Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutsvaka Kwatakaita Pfuma Kwakaita Kuti Tiwane Pfuma Isingaperi

Kutsvaka Kwatakaita Pfuma Kwakaita Kuti Tiwane Pfuma Isingaperi

Nyaya Youpenyu

Kutsvaka Kwatakaita Pfuma Kwakaita Kuti Tiwane Pfuma Isingaperi

Yakataurwa naDorothea Smith naDora Ward

Ipfuma yorudzii yataitsvaka? Taiva vasikana vaduku vaviri vaiva nechido chikuru chokuzadzikisawo murayiro waJesu wokuti: “Endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.” (Mateu 28:19) Regai titsanangure kuti kutsvaka uku kwakaguma sei nokuwana pfuma isingaperi.

DOROTHEA: Ndakaberekwa muna 1915, Hondo Yenyika I ichangogundika, uye ndini ndaiva gotwe mumhuri yedu. Taigara pedyo neguta reHowell, kuMichigan, muUnited States. Baba vangu vakanga vasina chitendero chavaipinda, asi amai vaiva mukadzi aitya Mwari. Vakaedza kutidzidzisa kuti titevere Mirayiro Gumi, asi zvaivanetsa kuti ini nehanzvadzi yangu Willis, nomukoma wangu Viola, takanga tisina chechi yataipinda.

Pandaiva nemakore 12, Amai vakasarudza kuti ndibhabhatidzwe muChechi yePresbyterian. Ndinonyatsoyeuka musi wandakabhabhatidzwa. Vacheche vaviri, vakanga vakabatwa navanaamai vavo, vakabhabhatidzwa panguva imwe chete neni. Ndakanyara chaizvo kuti ndakanga ndabhabhatidzwa panguva imwe chete nevacheche. Mufundisi wacho akasasa madonhwe mashoma emvura pamusoro wangu uye akataura zvandisina kunzwisisa. Chokwadi ndaingovawo murima panyaya yokubhabhatidzwa kungofanana nevacheche ivavo vaviri!

Rimwe zuva muna 1932, imwe motokari yakasvika pamba pedu, uye amai vakavhura suo. Paiva nemajaya maviri aigovera mabhuku echitendero. Mumwe wavo akati ainzi Albert Schroeder. Akaratidza Amai mabhuku akabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Vakatora mabhuku acho. Mabhuku iwayo akavabatsira kuti vabvume chokwadi chiri muShoko raMwari.

Kutanga Kutsvaka Pfuma

Ndakazotamira kuDetroit kuti ndinogara nomukoma wangu. Ndavako ndakasangana nomumwe mukadzi ainge akwegura aishanyira mukoma wangu achimudzidzisa Bhaibheri. Zvataikurukura zvaindiyeuchidza imwe purogiramu yaibuda paredhiyo vhiki nevhiki yandaiteerera pandakanga ndichiri kumba naamai vangu. Purogiramu yacho yaiva nehurukuro yemaminitsi 15 yeBhaibheri yaikurukurwa naJ. F. Rutherford, aitungamirira Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Muna 1937 takatanga kupinda neungano yokutanga yeZvapupu zvaJehovha muDetroit. Gore rakatevera racho ndakabhabhatidzwa.

Mukutanga kwema1940, zvakaziviswa kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvava kuvhura chikoro chinonzi Giriyedhi chokudzidzisa mamishinari muSouth Lansing, New York. Pandakaziva kuti vamwe vakanga vapinda chikoro ichi vaizokumbirwa kuti vanoshandira kune dzimwe nyika, ndakazviudza kuti, ‘Ndizvo zvangu chaizvo!’ Chinangwa changu chakanga chava chokuenda kuGiriyedhi. Yaizova ropafadzo kutsvaka “pfuma” mune dzimwe nyika, kureva vanhu vanoda kuva vadzidzi vaKristu Jesu!—Hagai 2:6, 7.

