MUKAI! July 2013 | Zvidzivirire Pamabhinya Nematsotsi!

Vanhu vakawanda vanoti utsotsi nemabhinya ndiro dambudziko rakakura ravanosangana naro. Ona kuti ungazvidzivirira sei.

MAZANO EKUBATSIRA MHURI

Kudzidzisa Mwana Kuti Akuteererei

Kurayira kunosanganisira kudzidzisa. Mazano ari muBhaibheri anogona kukubatsirai kuti mudzidzise mwana wenyu kukuteererai.

MAZANO EKUBATSIRA MHURI

Musanyararirana Kana Magumburana

Chii chinoita kuti vamwe vakaroorana vasvike pakusataudzana, uye vangagadzirisa sei dambudziko iroro?

NYAYA IRI PAKAVHA

Zvidzivirire Pamabhinya Nematsotsi!

Zvii zvaungaita kuti iwe nehama dzako muzvidzivirire?

ZVAKAITIKA KARE

Kupamba Nyika Vakavanda Nezita raMwari

Gwaro rainzi El Requerimiento raiita kuti varwi vechiSpanish vaite zvavaida pasina anovabvunza. Tingapomera Mwari here?

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Chokwadi Pamusoro paMwari

Mwari munhu chaiye here? Zvinorevei kuti vanhu vakasikwa nomufananidzo waMwari?

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Satani

Satani munhu chaiye here, kana kuti ungori uipi?

Zvimwe Zviri paIndaneti

Ungaitei Kana Uchirwara?—Chikamu 2

Verenga unzwe kuti vamwe vechiduku vane urwere hwakaipisisa vari kurarama sei nourwere hwavo uye vari kuzviita sei kuti varambe vaine mafungiro akanaka.

Nyaya Yevanakomana vaJakobho

Unofanira kuita sei kana mukoma wako, munin’ina kana kuti hanzvadzi yako ikapiwa chimwe chinhu chawanga uchida?