Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Ucharamba Wakarinda’ Here?

‘Ucharamba Wakarinda’ Here?

“Naizvozvo, rambai makarinda nokuti hamuzivi zuva racho kana awa yacho.”—MAT. 25:13.

1, 2. (a) Jesu akati chii nezvemazuva okupedzisira? (b) Mibvunzo ipi yatichakurukura?

JESU ainge akagara muGomo reMiorivhi paaikwanisa kuona temberi yaiva muJerusarema. Aiva nevaapostora vake Petro, Andreya, Jakobho naJohani uye aivaudza nezveuprofita hwaizozadziswa papera nguva yakareba chaizvo. Akavaudza zvinhu zvakawanda chaizvo zvaizoitika mumazuva okupedzisira enyika ino yakaipa paaizenge achitonga muUmambo hwaMwari. Akatiwo panguva iyoyo aizova ‘nemuranda akatendeka, akangwara’ aizomumiririra panyika, achipa vateveri vake zvokudya zvokunamata panguva yakakodzera.—Mat. 24:45-47.

2 Muuprofita ihwohwo, Jesu akazotaurawo mufananidzo wemhandara gumi. (Verenga Mateu 25:1-13.) Ngatikurukurei mibvunzo iyi: (1) Ipfungwa ipi inokosha iri mumufananidzo wacho? (2) Vakazodzwa vari kuteerera sei yambiro iri mumufananidzo wacho, uye zviri kuguma nei? (3) Mumwe nomumwe wedu angabatsirwa sei nemufananidzo wacho?

MUFANANIDZO WACHO UNOTAURA NEZVEI?

3. Kare mabhuku edu aitsanangura sei mufananidzo wemhandara gumi, uye zvii zvaigona kupedzisira zvaitika pataitsanangura saizvozvo?

3 Munyaya yakapfuura takaona kuti muranda akatendeka haachanyanyi kutsanangura kuti nhoroondo dzemuMagwaro dzinomiririrei asi ava kusimbisa zvatinodzidza munhoroondo dzacho. Kare mabhuku edu aimboti zvinhu zvose zvinotaurwa mumufananidzo waJesu wemhandara gumi, zvine zvazvinomiririra. Izvi zvinosanganisira tunhu tudiki twakadai semarambi, mafuta, midziyo yokuisira mafuta nezvimwewo. Asi kuongorora kanhu kamwe nekamwe kari mumufananidzo wacho hakungavi here kwaititadzisa kuona pfungwa inokosha? Sezvatichaona, kuziva mhinduro yemubvunzo uyu kunokosha chaizvo.

4. Mumufananidzo waJesu, (a) muroori ndiani? (b) mhandara ndiani?

4 Ngatimboongororai mufananidzo waJesu wemhandara gumi. Chokutanga funga nezvevanhu vanotaurwa imomo. Muroori ndiani? Zviri pachena kuti Jesu ndiye muroori wacho. Tinoziva izvozvo nokuti pane imwe nguva akambozviti muroori. (Ruka 5:34, 35) Ko mhandara ndiani? Mumufananidzo wacho, Jesu akati mhandara dzaifanira kuva nechokwadi chokuti dzakagadzirira uye kuti marambi adzo aibvira paizosvika muroori. Jesu akataurawo mashoko akafanana naiwayo ‘kuboka duku’ revateveri vake vakazodzwa. Akati: “Zviuno zvenyu ngazvive zvakasungwa uye marambi enyu achibvira, uye imi itai sevarume vakamirira tenzi wavo paanodzoka achibva kumuchato.” (Ruka 12:32, 35, 36) Uyewo, muapostora Pauro naJohani vakafemerwa kuti vanyore kuti vateveri vaKristu vakazodzwa vakafanana nemhandara dzakachena. (2 VaK. 11:2; Zvak. 14:4) Saka zviri pachena kuti mufananidzo wemhandara gumi uri pana Mateu 25:1-13 waiyambira vateveri vaJesu vakazodzwa.

