Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JW LIBRARY

Zvinhu Zvawambovhura​—Windows

Zvinhu Zvawambovhura​—Windows

JW Library inochengeta nyaya uye zvitsauko zveBhaibheri zvaunenge waverenga. Izvi zvinogona kukubatsira, sepaya paunenge uchida kudzoka pavhesi yawamboverenga.

Ita zviri pasi apa kuti ukwanise kuona zvaunenge wamboverenga:

 Kuenda Pawamboverenga

Baya bhatani riri kumusoro kwescreen kuti uone nyaya kana kuti mavhesi awamboverenga. Baya nyaya kana kuti vhesi yauri kuda kuti ibude zvekare.

 Kushandisa Bhatani Rakanzi Clear

Baya bhatani rinenge riri kumusoro kwescreen rinenge rakaita denderedzwa rinokubudisira zvaunenge wambovhura. Baya Clear kana uchida kudzima zvawambovhura zvacho.

Izvi zvakatanga kushanda muna May 2014 paJW Library 1.1, inoshanda paWindows 8.0 zvichikwira. Kana usiri kuona kuti zvinoshanda sei, ona mirayiridzo iri munyaya inoti “Tanga Kushandisa JW Library—Windows,” pamusoro unoti Wana Zvitsva Zvinenge Zvabuda.