Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Funga Kuti Unofanira Kuva Munhu Worudzii

Funga Kuti Unofanira Kuva Munhu Worudzii

“Imi munofanira kuva vanhu vorudzii pamabasa matsvene omufambiro nemabasa okuzvipira kuna Mwari!”—2 PET. 3:11.

1, 2. ‘Tinofanira kuva vanhu vorudzii’ kuti tifarirwe naMwari?

VANHU vakawanda vanoda kuziva kuti vamwe vanovaona sei. Asi sevaKristu, tinotofanira kunyanya kufunga nezvokuti Jehovha anotiona sei. Tinofanira kudaro nokuti ndiye mukuru kupfuura zvinhu zvose zviri kudenga nepanyika uye kwaari ndiko kune “tsime roupenyu.”—Pis. 36:9.

2 Achisimbisa zvatinofanira kuita kuti tionekwe zvakanaka naJehovha, muapostora Petro anotikurudzira kuti tiite “mabasa matsvene omufambiro nemabasa okuzvipira kuna Mwari.” (Verenga 2 Petro 3:11.) Kuti tifarirwe naMwari, ‘mabasa edu omufambiro’ anofanira kuva matsvene, kureva kuti tsika, zvatinofunga uye kunamata kwedu zvinofanira kuva zvakachena. Uyewo, tinofanira kuita “mabasa okuzvipira kuna Mwari” nokuti tinomuremekedza uye tinomuda chaizvo. Saka mufambiro wedu handiwo chete unoita kuti tifarirwe naMwari asiwo zvatiri nechomukati. Sezvo Jehovha ari “muongorori womwoyo,” anoziva kana mufambiro wedu uri mutsvene uye kana takazvipira kwaari zvakazara.—1 Mak. 29:17.

3. Mibvunzo ipi yatinofanira kufunga nezvayo ine chokuita noukama hwedu naMwari?

3 Satani Dhiyabhorosi haadi kuti tifarirwe naMwari. Anotoita zvose zvaanogona kuti akanganise ushamwari hwedu naJehovha. Satani anogara achitaura nhema uye achishandisa unyengeri kuti atitsause uye kuti tirege kushumira Mwari. (Joh. 8:44; 2 VaK. 11:13-15) Saka tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Satani anonyengera sei vanhu? Ndingaitei kuti ndirambe ndiine ukama naJehovha?’

SATANI ANONYENGERA SEI VANHU?

4. Kuti atiparadzanise naMwari, Satani anoedza kukanganisa chii, uye nei?

4 Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Mumwe  nomumwe anoedzwa nokutorwa mwoyo onyengerwa nokuchiva kwake. Ipapo kuchiva pakunenge kwakura, kunobereka chivi; chiviwo pachinenge chaitwa, chinokonzera rufu.” (Jak. 1:14, 15) Kuti atiparadzanise naMwari, Satani anoedza kukanganisa mwoyo wedu, panova ndipo panobva zvido zvedu.

5, 6. (a) Satani anoedza sei kukanganisa mwoyo wedu? (b) Misungo ipi inoshandiswa naSatani kuti aedze kukanganisa zvinodiwa nemwoyo wedu, uye ava neunyanzvi hwakadii pakuishandisa?

5 Satani anoedza sei kukanganisa mwoyo wedu? Bhaibheri rinoti: “Nyika yose iri musimba reakaipa.” (1 Joh. 5:19) Zvombo zvaSatani zvinosanganisira “zvinhu zviri munyika.” (Verenga 1 Johani 2:15, 16.) Kwezviuru zvemakore, Dhiyabhorosi akanyatsoronga zvinhu zviri munyika kuti azvishandise pakutsausa vanhu. Sezvo tiri munyika, tinofanira kungwarira misungo yake isinganyatsooneki.—Joh. 17:15.

