Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ita Zvose Zvaunogona Kuti Imba Yenyu Isaparare

Ita Zvose Zvaunogona Kuti Imba Yenyu Isaparare

Ita Zvose Zvaunogona Kuti Imba Yenyu Isaparare

“Vanhu vakaroora kana kuroorwa ndinovapa mirayiridzo, kwete ini asi Ishe.”—1 VAK. 7:10.

UNGATSANANGURA HERE?

Mwari anosunga pajoko vaya vakaroorana pakuti kudini?

Vakuru vangabatsira sei vaKristu vane matambudziko mumba?

Tinofanira kuona sei wanano?

1. VaKristu vanoona sei wanano, uye nei vachidaro?

VAKRISTU pavanoroorana, vanopika pamberi paMwari uye izvozvo hazvifaniri kurerutswa. (Mup. 5:4-6) Jehovha ‘akasunga pamwe chete pajoko’ vaya vakaroorana pakuti ndiye akatanga urongwa hwewanano. (Mako 10:9) Mwari anoona vanhu ivavo sevari pajoko pasinei nemitemo yakashandiswa pavakachata. Vashumiri vaJehovha vanofanira kuona wanano seurongwa husingachinjiki pasinei nokuti pavakachata vaiva vanamati here kana kuti kwete.

2. Munyaya ino tichakurukura mibvunzo ipi?

2 Kana zvinhu zvichifamba zvakanaka mumba, izvozvo zvinogona kuita kuti muve nomufaro mukuru. Asi mungaitei kana mava kunetsana? Pane zvingaitwa here kuti imba yenyu isimbezve? Vaya vanenge vasisawirirane mumba vangawana kupi rubatsiro?

UCHAFARA HERE KANA KUTI UCHARWADZIWA?

3, 4. Chii chingaitika kana munhu akasachenjera pakusarudza wokuroorana naye?

3 Kana zvinhu zvichifamba zvakanaka mumba momuKristu, izvozvo zvinofadza uye zvinoita kuti Jehovha akudzwe. Asi kana zvikasadaro, muKristu wacho acharwadziwa chaizvo. MuKristu ari kufunga kuva nemba anogona kuitanga zvakanaka kana akabvuma kutungamirirwa naMwari. Asi kana akasachenjera pakusarudza wokuroorana naye, anogona kugara asingafari uye akasuruvara. Somuenzaniso, vamwe vechiduku vanotanga kupfimbana vasati vagadzirira kuva nemba. Vamwe vanowana wokuroorana naye paIndaneti vomhanyira kuva nemba asi vasingazofari. Vamwe vanoita chivi chakakura vasati vachata vozongoroorana, asi vangatanga imba vasisanyatsoremekedzani.

4 Vamwe vaKristu havaroori “munaShe chete” uye vanotambura nokuti mumwe wavo anenge asiri mushumiri waJehovha. (1 VaK. 7:39) Kana uri mumwe wavo, nyengetera kuti Mwari akukanganwire uye akubatsire. Mwari haabvisiri munhu matambudziko ezvivi zvaakaita, asi anobatsira vanenge vapfidza kuti vatsungirire miedzo. (Pis. 130:1-4) Saka ita zvose zvaunogona kuti urambe uchimufadza uye ‘mufaro waJehovha uchava nhare yako.’—Neh. 8:10.

KANA IMBA YAVA KUDA KUPARARA

5. Mafungiro api anofanira kudziviswa kana mumba musina mufaro?

5 Vaya vane matambudziko mumba mavo vangati: ‘Pane zvazvinobatsira here kuedza kuchengetedza imba yangu isu tisiri kufara? Dai zvangu ndaigona kuchinja zvinhu ndoroorana nemumwe!’ Vangafunga zvokusiya mumwe wavo. Vangati, ‘Ndinoda kusununguka zvakare! Ko tikangorambana? Kunyange ndikasawana chikonzero chepaMagwaro chokuti tirambane, ko tikangosiyana ndotanga kufara zvakare?’ Pane kufunga kudaro uye kufungidzira zvingadai zvakaita upenyu, vaKristu vanofanira kushanda nezviripo vachitungamirirwa naMwari.

