Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 50

Mungaita Sei Kuti Mhuri Yenyu Ifare?—Chikamu 2

Mungaita Sei Kuti Mhuri Yenyu Ifare?—Chikamu 2

Vana zvipo zvinobva kuna Jehovha saka anotarisira kuti vabereki vachengetedze chipo ichocho. Jehovha anopa vabereki mazano ekuchenjera kuti vakwanise kuita izvozvo. Mazano aanopa anobatsirawo vana kuti vaitewo kuti mhuri ifare.

1. Jehovha anopa vabereki mazano api?

Jehovha anotarisira kuti vabereki vade vana vavo uye kuti vawane nguva yakawanda yekuva navo. Anodawo kuti vabereki vadzivirire vana vavo kuti vasaitirwa zvakaipa uye kuti vashandise mazano emuBhaibheri pakuvadzidzisa zvekuita muupenyu. (Zvirevo 1:8) Anotaura zvinofanira kuitwa navanababa kuvana vavo achiti: “Varerei muchivaranga uye muchivarayira sezvinodiwa naJehovha.” (Verengai VaEfeso 6:4.) Jehovha anofara kana vabereki vachiteerera zvaanotaura pakurera vana vavo, vasingaite kuti mumwe munhu avarerere vana vavo.

2. Jehovha anopa vana mazano api?

Jehovha anoudza vana kuti: “Teererai vabereki venyu.” (Verengai VaKorose 3:20.) Kana vana vachiremekedza uye vachiteerera vabereki, vanoita kuti Jehovha afare uye vanofadzawo vabereki vavo. (Zvirevo 23:22-25) Izvozvo ndizvo zvaiitwa naJesu paaiva mudiki. Kunyange zvazvo akaberekwa asina chivi, aiteerera uye airemekedza vabereki vake.—Ruka 2:51, 52.

3. Mungaite sei kuti mhuri yenyu iswedere pedyo naMwari?

Kana uri mubereki, zviri pachena kuti unodawo kuti vana vako vade Jehovha sezvaunoita. Ungazviita sei? Bhaibheri rinoti: “Unofanira kuramba uchiadzokorora [mashoko aJehovha] kuvanakomana vako, uchitaura nezvawo paunogara mumba mako nepaunofamba mumugwagwa.” (Dheuteronomi 6:7) Pano pakashandiswa shoko rekuti ‘kudzokorora.’ Pamwe unotoziva kuti vana vanoda kuramba vachingoudzwa chimwe chinhu kuti varambe vachichiyeuka. Rugwaro urwu runoreva kuti unofanira kutsvaga mikana yekugara uchitaura nevana vako nezvaJehovha. Zvakanaka kuti muve nenguva yamunoziva kuti ndeyekunamata semhuri vhiki rega rega. Kunyange kana musina vana, muchaona zvichibatsira kuwana nguva yekudzidza Shoko raMwari vhiki rega rega.

WEDZERA KUONGORORA

Ongorora mamwe mazano anogona kubatsira kuti munhu wese ari mumhuri afare, asina chekutyira.

4. Rayirai vana venyu nerudo

Kurayira vana hakusi nyore. Bhaibheri ringakubatsirai sei? Verengai Jakobho 1:19, 20, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Vabereki vangaratidza sei rudo pavanotaura nevana vavo?

  • Nei vabereki vasingatombofaniri kuranga vana vavo vakatsamwa? a

5. Chengetedzai vana venyu

Kuti muchengetedze vana venyu, zvinokosha kuti muvadzidzise zvinotaurwa neBhaibheri nezvenyaya dzebonde. Izvi zvinogona kuti nyadzisei. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera:

  • Nei zvakati omei kuti vabereki vataure nevana vavo nyaya dzebonde?

  • Vamwe vabereki vakashandisa nzira ipi pakutsanangurira vana vavo nyaya dzebonde?

Sezvakataurwa neuprofita, nyika yaSatani iri kuramba ichiwedzera kuipa. Verengai 2 Timoti 3:1, 13, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Vamwe vanhu vakaipa vanotaurwa pavhesi 13 vanobata vana chibharo. Saka unofunga kuti zvakanakirei kuti vabereki vadzidzise vana vavo zvinotaurwa neBhaibheri nezvebonde uye kuti vangazvidzivirire sei kuti vasabatwa chibharo?

