Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Kusarudzwa kwevaKristu vanoenda kudenga kunoguma rini?

Bhaibheri haripinduri mubvunzo iwoyo zvinonyatsoti dyo. Tinoziva kuti kuzodzwa kwevadzidzi vaJesu kuti vaende kudenga kwakatanga muna 33 C.E. (Mabasa 2:1-4) Tinozivawo kuti pakafa vaapostora, vaKristu chaivo “gorosi” vakasvika ‘pakukura pamwe chete’ nevaKristu vokunyepedzera, “masora.” (Mateu 13:24-30) Zvadaro, vaKristu vakazodzwa vakatangazve kuita basa zvainyatsooneka nechokunopera kwema1800. Muna 1919 “zvinokohwewa zvepanyika” zvakatanga kuunganidzwa, kusanganisira kuunganidzwa kwevakazodzwa vokupedzisira.—Zvakazarurwa 14:15, 16.

Kubva mukupera kwema1800 kusvika muna 1931, chinangwa chikuru chebasa rokuparidza chaiva chokuunganidza vakasara veboka raKristu. Muna 1931 Vadzidzi veBhaibheri vakatanga kudaidzwa nezita romuBhaibheri rokuti Zvapupu zvaJehovha, uye muNharireyomurindi yeChirungu yaNovember 15, 1933, makatsanangurwa kuti zita iri rinokosha ndiro “dhinari” rakataurwa naJesu mumufananidzo wakanyorwa pana Mateu 20:1-16. Maawa 12 anotaurwa mumuenzaniso iwoyo akanzi aienderana nemakore 12 anotangira muna 1919 kusvika muna 1931. Kwemakore akawanda pashure pa1933, zvainzi kusarudzwa kwevanoenda kuUmambo hwokudenga kwakanga kwapera muna 1931 uye kuti vakasarudzwa muna 1930 na1931 kuti vanotonga pamwe chete naKristu ndivo vaiva ‘vokupedzisira.’ (Mateu 20:6-8) Zvisinei, muna 1966 kunzwisiswa kwaiitwa mufananidzo iwoyo kwakagadziridzwa, uye zvakava pachena kuti muenzaniso iwoyo wakanga usinei nokuguma kwokusarudzwa kwevakazodzwa.

Muna 1935 zvakanzwisiswa kuti “boka guru revanhu” riri pana Zvakazarurwa 7:9-15 rinoumbwa ne“mamwe makwai,” vaKristu vane tariro yepasi pano, vaizova panyika “mumazuva okupedzisira” uye vaizopona paAmagedhoni seboka. (Johani 10:16; 2 Timoti 3:1; Zvakazarurwa 21:3, 4) Pashure pegore iroro chinangwa chebasa rokuparidza chakava chokuunganidza boka guru. Saka kunyanya pashure pegore ra1966 zvainzi kusarudzwa kwevanhu vanoenda kudenga kwakaguma muna 1935. Izvi zvaiita sezvechokwadi sezvo vanhu vose vakabhabhatidzwa 1935 adarika vaidavira kuti vaiva netariro yokurarama pasi pano. Saka vose vaizova netariro yokudenga vainzi vari kutsiva vaKristu vakazodzwa vanenge vasina kutendeka.

Hapana mubvunzo kuti kana mumwe wevakazodzwa akasapfidza ndokusiya chokwadi, Jehovha anosarudza mumwe munhu kuti atsive nzvimbo yake. (VaRoma 11:17-22) Zvisinei, vakazodzwa chaivo vasina kutendeka vangasava vakawanda. Asiwo nokufamba kwenguva, vamwe vaKristu vakabhabhatidzwa 1935 adarika vakapupurirwa nomudzimu kuti vane tariro yokudenga. (VaRoma 8:16, 17) Saka zvinoita sokuti hatigoni kutaura musi unoguma kusarudzwa kwevaKristu vanoenda kudenga.

Tinofanira kuona sei munhu anenge asarudza mumwoyo make kuti iye zvino azodzwa uye ava kutanga kudya zviratidzo paChirangaridzo? Haafaniri kutongwa. Inyaya yake naJehovha. (VaRoma 14:12) Zvisinei, vaKristu chaivo vakazodzwa havakumbiri kuremekedzwa. Havadaviri kuti kuva kwavo vakazodzwa kunoita kuti vave ne“nzwisiso” iri nani kupfuura ingava nevamwe veboka guru vane ruzivo. Havadaviri kuti vane mudzimu mutsvene wakawanda kupfuura vamwe vavo vemamwe makwai; uyewo havatarisiri kuti vamwe vavashandire kana kufunga kuti kudya kwavo zviratidzo kunovaisa pamusoro pevakuru vakagadzwa muungano. Vanoyeuka nokuzvininipisa kuti vamwe varume vomuzana remakore rokutanga havana kukwanisa kushanda sevakuru kana vashumiri vanoshumira. (1 Timoti 3:1-10, 12, 13; Tito 1:5-9; Jakobho 3:1) Vamwe vaKristu vakazodzwa vaive vakaneta mukunamata. (1 VaTesaronika 5:14) Uye kunyange zvazvo hanzvadzi dzakanga dzakazodzwa, hadzina kudzidzisa muungano.—1 Timoti 2:11, 12.

Saka vaKristu vakazodzwa pamwe chete nevamwe vavo vemamwe makwai vanoshanda nesimba kuti varambe vakasimba mukunamata, vachishandira kuti vave nezvibereko zvomudzimu uye vachishandira kuti muungano muve norugare. VaKristu vose, vangave vakazodzwa kana kuti veboka guru, vanoshanda nesimba kuparidza mashoko akanaka nokuita vadzidzi vachitungamirirwa neDare Rinodzora. VaKristu vakazodzwa vanogutsikana nokuita izvi chero bedzi Mwari achida kuti varambe vari pasi pano sevashumiri vaJehovha.