Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Satani

Satani

Satani munhu chaiye here?

“Nyoka yepakutanga, iyo inonzi Dhiyabhorosi uye Satani, ari kutsausa nyika yose inogarwa.”—Zvakazarurwa 12:9.

ZVINOFUNGWA NEVANHU

Vamwe vanoti Satani Dhiyabhorosi haasi munhu asi uipi huri mumwoyo womunhu mumwe nomumwe.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Satani munhu chaiye. Ingirozi yakapandukira Mwari. Bhaibheri rinoti Satani ndiye “mutongi wenyika ino.” (Johani 12:31) Anoshandisa “zviratidzo zvenhema” uye ‘unyengeri’ kuti azadzise zvinangwa zvake.—2 VaTesaronika 2:9, 10.

Bhaibheri rinotaura nezveimwe nyaya yaitaurwa naMwari naSatani. Kudai kuri kuti Satani aiva uipi huri mumwoyo womunhu, zvingaitika sei kuti Mwari uyo asina chivi uye akarurama anzi aitaura nechimwe chinhu chakaipa chaiva mumwoyo make? (Dheuteronomio 32:4; Jobho 2:1-6) Zviri pachena kuti Satani munhu chaiye kwete kuti uipi huri mumwoyo womunhu.

SEI ZVICHIKOSHA KUTI UZIVE NEZVENYAYA IYI?

Zvikonzero zvinoita kuti Satani aite kuti ufunge kuti haako zvakafanana nezvemunhu anopara mhosva asingadi kuzivikanwa kuti ndiani kuitira kuti arambe achipara mhosva asingabatwi. Kuti uzvidzivirire pana Satani, chokutanga unofanira kubvuma kuti ariko.

Satani anogara kupi?

“Mune nhamo imi nyika . . . nokuti Dhiyabhorosi aburuka kwamuri.”—Zvakazarurwa 12:12.

ZVINOFUNGWA NEVANHU

Vakawanda vanoti Satani anogara mugomba remoto rakadzikadzika. Vamwe vanoti ari mumwoyo yevanhu vakaipa.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Satani chisikwa chemudzimu, saka hatikwanisi kumuona. Satani aimbobvumirwa kufamba pamadiro achienda kudenga kunogara Mwari nengirozi dzakatendeka. (Jobho 1:6) Asi parizvino iye nengirozi dzakaipa vakadzingwa kudenga vakakandwa pano panyika.—Zvakazarurwa 12:12.

Saka izvi zvinoreva here kuti Satani ane nzvimbo imwe chete yaanogara pasi pano? Somuenzaniso, ungangodaro wakaverenga nezveguta rekare rePegamo uko kwainzi “kuri kugara Satani.” (Zvakazarurwa 2:13) Kutaura zvazviri, mashoko aya anoratidza kudzika midzi kwaiva kwakaita kunamata Satani munzvimbo iyoyo. Satani haana nzvimbo imwe chete yaanogara pasi pano. Nokuti Bhaibheri rinoti “umambo hwose hwenyika inogarwa” ndehwake.—Ruka 4:5, 6.

Satani anogona kukuvadza kana kutsausa vanhu here?

“Nyika yose iri musimba reakaipa.”—1 Johani 5:19.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Vanhu vakawanda vari kutsauswa naSatani uye vava pasi pake. (2 VaKorinde 11:14) Kuziva izvi kunotibatsira kutsanangura kuti nemhaka yei vanhu vachitadza kugadzirisa matambudziko ari munyika.

Bhaibheri rinotaurawo pamusoro pezvinhu zvakaipisisa zvinoitwa naSatani kana kuti nedzimwe ngirozi dzakapanduka padzinotsausa vanhu dzichizoita kuti vapedzisire vakuvara.—Mateu 12:22; 17:15-18; Mako 5:2-5.

ZVAUNOGONA KUITA

Haufaniri hako kutya simba rina Satani. Kuti usatsauswe naSatani, unofanira kuziva kuti anonyengera sei vanhu, kuitira kuti ‘uzive mazano ake.’ (2 VaKorinde 2:11) Kana ukaverenga Bhaibheri, uchakwanisa kunyatsoziva nzira dzinoshandiswa naSatani zvoita kuti asakutsausa.

Paradza zvinhu zvose zvauinazvo zvine chokuita nechidhimoni. (Mabasa 19:19) Izvi zvinosanganisira madumwa, mabhuku, mavhidhiyo, nziyo, uye mapurogiramu epakombiyuta ane chokuita nezvechidhimoni.

“Rwisanai naDhiyabhorosi,” rinodaro Bhaibheri, “uye iye achakutizai.” (Jakobho 4:7) Kana ukateerera mazano ouchenjeri ari muBhaibheri, unogona kuzvidzivirira panzira dzakaipa dzinoshandiswa naSatani.—VaEfeso 6:11-18.