Kukwanisa Kuita Chinangwa Changu Zvishoma Nezvishoma

Muna April 1942, ndakasiya basa ndokuva piyona kana kuti muevhangeri wenguva yakazara kuFindlay, Ohio, ndichishanda pamwe chete neboka rehanzvadzi shanu dzaiva dzakasimba pakunamata. Kwakanga kusina ungano yaiva nepurogiramu yokuita misangano nguva dzose, asi taikurudzirana nokuverenga tiri boka nyaya dzaibva mumabhuku edu echiKristu. Mumwedzi wandakatanga kupayona, ndakagovera mabhuku 95 kuvanhu vanofarira! Papera rainge gore nehafu, ndakazonzi ndiende kunoshanda sapiyona chaiye kuChambersburg, kuPennsylvania. Ikoko ndakabatana neboka remapiyona mashanu, kusanganisira Dora Ward, imwe hanzvadzi yechiKristu yaibva kuIowa. Ini naDora takapayona tose. Takanga tabhabhatidzwa gore rimwe chete, uye tose taida kuenda kuChikoro cheGiriyedhi nokunoshumira kune dzimwe nyika tiri mamishinari.

Gore ra1944 richangotanga, zuva ratakanga takamirira rakasvika! Tose takatambira tsamba dzaitikoka kuti tipinde kirasi yechina yeGiriyedhi. Takapinda mumwedzi waAugust gore iroro. Asi ndisati ndaenderera mberi, regai Dora akuudzei kuti akaguma sei ava mumwe wangu wandakashanda naye kwenguva refu mukutsvaka pfuma.

Kudisa Kutanga Kupupura Nguva Yakazara

DORA: Amai vangu vainyengetera kuti vanzwisise Shoko raMwari. Mumwe musi weSvondo, taiva tose patakanzwa paredhiyo hurukuro yaJ. F. Rutherford. Pakapera hurukuro yacho, Amai vakabva vangoti, “Ichi ndicho chokwadi!” Nguva pfupi vadaro, takanga tava kudzidza mabhuku eZvapupu zvaJehovha. Muna 1935, pandakanga ndava nemakore 12, ndakanzwa hurukuro yorubhabhatidzo yakapiwa nomumwe weZvapupu zvaJehovha, uye ndakanzwa kuda kutsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha zvaibva pasi pemwoyo. Makore matatu gare gare, ndakabhabhatidzwa. Kuzvitsaurira kwangu nokubhabhatidzwa kwakandibatsira kuti ndirambe ndakatsiga pakuchengeta zvinangwa zvangu zvakajeka mumakore akanga asara andakapedza ndiri kuchikoro. Ndaidisa kupedza chikoro kuitira kuti ndikwanise kutanga kushanda sapiyona.

Panguva iyoyo boka reZvapupu rataipinda naro raiitira misangano yeungano muFort Dodge, Iowa. Waifanira kuita zvose zvawaikwanisa kuti upinde misangano yechiKristu. Kareko, nyaya dzechidzidzo dziri muNharireyomurindi dzakanga dzisina mibvunzo yokuti ungano ikurukurirane. Taikumbirwa kupa hama yaiitisa Chidzidzo cheNharireyomurindi mibvunzo yatainge takagadzirira. Manheru oMuvhuro oga oga, ini naamai taigadzirira mubvunzo wendima yoga yoga, uye taiipa muitisi wechidzidzo chacho kuitira kuti asarudze yokushandisa.

Nguva nenguva, ungano yedu yaishanyirwa nomutariri anofambira. Imwe yehama idzi, John Booth, yakandibatsira kuti nditange ushumiri hwepasuo nesuo pandakanga ndiine makore 12. Ndava nemakore 17, ndakamubvunza kuti ndinozadza sei fomu roupiyona, uye akandibatsira. Panguva iyi handina kuziva kuti taizosangana zvakare uye kuti aizova shamwari yangu kwoupenyu hwose!

Zvandakanga ndiri piyona, ndaiwanzoshanda naHanzvadzi Dorothy Aronson, mumwe muevhangeri wenguva yakazara akanga ari mukuru kwandiri nemakore 15. Takashanda tose semapiyona kusvikira akokwa kuti apinde kirasi yokutanga yeGiriyedhi muna 1943. Pashure pacho, ndakaramba ndichishanda ndoga sapiyona.

Hatina Kumiswa Nokushorwa

Makore okuma1940 akanga akatiomera chaizvo nokuti paiva nomweya wokurwira nyika waikonzerwa neHondo Yenyika II. Pataiparidza pamba nemba, taiwanzotemwa nemazai akaora, madomasi akaibva, uye dzimwe nguva nematombo chaiwo! Muedzo mukuru wakauya panguva yataigovera magazini eNharireyomurindi neConsolation (yava kunzi Mukai!) mumugwagwa. Mapurisa, achikurudzirwa nevashori vechitendero, akauya ndokutityisidzira kuti aizotisunga kana akationa tichiparidza pachena zvakare.

