvaidiwa zvevaNaziri voupenyu hwose zvakanga zvakasiyana munzira dzakati nezviya zvevaNaziri vokuzvidira.

Chimbofunga nezvemirayiro yaJehovha yaakapa vaNaziri voupenyu hwose—Samsoni, Samueri, naJohani Mubhabhatidzi—vanotaurwa nezvavo muBhaibheri. Sezvambotaurwa, Samsoni aisafanira kuveura bvudzi romusoro wake. Achitaura nezvemwana wake waakanga achigere kubata pamuviri pake—Samueri—Hana akaita mhiko iyi: “Ndichamupa Jehovha mazuva ose oupenyu hwake, musoro wake haungaveurwi nechisvo.” (1 Samueri 1:11) Kana ari Johani Mubhabhatidzi, ngirozi yaJehovha yakati: “Haambofaniri kunwa waini nechinwiwa chinoraradzisa.” (Ruka 1:15) Uyezve, “Johani . . . akanga ane chipfeko chake chemakushe engamera nebhandi reganda muchiuno chake; zvokudya zvakewo zvakanga zviri mhashu neuchi hwomusango.” (Mateu 3:4) Hapana kana mumwe wevanhu vatatu ava akarayirwa kuti asaswedera pedyo nemweya wakafa.

Kunyange zvazvo aiva muNaziri, Samsoni aiva pakati pevatongi vakamutswa naJehovha kuti vaponese vaIsraeri paruoko rwevapambi vavo. (Vatongi 2:16) Uye paaiita basa iri, akabata zvitunha. Pane imwe nguva, Samsoni akauraya vaFiristiya 30 akavapfekenura zvipfeko zvavo. Gare gare, akauraya vavengi, “akavarova pazvidya nezviuno, akavauraya nokuuraya kukuru.” Akatorawo pfupa nyoro reshaya yembongoro akauraya naro varume chiuru. (Vatongi 14:19; 15:8, 15) Samsoni akaita zvose izvi nenyasha uye achitsigirwa naJehovha. Magwaro anotaura nezvake somurume ane muenzaniso wakanaka wokutenda.—VaHebheru 11:32; 12:1.

Kutaura kwokuti Samsoni akabvambura shumba ‘sezvinoita mumwe munhu anobvambura mbudzana hono nepakati,’ kunoreva here kuti kubvamburwa nepakati kwembudzana kwaiva tsika yaiwanzoitwa mumazuva ake?

Hapana uchapupu hwokuti munguva yeVatongi vaIsraeri, vanhu vaiva netsika yokubvambura mbudzana nepakati. Vatongi 14:6 inoti: ‘Mweya waJehovha wakauya pamusoro paSamsoni, akabvambura shumba duku yava nezenze sezvinoita mumwe munhu anobvambura mbudzana hono nepakati, zvino wakanga asina chinhu muruoko rwake.’ Kutaura uku kungangova fananidzo.

Mashoko okuti ‘kuibvambura nepakati’ angareva zvinhu zviviri. Pamwe Samsoni akabvambura shaya dzeshumba kana kuti akakwachura nhengo dzomuviri dzeshumba neimwe nzira. Kana kutaura uku kuchireva kubvambura shaya dzeshumba, saka zvinonzwisisika kuti munhu aizova nesimba rokuita kudaro kumbudzana. Muchiitiko chino, kufanana kwacho kunoratidza kuti kukunda shumba nemaoko ake asina chinhu kwakanga kusina kuomera Samsoni kungofanana nokuuraya mbudzana hono zvayo. Zvisinei, zvakadini kana Samsoni akauraya shumba nokuikwachura nhengo dzomuviri? Kutaura uku kunobva kwanzwisiswa sefananidzo. Pfungwa yefananidzo yacho yaizova yokuti mudzimu waJehovha wakasimbisa Samsoni kuti aite basa raida simba rinopfuura romunhu. Chero muchiitiko chipi zvacho, kuenzanisira kunowanwa pana Vatongi 14:6 kunoratidza kuti achibatsirwa naJehovha, shumba ine simba yakava isingatyisi zvikuru kuna Samsoni kungofananawo nezvaizoita mbudzana hono kumunhuwo zvake.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Urefu hwenguva yokuva muNaziri hwaisiyirwa kumunhu wacho anoita mhiko. Zvisinei, maererano netsika yechiJudha, urefu huduku hwemhiko hwaiva mazuva 30. Zvaionekwa sokuti kuita mhiko kwemazuva ari pasi pe30 zvaizoita kuti mhiko yacho ive yenhando.