6 Satani anoedza kuita kuti tide zvinhu zvakaipa mumwoyo medu. Muapostora Johani anotaura zvinhu zvitatu zvinoshandiswa naSatani pakutsausa vanhu: (1) “kuchiva kwenyama,” (2) “kuchiva kwemaziso,” uye (3) “kushamisira nezvinhu zvoupenyu zvomunhu.” Satani akashandisa zvinhu izvi kuti aedze Jesu murenje. Sezvo ava nemakore achishandisa misungo iyi, Satani ava kunyatsogona kuishandisa uye anogona kuichinja zvichienderana nokuti munhu ane mafungiro akaita sei. Tisati takurukura zvatingaita kuti tizvidzivirire panyaya iyi, ngationei kuti Dhiyabhorosi akabudirira sei kushandisa mimwe misungo pana Evha asi akakundikana kuishandisa paMwanakomana waMwari.

“KUCHIVA KWENYAMA”

Evha akakundwa no“kuchiva kwenyama” (Ona ndima 7)

7. Satani akashandisa sei “kuchiva kwenyama” kuti aedze Evha?

7 Munhu wose anoda zvokudya kuti arambe achirarama. Musiki wedu akagadzira nyika kuti ibereke zvokudya zvakawanda. Satani angaedza kushandisa chido chatinacho chokudya kuti atitsause pakuita kuda kwaMwari. Funga kuti akaita sei izvozvo kuna Evha. (Verenga Genesisi 3:1-6.) Satani akaudza Evha kuti aigona kudya muchero wo“muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa” asingazofi, akamuti aizofanana naMwari pazuva raaizoudya. (Gen. 2:9) Saka Dhiyabhorosi aireva kuti Evha aisafanira kuteerera Mwari kuti ararame. Idzi dzaiva nhema dzemakoko! Evha paakangoudzwa mashoko aya, aigona kuita zvinhu zviviri: Aigona kuaramba, kana kuti aigona kuramba achiafunga, owedzera kuda muchero wacho. Pasinei nokuti aigona kudya mimwe miti yose, Evha akaramba achifunga zvaakanga audzwa naSatani nezvemuti waiva pakati pemunda uye “akatanga kutora michero yawo achidya.” Saka Satani akaita kuti Evha achive zvinhu zvairambidzwa neMusiki wake.

Jesu haana kubvumira chero chii zvacho kumutadzisa kufunga zvinokosha (Ona ndima 8)

8. Satani akaedza sei kunyengedza Jesu achishandisa “kuchiva kwenyama,” uye nei asina kubudirira?

 8 Satani akashandisawo nzira iyoyo paakaedza Jesu murenje. Pashure pokunge Jesu atsanya kwemazuva 40 neusiku 40, Satani akaedza kushandisa chido chaiva naJesu chokudya. Satani akati: “Kana uri mwanakomana waMwari, udza dombo iri kuti rive chingwa.” (Ruka 4:1-3) Pane zvinhu zviviri zvaigona kuitwa naJesu: Aigona kushandisa simba rake rokuita zvishamiso kuti apedze nzara, kana kuti aigona kusarishandisa. Jesu aiziva kuti aisafanira kushandisa simba iroro kuti aite zvakamunakira iye chete. Kunyange zvazvo ainzwa nzara, zvokudya zvaisanyanya kukosha kupfuura ukama hwake naJehovha. Jesu akapindura kuti, “Zvakanyorwa kuti, ‘Munhu haangararami nechingwa chete, asi nemashoko ose anobuda mumuromo maJehovha.’”—Mat. 4:4; Ruka 4:4.

“KUCHIVA KWEMAZISO”

9. Mashoko okuti “kuchiva kwemaziso” anoratidzei uye Satani akakushandisa sei kuna Evha?

9 Mumwe musungo waSatani wakataurwa naJohani ndewe“kuchiva kwemaziso.” Mashoko acho anoratidza kuti munhu anogona kutanga kuda chimwe chinhu nekungochitarisa chete. Satani akashandisa chido ichi kunyengedza Evha paakati: “Maziso enyu achasvinudzwa.” Evha paakaramba akatarira muchero wainge warambidzwa, akabva atorwa mwoyo. Evha akaona kuti “muti wacho waifadza kutarira.”