Chokwadi, takaramba tichingopupura, uye takaendeswa kukamba yemapurisa kunobvunzurudzwa. Tasunungurwa, takadzokera kumugwagwa iwoyo ndokugovera magazini iwayo. Tapiwa zano nehama dzaitungamirira, takashandisa Isaya 61:1, 2 kuti tizvidzivirire. Pane imwe nguva pandakavingwa nomupurisa wechiduku, ndakamurondedzera nomusoro magwaro ndichitya. Zvichitondishamisawo, akangotendeuka ndokuenda! Ndaiona sokuti taidzivirirwa nengirozi.

Zuva Randisingakanganwi

Muna 1941, ndakafara kupinda gungano reruwa remazuva mashanu reZvapupu zvaJehovha muSt. Louis, Missouri. Pagungano iroro, Hama Rutherford vakakumbira vana vose vaiva nemakore ari pakati pe5 kusvika ku18 kuti vaungane muchikamu chikuru chenhandare. Zviuru zvevana zvakaungana. Hama Rutherford vakatikwazisa vachivheyesa hengechepfu yavo. Nesuwo takavakwazisa saizvozvo. Vakurukura hurukuro yeawa imwe chete, vakati: “Vana vabvuma kuita kuda kwaMwari uye vanotsigira hurumende yake iri kutungamirirwa naKristu Jesu uye vabvuma kuteerera Mwari naMambo wake, ndapota simukai.” Vana vose vaisvika 15 000 vakasimuka uye ndaiva mumwe wavo! Mukurukuri wacho akatizve: “Mose zvenyu muchaita nepamunogona napo kuudza vamwe nezvoUmambo hwaMwari uye zvikomborero zvahwo, ndapota itii Tichazviita.” Takadaro, uye izvi zvakateverwa noruzha rukuru rwokuombera maoko.

Bhuku rinonzi Vana (Children) * rakabva rabudiswa, uye vaduku vakamira pedyo nechikuva vakaita mudungwe, Hama Rutherford pavaipa mwana mumwe nomumwe bhuku rake idzva. Takanzwa manyukunyuku! Nhasi, vana vakawanda pane ivavo vakawana bhuku pagungano iroro vachiri kushumira Jehovha vachishingaira munyika yose, vachitaura nezvoUmambo hwaMwari nokururama kwake.—Pisarema 148:12, 13.

Ndapayona ndiri ndoga kwemakore matatu, ndakafara zvikuru pandakanzi ndinoshanda sapiyona chaiye muChambersburg. Ikoko ndiko kwandakasangana naDorothea, uye takabva tangova tsika nditsikewo. Taiva vaduku vaishingaira uye vaiva nesimba kwazvo. Taidisa kuita zvakawanda mubasa rokuparidza. Tiri vaviri takatanga kutsvaka pfuma yatave tiinayo kwoupenyu hwose.—Pisarema 110:3.

Mwedzi mishomanana tatanga kushanda semapiyona chaiwo, takasangana naAlbert Mann akanga adzidza mukirasi yokutanga yeChikoro cheGiriyedhi. Akanga ava kuda kuenda kunyika yaaizoshandira. Akatikurudzira kuti tibvume kuenda chero kupi kwataizonzi tinoshandira.

Tose Tiri Kuchikoro

DORA NADOROTHEA: Chimbofungidzira zvako kufara kwatakaita patakatanga kudzidziswa basa roumishinari! Zuva rokutanga pachikoro, Albert Schroeder, hama yakanga yambogovera amai vaDorothea bhuku rainzi Studies in the Scriptures makore 12 akanga apfuura ndiye aiva murayiridzi wechikoro chacho. John Booth aivapowo. Panguva iyi ndiye aitarisira Kingdom Farm kwaiva nechikoro chacho. Nokufamba kwenguva, varume ava vakazoshanda muDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha.

KuChikoro cheGiriyedhi, takadzidza chokwadi chakadzama cheBhaibheri. Takadzidziswa zvakanaka chaizvo. Mukirasi yedu maiva nevadzidzi 104, kusanganisira mudzidzi aibva kuMexico aiva wokutanga kubva kune imwe nyika. Aiedza kuvandudza matauriro aaiita Chirungu isuwo tichidzidzira Spanish. Musi watakapiwa tsamba naHama Nathan H. Knorr dzairatidza kwataizonoshandira hatina kubatika nomufaro! Vakawanda vakanzi vanoshandira kuCentral nokuSouth America; isu takanzi tiende kuChile.

