Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvakaita Gore “Munyika Yakanaka”

Zvakaita Gore “Munyika Yakanaka”

Zvakaita Gore “Munyika Yakanaka”

MUNA 1908 pane chimwe chinhu chinofadza chakawanikwa muguta reGezeri rinotaurwa muBhaibheri, mubani riri pedyo negungwa nechokumadokero kweJerusarema: dombo duku reraimu, rinofungidzirwa kuti nderomuzana remakore rechigumi B.C.E. Padombo iri, paiva nezvakanga zvakanyorwa nomutauro wekare wechiHebheru zvinofungidzirwa kuti ichati inoratidza zvinhu zvakasiyana-siyana zvaiitwa mumwaka yokurima mukati megore. Dombo iri rakasvika pakunzi Karenda yeGezeri.

Dombo racho rine siginicha yaAbhija. Kunyange zvazvo dzisiri nyanzvi dzose dzokuchera matongo dzinobvumirana nazvo, vakawanda vanofunga kuti inhetembo yebasa rokuchikoro yakanyorwa nomukomana wacho. * Ungada kuona kufamba kwaiita mwaka semaonero aiita mukomana uyu akararama kare here? Izvi zvingakubatsira kuyeuka zvimwe zvinhu zvaiitwa zvinotaurwa muBhaibheri.

Mwedzi Miviri Yokuunganidza

Munyori wekarenda iyi yekare akatanga nokutaura nezvenguva yokuunganidza. Kunyange zvazvo kuunganidza kwakanyorwa pakutanga pakarenda iyi, unogona kuona chikonzero nei vaIsraeri vakuona senguva yokupera kwechikamu chikuru chokurima mugore. Mwedzi waEtanimu (wakazonzi Tishri) unoenderana naSeptember naOctober pakarenda yedu. Basa guru rokukohwa zvarainge rapera, iyi yaiva nguva yokufara apo wechiduku Abhija aioneka aripowo. Chimbofungidzira kufara kwaaiita paaibatsira baba vake kugadzira dumba ravaizogara kwevhiki pavaionga Jehovha nomufaro pamusana pezvibereko zveminda yavo!—Dheuteronomio 16:13-15.

Panguva iyi, maorivhi ainge ava pedyo nokukohwewa mhuri yokwanaAbhija payaiita zvokuzunza miti yacho. Basa iri ringangodaro raiva rakaomera Abhija zvikuru asi ainakidzwa nokuona vamwe vachiriita. (Dheuteronomio 24:20) Vaizonhonga maorivhi acho voaendesa kuchisviniro chaiva pedyo kuti vagadzire mafuta. Kana kuti mhuri yacho yaikwanisa kuwana mafuta nokushandisa nzira yaiva nyore yokuisa maorivhi ainge agayika mumvura vobvisa mafuta aiyangarara pamusoro pemvura yacho. Pasinei nenzira yavaishandisa, mafuta aya aikosha akanga asingashandiswi mune zvokudya chete. Aishandiswawo mumarambi uye kurapa painge pakuzvuka uye pazvironda zvavanaAbhija pavaikuvara vachitamba.

Mwedzi Miviri Yokudyara

Painaya bumharutsva, Abhija angave aifara kumbotonhorerwa nemvura yacho. Pamwe baba vake vaimuudza zvainge zvakakoshera mvura inonaya paivhu ravo. (Dheuteronomio 11:14) Ivhu, raimbenge raomeswa kuti papata nezuva kwemwedzi yakawanda, raibva ranyorova zvokuti kurima kwainge kwava kuita. Murimi wekare aibata nounyanzvi gejo romuti zvichida raiva nomuromo wesimbi, sezvaraidhonzwa nechipfuwo. Vavariro yake yaiva yokuita miforo yakatwasuka. Ivhu racho raikosha zvokuti varimi vomuIsraeri vaitorima minda miduku kunyange munzvimbo dzakatenuka. Asi munzvimbo idzi vangangodaro vaifanira kushandisa mapadza.

Ivhu nyoro rangorimwa, gorosi nebhari zvaigona kudyarwa. Sezvineiwo mwedzi miviri iyi yokudyara iripowo paKarenda yeGezeri. Mudyari aigona kutakura mbesa muhomwe yaiva panguo yake obva amwaya mbesa dzacho.

