Shona
JW Library paiPad, iPhone, kana iPod touch
https://cms-imgp.jw-cdn.org/img/p/802013032/univ/art/802013032_univ_sqr_xl.jpg

JW LIBRARY

Kana uchishandisa iPad, iPhone, kana iPod touch

Kana uchishandisa iPad, iPhone, kana iPod touch

Ona zvinhu zvakasiyana-siyana zvaunokwanisa kuita paJW Library woona kuti ungazviita sei. Wana mhinduro dzemibvunzo inonyanya kubvunzwa nevakawanda.

 

 

Zvitsva Zvavapo

February 2024 (Version 14.2)

  • Kana uri muplaylist, unokwanisa kushandisa pakanzi Dimbura kuridza chikamu chidiki chaunenge uchida kuona kana vhidhiyo yacho yakareba.

September 2023 (Version 14.1)

  • Wava kukwanisa kunzwa madudzirwo emashoko eChinese neeJapanese akanyorwa nemavara epinyin nefurigana, kana aripo.

July 2023 (Version 14)

  • Gadzira maplaylist emavhidhiyo, zvekuteerera zvakarekodhwa uye mapikicha. Kana uchida kuashandisa, kuwedzera kana kubvisa zvimwe zvinhu ipapo enda pakanzi Personal Study.

  • Iye zvino, kana ukanyora manotsi pamibvunzo iri mundima dzekudzidza kana kuti pamashoko ekutsanangura mapikicha, manotsi acho anobuda akatevedzana sezvakangoita ndima dzacho uye mapikicha acho.

  • Foni, tablet kana kombiyuta yako inofanira kunge iine iOS 15.0 zvichikwira kuti JW Library ishande zvakanaka.

 

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

Tanga Kushandisa JW Library​—iOS

Dzidza mashandisiro aungaita JW Library paiOS.

Kudhaunirodha Uye Kushandisa maBhaibheri​—iOS

Dzidza kuti ungadhaunirodha uye ungashandisa sei maBhaibheri paJW Library app pafoni kana tablet inoshandisa iOS.

Kudhaunirodha Uye Kushandisa Mabhuku​—iOS

Dzidza kuti ungadhaunirodha uye ungashandisa sei mabhuku paJW Library kana uine foni kana tablet inoshandisa iOS.

Kumaka Paunenge Uchida Kuzodzoka (maBookmark)​—iOS

Dzidza kushandisa kwaungaita mabookmark paJW Library pafoni kana tablet inoshandisa iOS.

Zvinhu Zvawamboverenga​—iOS

Dzidza kuti ungawana sei zvinhu zvawamboverenga paJW Library app yepafoni kana tablet inoshandisa iOS.

Unoda Kuti Mashoko Abude Akaita Sei?​—iOS

Dzidza kuti ungaita sei kuti mashoko abude zvaunoda paunenge uchishandisa JW Library app pafoni kana tablet inoshandisa iOS.

Tsvaga Zvauri Kuda muBhaibheri Kana Kuti Mune Rimwe Bhuku​—iOS

Dzidza kuti ungatsvaga sei zvaunenge uchida muBhaibheri kana kuti mune rimwe bhuku, kana kuti imwewo nyaya paJW Library pafoni kana tablet rinoshandisa iOS.

Kumaka Mashoko​—iOS

Dzidza kuti ungamaka sei mashoko paJW Library app pafoni kana tablet inoshandisa iOS.

Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa​—JW Library (iOS)

Wana mhinduro dzemibvunzo inonyanya kubvunzwa.