10. Satani akashandisa sei “kuchiva kwemaziso” kuedza Jesu uye Jesu akaita sei?

10 Musungo uyu wakashandiswawo sei pana Jesu? Satani “akamuratidza [Jesu] umambo hwose hwenyika inogarwa; uye Dhiyabhorosi akati kwaari: ‘Ndichakupa simba pane hwose uhwu nokubwinya kwahwo.’” (Ruka 4:5, 6) Jesu aisakwanisa kuona umambo hwose hwenyika munguva pfupi pfupi, asi Satani anofanira kunge akafunga kuti kubwinya kwoumambo uhwu kwaakamuratidza kwaizoita kuti Jesu atorwe mwoyo. Asingambonyari, Satani akati: “Kana ukangondinamata kamwe chete, zvose zvichava zvako.” (Ruka 4:7) Jesu aisatomboda kuita zvaidiwa naSatani. Akamupindura ipapo ipapo. Akati: “Zvakanyorwa kuti, ‘Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.’”—Ruka 4:8.

“KUSHAMISIRA NEZVINHU ZVOUPENYU ZVOMUNHU”

11. Evha akanyengerwa sei naSatani?

11 Johani paaitaura nezvezvinhu zviri munyika, akataura nezve“kushamisira nezvinhu zvoupenyu zvomunhu.” Ichokwadi kuti Adhamu naEvha pavaiva panyika  vari vaviri chete, zvaisaita kuti ‘vashamisire nezvinhu zvoupenyu hwavo.’ Asi vakaratidza kuti vaidada. Satani paaiedza Evha, akaita kuti afunge kuti Mwari aimunyima chimwe chinhu chakanaka chaizvo. Dhiyabhorosi akamuudza kuti zuva raaizodya “muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa” ‘aizofanana naMwari, achiziva zvakanaka nezvakaipa.’ (Gen. 2:17; 3:5) Saka Satani aiti Evha aigona kuzorarama asingaudzwi zvokuita naJehovha. Kudada kunofanira kunge kuriko kwakaita kuti abvume nhema idzi. Akadya muchero wainge warambidzwa achifunga kuti aisazofa. Ainge akarasika chaizvo!

12. Ndeipi imwe nzira yakashandiswa naSatani kuedza kunyengedza Jesu, uye Jesu akapindura sei?

12 Jesu ainge akasiyana naEvha pakuti akaratidza muenzaniso wakanaka chaizvo wokuzvininipisa. Satani akaedza kumunyengedza neimwe nzira asi Jesu akaramba kunyange pfungwa yokuita chinhu chaishamisa vanhu asi chichiedza Mwari. Kudai aizozviita, kwaizova kudada chaiko! Asi Jesu akapindura zvakajeka uye asingapotereri achiti: “Zvinonzi, ‘Usaedza Jehovha Mwari wako.’”—Verenga Ruka 4:9-12.

TINGAITEI KUTI TIRAMBE TIINE UKAMA NAJEHOVHA?

13, 14. Tsanangura kuti mazuva ano Satani anoshandisa sei mimwe misungo.

13 Mazuva ano, Satani anoedza kutsausa vanhu achishandisa nzira dzaakashandisa kuna Evha naJesu. Dhiyabhorosi anoshandisa “kuchiva kwenyama” kuti vanhu vaite unzenza uye vanyanyodyisa nokunwisa. Achishandisa zvinonyadzisira kunyanya zvinobudiswa paIndaneti, anogona kubata munhu anenge akarivara omuedza “nokuchiva kwemaziso.” Uye vaya vanodada uye vanoda ‘kushamisira nezvinhu zvavanazvo zvoupenyu’ vanopinda mumuedzo wokunyanya kuda pfuma, simba uye mukurumbira.

Mazano api emuMagwaro aunofanira kufunga nezvawo kana uri mumamiriro ezvinhu akadai? (Ona ndima 13, 14)

14 “Zvinhu zviri munyika” zvakafanana nezvinhu zvinoiswa pachirauro nemubati wehove. Zvinokwezva asi hove inenge isingazivi kuti mukati mune chirauro. Satani anoshandisa zvinhu zvoupenyu zvinokosheswa nevanhu kuti vade kuita zvinopesana nemitemo yaMwari. Anoshandisa miedzo iyoyo isiri pachena kuti akanganise zvido zvedu uye ashatise mwoyo wedu. Anoda kuti tidavire kuti kutsvaka zvokurarama nazvo uye kuva nezvinhu zvakanaka  kunonyanya kukosha kupfuura kuita kuda kwaMwari. Tichabatwawo here nemisungo iyi?

