Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Isaya 41:10—“Usatya, Nekuti Ndinewe”

Isaya 41:10—“Usatya, Nekuti Ndinewe”

 “Usatya, nekuti ndinewe. Usanetseka, nekuti ndiri Mwari wako. Ndichakusimbisa, chokwadi ndichakubatsira, chokwadi ndicharamba ndakakubata neruoko rwangu rwerudyi rwekururama.”—Isaya 41:10, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

 “Usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndiri Mwari wako; ndichakusimbisa, zvirokwazvo, ndichakubatsira; zvirokwazvo, ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rune simba.”—Isaya 41:10, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

Zvinorehwa naIsaya 41:10

 Jehovha a Mwari anovimbisa vashumiri vake vakatendeka kuti achavabatsira, pasinei nematambudziko avangasangana navo.

 “Ndinewe.” Shoko iri rekuti ndinewe, rinopa vashumiri vaJehovha chikonzero chekuti vasatya. Anoona zvavari kusangana nazvo uye anonzwa minyengetero yavo. Saka zvinoita sekuti anavo nguva dzese.—Pisarema 34:15; 1 Petro 3:12.

 “Ndiri Mwari wako.” Jehovha anonyaradza vashumiri vake nekuvayeuchidza kuti achiri Mwari wavo uye anovagamuchira sevashumiri vake. Tine chokwadi chekuti hapana chinogona kutadzisa Mwari kubatsira vashumiri vake.—Pisarema 118:6; VaRoma 8:32; VaHebheru 13:6.

 “Ndichakusimbisa, chokwadi ndichakubatsira, chokwadi ndicharamba ndakakubata neruoko rwangu rwerudyi rwekururama.” Jehovha akadzokorora pfungwa imwe chete katatu achishandisa mashoko akada kufanana, kuti anyatsosimbisa kuti achavabatsira. Anotsanangura zvaanoita kana vachida kubatsirwa. Kana mumwe munhu akawa, Jehovha anotambanudza ruoko rwake rwerudyi omusimudza.—Isaya 41:13.

 Jehovha anonyanya kushandisa Bhaibheri kuti abatsire uye asimbise vashumiri vake. (Joshua 1:8; VaHebheru 4:12) Semuenzaniso, Bhaibheri rine mazano anobatsira patinosangana nematambudziko, akadai seurombo, kurwara kana kuti kufirwa. (Zvirevo 2:6, 7) Mwari anoshandisa mweya wake mutsvene kuti ape vashumiri vake simba rekutsungirira pavanosangana nematambudziko.—Isaya 40:29; Ruka 11:13.

Mashoko akapoteredza Isaya 41:10

 Mashoko aya akanyaradza vaJudha vakatendeka pavakazotapwa kuBhabhironi. Jehovha akagara ataura kuti makore eutapwa paanenge ava kunopera, paizonzwika mashoko ekuti pana mambo ari kuparadza marudzi akapoteredza uye ari kuuyawo kuzorwisa Bhabhironi. (Isaya 41:2-4; 44:1-4) VaBhabhironi nemamwe marudzi pavanenge vari kudedera nekutya nemashoko aya, vaJudha vaisafanira havo kunetseka nekuti Jehovha aizovadzivirira. Jehovha akadzokorora katatu mashoko ekuti “usatya” kuti avasimbise.—Isaya 41:5, 6, 10, 13, 14.

 Kunyange zvazvo mashoko aya akataurwa kuvaJudha vainge vatapwa kuBhabhironi, Jehovha akaita kuti mashoko aIsaya 41:10 achengetedzwe kuitira kuti anyaradzewo vashumiri vake vese. (Isaya 40:8; VaRoma 15:4) Mazuva ano, Jehovha achiri kungobatsira vashumiri vake sezvaakangoita vashumiri vake vekare.

Verenga Isaya chitsauko 41 pamwe chete nemashoko emuzasi uye mamwe mavhesi anoenderana nearimo.

a Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.