Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Munhu Akarurama Achafara Muna Jehovha”

“Munhu Akarurama Achafara Muna Jehovha”

DIANA ava nemakore anopfuura 80. Murume wake aiva nechirwere chekurasika pfungwa chinonzi Alzheimer uye asati ashaya akagara kwemakore kunzvimbo inochengeterwa vakwegura. Aifanirawo kutsungirira kufirwa nevanakomana vake vaviri uye chirwere chekenza yemazamu. Asi vamwe vemuungano yaanopinda nayo pavanomuona paImba yeUmambo uye muushumiri, vanoona kuti anogara achifara.

John aimbova mutariri anofambira kwemakore anopfuura 43. Basa rekufambira airida chaizvo, ndihwo hwaitova upenyu hwake! Asi, akazomira basa rekufambira nekuti aifanira kuriritira mumwe wemumhuri make airwara uye pari zvino ava kushumira mune imwe ungano. Vaya vaiziva John achiri kufambira pavanomuona kumagungano, vanoona sekuti haana kana kumbochinja. Achiri kufara.

Chii chinoita kuti Diana naJohn varambe vachifara? Munhu anenge achishushikana uye achitambura angava sei nemufaro? Uyewo chii chingaita kuti munhu anenge asisina ropafadzo yaanokoshesa arambe achifara? Bhaibheri rinotipa mhinduro parinoti: “Munhu akarurama achafara muna Jehovha.” (Pis. 64:10) Kuti tinyatsonzwisisa chokwadi ichi chinokosha tinofanira kutanga taziva kuti zvii zvinoita kuti munhu afare uye asafara.

MUFARO WENGUVA PFUPI

Pane zvimwe zvinhu zvaunotoziva kuti zvinoita kuti vanhu vafare. Funga nezvevaviri vanodanana, vari kuchata, kana kuti nezvekuva mubereki kana kupiwa zvekuita musangano. Zvinhu zvakadaro zvinoita kuti tifare, nekuti zvinobva kuna Jehovha. Ndiye akatanga wanano, akaita kuti vanhu vakwanise kubereka vana uye anopa vanhu mabasa achishandisa ungano yechiKristu.—Gen. 2:18, 22; Pis. 127:3; 1 Tim. 3:1.

Asi zvimwe zvinhu zvinoita kuti tifare ndezvenguva pfupi. Zvinosuwisa kuti mumwe wevakaroorana anogona kufa kana kutadza kuramba akavimbika. (Ezek. 24:18; Hos. 3:1) Vamwe vana havateereri vabereki vavo uye Jehovha, vamwe vanotodzingwa. Vanakomana vaSamueri vaisashumira Jehovha nenzira yaanoda, uye zvakaitwa naDhavhidhi zvakakonzera matambudziko kumhuri yake. (1 Sam. 8:1-3; 2 Sam. 12:11) Zviitiko izvi zvinokonzera marwadzo. Hazviiti kuti tifare.

Saizvozvowo, ropafadzo dzinopiwa vanhu vaMwari dzinogona kupera, zvichikonzerwa nekurwara, kuriritira mhuri, kana kuchinja kunoita zvinhu musangano. Vakawanda vanosangana nezvinhu izvi vanosuwa mabasa avaimboita.

Tinogona kuona kuti dzimwe nguva mufaro unobva pazvinhu zvakadaro ndewenguva pfupi. Saka munhu anogona kuramba achifara here kunyange zvinhu zvikachinja? Ehe, nekuti Samueri, Dhavhidhi nevamwewo vairamba vachifara kunyange pavaisangana nemiedzo.

MUFARO WENGUVA REFU

Jesu ainyatsoziva zvakaita mufaro wechokwadi. Paakanga achiri kudenga, zvinhu zvichimufambira zvakanaka, ‘aifara pamberi paJehovha nguva dzese.’ (Zvir. 8:30) Zvisinei, ari panyika dzimwe nguva aisangana nematambudziko akaoma. Kunyange zvakadaro, Jesu aifarira kuita zvinodiwa naBaba vake. (Joh. 4:34) Ko paakanga asarirwa nemaawa mashoma kuti afe? Tinoverenga kuti: “Iye akatsungirira padanda rokutambudzikira nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake.” (VaH. 12:2) Saka tine chikonzero chakanaka chekufunga nezvezvinhu zviviri zvakataurwa naJesu nezvemufaro wechokwadi.

Pane imwe nguva, vadzidzi 70 vakadzoka kuna Jesu vabva kunoparidza. Vakafara chaizvo nekuti vakanga vaita mabasa esimba, kunyange kutodzinga madhimoni. Jesu akabva ati kwavari: “Musafara pamusoro peizvi, kuti midzimu inozviisa pasi penyu, asi farai nokuti mazita enyu anyorwa kumatenga.” (Ruka 10:1-9, 17, 20) Kufarirwa naJehovha kwaikosha kupfuura kuva nechero ropafadzo. Aizoyeuka vadzidzi ivavo vakatendeka, uye izvozvo ndizvo zvaizoita kuti vafare chaizvo.