5. Jesu akaratidza sei nguva yaizoshanda mufananidzo wake?

5 Chechipiri, ngationei kuti yambiro yaJesu yaizoshanda munguva ipi. Paakanga ava kupedzisa kurondedzera mufananidzo wake, Jesu akataura mashoko anotibatsira kuziva nguva yacho paakati: “Muroori akasvika.” (Mat. 25:10) MuNharireyomurindi yaJuly 15, 2013, takadzidza kuti muna Mateu chitsauko 24 ne25, Jesu akashandisa shoko rakashandurwa kuti “kusvika” kana kuti “kuuya,” kanokwana kasere. Pose paaishandisa shoko iroro, Jesu aitaura nezvekuuya kwaachaita munguva yokutambudzika kukuru paachazotonga vanhu uye paachaparadza nyika ino yakaipa. Saka mufananidzo uyu unotaura zvinhu zvaizoshanda mumazuva okupedzisira, asi kuuya kweMuroori kunozoitika munguva yokutambudzika kukuru.

6. Ipfungwa ipi inokosha iri mumufananidzo wemhandara gumi?

6 Ipfungwa ipi inokosha iri mumufananidzo uyu? Jesu asati ataura mufananidzo wemhandara gumi, ainge ambotaura ‘nezvemuranda akatendeka, akangwara.’ Muranda iyeye aizova boka duku revarume vakazodzwa raizotungamirira vateveri vaKristu mumazuva okupedzisira. Jesu akanyevera varume ivavo kuti vaifanira kuramba vakatendeka. Akabva azotaura mufananidzo wemhandara gumi nechinangwa chokurayira vateveri vake vose vakazodzwa vomumazuva okupedzisira kuti ‘varambe vakarinda,’ kuitira kuti vasarasikirwa nemubayiro wavo unokosha. (Mat. 25:13) Iye zvino ngatichiongororai mufananidzo wacho wose toona kuti vakazodzwa vari kushandisa sei yambiro irimo.

VAKAZODZWA VARI KUTEERERA SEI YAMBIRO IRI MUMUFANANIDZO WACHO?

7, 8. (a) Mhandara dzakangwara dzainge dzakasiyana papi nedzakapusa? (b) VaKristu vakazodzwa vakaratidza sei kuti vakagadzirira kuuya kwaJesu?

7 Mufananidzo waJesu unoratidza kuti mhandara dzakangwara dzainge dzakasiyana nedzakapusa pakuti dzainge dzakagadzirira uye dzakarindira kuuya kwemuroori. Mhandara dzose idzi dziri gumi dzaifanira kuramba dzakamuka uye marambi adzo akabaka kusvikira muroori auya. Kusiyana nemhandara dzakapusa, shanu dzakangwara dzainge dzakanyatsogadzirira nokuti dzakauya nemidziyo yaiva nemamwe mafuta okuzowedzera mumarambi adzo. VaKristu vakazodzwa vakatendeka vakaratidzawo here kuti vakagadzirira kuuya kwaJesu?

8 Hongu! Mumazuva ano okupedzisira, vaKristu vakazodzwa vari kuita semhandara idzodzo dzakangwara, uye vanoda kuramba vachiita basa ravo vakatendeka kusvikira kumugumo. Vanoziva kuti kuramba vachiita basa iri vakatendeka kunokosha saka vanosarudza kusazviwanira pfuma munyika ino yaSatani. Vanozvipira nemwoyo wose kuna Jehovha uye vanomushumira kwete nokuti mugumo wava pedyo, asi nemhaka yokuti vanomuda uye vanoda Mwanakomana wake. Vanoramba vakatendeka kuna Jehovha vachiramba mudzimu wenyika ino yakaipa uyo unokurudzira vanhu kuda pfuma, kuita unzenza uye udyire. Saka vanoramba vakarinda, vachipenya sezvinhu zvinovheneka munyika uye havanetseki nokufunga kuti zvimwe Muroori anonoka kuuya.—VaF. 2:15.

