Kutambura Kuchazombopera Here?
Ungati . . .
-
kuchapera here?
-
hakuperi here?
-
pamwe kungangopera here?
BHAIBHERI RINOMBOTII?
“Mwari . . . achapukuta misodzi yese pamaziso avo, uye hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.”—Zvakazarurwa 21:3, 4, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.
ZVARINOTAURA ZVINGAKUBATSIRA SEI?
Uchava nechokwadi chekuti Mwari haasi iye anokonzera matambudziko edu.—Jakobho 1:13.
Uchanyaradzwa nekuziva kuti Mwari anorwadziwa patinotambura.—Zekariya 2:8.
Uchava netariro yekuti kutambura kwese kuchapera.—Pisarema 37:9-11.
TINGANYATSOBVUMA ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI HERE?
Hongu. Tine zvikonzero zviviri zvinoita kuti tidaro:
-
Mwari haadi kuti vanhu vatambure kana kuitirwa zvakaipa. Imbofunga kuti Jehovha Mwari ainzwa sei kare paaiona vanhu vake vachiitirwa utsinye. Bhaibheri rinoti airwadziwa pavaidzvinyirirwa “nevaya vaivaitira utsinye.”—Vatongi 2:18, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.
Jehovha anovenga zvikuru vanhu vanoitira vamwe zvakaipa. Bhaibheri rinoti anosemeswa nemaoko “anodeura ropa risina mhosva.”—Zvirevo 6:16, 17.
-
Mwari anotida semunhu mumwe nemumwe. ‘Mumwe nemumwe wedu anoziva zvinomunetsa uye zvinomurwadza.’ Asi hatisi isu tega tinozviziva. Jehovha anozivawo zvinonetsa mumwe nemumwe wedu uye zvinomurwadza.—2 Makoronike 6:29, 30.
Jehovha ava pedyo nekugumisa kutambura kwemumwe nemumwe wedu, achishandisa Umambo hwake. (Mateu 6:9, 10) Asi iye zvino anonyaradza vaya vanomutsvaga nemwoyo wese.—Mabasa 17:27; 2 VaKorinde 1:3, 4.
ZVEKUFUNGA NEZVAZVO
Mwari anosiyirei vanhu vachitambura?
Bhaibheri rinopindura mubvunzo iwoyo pana VAROMA 5:12 na2 PETRO 3:9.