Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 06

Upenyu Hwakatanga Sei?

Upenyu Hwakatanga Sei?

“Kwamuri [Mwari] ndiko kunobva upenyu.” (Pisarema 36:9) Unobvumirana nemashoko aya here? Vamwe vanhu vanofunga kuti upenyu hwakangovapo hwega. Kana ichocho chiri chokwadi, kureva kuti isu takangoerekana tangovapo. Asi kana ari Jehovha akatisika, haufunge here kuti anofanira kunge aine zvaakatisikira? a Ngatikurukurei zvinotaurwa neBhaibheri nezvematangiro akaita upenyu uye kuti nei tsanangudzo iyoyo iine musoro.

1. Pasi rino nezvinhu zvese zviri mudenga zvakabva kupi?

Bhaibheri rinoti: “Pakutanga Mwari akasika denga nenyika.” (Genesisi 1:1) Nyanzvi dzesainzi dzakawanda dzinobvuma kuti pasi rino nezvinhu zvese zviri mudenga zvine pazvakatangira. Mwari akazvisika sei? Akashandisa mweya mutsvene, ‘simba rake raanoshandisa,’ kuti asike zvinhu zvese zvakadai senyeredzi nemapuraneti.—Genesisi 1:2.

2. Mwari akasikirei nyika?

Jehovha haana kungosikira nyika “pasina, asi akaiumba kuti igarwe.” (Isaya 45:18) Akasika nyika ino kuti ive musha une zvese zvinodiwa nevanhu kuti vagare nekusingaperi. (Verengai Isaya 40:28; 42:5.) Nyanzvi dzesainzi dzinoti nyika yakasiyana nemamwe mapuraneti ese pakuti ndiyo chete inokwanisa kugarwa nevanhu.

3. Chii chinosiyanisa vanhu nemhuka?

Pashure pekusika nyika, Jehovha akasika zvinhu zvipenyu pairi. Akatanga aita kuti panyika pazare nezvinhu zvinomera uye mhuka. Mwari akabva atanga “kusika munhu nemufananidzo wake, akamusika nemufananidzo waMwari.” (Verengai Genesisi 1:27.) Chii chinosiyanisa munhu nezvimwe zvisikwa zvese? Sezvo takasikwa nemufananidzo waMwari, tinogona kutevedzera zvese zvaanoita zvakadai sekuratidza rudo, uchenjeri nezvimwewo. Akatisikawo tichikwanisa kudzidza mitauro, kufadzwa nezvinhu zvinoyevedza, uye kunakidzwa nemumhanzi. Uye takasiyana nemhuka pakuti tinokwanisa kunamata Musiki wedu.

WEDZERA KUONGORORA

Ona uchapupu hunoratidza kuti upenyu hwakasikwa uye kuti tsanangudzo yeBhaibheri yemasikirwo akaitwa zvinhu ine musoro. Dzidza kuti zvatinokwanisa kuita isu vanhu zvinotidzidzisei nezvaMwari.

4. Mwari ndiye akasika zvinhu zvese zvipenyu

Vanhu vanorumbidzwa kana vakagadzira chinhu vachitevedzera zvinhu zvagara zvichitovako. Asi ndiani akaita zvavanenge vachitevedzera zvacho? Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera:

  • Vanhu vanogadzira zvinhu vakatevedzera sei zvinhu zvakasikwa?

Imba imwe neimwe ine mumwe munhu akanyora purani yayo uye akaivaka. Asi ndiani akanyora purani uye akagadzira zvinhu zvakagara zviriko? Verengai VaHebheru 3:4, mobva makurukura mibvunzo inotevera:

  • Zvinhu zvipi zvisina kugadzirwa nevanhu zvinokushamisa paunozvitarisa?

  • Zvine musoro here kuti titi zvinhu zvese zviriko, pasi rino nezvinhu zviri mudenga zvakaita zvekusikwa? Nei uchidaro?

Waizviziva here?

