Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 MAZANO OKUTI MHURI IFARE

Kudyidzana Kwamungaita Nevamwe Kana Muri Mumhuri Yokurera

Kudyidzana Kwamungaita Nevamwe Kana Muri Mumhuri Yokurera

VAMWE AMAI VOKURERA VOKUAUSTRALIA VANONZI MARGARET, * VANOTI: “Aimbova mudzimai womurume wangu akaudza vana vake kuti vasatomboteerera zvandinotaura, kunyange zvinhu zviri nyore zvakadai sokuti ‘Muyeuke kukwesha mazino enyu.’” Margaret anoona sokuti izvi zvakaita kuti iye nomurume wake vasawirirana.

Mhuri dzokurera dzinosangana nematambudziko asina vakawanda uye kazhinji kacho akaoma pakugarisana kwavo nevamwe vasiri mumhuri dzavo. * Vabereki vakawanda vokurera vangatofanira kukurukura nemubereki chaiye wemwana panyaya dzakadai sokumboshanya, kuranga mwana wacho uye kumubatsira nemari. Shamwari nevoukama vanogonawo kuomerwa nokujairana nevatsva vanenge vauya mumhuri yacho. Chimboona kuti mazano eBhaibheri angabatsira sei mhuri yenyu yokurera kuti ikunde matambudziko iwayo.

UKAMA HWOKUTANGA: MUMWE MUBEREKI WEMWANA

Vamwe amai vokurera vokuNamibia vanonzi Judith vanoti: “Amai vevana vangu vokurera vakamboudza vana vavo kuti ini ndaingovawo zvangu mudzimai mutsva wababa vavo uye kuti vana vose vataizobereka vaisazova hanzvadzi nevanin’ina vavo. Mashoko  avo akandirwadza chaizvo nokuti ndinoda vana vangu vokurera sokunge kuti ndevangu.”

Nyanzvi dzinobvumirana kuti mubereki wemwana asisiri kugara naye anogona kutadza kuwirirana nemhuri yokurera zvichitoita kuti mhuri iyoyo ipesane. Kazhinji amai vokurera naamai vemwana ndivo vanowanzonetsana. Chii chingabatsira?

Zvaungaita kuti ubudirire: Isa miganhu ine mwero. Mwana wako anogona kushushikana kana ukaedza kuvharidzira kuti asatombodyidzana zvachose newawakanga wakaroorana naye. * Vabereki vemwana, vanova ndivo ‘vakaita kuti aberekwe,’ vanokosha muupenyu hwake. (Zvirevo 23:22, 25) Asiwo kana ukaita kuti wawakanga wakaroorana naye anyanyise kupindira mumba menyu, unogona kuvhiringa kana kutogumbura wawakaroorana naye iye zvino. Edza kuva pakati nepakati, uchiita kuti mubereki iyeye azive pokugumira kuitira kuti udzivirire imba yenyu, asiwo uchiita zvose zvaunogona kuti murambe muchishandira pamwe.

MAZANO KUVABEREKI

  • Paunenge uchitaura newawakanga wakaroorana naye, taurai nezvevana venyu morega kuwanza dzimwe nyaya. Somuenzaniso, unogona kumukumbira kana zvichiita kuti ave nenguva yaanogara achifona mukati mezuva. Izvi zvinobatsira chaizvo pane kuti afone chero nguva yaanoda kana kuti usiku.
  • Kana mutemo usingakubvumiri kugara nevana vako, pamwe unogona kufona, kunyora tsamba, kutumira meseji kana kuvanyorera tsamba paIndaneti kuitira kuti mugare muchitaurirana. (Dheuteronomio 6:6, 7) Vamwe vanotaura vachionana pavhidhiyo (videoconferencing). Unogona kuziva zvinodiwa nevana vako uye zvinovanetsa wovabatsira zvakanyanya.

MAZANO KUNA VANAAMAI VOKURERA

  • Ratidza kuti ‘unonzwira ngoni’ amai vevana nokuita kuti zvijeke kuti hauna kuuya kuzotora nzvimbo yavo saamai. (1 Petro 3:8) Gara uchivaudza kuti vana vakadii, uchinyanya kutaura zvakanaka zvavari kuita. (Zvirevo 16:24) Vakumbire mazano uye vatende kana vakupa.
  • Kana amai vevana varipo usanyanyoratidza kufarira vana vacho. Beverly, amai vokurera vokuUnited States vanoti: “Vana vangu vokurera vaduku vaida kundishevedza kuti Mhamha. Takavaudza kuti vanogona kundishevedza kuti Mhamha kana tiri pamba asi vaisafanira kudaro kana vaina amai vavo Jane kana kuti hama dzaamai vavo. Izvi zvakaita kuti ini naJane titange kuwirirana. Takatozoguma tava kubatsira vana pamwe chete pazvinhu zvokuchikoro uye pavaimboshanyira dzimwe nzvimbo nevamwe vana vechikoro.”