Waizviziva here?

Zvapupu zvaJehovha zvakabudisa zvinhu zvakawanda zvinobatsira vabereki kudzidzisa vana kuti vangwarire panyaya dzebonde uye kubatwa chibharo. Zvimwe zvacho ndeizvi:

6. Remekedza vabereki vako

Vana vanogona kuremekedza vabereki nematauriro avanoita navo. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera.

  • Nei zvichikosha kuti mwana ataure nevabereki zvine ruremekedzo?

  • Mwana angaratidza sei kuti ari kutaura nevabereki vake zvine ruremekedzo?

Verengai Zvirevo 1:8, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Mwana anofanira kupindura sei vabereki vake kana vachimurayira?

7. Namatai Jehovha pamwe chete semhuri

Mhuri imwe neimwe yeZvapupu zvaJehovha ine zuva rainogara ichinamata pamwe chete pavhiki. Munogona kuitei pakunamata kwemhuri? Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera:

  • Mhuri ingaita sei kuti igare ichiita kunamata kwemhuri?

  • Mubereki angaita sei kuti zvinoitwa pakunamata kwemhuri zvinakidze uye zvishandisike muupenyu?—Ona mufananidzo uri panotangira chidzidzo chino.

  • Ndezvipi zvinogona kuita kuti zviomere mhuri yenyu kuti idzidze pamwe chete?

Jehovha aitarisira kuti mhuri dzevaIsraeri dzigare dzichitaura zviri muMagwaro. Verengai Dheuteronomi 6:6, 7 mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Ungashandisa sei zviri murugwaro urwu?

Zvamunogona kuita pakunamata kwemhuri:

  • Gadzirirai misangano yeungano.

  • Verengai mokurukura nyaya dzemuBhaibheri dzinonakidza mhuri yenyu.

  • Kana muine vana vadiki shandisai mamwe mazano ari pakanzi “Mabasa Ekuita” pajw.org.

  • Kana muine vana vava mumazera ekuyaruka, kurukurai nyaya dzakanzi, “Vechidiki Vanobvunza Kuti” dziri pajw.org.

  • Itai mitambo yenyaya dzemuBhaibheri nevana venyu.

  • Onai mavhidhiyo ari pajw.org mokurukura zvamaona.

VAMWE VANOTI: “Bhaibheri harisi nyore kuti vana varinzwisise.”

  • Unotiwo kudii?

PFUPISO

Jehovha anoda kuti vabereki vade vana vavo, vavarayire, uye vavadzivirire; anodawo kuti vana varemekedze uye vateerere vabereki; uye anoda kuti mhuri dzinamate pamwe chete.

Kudzokorora

  • Vabereki vangarayira sei vana vavo uye vangaita sei kuti vavadzivirire?

  • Vana vangaratidza sei kuti vanokudza vabereki?

  • Zvakanakirei kuti muve nenguva yamunotoziva kuti ndeyekunamata kwemhuri vhiki rega rega?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Zvidzidzo zvipi zvingazobatsira mwana wenyu kana akura?

“Zvinhu 6 Zvinofanira Kudzidziswa Vana” (Mukai! Nhamba 2 2019)

Verenga unzwe kuti Bhaibheri rinotii kuvanhu vanenge vachichengeta vakwegura.

“Bhaibheri Rinotii Nezvekuchengeta Vabereki Vakwegura?” (Nyaya iri paIndaneti)

Ona kuti mumwe murume akanga asingazivi kuti vana vanorerwa sei akazova sei baba vakanaka.

Jehovha Akatidzidzisa Kurera Vana Vedu (5:58)

Dzidza kuti vanababa vangaita sei kuti vave shamwari dzepedyo dzevanakomana vavo.

“Vanababa Vangaramba Sei Vari Shamwari Dzevanakomana Vavo?” (Nharireyomurindi, November 1, 2011)

a MuBhaibheri, “kuranga” kunosanganisira kurayira, kutungamirira uye kugadzirisa pakanganiswa. Hakurevi kubata mwana zveutsinye kana kumushungurudza.—Zvirevo 4:1.