9. (a) Jesu akapa nyevero ipi panyaya yokurara? (b) Vakazodzwa vakaita sei pakashevedzerwa kuti, “Heuno muroori”? (Onawo mashoko omuzasi.)

9 Chimwe chakabatsira mhandara idzodzo pakazouya muroori ndechokuti dzakanga dzakarinda. Zvingaita here kuti muKristu akazodzwa abatwe nehope paanenge akamirira kuuya kwaJesu? Zvinogona kuitika. Ona kuti Jesu akataura kuti mhandara “dzose dzakatsimwaira dzikarara” muroori paaiita seanonoka kusvika. Jesu ainyatsoziva kuti kunyange kana munhu aine chido chokuramba akamuka, nyama yake inogona kumukunda zvokuti anorara. Vakazodzwa vakatendeka vari kuteerera nyevero iyoyo uye vari kushanda zvakasimba kuti varambe vakarinda. Mumufananidzo wacho, mhandara dzose dzakamuka pakashevedzerwa kuti: “Heuno muroori!” Asi dzakangwara ndidzo chete dzakaramba dzakarinda kusvika pakazouya muroori. (Mat. 25:5, 6; 26:41) Ko vakazodzwa vakatendeka vari kuitawo sei mazuva ano? Kubva pakatanga mazuva okupedzisira, vari kuteerera kushevedzera kwokuti, “Heuno muroori,” uyo ava kuda kutosvika. Vari kurambawo vakarinda vachimirira kuuya kwoMuroori. * Zvisinei, mufananidzo waJesu paunenge wava kunopera, unotaura nezveimwe nguva iri mberi. Sei tichidaro?

MHANDARA DZAKANGWARA DZINOPIWA MUBAYIRO ASI DZAKAPUSA DZINORANGWA

10. Mubvunzo upi unovapo patinofunga nezvekutaurirana kunoita mhandara dzakangwara nedzakapusa?

10 Zvichida chikamu chingatiomera kunzwisisa mumufananidzo uyu chiri nechekwaunoperera, mhandara dzakangwara padzinenge dzichitaura nedzakapusa. (Verenga Mateu 25:8, 9.) Mashoko adzinotaurirana anoita kuti tibvunze kuti: “Munhoroondo yevanhu vaMwari, vakazodzwa vakatendeka vaizoramba kubatsira vamwe riini?” Mhinduro yacho tinoiwana kana tikafunga zvakare nezvenguva inoshanda mufananidzo wacho. Yeuka kuti iye zvino tava kunzwisisa kuti Jesu, uyo anonziwo Muroori, achauya kuzotonga vanhu kana kutambudzika kukuru kwava kupera. Saka hakungavi here kuti chikamu ichi chomufananidzo waJesu chinotaura nezvezvinhu zvichaitika kutambudzika kukuru kwava kuda kutopera? Zvinogona kudaro, nokuti panguva iyoyo vakazodzwa vanenge vatoiswa chisimbiso chokupedzisira.

11. (a) Chii chichaitika kutambudzika kukuru kwava kuda kutanga? (b) Mhandara dzakangwara dzairevei padzakaudza dzakapusa kuti dziende kune vanotengesa mafuta?

11 Saka, kutambudzika kukuru kusati kwatanga, vakazodzwa vose vakatendeka vanenge vari panyika vachange vaiswa chisimbiso chokupedzisira. (Zvak. 7:1-4) Kana vaiswa chisimbiso ichocho, hapana chichachinja nezvekuenda kwavo kudenga. Asi chimbofunga zvinogona kuitika kutambudzika kukuru kusati kwatanga. Kana pakava nevakazodzwa vanenge vasina kuramba vakarinda uye vasina kutendeka, chii chinogona kuitika kwavari? Vanogona kurasikirwa nemubayiro wavo wokudenga. Zviri pachena kuti havazoiswi chisimbiso chokupedzisira kutambudzika kukuru kwava kuda kutanga. Panguva iyoyo vanenge vatotsiviwa nevamwe vaKristu vakatendeka vanenge vazodzwa. Kutambudzika kukuru pakunotanga, vakazodzwa vasina kutendeka, vangashamiswa kuona Bhabhironi Guru richiparadzwa. Zvimwe panguva iyoyo ndipo pavanozoona kuti vanga vasina kugadzirira kusvika kweMuroori. Chii chingaitika kana vakatsvaka rubatsiro panguva iyoyo? Mufananidzo waJesu unotipa mhinduro. Mhandara dzakangwara dzakaramba kupa dzakapusa mafuta, dzikadziudza kuti dziende kunotenga kuvanhu vanotengesa mafuta. Asi yeuka kuti paiva “pakati pousiku chaipo.” Saka dzaizowana vatengesi vemafuta usiku ihwohwo here? Kwete. Dzainge dzadya manonoko.

