Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YOUPENYU

Jehovha Akandipa Zvinopfuura Zvandaikodzera Kuwana

Jehovha Akandipa Zvinopfuura Zvandaikodzera Kuwana

Ndaingova nemakore 17 uye ndaishuva kuita zvinowanzodiwa nevari kuyaruka vakawanda. Ndaifarira kutamba neshamwari dzangu, kutuhwina, uye kutamba bhora. Asi rimwe zuva ari manheru, upenyu hwangu hwakangoerekana hwachinja. Ndakaita tsaona inotyisa ndiri pamudhudhudhu, yakandisiya ndisisakwanisi kushandisa muviri wangu kubva pamutsipa zvichidzika. Atova makore anoda kuita 30 izvi zvaitika, uye ndava nenguva refu ndisingakwanisi kufamba, ndichingogara ndakarara.

Ndakakurira muguta reAlicante, riri mumhenderekedzo yegungwa, kumabvazuva kweSpain. Mhuri yedu yaingoita mazvake-mazvake, saka ini zvandaiva mudiki ndaiwanzoswera mumigwagwa. Pedyo nepamba pedu paiva nevanhu vaigadzira matayi emotokari. Saka ndakatanga kuwirirana nemumwe murume aishanda ipapo ainzi José María. Aiva neushamwari uye aindifarira, zvaitadza kuitwa nevanhu vekumba kwedu. Pandainetseka, aiita samukoma wangu chaiye, aiva shamwari yechokwadi, kunyange zvazvo aiva mukuru kwandiri nemakore 20.

José María akanga ava kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Ndaizviona kuti aifarira Magwaro, uye aigara achindiudza chokwadi chiri muBhaibheri. Ndaimuteerera ndichimuremekedza, asi handina kumbobvira ndafarira zvaaitaura. Ndakanga ndichiri mudiki, saka ndaiva nezvimwewo zvakawanda zvekuita. Asi izvozvo zvakanga zvava kuzochinja.

TSAONA YAKACHINJA UPENYU HWANGU

Handifariri kudonongodza zvakaitika patsaona iyoyo. Ndingangoti ndakaita zveupenzi uye handina kukoshesa upenyu. Upenyu hwangu hwakangoerekana hwachinja nezuva rimwe chete. Kunyange zvazvo ndaiva wechiduku aiva nesimba, ndakaerekana ndava muchipatara ndisisagoni kuita chero chii zvacho. Zvakanga zvakandiomera chaizvo kuzvigamuchira. Ndakaramba ndichingozvibvunza kuti, ‘Ndichiri kuraramirei hangu?’

José María akauya kuzondiona, ndokubva akurumidza kuronga kuti veZvapupu zvaJehovha vemunzvimbo iyi vandishanyire kuchipatara. Ndakabayiwa mwoyo nekundishanyira kwavaiita. Ndichangobuda muwadhi inoiswa vanhu vanenge vachirwara zvakaipisisa, ndakatanga kudzidza Bhaibheri. Ndakadzidza chokwadi pamusoro pekuti sei vanhu vachitambura uye vachifa uye kuti sei Mwari achibvumira zvakaipa kuti zviitike. Ndakadzidzawo zvakavimbiswa naMwari nezveramangwana, nyika paichazara nevanhu vasina chivi, pasina achazoti: “Ndiri kurwara.” (Isaya 33:24) Muupenyu hwangu hwose, apa ndipo pandakatanga kuvawo netariro yeramangwana.

Pandakabuda muchipatara, ndakadzidza zvinhu zvakawanda zviri muBhaibheri munguva shomanana. Dzimwe nguva ndaitoenda kunonamata neZvapupu zvaJehovha uye kunoparidza navo ndichifamba newiricheya yaienderana neurwere hwangu. Ndakabhabhatidzwa musi wa5 November 1988, ndava nemakore 20. Ndakaita zvekunyudzwa mumvura yaiva mubhavhu hombe. Jehovha Mwari akandibatsira kuti ndive netariro muupenyu. Asi pane here zvandaigona kuita kuti nditende Mwari nezvaakandiitira?

NDINOSHUMIRA MWARI PASINEI NEUREMA HWANGU

Ndakatsidza mumwoyo kuti handisi kuzosiya urwere hwangu huchinditadzisa kuita zvose zvandinogona kuti ndishumire Jehovha. Ndaida kufambira mberi pakunamata. (1 Timoti 4:15) Pakutanga zvakanga zvakaoma, sezvo vemumhuri yangu vaisafarira zvandakanga ndava kutenda zviri muBhaibheri. Asi vaya vandainamata navo vaiita sehama dzangu chaidzo. Vaiva nechokwadi chekuti ndapinda misangano yose yekunamata uye vaigara vachienda neni kunoparidza.

Asi nekufamba kwenguva, ndakaona kuti ndaitofanira kugara kwandinenge ndiine vanondichengeta nguva dzose. Pava paya, ndakazowana nzvimbo yaichengetwa vakaremara yaienderana neni yaiva muguta reValencia, riri makiromita 160 kuchamhembe kweAlicante. Uyu ndiwo wakava musha wangu.

Kunyange zvazvo ndisingakwanisi kufamba, ndakatsidza mumwoyo mangu kuti ndicharamba ndichiudza vamwe zvandinotenda

Kunyange zvazvo ndisingakwanisi kufamba, ndakatsidza mumwoyo mangu kuti ndaizoramba ndichishumira Jehovha. Ndakatenga kombiyuta ndikaita kuti iiswe pedyo nemubhedha wangu ndichishandisa mari inopiwa vakaremara nehurumende nemamwewo masangano. Ndakatengawo nhare yeserura. Saka mangwanani oga oga, mumwe wevanondichengeta anobatidza kombiyuta yangu uye foni. Kombiyuta yacho yakagadzirwa zvekuti ine chinhu chandinofambisa nechirebvu kuti ndiishandise. Ndinewo kamuti kandinoita zvekuruma, ndokashandisa kubaya mabhatani pakombiyuta nepafoni.

