Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

LIBRARY

Kumaka Paunenge Uchida Kuzodzoka (maBookmark)—Android

Kumaka Paunenge Uchida Kuzodzoka (maBookmark)—Android

Mabookmark epaJW Library anoita kuti uwane paunenge uchida kuzodzoka mune chero bhuku zvaro, sezvaunoita paunoisa katambo mubhuku kuti uzokurumidza kuwana peji yaunoda. Bhuku rose riri muJW Library rine mabookmark 10.

Tevedzera zviri pasi apa kuti ushandise mabookmark:

 Isa Bookmark

Unogona kuisa bookmark panyaya yauri kuverenga, chitsauko, ndima kana vhesi chaiyo.

Kuti uise bookmark paunenge uchida, baya kabhatani kane ribhoni. Panobva pabuda mabookmark ebhuku raunenge uchiverenga. Kuti uise bookmark pauri kuverenga, baya pakaribhoni kasina chinhu.

Kana uchida kuisa bookmark pandima kana kuti vhesi, baya mashoko acho, wobaya karibbon kanenge kabuda.

 Enda paBookmark

Kana wava kuda kudzoka pabookmark rawakasevha, vhura bhuku racho rawakamaka, wobaya kabhatani kanobudisa mabookmark. Chibaya bookmark rauri kuda.

 Kushandisa maBookmark

Kana waisa bookmark, unogona kuzoribvisa kana kuritsiva.

Kuti ubvise bookmark, baya bhatani rine ribhoni, wobva wanobaya panenge rinenge riine tumadot. Wadaro chibaya Delete.

Kana uchida kutsiva bookmark, baya ribhoni inenge iri nechekumusoro, wozobaya bhatani rine tumadot rinenge riri parutivi pebookmark rauri kuda kutsiva. Wadaro, wobaya Replace. Izvi zvinobva zvaita kuti bookmark iroro ritsiviwe nepauri. Izvi zvinogona kubatsira chaizvo kana uchida kuyeuka paunenge wakasiyira. Somuenzaniso, zvichakubatsira kuti uyeuke pawakasiyira pakuverenga Bhaibheri kwaunoita zuva nezuva.

Zvinhu zvi zvakatanga kushanda muna May 2014 paJW Library 1.2, iyo inoshanda paAndroid 2.3 zvichikwira. Kana usiri kuzviona, ona mirayiridzo iri papeji rakanzi “Tanga Kushandisa JW Library—Android,” pasi pemusoro wakanzi Kuti Uwane Zvitsva Zviripo.