Unogona kuwana dzimwe nyaya nemavhidhiyo anokurukura nezvemusoro uyu pachikamu chakanzi “Zvakangoitika Zvega Here?” uye “Maonero Evamwe Nezvekwakabva Upenyu” pajw.org.

“Ichokwadi kuti imba imwe neimwe ine munhu anoivaka, asi akavaka zvinhu zvese ndiMwari”

5. Tsanangudzo yeBhaibheri nezvemasikirwo akaitwa zvinhu ine musoro

Muna Genesisi chitsauko 1, Bhaibheri rinorondedzera matangiro akaita nyika neupenyu huri pairi. Unofunga kuti zvarinotaura ndizvo chaizvo zvakaitika here kana kuti inongovawo ngano zvayo? Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera:

  • Bhaibheri rinodzidzisa kuti nyika nezvinhu zvipenyu zviri pairi zvakasikwa mumazuva 6 ane maawa 24 here?

  • Chii chinokuratidza kuti tsanangudzo yeBhaibheri yemasikirwo akaitwa zvinhu ine musoro? Nei uchidaro?

Verengai Genesisi 1:1, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Nyanzvi dzesainzi dzinoti nyika nezvinhu zviri mudenga zvine pazvakatangira. Unofunga kuti zvavanotaura zvinopindirana sei nezvauchangobva kuverenga muBhaibheri?

Vamwe vanhu vanofunga kuti Mwari ane zvaakasika pakutanga zvikabva zvazotanga kushanduka-shanduka nekufamba kwenguva. Verengai Genesisi 1:21, 25, 27, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari akasika chinhu chimwe chete here, chichibva chazoshanduka-shanduka chichivandudzika kuita hove, mhuka uye vanhu, kana kuti akaita zvekutosika rudzi rumwe nerumwe rwezvisikwa zvipenyu? b

6. Chinhu chikuru chinosiyanisa vanhu nezvimwe zvisikwa zvese

Jehovha akatisika takasiyana nemhuka dzese. Verengai Genesisi 1:26, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Sezvo takasikwa nemufananidzo waMwari, kukwanisa kwatinoita kuratidza rudo uye kunzwa tsitsi kunotidzidzisa chii nezvaMwari pachake?

VAMWE VANOTI: “Tsanangudzo yeBhaibheri yekuti zvinhu zvakasikwa sei inongovawo ngano zvayo.”

  • Ko iwe unofungei? Nei uchidaro?

PFUPISO

Jehovha ndiye akasika zvinhu zvese, nyika ino nezvese zviri mudenga.

Kudzokorora

  • Bhaibheri rinodzidzisa kuti zvinhu zvese zvakavapo sei?

  • Mwari akaita kuti zvinhu zvemarudzi akasiyana-siyana zvishanduke-shanduke zvichibva pachinhu chimwe chete here, kana kuti akazvisika zvese?

  • Vanhu vakasiyana papi nemhuka?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Verenga nezvezvimwe zvinhu zvinonyatsoratidza zvega kuti pane akazvisika.

“What Does Nature Teach?” (Awake!, September 2006)

Ona kuti baba vanogona sei kutsanangurira mwana wavo mudiki zvinotaurwa neBhaibheri nezvemasikirwo akaitwa zvinhu.

“Jehovha . . . Akasika Zvinhu Zvose” (2:37)

Dzidza kuti tsanangudzo yekuti zvinhu zvakaita zvekushanduka-shanduka inopesana sei neBhaibheri.

“Mwari Akaita Kuti Zvinhu Zvishanduke-shanduke Here Kuti Pave Nemarudzi Akasiyana-siyana Ezvinhu Zvipenyu?” (Nyaya iri paIndaneti)

Ongorora kuti tsvakurudzo yakaitwa nevesainzi yakaratidza kuti zvinhu zvipenyu zvakasikwa here kana kuti zvakangovapo zvega.

The Origin of LifeFive Questions Worth Asking (bhuku)

a MuChidzidzo 25 tichakurukura nezvekuti Mwari akasikirei vanhu.

b MuBhaibheri, shoko rekuti “marudzi” rinoreva boka rakakura rezvinhu zvipenyu.