15. Tingatevedzera sei Jesu kuti tikunde miedzo yaSatani?

15 Kunyange zvazvo Evha akakundwa nemiedzo yaSatani, Jesu akaikunda. Pose paaiedzwa aipindura achishandisa Magwaro achiti: “Zvakanyorwa kuti” kana kuti, “Zvinonzi.” Kana tikashingaira kudzidza Bhaibheri, tichanyatsoziva Magwaro uye tichakwanisa kuyeuka ndima dzinogona kutibatsira kuti tirambe tichifunga zvakanaka patinenge tasangana nemuedzo. (Pis. 1:1, 2) Kuyeuka mienzaniso yevanhu vanotaurwa muMagwaro vainge vakavimbika kuna Mwari kuchatibatsira kuti tivatevedzere. (VaR. 15:4) Kunyatsoremekedza Jehovha, kuda zvaanoda uye kuvenga zvaanovenga kuchatidzivirira.—Pis. 97:10.

16, 17. ‘Simba redu rokufunga’ rinogona kuita kuti tive vanhu vakaita sei?

16 Muapostora Pauro akatikurudzira kuti tishandise ‘simba redu rokufunga’ kuti tive vanhu vanoumbwa nemafungiro aMwari kwete enyika. (VaR. 12:1, 2) Pauro akaratidza kuti tinofanira kuramba tichidzora pfungwa dzedu paakati: “Tinoputsa kufunga nechinhu chose chakakwirira chinomutsirwa kupesana nokuziva Mwari; uye tinotapa kufunga kwose kuti tikuite kuti kuteerere Kristu.” (2 VaK. 10:5) Zvatinofunga zvinogona kutikanganisa chaizvo, saka tinofanira ‘kuramba tichifunga’ zvinhu zvinovaka.—VaF. 4:8.

17 Hatingatarisiri kuva vatsvene kana pfungwa uye zvido zvedu zvisina kunaka. Tinofanira kuda Jehovha ne“mwoyo wakachena.” (1 Tim. 1:5) Asi mwoyo unonyengera uye tingasaziva kuti “zvinhu zviri munyika” zviri kutikanganisa zvakadini. (Jer. 17:9) Saka tinofanira ‘kuramba tichizviedza kuti tione kana tiri mukutenda, uye kuramba tichizviedza kuti tione kuti takadini’ nokunyatsozviongorora tichishandisa zvatinenge tadzidza muBhaibheri.—2 VaK. 13:5.

18, 19. Nei tichifanira kutsunga kuva munhu anodiwa naJehovha?

18 Chimwe chinhu chinotibatsira kuti tisatsauswa ne“zvinhu zviri munyika” kugara tichiyeuka mashoko akafemerwa aJohani okuti: “Nyika iri kupfuura pamwe chete nokuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.” (1 Joh. 2:17) Nyika yaSatani inoita seicharamba iripo. Asi rimwe zuva ichaguma. Hapana chinhu chiri munyika yaSatani chichagara narini. Kuyeuka izvozvo kuchatibatsira kuti tisanyengerwa nemazano aDhiyabhorosi.

19 Muapostora Petro anotikurudzira kuti tive vanhu vanofarirwa naMwari ‘sezvatinomirira uye tichiramba tichinyatsofunga nezvokuvapo kwezuva raJehovha, iro naro matenga paanenge achitsva achanyungudutswa uye zvinhu pazvinenge zvichipisa kwazvo zvichanyunguduka!’ (2 Pet. 3:12) Pasina nguva, zuva iroro richasvika uye Jehovha achaparadza zvikamu zvose zvenyika yaSatani. Kusvikira panguva iyoyo, Satani acharamba achishandisa “zvinhu zviri munyika” kutiedza sezvaakaita kuna Evha naJesu. Hatifaniri kuita saEvha tichiedza kugutsa zvido zvedu. Kana tikadaro tinenge tatobvuma kuti Satani ndiye mwari wedu. Tinofanira kuita saJesu torega kubatwa nemisungo yakadaro pasinei nokuti inoita seyakanaka uye inokwezva zvakadini. Dai mumwe nomumwe wedu akatsunga kuva munhu anodiwa naJehovha.