Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vaduku—Munobaya Mwoyo Yevabereki Venyu

Vaduku—Munobaya Mwoyo Yevabereki Venyu

Vaduku—Munobaya Mwoyo Yevabereki Venyu

“HANDINA chikonzero chikuru chokuonga chinopfuura zvinhu izvi, kuti ndinzwe kuti vana vangu vari kuramba vachifamba muchokwadi,” akanyora kudaro muapostora Johani paakanga akwegura. (3 Johani 4) Kunyange zvazvo vana vanotaurwa mundima iyi yeBhaibheri vari vadzidzi vechiKristu, mubereki anotya Mwari anonzwisisa zviri nyore zvakataurwa naJohani. Vabereki zvavanoumba kana kukanganisa upenyu hwevana vavo, vana vanofadzawo kana kushungurudza vabereki vavo.

Mambo wevaIsraeri Soromoni aiziva kuti vana vanogona kubaya mwoyo yevabereki vavo zvakadini. Akanyora kuti: “Mwanakomana akachenjera ndiye anoita kuti baba vafare, asi mwanakomana benzi anoshungurudza amai vake.” (Zvirevo 10:1) Saka zvakakodzera kuti vana vose vaduku nevakuru mufunge kuti baba venyu naamai vachanzwa sei nezviito zvenyu. Nei izvi zvakafanira?

Funga kurerwa kwose kwawakaitwa nevabereki vako vanotya Mwari! Vakatanga kushushikana newe nokukunyengeterera usati watomboberekwa. Waberekwa, vabereki vose vari vaviri vakakuda uye vanofanira kuva vakatenda Mwari nokuda kwechikomborero chikuru nebasa zvokuva mubereki kunyange zvazvo uri mutoro. Vaifanira zvino kuchengeta kamwana kachecheche, uye sevanamati vaJehovha, vakakoshesa basa ravo.

Sezvo vabereki vako vari vaKristu vechokwadi, vakashandisa Bhaibheri nemabhuku anotsigira Bhaibheri kuti vatungamirirwe nenzira yakavimbika uye vakabvunzawo vamwe vakarera vana kuti vawane mazano. Vairamba vachitaurawo zvinovanetsa kuna Mwari mumunyengetero. (Vatongi 13:8) Sezvawaikura, vabereki vako vaiziva zvaunogona asi havana kutsinzina maziso avo kuti vasaona zvawaisagona. (Jobho 1:5) Makore okuyaruka akaunza matambudziko matsva. Pane dzimwe nguva, ungadaro wakapanduka, uye izvi zvakaita kuti vabereki vako vanyanye kunyengetera, vanyanye kuverenga, uye vanyanye kufunga kuti vangakubatsira sei kuti urambe uchinamata Baba vako vokudenga, Jehovha.

Vabereki vako havaregi kuva amai kana kuva baba. Kushushikana kwavanoita noutano hwako, zvaunofunga, zvaunonzwa, uye manamatiro ako zvinoramba zviripo kunyange kana wakura. Zvisinei, pose apa vabereki vako vanoziva kuti uri munhu anozvirongera upenyu hwako uye kuti hapana anoziva kuti upenyu hwako huchazoguma nei. Pakupedzisira ndiwe uchazvisarudzira zvauchaita noupenyu hwako.

Saka kana zviri izvo kuti vabereki vane “chikonzero chikuru chokuonga” kana vanzwa kuti vana vavo “vari kuramba vachifamba muchokwadi,” hazvireviwo here kuti kana vana vavo vasisafambi muchokwadi vanozoshaya zvokuonga? Chokwadi vana mapenzi vanorwadzisa vabereki vavo. Soromoni akataura kuti: “Mwanakomana benzi anotsamwisa baba vake, uye anorwadzisa iye akamubereka.” (Zvirevo 17:25) Vabereki vanorwadziwa kwazvo mwana paanoramba kunamata Mwari wechokwadi.

Zviri pachena kuti zvaunoita zvinobata mhuri uye vamwe. Unhu hwako hunobaya kwazvo mwoyo wevabereki vako. Kana ukarinza gotsi kuna Mwari nemitemo yake, vabereki vako vanotambudzika. Asi kana ukaramba wakatendeka uye uchiteerera Jehovha, vabereki vako vachafara. Tsunga kuti ufadze mwoyo wevabereki vako! Chipo chipi chinokosha zvikuru chaungapa vanhu vanokurera, vanokudzivirira, uye vanokuda?