Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

TEVEDZERA KUTENDA KWAVO | DHIBHORA

‘Ndakasimuka Saamai Pakati paIsraeri’

‘Ndakasimuka Saamai Pakati paIsraeri’

DHIBHORA akatarisa kumativi ose achiona masoja ainge akaungana pamusoro peGomo reTabhori. Akabayiwa mwoyo nekuzvipira kwavo. Mangwanani emusi iwoyo akanga achifungisisa nezveushingi hwevarume ivavo uye kutenda kwaiva nemutungamiriri wavo Bheraki. Kunyange zvazvo vaiva 10 000, zuva iroro zvaizova pachena kuti vane kutenda kwakadii uye kuti vakashinga sei. Vaida kurwisana nemuvengi ane utsinye asi vaiva vashoma, vaine zvombo zvisina kukwana. Pasinei neizvi, vainge vatouya kuhondo. Chikuru chakaita kuti vauye ndechekuti vaikurudzirwa nemukadzi iyeye.

Ita seuri kuona Dhibhora akamira naBheraki pamusoro peGomo reTabhori, vachitarisa nechekoko, kamhepo kachipeperetsa mipendero yenguo dzaDhibhora. Gomo iri rakati sandara pamusoro paro. Kana munhu ari pamusoro paro aigona kuona Bani reEsdraelon iro riri pasi nemamita 400 tichibva pamusoro pegomo iri. Bani iri raitambanuka richienda nechekumaodzanyemba. Rwizi rwaKishoni rwaimonyoroka nemubani iri raiva neuswa, ruchinodira muGungwa Guru, pedyo neGomo reKameri. Rwizi urwu runofanira kunge rwaiva rwakaoma mangwanani iwayo, asi pane chimwe chinhu chaipenya mubani iroro rakakura. Raiva uto raSisera iro rakanga richiswedera pedyo, riine zvinhu zvaityisa kutarisa, zvaipenya sesimbi. Sisera akanga auya nemauto ake ane unyanzvi aine ngoro dzaisvika 900, idzo dzinofanira kunge dzaiva nemajeko mumavhiri. Sisera aida kukunda vaIsraeri semunhu ari kukohwa zvake bhari nekuti vainge vasina zvombo zvakakwana!

Dhibhora aiziva kuti Bheraki nevarume vaaiva navo vainge vakamirira kuti avaudze kuti voita sei. Ndiye chete mukadzi aivapo here? Ainzwa sei paaifunga kuti ndiye aifanira kuudza varume vose ivavo zvekuita? Akambonetseka here kuti aivawo chii pavarume vese ivavo? Zviri pachena kuti haana kunetseka! Mwari wake Jehovha ainge amuudza kuti vaende kuhondo iyi uye ainge amuudzawo kuti aizoshandisa mumwe mukadzi kuti hondo iyoyo ipere. (Vatongi 4:9) Zvakaitwa naDhibhora nevarwi vaiva neushingi vaaiva navo zvinotidzidzisei nezvekutenda?

KWIRAI “PAGOMO RETABHORI”

Bhaibheri parinotanga kutaura nezvaDhibhora rinomuti “muprofitakadzi.” Izvi zvinosiyanisa Dhibhora nevamwe vakadzi vanotaurwa muBhaibheri, asi haasiriye oga muprofitakadzi. * Dhibhora aivawo nerimwe basa. Hapana mubvunzo kuti aigadzirisa nyaya dzevaIsraeri, achiudza vanhu zvinenge zvatongwa naJehovha panyaya idzodzo.—Vatongi 4:4, 5.

Dhibhora aigara munzvimbo ine makomo yaEfremu, iri pakati petaundi reBheteri neRama. Aiwanzogara pasi pemuti wemuchindwe, achibatsira vanhu achitungamirirwa naJehovha. Hapana mubvunzo kuti basa rake rainge rakaoma, asi Dhibhora haana kuneta. Vanhu vaida chaizvo kubatsirwa naye. Pave paya akafemerwa naMwari kunyora rwiyo rwaiva nemashoko aitaura nezvevaIsraeri vainge vasina kutendeka aiti: “Vakasarudza vanamwari vatsva. Kurwa kwakavapo pamagedhi panguva iyoyo.” (Vatongi 5:8) Sezvo vaIsraeri vainge vasiya Jehovha kuti vanamate vamwe vanamwari, Jehovha akavarega vachikundwa nevavengi vavo. Mambo wevaKenani Jabhini aivadzvinyirira achishandisa mukuru weuto rake Sisera.

