Jobho 37:1-24
37 “Hana yangu inobva yarovaUye inokwakuka ichibva panzvimbo payo.
2 Nyatsoteererai kutinhira kwenzwi rakeUye mabhanan’ana anobuda mumuromo make.
3 Anoaregedzera pasi pematenga eseUye anotuma mheni+ yake kumigumo yenyika.
4 Pashure pacho panozonzwika kudzvova;Anotinhira nenzwi guru,+Uye haadzori inzwi rake parinonzwika.
5 Mwari anotinhira zvinoshamisa nenzwi rake;+Anoita zvinhu zvikuru zvatisingagoni kunzwisisa.+
6 Nekuti anoti kuchando, ‘Donhera panyika,’+Uye anoti kumvura zhinji, ‘Naya zvine simba.’+
7 Mwari anomisa mabasa ese evanhu*Kuti munhu wese azive basa rake.*
8 Mhuka dzesango dzinopinda mumapako adzo,Uye dzinoramba dziri munzvimbo dzadzinogara.
9 Dutu rinovhuvhuta richibuda muimba yaro yemukati,+Uye mhepo yekuchamhembe inounza chando.+
10 Kufema kwaMwari kunobudisa chando,+Uye mvura yakapararira inogwamba yoita zigodo.+
11 Anoremedza gore nemadonhwe emvura;Anoita kuti mheni+ yake ipararire nemakore;
12 Zvinotenderera zvichienda kwaanozviti zviende;Zvinoita zvese zvaanozviudza kuti zviite+ pamusoro penyika yese.*
13 Zvingava zvashandiswa sechirango*+ kana kuti zvichibatsira nyikaKana kuti zvichiratidza rudo rusingachinji, ndiye anoita kuti zviitike.+
14 Teerera izvi, Jobho;Mira, unyatsofungisisa mabasa aMwari anoshamisa.+
15 Unoziva here kuti Mwari anodzora* sei makoreUye kuti anoita sei kuti mheni ipenye ichibva mugore rake?
16 Unoziva here kuti makore anorembera sei mumhepo?+
Aya mabasa anoshamisa aiye ane ruzivo rwakakwana.+
17 Unoziva here chinoita kuti zvipfeko zvako zvipisePaya panodzikama nyika zvichikonzerwa nemhepo inobva kumaodzanyemba?+
18 Ungatambanudza denga pamwe chete naye here,+Iro rakaoma segirazi resimbi?
19 Tiudze zvatingataura kwaari;Hatigoni kupindura nekuti tiri murima.
20 Anofanira kuudzwa kuti ndinoda kutaura here?
Kana kuti pane akambotaura chimwe chinhu zvekuti anofanira kuchiudzwa here?+
21 Havakwanisi kuona kunyange chiedza,*Kunyange zvazvo chakajeka mudenga,Kusvikira mhepo yapfuura yobvisa makore ese.
22 Kubwinya kwakaita segoridhe kunobva kuchamhembe;Ukuru hwaMwari+ hunoshamisa.
23 Hatikwanisi kunzwisisa Wemasimbaose;+Ane simba guru,+Uye haatombotongi zvinopesana nekururama kwake kukuru.+
24 Saka vanhu vanofanira kumutya.+
Nekuti haafariri munhu wese anofunga kuti akangwara.”*+
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “anoisa chisimbiso paruoko rwemunhu wese.”
^ Kureva, raMwari.
^ Kana kuti “penyika inobereka.”
^ ChiHeb., “seshamhu.”
^ Kana kuti “anorayira.”
^ Kureva, chezuva.
^ ChiHeb., “ane mwoyo wakangwara.”