Jobho 37:1-24

  • Mamiriro ekunze anoratidza ukuru hwaMwari (1-24)

    • Mwari anogona kumisa mabasa evanhu (7)

    • “Fungisisa mabasa aMwari anoshamisa” (14)

    • Vanhu havafi vakanzwisisa Mwari (23)

    • Hapana munhu anofanira kufunga kuti akangwara (24)

37  “Hana yangu inobva yarovaUye inokwakuka ichibva panzvimbo payo.   Nyatsoteererai kutinhira kwenzwi rakeUye mabhanan’ana anobuda mumuromo make.   Anoaregedzera pasi pematenga eseUye anotuma mheni+ yake kumigumo yenyika.   Pashure pacho panozonzwika kudzvova;Anotinhira nenzwi guru,+Uye haadzori inzwi rake parinonzwika.   Mwari anotinhira zvinoshamisa nenzwi rake;+Anoita zvinhu zvikuru zvatisingagoni kunzwisisa.+   Nekuti anoti kuchando, ‘Donhera panyika,’+Uye anoti kumvura zhinji, ‘Naya zvine simba.’+   Mwari anomisa mabasa ese evanhu*Kuti munhu wese azive basa rake.*   Mhuka dzesango dzinopinda mumapako adzo,Uye dzinoramba dziri munzvimbo dzadzinogara.   Dutu rinovhuvhuta richibuda muimba yaro yemukati,+Uye mhepo yekuchamhembe inounza chando.+ 10  Kufema kwaMwari kunobudisa chando,+Uye mvura yakapararira inogwamba yoita zigodo.+ 11  Anoremedza gore nemadonhwe emvura;Anoita kuti mheni+ yake ipararire nemakore; 12  Zvinotenderera zvichienda kwaanozviti zviende;Zvinoita zvese zvaanozviudza kuti zviite+ pamusoro penyika yese.* 13  Zvingava zvashandiswa sechirango*+ kana kuti zvichibatsira nyikaKana kuti zvichiratidza rudo rusingachinji, ndiye anoita kuti zviitike.+ 14  Teerera izvi, Jobho;Mira, unyatsofungisisa mabasa aMwari anoshamisa.+ 15  Unoziva here kuti Mwari anodzora* sei makoreUye kuti anoita sei kuti mheni ipenye ichibva mugore rake? 16  Unoziva here kuti makore anorembera sei mumhepo?+ Aya mabasa anoshamisa aiye ane ruzivo rwakakwana.+ 17  Unoziva here chinoita kuti zvipfeko zvako zvipisePaya panodzikama nyika zvichikonzerwa nemhepo inobva kumaodzanyemba?+ 18  Ungatambanudza denga pamwe chete naye here,+Iro rakaoma segirazi resimbi? 19  Tiudze zvatingataura kwaari;Hatigoni kupindura nekuti tiri murima. 20  Anofanira kuudzwa kuti ndinoda kutaura here? Kana kuti pane akambotaura chimwe chinhu zvekuti anofanira kuchiudzwa here?+ 21  Havakwanisi kuona kunyange chiedza,*Kunyange zvazvo chakajeka mudenga,Kusvikira mhepo yapfuura yobvisa makore ese. 22  Kubwinya kwakaita segoridhe kunobva kuchamhembe;Ukuru hwaMwari+ hunoshamisa. 23  Hatikwanisi kunzwisisa Wemasimbaose;+Ane simba guru,+Uye haatombotongi zvinopesana nekururama kwake kukuru.+ 24  Saka vanhu vanofanira kumutya.+ Nekuti haafariri munhu wese anofunga kuti akangwara.”*+

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “anoisa chisimbiso paruoko rwemunhu wese.”
Kureva, raMwari.
Kana kuti “penyika inobereka.”
ChiHeb., “seshamhu.”
Kana kuti “anorayira.”
Kureva, chezuva.
ChiHeb., “ane mwoyo wakangwara.”