Zvaunoita zvinogona kuva nesimba pavana vako kupfuura zvaungafunga

MAZANO ANOBATSIRA VABEREKI CHAIVO NEVABEREKI VOKURERA KUTI VAWIRIRANE

    Unhu hwakanaka uye kuremekedza zvinoita kuti muwirirane

  • Usataura zvakashata nezvemubereki wevana asisipo kana kuti mubereki wavo wokurera vana vacho vachinzwa. Zviri nyore kungoerekana wava kuita izvi, asi zvinoita kuti vana vanetseke chaizvo. Uyewo hauzivi kuti zvaunenge wataura vana vangazozvitaura sei uye riini. (Muparidzi 10:20) Kana mwana akakuudza  kuti mubereki wake kana kuti mubereki wokurera akataura zvakashata nezvako, ratidza kuti une hanya nemafungiro ake. Ungati: “Ndine urombo nezvawakanzwa. Mhamha vako vakandigumbukira uye dzimwe nguva kana vanhu vatsamwa vanotaura zvinhu zvisina kunaka.”
  • Edzai kuva nemitemo yakafanana uye marangiro akafanana mose semhuri mbiri. Kana zvisingaiti, tsanangura kusiyana kwakaita zvinhu mumhuri dzenyu, usingashori mumwe mubereki. Chimbofunga mamiriro ezvinhu anotevera:Amai vokurera: Kuda, ndapota yanika tauro rako.Kuda: Kana tiri kwaMhamha, tinongosiya matauro pasi vobva vatiyanikira.Amai vokurera (vagumbuka): Amai venyu vari kukudzidzisai usimbe.Matauriro anotevera haangavi nani here?Amai vokurera (vakadzikamira): Hoo, zvakanaka. Kuno munhu anozviyanikira oga.
  • Usarongera vana zvokuita panguva yavanenge vachifanira kuva nemumwe mubereki. (Mateu 7:12) Kana usingakwanisi kuchinja nguva yacho, kumbira mvumo kune mumwe mubereki usati waudza vana zvawaronga.

EDZA IZVI: Ita zvinotevera pauchaonana nemurume kana mudzimai wewawaimbova wakaroorana naye kana kuti weuya ainge akaroorana newawakaroorana naye iye zvino:

  1. Mutarise kuchiso uchinyemwerera. Usaita zvinoratidza kuti ari kukusvota uye hauna basa naye.
  2. Mukwazise uchimuremekedza. Somuenzaniso unogona kuti, “Makadini mai (wotaura zita remwana kana kuti rekwaakaroorwa).”
  3. Kana paine vanhu vakawanda, usangotaura nevamwe chete asi taurawo naye.

UKAMA HWECHIPIRI: VANA VABVA ZERA

Bhuku rinonzi Step Wars rinotaura nezvemumwe mukadzi ainyunyuta kuti murume wake aiwanzotsigirana nevana vake vakura asingatombobvumi kuti vana vake vari kubata mukadzi wake zvisina kunaka. Mukadzi wacho anoti: “Ndinokurumidza kushatirwa.” Ungaita sei kuti ukama hwako newawakaroorana naye husakanganiswa nevana vabva zera?

Zvaungaita kuti ubudirire: Iva netsitsi. Bhaibheri rinoti: “Mumwe nomumwe ngaarege kuramba achitsvaka zvake oga, asi zvomumwe munhu.” (1 VaKorinde 10:24) Edza kunzwisisa manzwiro evamwe. Vana vokurera vabva zera vanogona kunge vachityira kuti mubereki wavo anogona kupedzisira asisavadi. Kana kuti vanogona kuona sokuti kana vakafarira mubereki wokurera, zvinoita sokuti havasisina basa nevabereki vavo. Vabereki vevana vanogonawo kutya kutsiura vana vavo vachifunga kuti vana vacho vanopedzisira vasisavadi.