Kungonzwa zita rekuti Sisera kwaiita kuti vaIsraeri vabvunde nekutya uye vasagadzikana. Manamatiro evaKenani uye tsika dzavo zvaiva zveutsinye zvekuti vaitopa vana sezvibayiro, vachiita zveupfambi patemberi. Zvakanga zvakaoma sei kutongwa nemukuru weuto revaKenani neuto rake? Rwiyo rwaDhibhora rwunoratidza kuti kufamba kwaitonetsa uye vanhu vainge vasisagari mudzimba dzavo. (Vatongi 5:6, 7) Tinogona kufungidzira vanhu vachiita zvekudongorera vari musango uye mumakomo, vachitya kurima kana kugara mumisha isina masvingo, vachityira kuti kana vakafamba munzira vangarwiswa, vangatorerwa vana, kana kuti vakadzi vavo vangabatwa chibharo. *

VaIsraeri vakaita makore 20 vachirarama vachingotya. Izvi zvakazopera Jehovha paakaona kuti vanhu vake vakaoma musoro vava kuda kuchinja. Kana kuti kusvikira Dhibhora paakasimuka “saamai pakati paIsraeri,” sezviri murwiyo rwake naBheraki rwakafemerwa naMwari. Hatizivi kuti Dhibhora, mudzimai waRapidhoti aiva nevana here, asi mashoko aya ane zvimwe zvaaireva. Jehovha akapa Dhibhora basa rekudzivirira vaIsraeri sezvinoitwa naamai kuvana vavo. Akamutuma kuti ashevedze Mutongi Bheraki uyo aiva nekutenda kwakasimba, omuudza kuti aende kunorwa naSisera.—Vatongi 4:3, 6, 7; 5:7.

Dhibhora akakurudzira Bheraki kuti aende kunorwa kuti anunure vanhu vaMwari

Jehovha akaudza vaIsraeri achishandisa Dhibhora kuti vakwire “paGomo reTabhori.” Bheraki aifanira kuunganidza varume 10 000 kubva kundudzi mbiri dzevaIsraeri. Dhibhora akataura zvakavimbiswa naMwari zvekuti vaizokunda Sisera neuto rake rakasimba raiva nengoro 900! Hapana mubvunzo kuti mashoko iwayo akashamisa Bheraki! VaIsraeri vakanga vasina uto uye tingatoti vakanga vasina zvombo. Pasinei naizvozvo Bheraki akati aizoenda kunorwa kana Dhibhora akabvuma kuendawo.—Vatongi 4:6-8; 5:6-8.

Vamwe vanoti chikumbiro chaBheraki chairatidza kuti ainge asina kutenda, asi idzodzo inhema. Haana kukumbira Mwari zvimwe zvombo. Asi kutenda kwake kwakaita kuti akoshese kuva nemumiririri waJehovha, kuti iye nevarume vaaiva navo vasimbiswe naye. (VaHebheru 11:32, 33) Jehovha akabvuma kuti Dhibhora aende navo sezvakanga zvakumbirwa naBheraki. Asi Jehovha akaita kuti Dhibhora aprofite kuti hondo yacho yaisazogumiswa nemurume. (Vatongi 4:9) Mwari akanga ataura kuti Sisera uyo akanga akaipa aizourayiwa nemunhukadzi.

Mazuva ano, vakadzi vanodzvinyirirwa, vanoitirwa chisimba, uye vanobatwa zvisina kunaka. Kashoma pavanoremekedzwa sezvinodiwa naMwari. Zvisinei, varume nevakadzi vanokosha zvakafanana kuna Mwari uye vanogona kufarirwa naye. (VaRoma 2:11; VaGaratiya 3:28) Zvakaitika kuna Dhibhora zvinotidzidzisa kuti Mwari anoropafadzawo vakadzi nekuvapa mabasa uye anovaitira zvimwe zvinoratidza kuti anovimba navo uye anovafarira. Zvinokosha kuti tisatombova nemafungiro ekusarura akazara munyika.

“NYIKA YAKAZUNUNGUKA” UYE MVURA YAKATSVOTSVOMA

Bheraki akaenda kunounganidza uto rake. Akaunganidza varume 10 000 vaiva neushingi hwekuenda kunorwisana neuto raityisa raSisera. Bheraki paaitungamirira varume vaaiva navo vachienda kuGomo reTabhori, aifara kuva nemunhu aivashingisa. Tinoverenga kuti: “Dhibhora akaenda naye.” (Vatongi 4:10) Funga kuti masoja iwayo akakurudzirwa sei paaiona kuti mukadzi uyu ane ushingi akazvipira kuenda navo kuGomo reTabhori, asingatyiri upenyu hwake nemhaka yekutenda kwake muna Jehovha Mwari!

