Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Jeremiya 11:11—“Ndichauyisa Zvakaipa Pamusoro Pavo”

Jeremiya 11:11—“Ndichauyisa Zvakaipa Pamusoro Pavo”

“Saka zvanzi naJehovha, ‘Onai ndiri kuunza dambudziko pavari, ravasingazogoni kutiza. Pavanoshevedzera kwandiri kuti ndivabatsire, handizovateereri.’”—Jeremiya 11:11, Shanduro yeNyika Itsva.

“Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Tarirai ndichauyisa zvakaipa pamusoro pavo, zvavasingagoni kutiza; vachadanidzira kwandiri, asi handingavanzwi.’”—Jeremiya 11:11, The Bible in Union SHONA Version.

Zvinorehwa naJeremiya 11:11

 Mwari aitaura nevaJudha vakararama panguva yemuprofita Jeremiya. Sezvo vanhu vakanga vasiri kuteerera mitemo yaJehovha a uye kubvuma kutsiurwa nevaprofita vake, Jehovha akanga asiri kuzovadzivirira pamatambudziko avaizosangana nawo nemhaka yemaitiro avo akaipa.—Zvirevo 1:24-32.

 “Saka zvanzi naJehovha.” Shoko rekuti “saka” riri kubatanidza zvambotaurwa mumavhesi apfuura nezvava kuda kutaurwa. Pana Jeremiya 11:1-10, Jehovha akaudza vanhu vake kuti vakanga vatyora sungano kana kuti chibvumirano chaakanga aita nemadzibaba avo. (Eksodho 24:7) Pane kuti vanamate Musiki wavo, vaJudha vakanga vava kunamata zvidhori. Izvi zvakaita kuti vatange kuita zvinhu zvese zvakaipa, kusanganisira kuuraya vana vavo sezvibayiro!—Jeremiya 7:31.

 “Onai ndiri kuunza dambudziko pavari.” Kazhinji Bhaibheri parinotaura kuti Mwari anoita chimwe chinhu, rinenge richingoreva kuti anobvumira kuti chinhu chacho chiitike. Nei tingati ndizvo zvakaitwa naMwari panyaya iyi? Vanhu pavakanamata vanamwari venhema uye pavakaramba mitemo yaMwari yakanaka, zvakaita kuti vazvipinze mumatambudziko. Mwari akanga asisavadziviriri. Izvi zvakaita kuti muvengi aiva nesimba, mambo weBhabhironi, akunde Jerusarema ndokutapa vagari vemo. Vanamwari venhema vavaivimba navo havana kukwanisa kuvadzivirira.—Jeremiya 11:12; 25:8, 9.

 Mwari haana zvakaipa zvaakaita paakasiya vanhu vake vachiwirwa nematambudziko. Jakobho 1:13 inoti: “Hapana angaedza Mwari nezvinhu zvakaipa, uye iye haaedzi munhu.” Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi rinoti Mwari, ‘achauyisa njodzi pamusoro [pevaJudha]. Shoko rakatanga kushandiswa b pakanyorwa Bhaibheri rakashandurwa kuti “zvakaipa” pana Jeremiya 11:11 rinogonawo kunzi “dambudziko” kana kuti “njodzi.” Mashoko aya anonyatsotsanangura zvinhu zvakaipa zvakasangana nevaJudha.

 “Pavanoshevedzera kwandiri kuti ndivabatsire, handizovateereri.” Jehovha haateereri minyengetero yevanhu vane maoko “azere neropa” kana kuti yevaya vanovimba navanamwari venhema. (Isaya 1:15; 42:17) Asi anoteerera minyengetero yevaya vanosiya zvakaipa zvachose, vodzoka kwaari.—Isaya 1:16-19; 55:6, 7.

Mashoko akapoteredza Jeremiya 11:11

 Mugore ra647 B.C.E., Jehovha akapa Jeremiya basa rekuva muprofita wake. Kwemakore 40, Jeremiya akanyevera vaJudha nezvemutongo waMwari waizouya. Asi havana kuteerera. Panguva iyoyo ndipo pakanyorwa nemuprofita uyu mashoko ari pana Jeremiya 11:11. Zvakanga zvaprofitwa naJeremiya zvakazadziswa Jerusarema parakaparadzwa nevaBhabhironi muna 607 B.C.E.—Jeremiya 6:6-8; 39:1, 2, 8, 9.

 Bhuku raJeremiya rinewo mashoko etariro. Jehovha akati: “Kana makore 70 apera, . . . ndichazadzisa vimbiso yangu nekukudzosai munzvimbo ino, [kureva nyika yevaJudha].” (Jeremiya 29:10) Jehovha akazadzisa vimbiso iyoyo muna 537 B.C.E pashure pekunge Bhabhironi rakundwa nevaMedhiya nevaPezhiya. Jehovha akaita kuti vanhu vake vakanga vakapararira munzvimbo dzaitongwa neBhabhironi vadzokere kunyika yavo kunotangazve kunamata kwakachena.—2 Makoronike 36:22, 23; Jeremiya 29:14.

 Ona vhidhiyo iyi pfupi kuti unzwe pfupiso yezviri mubhuku raJeremiya.

a Jehovha ndiro zita raMwari muchiShona, rakashandurwa kubva pazita raMwari mumutauro wechiHebheru. Verenga nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?” kuti unzwe kuti nei shanduro dzeBhaibheri dzakawanda dzichishandisa zita rekuremekedza rakadai serekuti Ishe pane kushandisa zita rake chairo.”

b Magwaro echiHebheru, ayo anonyanya kuzivikanwa nekuti Testamende Yekare, pakutangatanga akanyorwa mumutauro wechiHebheru nechiAramaiki.