Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JW LIBRARY

Kumaka Mashoko​—Windows

Kumaka Mashoko​—Windows

Paunenge uchiverenga kana kuti uchidzidza mabhuku ari paJW Library, unogona kumaka mashoko aunenge uchida.

Ita zviri pasi apa kuti umake mashoko:

 Kumaka

Pane nzira mbiri dzekuita izvi.

Unogona kuramba wakaisa munwe wako pashoko raunoda. Wadaro wobva wasarudza pacho paunoda kumaka. Kana wapedza, chibaya pane macolour wosarudza yaunoda kushandisa.

Unogonawo kumaka shoko kana kuti mashoko uchishandisa pen inoshanda pamatablet. Maka sezvaunoita uchishandisa pen mubhuku. Kana wapedza, panobva pabuda kabhokisi kanenge kaine mabhatani. Unogona kuchinja colour, kana kuti kudzima zvawamaka uchishandisa mabhatani iwayo.

 Kuchinja colour yepawamaka

Kuti uchinje colour, baya kamwe chete pawakamaka, wobva wasarudza imwe colour. Kuti udzime pawamaka, baya pawamaka pacho, wozobaya Delete.

Izvi zvakatanga kushanda muna November 2015 paJW Library 1.6, iyo inoshanda paWindows 8.1 zvichikwira. Kana usiri kuona kuti zvinoshanda sei, ona mirayiridzo iri munyaya inoti “Tanga Kushandisa JW Library—Windows,” pasi pemusoro unoti Wana Zvitsva Zvinenge Zvabuda.