6. Tsanangura zvakataurwa naJesu pana Mateu 19:9.

6 Kana muKristu akagura muchato, angava kana kuti angasava nerusununguko rwokutangazve imwe imba zvinoenderana neMagwaro. Jesu akati: “Munhu wose anoramba mudzimai wake, kunze kwokunge aita ufeve, akaroora mumwe, iye anoita upombwe.” (Mat. 19:9) Pano, “ufeve” hunosanganisira upombwe uye zvimwe zvivi zvepabonde. Zvinokosha kuti munhu afungisise uye anyengetere asati afunga zvokuramba mumwe wake kana pasina aita upombwe.

7. Kana imba yevaKristu ikaparara, vamwe vangafungei?

7 Kuparara kwemba kunogona kumutsa mibvunzo nezvekunamata kwemunhu. Muapostora Pauro akabvunza mubvunzo uyu unokosha: “Chokwadi kana murume chero upi zvake asingagoni kutungamirira imba yake, achatarisira sei ungano yaMwari?” (1 Tim. 3:5) Kana murume nomudzimai vachizviti vaKristu asi imba yavo yoparara, vamwe vangafunga kuti vanhu ivavo havaiti sezvavanoparidza.—VaR. 2:21-24.

8. Kana Zvapupu zviviri zvikasarudza kusiyana, chii chinenge chisina kumira zvakanaka?

8 Kana Zvapupu zviviri zvichironga kusiyana kana kuti kurambana zvisingaenderani neMagwaro, chokwadi pane chisina kumira zvakanaka pakunamata kwavo. Zviri pachena kuti mumwe wavo kana kuti vose vanenge vasingashandisi zvinotaurwa neMagwaro. Kana ‘vachinyatsovimba naJehovha nomwoyo wose,’ hapangambovi nechikonzero chokufunga kuti havakwanisi kuita kuti imba yavo isaparara.—Verenga Zvirevo 3:5, 6.

9. Vamwe vaKristu vakakomborerwa sei nokushingirira kwavakaita kuramba vaine mumwe wavo?

9 Dzimba dzakawanda dzaiita sokuti dzava kuparara dzakatozoita zvakanaka chaizvo. VaKristu vasingakurumidzi kukanda mapfumo pasi kana zvinhu zvaoma mumba vanowanzowana mubayiro. Funga zvinogona kuitika muimba ine mumwe asiri Chapupu. Muapostora Petro akanyora kuti: “Imi madzimai, zviisei pasi pevarume venyu, kuti kana paine vasingateereri shoko, muvawane nomufambiro wenyu pasina shoko rinotaurwa, nokuva kwavo zvapupu zvakaona mufambiro wenyu wakachena pamwe chete noruremekedzo rukuru.” (1 Pet. 3:1, 2) Asingatendi wacho anogona kubvuma chokwadi, nemhaka yemufambiro wakanaka wemumwe wake. Imba inenge yasimbiswa zvakadaro inokudza Mwari uye inogona kuunzira makomborero murume, mudzimai, uye chero vana vangavapo.

10, 11. Matambudziko api anogona kungomuka mumba, asi muKristu angava nechokwadi chei?

10 VaKristu vakawanda vakasarudza kuroorana nemumwe muKristu vachiitira kufadza Jehovha. Kunyange zvakadaro, zvimwe zvinhu zvamanga musingatarisiri zvinogona kuitika. Somuenzaniso, wawakaroorana naye anogona kutanga kunetseka mupfungwa. Kana kuti anogona kutanga kuneta pakunamata. Somuenzaniso: Linda, * imwe hanzvadzi inoshingaira ine vana, yakashaya kuti yoita sei murume wayo paakatanga kuita zvinopesana neMagwaro akapedzisira adzingwa. MuKristu anofanira kuita sei kana imba yake yasvika pakadaro?

11 Ungabvunza kuti, ‘Ndinofanira kuramba ndichiedza kuita kuti imba yangu isaparare kunyange zvodini here?’ Hapana anogona uye anofanira kukusarudzira. Asi pane zvikonzero zvine musoro zvokuti munhu ashingirire kana imba yava kuparara. Mwari anokoshesa chaizvo muKristu anotsungirira miedzo yemumba nemhaka yehana yake. (Verenga 1 Petro 2:19, 20.) Jehovha anoshandisa Shoko rake uye mudzimu mutsvene kubatsira muKristu anoedza nemwoyo wose kusimbisa imba yake.