Ndinoshandisa kamuti kubaya mabhatani pafoni

Kombiyuta nefoni iyi zviri kundibatsira sei? Chekutanga, ndinokwanisa kuenda pajw.org uye paRAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower. Izvi zviri kundibatsira chaizvo! Ndinowanzoita maawa akawanda zuva rega rega ndichidzidza nekutsvakurudza mumabhuku anotsanangura Bhaibheri, kuti ndirambe ndichidzidza zvakawanda nezvaMwari. Pose pandinosurukirwa kana kuti kuora mwoyo, ndinowana chimwe chinhu chinondifadza pajw.org.

Kombiyuta yangu inoita kuti ndinzwe zvinenge zvichiitwa pamisangano yekunamata uye vanenge vari ikoko vanokwanisawo kunzwa pandinotaura zvandinofunga. Ndinogonawo kunyengetera, kudzidzisa, kunyange kuverenga Nharireyomurindi pandinenge ndakumbirwa kuita izvozvo. Kunyange zvazvo ndisingakwanisi kuenda kunenge kuchiitirwa misangano yacho, ndinonzwa kuti ndiri nhengo yeungano.

Ndinokwanisawo kunyatsoita basa rekuparidza ndichishandisa kombiyuta nefoni. Handikwanisi hangu kuparidza paimba neimba sezvinoitwa nezvimwe Zvapupu zvaJehovha zvakawanda. Asi izvi hazvina kundidzorera kumashure. Ndiri kukwanisa kuudza vamwe zvandinotenda ndichishandisa kombiyuta nefoni. Ndinonakidzwa nekukurukura nevanhu pafoni, zvekuti vakuru vemuungano yedu vakatondipa basa rekutungamirira pamishandirapamwe yekuparidza nefoni. Mishandirapamwe iyi iri kubatsira chaizvo vamwe vari muungano vasingakwanisi kufamba nemhaka yeutano.

Ndichiitisa chidzidzo cheBhaibheri

Hazvirevi hazvo kuti ndinongoswera ndiri pakombiyuta kana kuti pafoni. Zuva rega rega, shamwari dzangu dzinouya kuzondiona. Vanouya nehama neshamwari dzavo dzinoda kudzidza Bhaibheri. Kakawanda vanondikumbira kuti nditungamirire pakudzidzisa vanhu ivavo Bhaibheri. Dzimwe nguva panguva dzemanheru, pane mhuri dzinondishanyira todzidza zvinhu zvine chekuita nekunamata pamwe chete. Ndinofara chaizvo pandinoona vana vadiki vakagara pedyo nemubhedha wangu vachindiudza kuti sei vachida Jehovha.

Ndiine imwe mhuri ari manheru, tichikurukura nezvaMwari

Ndinofara pandinoshanyirwa nevanhu vakawanda seizvi. Mandinogara munowanzonge makazara shamwari dzangu dzinenge dzabva kwakasiyana-siyana. Zviri pachena kuti izvi zvinotoita kuti vaya vanotichengeta panzvimbo iyi vashamisike nekudiwa kwandinoitwa kwakadai. Zuva rimwe nerimwe ndinotenda Jehovha nekundipa kwaakaita hama dzakadai dzandinonamata nadzo.

NDINORAMBA NDICHIRWISA

Vanhu pavanondikwazisa vachindibvunza kuti ndiri sei, ndinongopindura kuti, “Ndiri mupenyu, ndichiri kurwisa!” Asi ndinoziva kuti hondo yandiinayo handisi kuirwa ndoga. Pasinei nekuti upenyu hwakatimirira sei kana kuti tine matambudziko akadini, vaKristu vose vari kurwa, “kurwa kwakanaka kwazvo kwokutenda.” (1 Timoti 6:12) Chii chandibatsira kurwisa kwemakore ose akawanda kudai? Ndinonyengetera mazuva ose ndichitenda Jehovha nekundipa chinangwa muupenyu. Uye ndinoedza kugara ndichiita zvose zvandinogona pakushumira Mwari, ndichiramba ndakatarira zvinhu zviri mberi.

José María

Ndinowanzofunga nezvenyika itsva uye kuti zvichange zvichinakidza sei kukwanisazve kumhanya uye kusvetuka. Dzimwe nguva ndinotombotamba hangu neshamwari yangu yepedyo José María uyo ane chirwere chemhetamakumbo (polio), ndichiti tichazomboita makwikwi ekumhanya. Ndinomubvunza kuti: “Unondisiya here?” Anopindura kuti, “Hazvina hazvo basa kuti ndiani achasiya mumwe. Chinokosha ndechekuti tipinde muParadhiso, tozokwanisa kumhanya.”

Zvanga zvisiri nyore kuti ndisvike pakukwanisa kurarama neurema hwangu. Ndinoziva kuti pandakanga ndichiri kuyaruka ndakaita zvinhu zvoupenzi, izvo zvakandipinza muna taisireva. Asi ndinofara kuti Jehovha haana kundirasa. Akandipa zvakawanda, zvinosanganisira mhuri yakakura yevanhu vandinonamata navo, chido chekurarama, mufaro wekubatsira vamwe uye tariro yakazonaka yeramangwana. Kana ndikanzi nditaure kuti ndinonzwa sei, muchidimbu ndinongoti, Jehovha akandipa zvinopfuura zvandaikodzera kuwana.