Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati


Zvaungaita kuti unyatsobatsirwa nekosi ino yeBhaibheri

Zvaungaita kuti unyatsobatsirwa nekosi ino yeBhaibheri

Tanga nekuverenga nhanganyaya ino wobva waona VHIDHIYO.

CHIKAMU CHEKUTANGA

Paunenge uchigadzirira chidzidzo chimwe nechimwe, verenga chikamu chekutanga. Mibvunzo inenge iri nechepamusoro pendima dzacho (A) uye mavhesi (B) zvichakubatsira kuona pfungwa dzinokosha. Mamwe mavhesi akatonyorwa kunzi “verengai.”

CHIKAMU CHECHIPIRI

Mashoko ari pakanzi Wedzera Kuongorora (C) anotaura zvimwe zvamuchadzidza. Misoro yenyaya midiki (D) inoratidza pfungwa dzinokosha dzichadzidzwa. Verengai mavhesi nemudzidzisi wako, mokurukura muchishandisa mibvunzo inenge iripo, uye moona mavhidhiyo anenge aripo.

Ukabaya mubhokisi munenge makanyorwa kuti VHIDHIYO kana wakavhura bhuku rino pafoni, unobva waendeswa pavhidhiyo inokubatsira kunzwisisa zvauri kudzidza. Mamwe mavhidhiyo ane nyaya dzakanyatsoitika. Asi mamwe acho anoratidza zvinhu zvisina hazvo kuitika kune mumwe munhu asi zvinogona kuitika muupenyu.

Nyatsotarisa mifananidzo nemashoko anenge akanyorwa pedyo nemifananidzo yacho (E), wofunga kuti ungapindura sei mibvunzo iri pakanzi Vamwe Vanoti (F).

CHIKAMU CHEKUPEDZISIRA

Zvese zvamunenge madzidza muchidzidzo chacho zvinodzokororwa muchidimbu pazvikamu zvakanzi Pfupiso uye Kudzokorora (G). Nyora musi wamunenge mapedza chidzidzo chacho. Pakanzi Edza Izvi (H) panokuudza zvinhu zvaunofanira kuita zvinoenderana nezvaunenge wadzidza. Pakanzi Wedzera Pane Zvawadzidza (I) panenge paine zvimwe zvaunogona kuverenga kana mamwe mavhidhiyo aunogona kuona.

Ungawana sei vhesi yaunenge uchida muBhaibheri?

Bhaibheri mubatanidzwa wemabhuku 66 ari muzvikamu zviviri. Chekutanga chinonzi Magwaro echiHebheru nechiAramaiki (“Testamende Yekare”) uye chechipiri chinonzi Magwaro echiKristu echiGiriki (“Testamende Itsva”).

Mavhesi emuBhaibheri ari mukosi ino anonyorwa pachitanga nezita rebhuku racho remuBhaibheri (A), kwozotevera chitsauko (B), kwozotevera nhamba yevhesi kana kuti mavhesi (C).

Kana pakanzi, Johani 17:3 zvinenge zvichireva kuti bhuku reBhaibheri raJohani, chitsauko 17, vhesi 3.