Pane imwe nguva, Jesu paaitaura neboka revanhu, mumwe mukadzi akabatwa-batwa nemadzidzisiro aaiita zvekuti akataura kuti amai vake vanofanira kunge vaifara chaizvo. Asi Jesu akamururamisa achiti: “Aiwa, panzvimbo paizvozvo, vanofara vaya vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta!” (Ruka 11:27, 28) Zvinofadza kuva mubereki asi kuteerera Jehovha uye kuva neushamwari naye ndiko kunonyanya kuita kuti tifare.

Patinonyatsoona kuti Jehovha anotifarira, tinonzwa tichifara. Kunyange zvazvo tichirwadziwa patinosangana nematambudziko, tinoramba tiine mufaro. Patinoramba takatendeka tichisangana nematambudziko, tinotowedzera kufara. (VaR. 5:3-5) Jehovha anopa mweya wake kune vaya vanovimba naye, uye mufaro chimwe chezvibereko zvemweya iwoyo. (VaG. 5:22) Izvi zvinotibatsira kunzwisisa kuti nei Pisarema 64:10 ichiti: “Munhu akarurama achafara muna Jehovha.”

Chii chakabatsira John kuti arambe aine mufaro mukuru?

Ndokusaka Diana naJohn, vambotaurwa, vakaramba vaine mufaro zvinhu pazvainge zvakavaomera. Diana anoti: “Ndakaita kuti Jehovha ave nzvimbo yangu yekupotera, sezvinoita mwana kumubereki.” Anoziva sei kuti anofarirwa naMwari? “Ndinoona kuti anondikomborera nekuti ndiri kukwanisa kuramba ndichiparidza nguva dzese ndichifara.” John, uyo akaramba achiita ushumiri pashure pekusiya basa raaikoshesa rekufambira, anotaura zvakamubatsira achiti: “Kubvira muna 1998 pandakanzi ndive murayiridzi muChikoro Chokudzidzisa Vashumiri, ndakanyatsova nepurogiramu yekudzidza ndiri ndega zvandakanga ndisati ndamboita.” Achimiririra mhuri yake anoti: “Makore ese aya, maonero edu panyaya yekushumira Jehovha pabasa chero ripi ratinokwanisa akaita kuti kuchinja uku kusanyanya kutiomera. Hatina kumbozvidemba.”

Vakawanda vakaonawo kuti zvinotaurwa pana Pisarema 64:10 ndezvechokwadi. Semuenzaniso, funga nezvemurume nemudzimai vakashumira paBheteri muUnited States kwemakore anopfuura 30. Vakabva vazonzi vanoshanda mundima semapiyona chaiwo. Vanoti: “Ichokwadi kuti zvinorwadza kurasikirwa nechinhu chaunoda,” asi vanowedzera kuti: “Haufaniri hako kubva waramba uchirwadziwa.” Vachingosvika vakabva vatotanga kuparidza neungano. Vakatiwo: “Takanyengetera tichitaura zvinhu chaizvo zvataida. Pataiona minyengetero yedu ichipindurwa, zvaitikurudzira uye zvaiita kuti tifare. Tichangosvika, vamwe vaiva muungano vakatanga kupayona, uye takakomborerwa nekuva nezvidzidzo zveBhaibheri zviviri zvinofambira mberi.”

‘KUFARA NEKUSINGAPERI’

Zvinonzwisisika kuti hatigari tichifara nguva dzese. Dzimwe nguva tinombosuruvara. Asi Jehovha akafemera mashoko anoita kuti tive nechivimbo ari pana Pisarema 64:10. Kunyange paya patinenge takaora mwoyo, tinogona kuvimba kuti vaya vanoratidza kuti ‘vakarurama’ nekuramba vakatendeka pasinei nekuchinja kwemamiriro ezvinhu “[vachafara] muna Jehovha.” Uyewo, tinogona kutarisira kuzadzika kwevimbiso yaJehovha ‘yematenga matsva nenyika itsva.’ Chivi chichabva chabviswa zvachose. Vanhu vaMwari vese ‘vachapembera nemufaro nekusingaperi’ nekuda kwezvinhu zvese zvaachaita.—Isa. 65:17, 18

Chimbofunga kuti vanhu vachakomborerwa sei. Tichava neutano hwakakwana uye tichimuka zuva nezuva tiine simba. Zvese zviri kushungurudza vanhu iye zvino zvichange zvapera. Tinovimbiswa kuti “zvinhu zvekare hazvizoyeukwi, uyewo hazvizouyi mumwoyo.” Chishamiso cherumuko chichaita kuti vanhu vavezve pamwe chete nevanhu vavanoda. Mamiriyoni akawanda evanhu achanzwa sezvakaita vabereki vemusikana aiva nemakore 12 akamutswa naJesu: “Vakanga vasingachabatiki nomufaro mukuru kwazvo.” (Mako 5:42) Pakupedzisira, munhu wese anenge ari panyika achanyatsova “akarurama” uye “achafara muna Jehovha” nekusingaperi.