Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA

Zvidzivirire Pamabhinya Nematsotsi!

Zvidzivirire Pamabhinya Nematsotsi!

“Shamwari dzangu dzaiwanzondiperekedza kuenda kumba kana kwasviba. Asi rimwe zuva ndakanga ndakaneta zvisingaiti, saka ndakasarudza kutsvaka taxi.

“Panzvimbo pokuti mutyairi wacho andiendese kumba, akabva ananga kune kamwe kasango kwaakaedza kundibata chibharo. Ndakaridza mhere nesimba rangu rose, ndokubva andisiya. Paakanga ava kuda kudzokazve ndakabva ndaikwetsura imwe mhere ndichibva ndatiza.

“Izvi zvisati zvaitika ndaimbozvibvunza kuti, ‘Kuridza mhere kunombobatsirei?’ Asi iye zvino ndava kuziva kuti zvinoshanda!”—KARIN. *

NYIKA zhinji dzawanda mabhinya nematsotsi. Somuenzaniso, mune imwe nyika mumwe mutongi wedzimhosva akati: “Chokwadi chinorwadza ndechokuti ungatadza hako kusangana nemabhinya kana matsotsi nhasi, asi uchasangana nawo chete rimwe zuva.” Mune dzimwe nzvimbo nyaya dzemabhinya nematsotsi ishoma. Asi, hakusi kuchenjera kubva wafunga kuti hapana chinogona kukuwana nokuti kusangwarira kunoita kuti uwirwe nedambudziko.

Pasinei nokuti unogara munzvimbo izere nematsotsi kana kuti kwete, zvii zvaungaita kuti iwe nehama dzako muzvidzivirire? Chimwe chinhu chinokosha chaunofanira kuita kushandisa zano rinotaurwa neBhaibheri rokuti: “Munhu akangwara anoona zvakaipa, ndokuvanda; asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.” (Zvirevo 22:3, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Mapurisa anotokurudzira vanhu kuti vatore matanho okuzvidzivirira pamatsotsi.

Kukuvadzwa kana kuti kubirwa haasiri iwo matambudziko chete anokonzerwa nematsotsi. Vakawanda vanosangana nematambudziko aya vanotora nguva refu vachishungurudzika. Nemhaka yeizvi, zvinokosha chaizvo kuti tiite zvose zvatinogona kuti tizvidzivirire! Uchifunga izvi, tarisa uone matanho aungatora kuti uzvidzivirire pazvinhu zvakadai sokubirwa, kushungurudzwa panyaya dzebonde, utsotsi hunoitwa pachishandiswa Indaneti uye kubirwa chitupa nemapepa ako anokosha.

KUBIRWA NEMATSOTI AKAPAKATA ZVOMBO

Kunosanganisirei? Kunosanganisira kutorerwa zvinhu pachishandiswa chisimba.

Zvinokanganisa sei vanhu? Pashure pokunge matsotsi aiva akapakatira zvombo anetsa kuBritain, mumwe muchuchisi akaona kuti kunyange zvazvo vamwe vanhu vanenge vabirwa vangasarohwa nematsotsi aya, vose zvavo vanosara vachishungurudzika mupfungwa. “Vakawanda vavo vanotaura kuti vari kuramba vachitya uye vachitadza kunyatsorara,” anodaro muchuchisi uyu, “uye vanenge vose zvavo vanoti upenyu hwavo hwezuva nezuva hwakatovhiringidzwa zvakanyanya nezvavakasangana nazvo.”

Zvii zvaungaita?

  • Mbavha dzinoda kushandisa mikana yose yadzinowana; ona kuti zvii zviri kuitika panzvimbo yauri

    Gara wakavhura ziso. Mbavha dzinoda kushandisa mikana yose yadzinowana. Dzinofarira kubira vanhu vanenge vakarivara. Saka cherechedza vanhu vari pedyo newe, ona kuti zvii zviri kuitika panzvimbo yauri uye usanyanya kunwa doro kana kushandisa zvinhu zvinodhaka nokuti zvinogona kuvhiringidza mashandiro anoita pfungwa dzako. “Kana munhu achinwa doro kana kuti achishandisa zvimwe zvinhu zvinodhaka,” zvinomuomera “kuti afunge zvakatwasuka uye kuona matambudziko anogona kumuka,” rinodaro bhuku rezvoutano.