Kutsvaka Pfuma muChile

Taifanira kuwana mavhiza kuti tipinde munyika yeChile uye zvakatora nguva. Saka pashure pokunge tapedza chikoro muna January 1945, takashanda semapiyona muWashington, D.C., kwegore nehafu. Patakawana mavhiza ndisu takazova boka remamishinari mapfumbamwe akaenda kuChile. Vanomwe vaiva vomumakirasi okutanga eGiriyedhi.

Patakasvika muguta guru reSantiago, takatambirwa nehama dzedu dzechiKristu dzaiverengeka. Mumwe akatitambirawo aiva Albert Mann, akapindawo Chikoro cheGiriyedhi, uya akanga ambotikurudzira makore mashoma akanga apfuura. Iye naJoseph Ferrari uyo akanga apinda kirasi yechipiri yeGiriyedhi, vakanga vatosvitsa gore vari muChile. Patakasvika muChile maingova nevaparidzi vasingasviki 100. Chido chedu chaiva chokutsvaka imwe pfuma, vanhu vakatendeseka pamwoyo mundima yedu itsva iyi.

Takanzi tishumire tichigara mumusha wemamishinari muSantiago. Zvaiva zvitsva kwatiri kugara nemhuri huru yemamishinari. Kuwedzera pane maawa aifanira kupedzerwa mubasa rokuparidza, mamishinari ose aifanira kuita majana okubikira mhuri kamwe chete pavhiki. Dzimwe nguva taimbonyara nezvataibika. Pane imwe nguva, takambobika mabhisikiti kuti mhuri idye mamwe mangwanani, asi patakaabudisa muovheni akanga asinganhuwiriri zvakanaka. Takanga taisa soda panzvimbo pepaudha yokubhekesa! Pane mumwe wedu akanga aisa soda mugaba repaudha yokubhekesa rainge risina chinhu.

Zvisinei, chainyanya kutinyadzisa kwaiva kutadza kwataiita pataidzidza Spanish. Imwe mhuri huru yataidzidza nayo Bhaibheri yakapotsa yarega kudzidza nokuti yaisanzwisisa zvataitaura. Asi kunyange zvakadaro, vakakwanisa kudzidza chokwadi nokuvhura magwaro mumaBhaibheri avo, uye vashanu vavo vakava Zvapupu. Mumakore iwayo, kwakanga kusina kosi yokudzidzisa mamishinari matsva mutauro. Taingotanga basa rokuparidza tisina kudzidza mutauro uye taiedza kuudzidza kuvanhu vataipupurira.

Takadzidzisa vanhu vakawanda Bhaibheri, uye vamwe vataidzidzisa vaikurumidza kunzwisisa. Asi kune vamwe taifanira kushivirira. Mumwe musikana ainzi Teresa Tello akateerera mashoko echokwadi achibva ati, “Ndapota, mudzoke zvakare muzondiudza zvakawanda.” Takadzoka ka12 tisingamuwani. Pakapfuura makore matatu tisina kumuona. Zvadaro takapinda gungano rakaitirwa mune chimwe chivako muSantiago. Patakanga tava kubva panzvimbo yegungano iyi musi weSvondo, mumwe munhu akadanidzira achiti, “Senorita Dora, Senorita Dora!” Takacheuka, ndokuona inga ndiTeresa. Akanga ashanyira mukoma wake aigara mhiri kwomugwagwa achibva auya paiitirwa gungano kuti aone zvaiitwa ipapo. Takafara chaizvo kuonana naye zvakare! Takaronga kuti tidzidze naye Bhaibheri, uye akazobhabhatidzwa munguva pfupi. Nokufamba kwenguva akava piyona chaiye. Iye zvino patodarika makore 45 uye Teresa achiri mubasa renguva yakazara.—Muparidzi 11:1.

Kuwana Pfuma muPunta Arenas

Muna 1959 takanzi tinoshandira kuPunta Arenas iri nechokumaodzanyemba kwemhenderekedzo yakareba makiromita 4 300 yenyika yeChile. Punta Arenas inzvimbo yakati siyanei nedzimwe. Mumwedzi yechirimo, zuva rinovapo kwemaawa akawanda zvokuti rinozonyura kuma11 dzousiku. Taikwanisa kushanda maawa akawanda muushumiri asi paivawo nezvipingamupinyi nokuti chirimo chaiunza dutu reAntarctic. Mwedzi yechando inotonhora, uye zuva rinokurumidza kunyura.