12. (a) Kana pakava nemuKristu akazodzwa anotadza kuramba akatendeka asati aiswa chisimbiso chokupedzisira, chii chichaitika kwaari munguva yokutambudzika kukuru? (b) Chii chichaguma chaitika kune vaya vakafanana nemhandara dzakapusa?

12 Saizvozvowo, munguva yokutambudzika kukuru, vakazodzwa vakatendeka havazogoni kubatsira chero ani zvake anenge asina kuramba akatendeka nokuti nguva inenge yapera. Saka chii chichaitika kuvakazodzwa ivavo vanenge vasina kuramba vakatendeka? Jesu akatsanangura zvakaitika mhandara dzakapusa padzakaenda kunotsvaka mafuta achiti: “Muroori akasvika, uye mhandara dzakanga dzakagadzirira dzakapinda naye mumutambo womuchato; uye suo rakavharwa.” Kristu paachauya achibwinya kutambudzika kukuru kwava kunopera, achaunganidza vaKristu vakazodzwa vakatendeka oenda navo kudenga. (Mat. 24:31; 25:10; Joh. 14:1-3; 1 VaT. 4:17) Suo richavharwa uye vakazodzwa vasina kutendeka, avo vanenge varatidza kuti vakafanana nemhandara dzakapusa, havazopindi. Vangaita sevari kushevedzera vachiti: “Changamire, changamire, tivhurireiwo!” Asi vachapiwa mhinduro yakafanana neichapiwa vaya vakaita sembudzi muawa iyoyo yokutonga. Jesu achavapindura kuti: “Ndinokuudzai chokwadi, handikuzivii.” Izvi zvinosiririsa chaizvo!—Mat. 7:21-23; 25:11, 12.

13. (a) Nei tisingafaniri kufunga kuti vateveri vaKristu vakazodzwa vakawanda vachatadza kuramba vakatendeka? (b) Nei tichigona kutaura kuti mashoko aJesu enyevero anoratidzawo kuti anovimba nevakazodzwa? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

13 Saka tingati here Jesu aireva kuti paizova nevakazodzwa vakawanda vaizotadza kuramba vakatendeka zvokuti vaizofanira kutsiviwa? Handizvo zvaaireva. Yeuka kuti Jesu ainge achangobva kunyevera ‘muranda wake akatendeka, akangwara’ kuti asapedzisira ava muranda akaipa. Akanga asingarevi kuti muranda akatendeka aizopedzisira ava muranda akaipa. Saizvozvowo, mufananidzo wemhandara gumi, une nyevero yakasimba. Mufananidzo uyu unotaura nezvemhandara shanu dzakangwara neshanu dzakapusa. Izvi hazvirevi kuti kwaizova nehafu yevakazodzwa vaizotadza kuramba vakatendeka, asi zvinongoreva kuti muKristu akazodzwa mumwe nemumwe anokwanisa kusarudza kuti ova akatendeka here kana kuti kwete. Muapostora Pauro akataura pfungwa yakafanana naiyoyo kune vamwe vaKristu vakazodzwa. (Verenga VaHebheru 6:4-9; enzanisa naDheuteronomio 30:19.) Ona kuti nyevero yaPauro yaiva yakasimba, asi pashure pokunge apa nyevero iyoyo akataura mashoko airatidza kuti aivimba nehama nehanzvadzi dzake dzechiKristu kuti dzaizowana “zvinhu zviri nani” zvaiva mberi. Saka nyevero iri mumufananidzo wemhandara gumi inoratidzawo kuti Jesu anovimba nevakazodzwa. Kristu anoziva kuti mushumiri wake mumwe nemumwe akazodzwa anogona kuramba akatendeka owana mubayiro wake wakazonaka chaizvo kumatenga!