  • Chengetedza zvinhu zvako. Motokari yako ngaikiyiwe uye madhoo nemahwindo zvokumba ngazvigare zvakavharwa kana kukiyiwa. Usapinza mumba kana kukwidza motokari yako munhu wausingazivi. Zvinhu zvinokosha ngazvirege kugara pachena. “Vane mwero ndivo vane uchenjeri,” inodaro Zvirevo 11:2. Mbavha kusanganisira vana vane misikanzwa vanofarira kubira vanhu vanosiya pachena zvishongo zvinodhura kana kuti midziyo yemagetsi.

  • Kumbira rubatsiro. “Nzira yebenzi yakarurama mukuona kwaro, asi anoteerera zano akachenjera.” (Zvirevo 12:15) Kana uri parwendo, tsvaka rubatsiro kune vanhu vaunovimba navo kusanganisira mapurisa. Vanogona kukuudza nzvimbo dzausingafaniri kuenda kana kuti kukuudza madziviriro aungazviita pamwe chete nezvinhu zvauinazvo.

KUSHUNGURUDZWA PANYAYA DZEBONDE

Kuita sei? Kushungurudzwa panyanya dzebonde hakungogumiri pakubatwa chibharo chete. Kunosanganisira mabatiro anoratidza kuti munhu wacho ari kuda zvebonde, uye achikutyisidzira, achikumanikidza kana kuti achikuvhundutsira.

Zvinokanganisa sei vanhu? “Chinhu chinorwadza ndechokuti hazvingopereri panguva yaunenge uchishungurudzwa,” anotsanangura kudaro mumwe mukadzi akambobatwa chibharo. “Zvinoramba zviri mupfungwa dzako uye zvichikutambudza kwenguva yakareba uye zvinoita kuti maonero aunoita zvinhu muupenyu achinje. Zvinochinjawo mararamiro ehama neshamwari dzako.” Chokwadi chiripo ndechokuti munhu ashungurudzwa haasi iye ane mhosva. Nyakushungurudza ndiye ane mhosva.

Zvii zvaungaita?

  • Teerera mwoyo wako. “Kana uchinzwa usina kugadzikana uri pane mumwe munhu kana kuti imwe nzvimbo, ibvapo,” rinoyambira kudaro rimwe dhipatimendi remapurisa riri kuNorth Carolina, kuU.S.A. “Usabvuma kumanikidzwa nemumwe munhu kuti urambe uripo kana mwoyo wako uchikuudza kuti ubve.”

  • Ita zvinhu zvako nechivimbo; uye ratidza kuti unoziva zvauri kuita. Vanhu vanoda kushungurudza vamwe nezvebonde vanotsvaka vanhu vanenge vakavarairwa uye vari nyore kubata. Saka pakufamba ratidza kuchangamuka uye gara wakangwarira.

  • Ita chiito nokukurumidza. Ridza mhere. (Dheuteronomio 22:25-27) Tiza kana kuti murwisewo uchiita zvinhu zvaanga asingafungidziri. Kana zvichiita, tiza uchienda panzvimbo yakachengeteka kana kumapurisa. *

UTSOTSI HUNOITWA PACHISHANDISWA INDANETI

Hunosanganisirei? Hunosanganisira kunyepa pakubhadhara mitero uye kunyepa kuti uwane rubatsiro rwunopiwa nehurumende kune vanotambura, uye kusaendesa zvinhu zvinenge zvatengwa. Hunosanganisirawo utsotsi hunoitwa nevanhu vanoti ukapa mari yakati unozowana yabereka kana kuti vanhu vanoita utsotsi hwokutengesa zvinhu vachishandisa Indaneti.

Hunokanganisa sei vanhu? Hunoita kuti munhu abirwa kunyange vanhu vari munharaunda varasikirwe nemazakwatira emari. Ona muenzaniso unotevera. Sandra akagamuchira e-mail yaaifungidzira kuti yaibva kubhengi rake ichimukumbira kuti agadzirise zvinhu zvine chokuita neakaundi yake paIndaneti. Pashure pemaminitsi mashoma atumira mashoko acho, akashamiswa kuona kuti muakaundi make makanga mabviswa $4 000 (U.S.) [R32 000]. Sandra akabva aona kuti akanga abirwa.

