MUKAI! Nhamba 2 2019 | Zvinhu 6 Zvinofanira Kudzidziswa Vana
Zvinhu 6 Zvinofanira Kudzidziswa Vana
Munoda kuti mwana wenyu azova munhu akaita sei paanenge akura?
Anozvidzora
Anozvininipisa
Anoshingirira
Anoshanda Nesimba
Anoziva Zvaanoita
Akatendeseka
Vana havangoerekani vava neunhu hwakadai. Vanoda kutungamirirwa nemi.
Magazini ino ichataura zvinhu 6 zvakakosha zvamunogona kudzidzisa vana venyu, uye zvidzidzo izvi zvichavabatsira pavanenge vakura.
Kuzvidzora
Nei kuzvidzora kuchikosha, uye tingaitei kuti tive vanhu vanozvidzora?
Kuzvininipisa
Kana vana vakadzidziswa kuzvininipisa zvichavabatsira iye zvino kunyange pavanokura.
Kushingirira
Kana vana vakadzidziswa kushingirira, vanokwanisa kuzokunda matambudziko muupenyu.
Kushanda Nesimba
Munhu anofanira kudzidza kushanda nesimba achiri mudiki here kana kuti akura?
Kutungamirirwa Nevanhu Vakuru
Vana vanoda kutungamirirwa, asi ndiani angavatungamirira?
Kuva Netsika Dzakanaka
Kana mukadzidzisa vana venyu kuva netsika dzakanaka zvichavabatsira mune remangwana.
Vabereki Vangawanepi Mamwe Mazano?
Vabereki vanodawo mazano anovabatsira pakurera vana. Kuti muwane mamwe mashoko, endai pajw.org.