“MAMWE MAKWAI” AKRISTU ANOBATSIRWA SEI?

14. Nei “mamwe makwai” achibatsirwawo nemufananidzo wemhandara gumi?

14 Sezvo Jesu akataura mufananidzo wemhandara gumi achifunga nezvevateveri vake vakazodzwa, tingati here mufananidzo wacho haunei ‘nemamwe makwai’? (Joh. 10:16) Aiwa! Yeuka kuti pfungwa inokosha iri mumufananidzo wacho ndeyokuti: “Rambai makarinda.” Mashoko iwayo anoshanda kune vakazodzwa chete here? Jesu akamboti: “Zvandinotaura kwamuri ndinozvitaurira vose, Rambai makarinda.” (Mako 13:37) Jesu anoda kuti vateveri vake vose vagadzirire mwoyo yavo kuti vashumire Mwari vakatendeka uye kuti varinde sezvinongofanirawo kuitwa nevakazodzwa. Saka vaKristu vose vanotevedzera muenzaniso wakanaka wevakazodzwa panyaya iyi vachiita kuti basa rokuparidza rive pokutanga muupenyu hwavo. Yeuka kuti mhandara dzakapusa dzakakumbira dziya dzakangwara kuti dzivapewo mamwe mafuta. Kunyimwa kwadzakaitwa kunotiyeuchidza kuti hapana munhu anogona kushumira Mwari nepedu. Zviri kumunhu mumwe nomumwe kusarudza kuramba akatendeka, ari muchokwadi uye akarinda. Mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuMutongi akarurama akagadzwa naJehovha. Tinofanira kugara takagadzirira. Mutongi iyeye ava pedyo kuuya!

Kukumbira mafuta kwakaitwa nemhandara dzakapusa kunotiyeuchidza kuti hapana munhu anogona kushumira Mwari nepedu

15. Nei vaKristu vose vachifarira muchato uchaitwa naKristu nemwenga wake?

15 VaKristu vose vanogonawo kubatsirwa nemuchato unotaurwa mumufananidzo waJesu. Uyewo, ndiani wedu asingafariri muchato iwoyo uchaitwa? Kana hondo yeAmagedhoni yapera, vaKristu vakazodzwa vachachata naKristu. (Zvak. 19:7-9) Panguva iyoyo, munhu wose anenge ari panyika achabatsirwa nemuchato iwoyo uchaitika kudenga, nokuti uchaita kuti pave nehurumende yakanaka ichatonga vanhu vose. Tingava tiine tariro yokurarama kudenga kana kuti pasi pano, ngatitsungei kushandisa chidzidzo chinokosha chatinowana mumufananidzo wemhandara gumi. Ngatigadzirirei mwoyo yedu, uye tive vakatsiga, tichiramba takasvinurira kuitira kuti tizonakidzwa noupenyu hwakanaka hwatakagadzirirwa naJehovha!

^ ndima 9 Mumufananidzo wacho pane nguva iripo kubva panoshevedzerwa kuti, “Heuno muroori!” (ndima 6) kusvika paanozonyatsosvika (ndima 10). Kubva pakatanga mazuva okupedzisira, vakazodzwa vari kuramba vakarinda uye vari kunzwisisa chiratidzo chokuvapo kwaJesu. Saka vanoziva kuti Jesu ari kutonga saMambo woUmambo hwaMwari. Kunyange zvakadaro, vanofanira kuramba vakamirira kusvikira auya kana kuti asvika.