Zvii zvaungaita?

  • Chenjera! Usanyengedzwa nedzimwe nzvimbo dzepaIndaneti dzakagadzirwa nounyanzvi uye yeuka kuti kana ari mabhengi chaiwo nemamwewo makambani haambokukumbiri kuti utumire mashoko anokosha uye asingafaniri kuzivikanwa nevanhu vose vose uchishandisa e-mail. Usati watenga paIndaneti kana kuita rimwe bhizimisi ipapo tanga waongorora kuti kambani yacho yakavimbika zvakadini. “Munhu asina zivo anongotenda mashoko ose, asi munhu ane njere anofunga nezvenhanho dzake,” inodaro Zvirevo 14:15. Uye ngwarira paunenge uchiita bhizimisi nemakambani ari kunze kwenyika. Kana pakaitika matambudziko, zvinogona kuzokuomera kuagadzirisa.

  • Ongorora zvakaita kambani yacho uye mitemo yavo. Zvibvunze kuti: ‘Kambani yacho ine mahofisi here? Nhamba dzavo dzefoni ndedzechokwadi here? Pakutenga kwandichaita pane dzimwe mari here dzichazodiwa dzavasina kundiudza? Zvinhu zvandatenga zvichatumirwa riini? Kana ndikasafara nazvo ndinogona kuzvidzosera here kana kudzoserwa mari yangu?’

  • Chenjera kuvimbiswa zvinhu zvisingafi zvakaitika. Vanhu vanokara nevaya vanoda kuwana zvinhu pasina chavaita ndivo vanowanzodiwa nematsotsi anoshandisa Indaneti. Matsotsi aya anogona kukuudza kuti unogona kuwana mazakwatira emari pasina basa guru rauri kuita, kupiwa chikwereti kunyange vasingazivi kuti unogona kuzochidzosera here kana kuti kuwana mari yakawanda kuburikidza nokuvapa kamari kaduku. “Nyatsotora nguva yako uchiongorora kuti zvinhu zvauri kuvimbiswa ndezvechokwadi here,” rinodaro sangano rinonzi U.S. Federal Trade Commission (FTC). “Kana pachivimbiswa mari yakawanda zivawo kuti kutsotswa kwacho kwakanyanya. Usarega varidzi vebhizimisi racho vachikumanikidza kuti upinde mubhizimisi navo usati wava nechokwadi chokuti bhizimisi racho rakavimbika zvakadii.”

KUBIRWA CHITUPA NEMAPEPA AKO ANOKOSHA

Kunosanganisirei? Mbavha dzinoba chitupa nemapepa ako anokosha dzozvishandisa pakuba uye pakupara dzimwe mhosva.

Kunokanganisa sei vanhu? Mbavha dzinogona kushandisa chitupa chako kana kuti mapepa ako kuti dzikwerete mari kana kuti dzipiwe zvinhu nechikwereti. Saka dzinobva dzakoromora zvikwereti muzita rako! Kunyange zvikwereti izvi zvikazokanzurwa, mumakambani kana mumabhengi zita rako rinenge ratosvibiswa. “Kuzivikanwa kuti haubhadhari zvikwereti kunokanganisa zvinhu zvakawanda, kwakatoipa kudarika kubirwa mari,” anodaro mumwe akambobirwa.

Zvii zvaungaita?

  • Chengetedza mashoko ako anokosha. Kana uchishandisa Indaneti pakuisa mari mubhengi kana kuti pakutenga, unofanira kugara uchichinja mapassword ako, kunyanya kana ukashandisa kombiyuta dzevoruzhinji. Sezvatotaurwa, gara wakangwarira mae-mail anenge achida kuti utumire mashoko ane chokuita newe asi asingafaniri kungopiwa munhu wose wose.