Pane kumanikidzira kuti muve noushamwari, ita kuti ushamwari hwako nemwana wokurera hungouya hwoga. Kazhinji hakusi kuchenjera kuedza kumanikidzira kuti munhu ade mumwe munhu. (Rwiyo rwaSoromoni 8:4) Saka usatarisira kuti vana vako vokurera vakude zvakanyanya.

Usangotaura chero zvangouya mupfungwa, kunyange kana usingabatwi zvakanaka. (Zvirevo 29:11) Kana uchiona zvichikuomera chaizvo kudzora rurimi rwako, nyengetera sezvakaita Mambo Dhavhidhi weIsraeri uyo akati: “Haiwa Jehovha, isai murindi pamuromo wangu; isai murindi pasuo remiromo yangu.”—Pisarema 141:3.

Kana mukasarudza kugara muimba yakakurira vana  vacho, ungashamisika kuona kuti vanenge vachida chaizvo imba iyoyo. Usanyanyochinja-chinja zvinhu mumba, kunyanya mumakamuri avagara vachishandisa. Munogonawo kufunga nezvekutamira kune imwe imba.

EDZA IZVI: Kana vana vako vakura vokurera vachiramba vasingakubati zvakanaka kana kuti vasingakuremekedzi, taura newawakaroorana naye manzwiro auri kuita uye nyatsoteerera paanenge achitaura mafungiro ake. Usamanikidza wawakaroorana naye kuti atsiure vana. Asi ingoedzai kunzwisisana imi pachenyu muri vaviri. Kana ‘mukabvumirana pakufunga’ pane zviri kuitika, munogona kuisa misoro pamwe kuti muvandudze zvinhu.—2 VaKorinde 13:11.

Edza kuratidza rudo kuvana vose vari mumhuri

UKAMA HWECHITATU: SHAMWARI NEVAMWE VOUKAMA

Vamwe amai vokurera vokuCanada vanonzi Marion vanoti: “Vabereki vangu vaigara vachipa mwanakomana wangu zvipo asi vasingapi vana vemurume wangu. Isu ndisu taizovatengera asi dzimwe nguva taishaya mari yacho.”

Zvaungaita kuti ubudirire: Koshesa mhuri yako itsva. Udza hama dzako neshamwari kuti wakazvipira kumhuri yako itsva. (1 Timoti 5:8) Kunyange zvazvo ungasatarisira kuti hama dzako dzose neshamwari dzingoerekana dzava kufarira mhuri yako itsva, unogona kudziudza kuti dzisava norusaruro uye dzibate mhuri yako zvakanaka. Vatsanangurire kuti vana vanorwadziwa zvakadii kana vakasarurwa uye vakaratidzwa kuti havadiwi.

Edza kuita kuti vabereki vewawakanga wakaroorana naye vavewo nezvavanoita muupenyu hwevana vako. Vamwe amai vokuEngland vanonzi Susan vanoti: “Ndakaroorwazve mwedzi 18 pashure pokunge murume wangu wokutanga afa, uye zvakanga zvakaoma kuti vabereki vake vafarire murume wangu mutsva. Zvinhu zvakazoita nani patakavabvumira kuti vavewo nezvavanoitira vana, tichiita kuti vana vavafonere, uye tichivatenda norutsigiro rwavaipa.”

EDZA IZVI: Ona kuti ishamwari kana kuti hama ipi yausingawirirani nayo uye kurukura newawakaroorana naye kuti mungaita sei kuti muwirirane nayo.

Mhuri yenyu yokurera inogona kuomerwa nekuwirirana nevaya vasiri mumhuri yacho. Asi shandisai mazano emuMagwaro uye mhuri yenyu ichawana chikomborero chinovimbiswa neBhaibheri kuti: “Imba inovakwa nouchenjeri, uye inosimbiswa kwazvo noungwaru.”—Zvirevo 24:3.

^ ndima 3 Mamwe mazita akachinjwa.

^ ndima 4 Kana uchida mamwe mashoko okuti ungakunda sei mamwe matambudziko, ona nyaya dzine musoro uri pakavha unoti “Mazano Anobatsira Mhuri Dzokurera” dziri muMukai! yaJuly-September 2012 yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 8 Kana wawakanga wakaroorana naye achiratidza kuti anogona kukuvadza mhuri yenyu, ungatofanira kuisa miganhu yakasimba kuti udzivirire mhuri yako.

ZVIBVUNZE KUTI . . .

  • Ndingaita sei kuti ndiwirirane neaimbova murume kana mudzimai wewandakaroorana naye?
  • Tingabatsira sei hama neshamwari kuti dzisakanganisa mhuri yedu?