Sisera paakaziva kuti vaIsraeri vainge vazvipira kuronga uto kuti varwisane naye, akaona zvekuita nekukurumidza. Madzimambo akati kuti evaKenani akabatana naMambo Jabhini kuenda kuhondo iyi. Mambo Jabhini angangodaro aiva nesimba kupfuura madzimambo iwayo. Zvikwata zvakakura zvemauto aSisera pazvaifamba mubani iroro nengoro dzehondo, zvaiita mutinhimira, waizunungusa pasi. VaKenani vaifunga kuti vaizoita kanyama kanyama uto revaIsraeri ravaiona sepasina zviripo.—Vatongi 4:12, 13; 5:19.

Bheraki naDhibhora vaizoita sei pavaiona muvengi achiswedera pedyo? Kana vaizoramba vari muGomo reTabhori, zvaizovapa mukana wekuti vakunde mauto evaKenani airamba achiswedera pedyo nokuti ngoro dzemauto iwayo dzaizoshanda zvakanaka munzvimbo isina mikwidza nezvimwe zvinovhiringidza. Asi Bheraki aizorwa sezvinenge zvarairwa naJehovha, saka akamirira kuti anzwe zvaizotaurwa naDhibhora. Nguva yacho yakazosvika. Dhibhora akati: “Simuka, nokuti nhasi ndiro zuva iro Jehovha achaisa Sisera muruoko rwako. Haasi Jehovha abuda ari pamberi pako here?” Nyaya yacho inobva yati: “Bheraki akaburuka muGomo reTabhori nevarume zviuru gumi vaiva shure kwake.”—Vatongi 4:14. *

Mauto evaIsraeri akamhanya achibva mugomo achienda munzvimbo iri pachena, yakati sandara, akananga kwaiva neuto iroro raiva nengoro dzehondo dzinotyisa. Jehovha aizova pamberi pavo sezvakataurwa naDhibhora here? Hazvina kutora nguva kuti zvibude pachena. Tinoverenga kuti: “Nyika yakazununguka” uye mvura yakatsvotsvoma. Mauto aSisera aizvikudza akavhiringidzika. Zvinoita sekuti pasi pakabva paita machakwi. Ngoro dzinorema dzaiva nemasimbi dzevaKenani dzakanga dzisisina zvadzinobatsira. Dzakanyura mumadhaka, zvekuti pakanga pasisina zvekuita.—Vatongi 4:14, 15; 5:4.

Bheraki nevarume vaaiva navo havana kuvhunduka mvura iyoyo. Vaiziva kwayaibva. Vakamhanya vakananga kumauto evaKenani. Sevarwi vaMwari, vaIsraeri vakauraya masoja ose aSisera. Pasina nguva Rwizi rwaKishoni rwakatanga kuzara ndokufashukira, rwukayeredza zvitunha rwuchinozvirasira muGungwa Guru.—Vatongi 4:16; 5:21.

Sezvakagara zvataurwa naDhibhora, Jehovha akarwira vanhu vake, ndokukunda mauto aSisera

Mazuva ano Jehovha haatumi vashumiri vake kunorwisana nevanhu. Asi anoda kuti vashumiri vake varwe hondo yekunamata. (Mateu 26:52; 2 VaKorinde 10:4) Kana tikaedza kuteerera Mwari mazuva ano, tinenge tichitorwa hondo yekunamata. Tinofanira kuva neushingi, nokuti vaya vanotsigira Mwari vanogona kurwiswa zvinotyisa. Asi Jehovha haana kuchinja. Achiri kudzivirira vaya vanotenda maari uye vanovimba naye sezvakaitwa naDhibhora naBheraki, uye nemasoja aiva neushingi evaIsraeri.

‘AKAKOMBORERWA KWAZVO PAKATI PEVAKADZI’

Mumwe wevaKenani, Sisera, uyo aiva muvengi mukuru wevaIsraeri akatiza netsoka! Murume uyu aidzvinyirira vanhu vaMwari zvisingaiti. Akasiya masoja ake achifira mumadhaka, ndokuverevedza nepakati pemasoja evaIsraeri kusvikira ava kwakanga kusina madhaka, achienda kunzvimbo iri pedyo yaigara shamwari dzake. Akamhanya kwemakiromita akati kuti nemunzvimbo yaiva pachena, achiita kubvunda nekutya kuti masoja evaIsraeri angamubata. Ainge akananga kumatende aHebheri muKeni uyo akanga abva kuvanhu verudzi rwake vaigara vachitama tama vaiva kumaodzanyemba, ndokutanga kuwirirana naMambo Jabhini.—Vatongi 4:11, 17.