VAKAGADZIRIRA KUBATSIRA

12. Vakuru vachationa sei kana tikakumbira kuti vatibatsire?

12 Kana mumba menyu muine matambudziko, musazeza kukumbira kubatsirwa nevaKristu vakasimba pakunamata. Vakuru vanoshanda sevafudzi vemakwai uye vachafara kukubatsirai vachishandisa mazano ari muMagwaro akafemerwa. (Mab. 20:28; Jak. 5:14, 15) Musafunga kuti vakuru havazokuremekedzei kana mukavakumbira kuti vakubatsirei uye mukavaudza dambudziko rakakura ramuinaro mumba menyu. Vachatowedzera kukuremekedzai uye kukudai pavanoona kuti munonyatsoda kufadza Jehovha.

13. Izano ripi ratinowana pana 1 VaKorinde 7:10-16?

13 Vakuru pavanokumbirwa rubatsiro nevaKristu vane mumwe wavo asiri mutendi, vanoshandisa zano rakadai serakataurwa naPauro, paakanyora kuti: “Vanhu vakaroora kana kuroorwa ndinovapa mirayiridzo, kwete ini asi Ishe, kuti mudzimai haafaniri kubva kumurume wake; asi chokwadi kana akabva, ngaarambe asina kuroorwa kana kuti zvimwe ngaadzokerane nomurume wake; uye murume haafaniri kusiya mudzimai wake. . . . Nokuti, iwe mudzimai, unoziva sei kuti hauzoponesi murume wako? Kana kuti, iwe murume, unoziva sei kuti hauzoponesi mudzimai wako?” (1 VaK. 7:10-16) Chikomborero chaicho kana asingatendi akava munamati wechokwadi!

14, 15. MuKristu angafunga zvokusiya mumwe wake kana zvaita sei, asi nei achifanira kunyatsofunga uye kunyengetera nezvazvo?

14 Mudzimai wechiKristu ‘angabva kumurume wake’ zvaita sei? Vamwe vakasarudza kusiya mumwe wavo nokuti airamba kuvariritira. Vamwe vakaita izvozvo nemhaka yokugara vachirikitwa kana kutadziswa kunamata zvachose.

15 Munhu ega ega ndiye anofanira kuzvisarudzira kubva kana kugara. Zvisinei, anenge akabhabhatidzwa wacho anofanira kunyatsofunga uye kunyengetera nezvenyaya yacho. Somuenzaniso, muKristu wacho ari kunyatsotadziswa kunamata nemumwe wake here, kana kuti naiyewo haasi kudzidza Bhaibheri, ari kurovha misangano, uye haasi kubuda muushumiri?

16. Nei vaKristu vasingafaniri kumhanyira kudimbura muchato?

16 Kukoshesa kwatinoita ukama hwedu naMwari uye kutenda kwatinoita chipo chake chewanano zvinofanira kuita kuti tisamhanyira kurambana. Sevashumiri vaJehovha, tinoda chaizvo kuti zita rake dzvene ritsveneswe. Saka hatitombofaniri kuronga kusiya mumwe wedu uku tichifunga zvokunotanga imwe imba.—Jer. 17:9; Mar. 2:13-16.

17. Ndepapi pazvinganzi Mwari akadanira rugare vaKristu vane dzimba?

17 MuKristu ane murume kana mudzimai asingatendi anofanira kuedza nemwoyo wose kuchengeta imba yavo yakasimba. Kunyange zvakadaro, muKristu haafaniri kunzwa aine mhosva, kana mumwe wake asingatendi akasarudza kumusiya, pasinei nokuti iye anenge aedza nemwoyo wose kuita kuti imba yavo isaparara. Pauro akanyora kuti: “Asi kana asingatendi akabva, ngaabve hake; hama kana hanzvadzi haisi muuranda mumamiriro ezvinhu akadaro, asi Mwari akakudanirai rugare.”—1 VaK. 7:15. *

