Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

JW LIBRARY

Kumaka Mashoko—Android

Kumaka Mashoko—Android

Paunenge uchiverenga kana kuti uchidzidza mabhuku ari paJW Library, unogona kumaka mashoko aunenge uchida.

Maitirwo azvo:

 Kumaka

Pane nzira mbiri dzekuita izvi.

Unogona kuramba wakaisa munwe wako pashoko raunoda. Wadaro wobva wasarudza pacho paunoda kumaka. Kana wapedza, chibaya pane macolour wosarudza yaunoda kushandisa.

Imwe nzira ndeyekuramba wakaisa munwe wako pascreen uchiufambisa pane mashoko auri kuda kumaka. Paunenge uchiufambisa unenge uchitomaka. Kana wapedza, panobva pabuda macolour. Unogona kuchinja colour, kana kuti kudzima zvawamaka.

 Kuchinja colour yepawamaka

Kuti uchinje colour, baya kamwe chete pawakamaka, wobva wasarudza imwe colour. Kuti udzime pawamaka, baya pawamaka pacho, wozobaya Delete.

Izvi zvakatanga kushanda muna November 2015 paJW Library 1.6, iyo inoshanda neAndroid 4.0 zvichikwira. Kana usiri kuona kuti zvinoshanda sei, ona mirayiridzo iri munyaya inoti “Tanga Kushandisa JW Library—Android,” pasi pemusoro unoti Kuti Uwane Zvitsva Zviripo.