Pasinei nezvipingamupinyi izvi, nzvimbo iyi yePunta Arenas ine zvayakanakirawo. Muchirimo, panoita gore gobvu remvura rinoramba richioneka mudenga nechokumadokero. Kakawanda panonaya mvura yehore asi panobva pava nemhepo inobva yakuomesa. Panozova nomuraraungu unoyevedza zuva parinenge richibuda nomumakore. Dzimwe nguva miraraungu iyi inovapo kwemaawa akawanda, ichiti ikambobuda yopera zuva zvarinenge richipinda nokubuda mumakore.—Jobho 37:14.

Kare ikako, muPunta Arenas maiva nevaparidzi vashoma. Misangano yaifanira kutoitiswa nesu hanzvadzi dzaiva muungano duku iyi. Jehovha akakomborera zvatakaita. Makore makumi matatu nemanomwe akazotevera, takadzokera kunyika iyi tichingoshanya zvedu. Takaonei? Ungano nhanhatu dziri kukura neDzimba dzoUmambo nhatu dzakanaka samare. Tinofara chaizvo kuti Jehovha akatibvumira kuti tiwane pfuma mune zvokunamata muPunta Arenas iri kumaodzanyemba!—Zekariya 4:10.

Kuwana Imwe Pfuma mu“Mhenderekedzo Yakakura”

Tashumira kwemakore matatu nehafu muPunta Arenas, takanzi tinoshandira kuguta raiva nechiteshi chengarava reValparaiso. Guta racho rine zvikomo 41 zvakapoteredza mhenderekedzo yakatarisana nePacific Ocean. Taiwanzoitira basa redu rokuparidza mune chimwe chezvikomo izvi, Playa Ancha, kureva kuti “Mhenderekedzo Yakakura.” Makore 16 atakagara ikoko, takaona boka rehama dzechiduku dzechiKristu richikura mukunamata, zvokuti iye zvino vari kushumira sevatariri vanofambira uye sevakuru vechiKristu muungano dziri muChile.

Tabvako takazoenda kunoshandira kuViña del Mar. Takashanda ikoko kwemakore matatu nehafu tikazobvako pakaparadzwa musha wedu wemamishinari nokudengenyeka kwenyika. Takadzokera kuSantiago, kwatakanga tatangira basa redu roumishinari makore 40 akanga apfuura. Zvinhu zvakanga zvachinja. Zvivako zvitsva zvebazi zvakanga zvavakwa, uye chivako chaimbova chebazi chakanga chava kugara mamishinari ose akanga achiri munyika iyi. Nokufamba kwenguva chivako ichi chakatanga kushandiswa senzvimbo yokuitira Chikoro Chokurovedza Vashumiri. Panguva iyoyo Jehovha akatiratidza mutsa wake worudo zvakare. Isu mamishinari aikwana mashanu akanga akwegura takakokwa kuti tigare paBheteri. Panguva yatave tiri muno muChile, tashanda munzvimbo dzinosvika 15. Taona vaparidzi vachiwedzera kubva pane vasingasviki 100 kusvika kune vanenge 70 000! Hatisi kugona nomufaro nokutsvaka kwatave tichiita pfuma muChile kwemakore 57!

Tinonzwa takakomborerwa zvikuru kuti Jehovha akatibvumira kuwana vanhu vakawanda kudai, pfuma chaiyo, vamwe vakatosvika pakushandiswa nesangano raJehovha. Mumakore anodarika 60 atave tichishumira Jehovha pamwe chete, tinobvuma nomwoyo wose mashoko akataurwa naMambo Dhavhidhi, uyo akanyora kuti: “Kunaka kwenyu kwakakura sei, kwamakachengetera vaya vanokutyai!”—Pisarema 31:19.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 24 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha asi iye zvino harichadhindwi.

[Mifananidzo iri papeji 9]

Dorothea, muna 2002 uye achiparidza muna 1943

[Mufananidzo uri papeji 10]

Ndichiparidza mumugwagwa muFort Dodge, Iowa, muna 1942

[Mufananidzo uri papeji 10]

Dora, muna 2002

[Mufananidzo uri papeji 12]

Dorothea naDora vari pachivanze chomusha wavo wokutanga wemamishinari muChile, muna 1946