Sisera akasvika pamatende aHebheri arukutika. Akawana Hebheri asipo, asi mudzimai waHebheri ainzi Jaeri ndiye akanga aripo. Sezvo Hebheri aiwirirana naMambo Jabhini, zvichida Sisera akafunga kuti Jaeri aizoremekedza izvozvo. Zvimwe akafunga kuti hazviiti kuti mukadzi afunge kana kuita zvinopesana nemurume wake. Zviri pachena kuti Sisera akanga asingazivi kuti Jaeri munhu akaita sei! Hapana mubvunzo kuti Jaeri akanga aona kuipa kwevaKenani pakudzvinyirira kwavaiita vaIsraeri. Zvingangodaro kuti akafungawo kuti upenyu hwemunhu uyu hwakanga hwava mumaoko ake. Aigona kudzivirira murume iyeye akaipa kana kuti kutsigira Jehovha ouraya munhu uyu aivenga vanhu vaMwari. Aizoita sei? Mukadziwo zvake aizokwanisa sei kuuraya murume iyeye ainge akasimba uye aiva shasha yekurwa?

Jaeri aitofanira kukurumidza kufunga. Akapa Sisera nzvimbo yekuti azorore. Sisera akaudza Jaeri kuti asaudza chero murume aizouya achimutsvaka kuti ainge aripo. Sisera paakarara Jaeri akabva amufukidza, uye paakakumbira mvura, akamupa mukaka une ruomba. Pasina nguva Sisera akanga ava kudzipfodora. Jaeri akatora hoko nesando, zvinova zvinhu zvaigara zvichishandiswa neunyanzvi nevakadzi vaigara mumatende. Achitsigira Jehovha, akachonjomara pedyo nemusoro waSisera, kuti aite basa raityisa rekuuraya murume uyu. Kudai aizozeza kana kuti kuverengera, aizoisa upenyu hwake pangozi. Akafunga here nezvevanhu vaMwari uye kutambudzwa kwavakaitwa nemurume uyu kwemakumi emakore? Kana kuti akafunga here nezvemukana waakanga ava nawo wekuti atsigire Jehovha? Nyaya yacho haitauri. Chatinongoziva ndechekuti Jaeri akabva auraya Sisera!—Vatongi 4:18-21; 5:24-27.

Bheraki akazosvika achitsvaka muvengi wake waaivhima. Jaeri paakamuratidza chitunha chacho chakabayirirwa hoko nechepamberi penzeve, akaziva kuti uprofita hwaDhibhora hwakanga hwazadziswa. Murwi iyeye aiva nesimba, Sisera, akanga aurayiwa nemunhukadzi! Vashoropodzi vemazuva ano vanotumidza Jaeri mazita akawanda ekutsvinya. Asi izvozvo zvakasiyana nemaonerwo aaiitwa naBheraki naDhibhora avo vakafemerwa kuimba rwiyo vachirumbidza Jaeri vachiti ainge ‘akakomborerwa kwazvo pakati pevakadzi,’ nemhaka yeushingi hwaakaratidza. (Vatongi 4:22; 5:24) Onawo zvakaitwa naDhibhora. Haana kuitira Jaeri shanje asi akamurumbidza, nekuti chaaikoshesa ndechekuti zvakataurwa naJehovha zvainge zvaitika.

Pakafa Sisera, vaIsraeri vakanga vasisatyi Mambo Jabhini. Zvekudzvinyirirwa nevaKenani zvakanga zvapera. Vanhu vakagara murunyararo kwemakore 40. (Vatongi 4:24; 5:31) Dhibhora, Bheraki, naJaeri vakakomborerwa chaizvo nekuti vaitenda muna Jehovha Mwari! Kana tikatevedzera kutenda kwaiva naDhibhora, tichitsigira Jehovha zvakasimba uye tichikurudzira vamwe kuti vadaro, Jehovha achatikomborera uye tichagara murunyararo nekusingaperi.

^ ndima 7 Vamwe vaprofitakadzi vanosanganisira Miriyemu, Huridha uye mudzimai waIsaya.—Eksodho 15:20; 2 Madzimambo 22:14; Isaya 8:3.

^ ndima 9 Rwiyo rwaDhibhora rwunoratidza kuti Sisera aiwanzodzoka kuhondo dzake apamba zvinhu zvaisanganisira vasikana, dzimwe nguva musoja mumwe nemumwe aine vasikana vaviri kana kupfuura. (Vatongi 5:30; The Bible in Union SHONA Version, rine zviperengo zvanhasi) Shoko rakashandurwa kuti “musikana” pavhesi iyi rikatorwa sezvariri muchiHebheru rinoreva “chibereko.” Mutauro wacho unoratidza kuti vakadzi ava vaingodirwa nyaya yekubereka chete. Zvingangodaro kuti vakadzi vaigara vachibatwa chibharo.

^ ndima 17 Hondo yakazoitika apa inotaurwa kaviri muBhaibheri. Inotaurwa muchitsauko 4 chebhuku raVatongi icho chinorondedzera zvakaitika uye murwiyo rwaDhibhora naBheraki rwuri muchitsauko 5. Zvitsauko zviviri izvi zvinotibatsira kunzwisisa nyaya iyi, chimwe nechimwe chichitipa mashoko atisingawani mune chimwe.