VIMBA NAJEHOVHA

18. Kana dai zvikazoramba, ndezvipi zvakanaka zvinogona kuitika kana tikaedza kuita kuti imba isaparara?

18 Paunenge uchigadzirisa matambudziko emumba, vimba naJehovha uye mukumbire ushingi. (Verenga Pisarema 27:14.) Funga nezvaLinda ambotaurwa. Vakazodimbura muchato kunyange zvazvo ainge aedza kuita kuti zvisadaro kwemakore akawanda. Anofunga kuti akatambisa nguva yake here? Anoti: “Kana! Zvandaiedza kuita zvakapa uchapupu hwakanaka kune vaiona. Handinzwi ndine mhosva. Uye chikuru ndechokuti makore iwayo akabatsira mwanasikana wedu kuramba akasimba muchokwadi. Akava Chapupu chinoshingaira, chakazvitsaurira kuna Jehovha.”

19. Chii chingaitika kana munhu akaedza kuita kuti imba yake isaparara?

19 Mumwe muKristu anonzi Marilyn anofara chaizvo kuti akavimba naMwari uye akaedza kuita kuti imba yake isaparara. Anoti: “Ndakambova nekapfungwa kekusiya murume wangu nokuti aisandiriritira uye ainditadzisa kunamata. Murume wangu aimbova mukuru asati atanga kuita zvebhizimisi risina musoro. Akatanga kurovha misangano, uye takarega kukurukurirana. Magandanga paakabhomba muguta rataigara, ndakatya zvikuru zvokuti ndainge ndisisadi zvokuwadzana nevamwe. Ndakabva ndaona kuti neniwo ndaiva nemhosva. Takatangazve kukurukurirana, kudzidza semhuri, uye kupinda misangano nguva dzose. Vakuru vakatibatsira chaizvo uye vaiva nemutsa. Imba yedu yakasimbazve. Nokufamba kwenguva, murume wangu akazowanazve dzimwe ropafadzo muungano. Takawana chidzidzo chairwadza asi mugumisiro wacho waifadza.”

20, 21. Panyaya yewanano, tinofanira kutsunga kuitei?

20 Tose zvedu ngativei noushingi uye ngativimbei naJehovha pasinei nokuti tine dzimba kana kuti hatina. Kana tiine matambudziko mumba, tinofanira kuedza kuagadzirisa nemwoyo wose, tichiyeuka kuti vaya vari muwanano “havasisirizve vaviri, asi nyama imwe.” (Mat. 19:6) Uye ngatiyeukei kuti kana tikashingirira pasinei nematambudziko ari mumba ine mumwe asiri Chapupu, tingazofara kuona munhu iyeye achitanga kunamata Mwari pamwe nesu.

21 Pasinei nokuti zvinhu zvakatimirira sei, ngatitsidzei mumwoyo kuita zvinhu nokuchenjera kuti tipe uchapupu hwakanaka kune vaya vanoona vasiri muungano. Kana imba yedu yava kuda kuparara, tinofanira kuongorora vavariro dzedu, tonyatsofungisisa zvinotaura Magwaro, uye totsvaka kubatsirwa nevakuru. Chinonyanya kukosha ndechokuti titsunge kufadza Jehovha Mwari pazvinhu zvose, toratidza kuti tinonyatsokoshesa chipo chake chakazonaka chewanano.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Mazita akachinjwa.

^ ndima 17 Ona “Rambai Muri Murudo rwaMwari,” mapeji 219-221; Nharireyomurindi yaNovember 1, 1988, mapeji 26-27; uye yeChirungu yaSeptember 15, 1975, peji 575.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 10]

VaKristu vasingakurumidzi kukanda mapfumo pasi kana zvinhu zvaoma mumba vanowanzowana mubayiro

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]

Vimba naJehovha uye mukumbire ushingi

[Mufananidzo uri papeji 9]

Jehovha anokomborera vaKristu vanoedza kusimbisa imba yavo pavanenge vachinetsana

[Mufananidzo uri papeji 11]

Ungano yechiKristu inogona kukunyaradza uye kukubatsira pakunamata