Mwedzi Miviri Yokudyara Mbesa Dzokupedzisira

“Nyika yakanaka” yaingogara ichibereka zvibereko. (Dheuteronomio 3:25) Muna December mainaya madzvotsvotsvo emvura uye nyika yacho yaibva yasvibirira. Iyi yaiva nguva yokudyara mbesa dzokupedzisira dzakadai sepizi, nyemba nemimwewo miriwo. (Amosi 7:1, 2) Padombo racho, Abhija akati “mafuro omuchirimo” kana kuti maererano neimwe shanduro “nguva yokudyara mbesa dzokupedzisira,” nguva yemachikichori aibikwa nemiriwo yakawanda yaiwanika munguva iyi.

Pakwainge kwava kuti dziyei, muti womuarumondi wairatidza kusvika kwechirimo, waitumbuka maruva machena neepingi. Izvi zvaiitika kuchangotanga kudziya, kunyange muna January.—Jeremiya 1:11, 12.

Mwedzi Wokucheka Mufurakisi

Abhija anozotaura nezvomuti womufarakisi. Izvi zvingakuyeuchidza zvakaitika kumabvazuva kwezvikomo zveJudha mazana emakore Abhija asati avapo. Muguta reJeriko, Rakabhi akavanza tsori mbiri “pakati pemashanga omufurakisi aakanga akaronga padenga” kuti aome. (Joshua 2:6) Furakisi yaikosha chaizvo muupenyu hwevaIsraeri. Kuti vabvise shinda pafurakisi, muti wacho waifanira kutanga waorera. Dova raigona kuita kuti izvi zviitike zvishoma nezvishoma kana kuti zvaigona kukurumidziswa nokuisa furakisi yacho mudziva kana kuti murwizi. Yangopatsanurwa, shinda yefurakisi yaishandiswa kugadzira shinda yerineni yaizogadziriswa maseiri, matende nezvipfeko. Furakisi yaigadziriswawo tambo dzemarambi.

Vamwe vanoramba kuti furakisi yairimwa munzvimbo yeGezeri isina mvura yakanyanya kuwanda. Dzimwe dzinoti furakisi yairimwa pava paya mugore. Ndokusaka vamwe vachiti paKarenda yeGezeri, shoko rokuti “furakisi” rakada kufanana neshoko rokuti “uswa” hwezvipfuwo.

Mwedzi Wokukohwa Bhari

Gore roga roga, pashure pomwedzi wokucheka furakisi, Abhija aiona hura nyoro dzebhari, chirimwa chaanozotaura nezvacho pakarenda yake. Mwedzi wacho muchiHebheru ndiAbhibhi, zvichireva kuti “Hura Nyoro,” zvichida kureva nguva inenge yaibva hura dzacho asi dzisati dzaoma. Jehovha akarayira kuti: “Chengeta mwedzi waAbhibhi, uye unofanira kuitira Jehovha . . . paseka.” (Dheuteronomio 16:1) Mwedzi waAbhibhi (wakazonzi Nisani) unotangira pakati paMarch uchipera pakati paApril pakarenda yedu. Nguva yokuibva kwebhari ingangove yakabatsira kuziva paitangira mwedzi uyu. Kunyange mazuva ano, vaJudha vechiKaraite vanoziva panotangira gore idzva ravo vachicherechedza nguva iyi yokuibva kwebhari. Chero zvazvaive, zvibereko zvokutanga zvebhari zvaifanira kuzunguzirwa pamberi paJehovha musi wa16 mumwedzi waAbhibhi.—Revhitiko 23:10, 11.

Bhari yaikosha zvikuru muupenyu hwezuva nezuva hwevaIsraeri vakawanda. Zvayaive yakachipa kudarika gorosi, bhari yaiwanzobikiswa chingwa, zvikurukuru nevarombo.—Ezekieri 4:12.

Mwedzi Wokukohwa Nokuyera

Dai waizombodzokera shure wova munguva yaAbhija, unogona kufungidzira uchimuona mamwe mangwanani-ngwanani akatarisa makore emvura achinyangarika—zvichireva kuti kwaisazombonaya kwenguva yakati. Panguva iyi zvirimwa zvenyika yakanaka zvainge zvava kukudzwa nedova. (Genesisi 27:28; Zekariya 8:12) Varimi vechiIsraeri vaiziva kuti zvirimwa zvakawanda zvakasiyana-siyana zvaikohwewa mumwedzi iyi zvaida mhepo yakawanda kusvikira paPendekosti nokuti zuva raibanda. Mwando waitonhora waibva kuchamhembe ungave waibatsira kuti mbesa dzinodyiwa dzikure, asi waikuvadza miti yemichero payaitumbuka maruva. Mhepo yaipisa yaibva kumaodzanyemba yaibatsira maruva acho kuti avhurike zvobva zvaita kuti miti ibereke.—Zvirevo 25:23; Rwiyo rwaSoromoni 4:16.