    Matsotsi anoita izvi haangoshandisi kombiyuta chete. Anoita zvose zvaanogona kuti awane mapepa anokosha akadai seokubhengi, bhuku recheki, makadhi okutoresa mari, uye masocial security number. Saka gara wakachengetedza zvinhu izvi, pisa mapepa acho kana usingachaadi. Asi kana ukaona kuti warasa kana kuti wabirwa zvinhu izvi ibva wamhan’ara.

  • Gara uchiongorora maakaundi ako. ‘Mushonga mukuru pakurwisa dambudziko iri kugara uchiona kuti zvinhu zviri kufamba sei,’ rinodaro sangano rambotaurwa reFTC, uye rinowedzera kuti: “Kukurumidza kuona kuti ungangove wabirwa mapepa ako kunogona kubatsira chaizvo.” Saka gara uchiongorora maakaundi ako mwedzi woga woga, uye tarisa kana paine zvinhu zvausiri kunzwisisa mafambiro azvo. Mamwe mabhengi anowanzoudza vanhu vane akaundi mubhengi ravo kana vakaona kuti pane zvisinganzwisisiki. * Kunyange zvakadaro zvinokurudzirwa kuti ugare uchiongorora zvakaita akaundi dzako kumakambani auine zvikwereti nawo paunongogamuchira mapepa acho.

Munyika ino hakuna angati haasangani nemabhinya kana matsotsi. Kunyange vaya vanozviti vakachenjerera rimwe zuva vanototi vasangane nazvo. Nezvose zvataurwa izvi, tinobatsirwa kana tikagara tichishandisa uchenjeri huri muBhaibheri. “Usahusiya, uye ihwo huchakuchengeta. Hude, uye ihwo huchakuchengetedza.” (Zvirevo 4:6) Chinofadza ndechokuti Bhaibheri rinovimbisa kuti zvemabhinya nematsotsi zvichapera.

Matsotsi Nemabhinya Achange Asisiko Nokukurumidza

Chii chinoita kuti tive nechokwadi chokuti Mwari achaparadza matsotsi nemabhinya? Ona zvinotevera:

  • Mwari anoda kuparadza matsotsi nemabhinya. “Ini, Jehovha, ndinoda kururamisira, ndinovenga ugororo pamwe chete nokusarurama.”—Isaya 61:8.

  • Ane simba rokuparadza matsotsi nemabhinya. “Ane simba guru. Uye akarurama, haatsaudziri pane zvaanoita uye akanaka.”—Jobho 37:23, New Life Version.

  • Akavimbisa kuti achaparadza vanhu vakaipa oponesa vanhu vakarurama. “Vanoita zvakaipa vachaparadzwa . . . Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”—Pisarema 37:9, 29.

  • Akavimbisa vanhu vake vakatendeka kuti vachararama munyika ine rugare. “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:11.

Unonzwa sei nemashoko aya? Kana achikufadza, tapota tsvaka nguva yokuti uongorore Bhaibheri kuti udzidze zvakawanda nezvechinangwa chaMwari chokusika vanhu. Hakuna rimwe bhuku rine mashoko ouchenjeri kudarika Bhaibheri. Uye hakuna rimwe bhuku rinogona kutivimbisa zvechokwadi kuti kuchange kuine nyika isina kana mabhinya nematsotsi. *

Mwari anovimbisa kuti kuchange kuine nyika isina kana mabhinya nematsotsi

^ ndima 5 Mazita akachinjwa.

^ ndima 22 Kazhinji vanhu vanoshungurudzwa nezvebonde vanoziva vanhu vanenge vavashungurudza. Kuti uwane mamwe mashoko ona nyaya inoti “Ndingazvidzivirira Sei Pamabhinya?” iri papeji 228 mubhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1. Bhuku iri riri paIndaneti pawww.jw.org.

^ ndima 36 Mune dzimwe nyika, kune makambani anovimbwa nawo uye anobhadharisa kamari kadiki anogona kuongorora zvakaita maakaundi ako uye anokuudza kana akaona zvimwe zvinhu zvisiri kunzwisisika paakaundi yako.

^ ndima 44 Kuti uwane mamwe mashoko anokosha ane chokuita nezvinodzidziswa neBhaibheri ona bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Kumbira bhuku iri kuZvapupu zvaJehovha uye havakubhadharisi, kana kuti riverenge paIndaneti pawww.jw.org.