Jehovha, Nyanzvi yezvemamiriro ose okunze, ndiye akasika nemazvo tupukanana, mhuka, nezvinhu zvose zvinomera mumasango. Muzuva raAbhija, chokwadi Israeri yaiva “nyika yegorosi nebhari nemizambiringa nemaonde nemapomegraneti, nyika yemiorivhi yemafuta nouchi.” (Dheuteronomio 8:8) Sekuru vaAbhija vangave vaimuudza nezvenguva yemaguta paitonga Mambo Soromoni ainge akachenjera—hwaiva uchapupu huri pachena hwokukomborerwa naJehovha.—1 Madzimambo 4:20.

Yataura nezvokukohwa, karenda yacho yaiva neshoko rinofungidzirwa nevamwe kuti rinoreva “kuyera.” Izvozvo zvingava zvaireva kuyera chikamu chegohwo chaitorwa nevaridzi vomunda uye chaitorwa nevashandi kana kuti chaibhadharwa somutero. Zvisinei, dzimwe nyanzvi dzinofunga kuti shoko rechiHebheru iri rinoreva “mabiko” uye izvi zvinofambidzana noMutambo Wemavhiki, waiitwa mumwedzi waSivhani (May/June).—Eksodho 34:22.

Mwedzi Miviri Yokubvisa Mashizha

Abhija anozonyora nezvemwedzi miviri yokutarisira miti yemizambiringa. Angangove aibatsira kubvisa mashizha akawanda pamiti yemizambiringa kuti zuva risvike pamazambiringa acho. (Isaya 18:5) Nguva yokuunganidza mazambiringa yaibva yati pfacha, nguva yaiita kuti muduku airarama kare ikako anzwe manyukunyuku. Chokwadi mazambiringa okutanga aizipa samare! Abhija angangove akanzwa nezvetsori 12 dzakatumwa naMosesi kuNyika Yakapikirwa. Dzakaendako pakanga paibva mazambiringa okutanga dzichinoona kunaka kwenyika yacho. Panguva iyoyo, sumbu rimwe chete remazambiringa raiva rakakura zvokuti raitotakurwa nevarume vaviri!—Numeri 13:20, 23.

Mwedzi Wemichero Yomuzhizha

Michero yezhizha ndiyo yakanyorwa pokupedzisira pakarenda yaAbhija. MuMiddle East yekare, muzhizha ndimo mairimwa michero mumwaka yokurima yegore. Pashure penguva yaAbhija, Jehovha akashandisa mashoko okuti “tswanda yemichero yezhizha” kuenzanisira ‘magumo ainge asvika evanhu vake vaIsraeri,’ achishandisa mutaurosiri wokuti “tswanda yemichero yezhizha” uye “kuguma” muchiHebheru. (Amosi 8:2) Izvi zvingave zvakayeuchidza vaIsraeri vakatendeka kuti vakanga vava kuguma uye kuti kutonga kwaJehovha kwakanga kwasvika. Hapana mubvunzo kuti maonde aivawo mimwe yemichero yezhizha yaitaurwa naAbhija. Maonde ezhizha aisvinirwa mumakeke kana kuti aishandiswa kurapa mamota.—2 Madzimambo 20:7.

Karenda yeGezeri Newe

Wechiduku Abhija angangove aiziva upenyu hwokurima hwaiitwa munyika yacho. Mumazuva iwayo kurima kwaiva kwakakurumbira kuvaIsraeri. Kunyange usinganyatsozivi mabasa okurima, mashoko ari padombo iri rokuGezeri anogona kukubatsira paunenge uchiverenga Bhaibheri kuti uone zvinhu chaizvo zvaiitika zvoita kuti unyatsonzwisisa woziva zvazvinoreva.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Zvakanyorwa paKarenda yeGezeri hazvina hazvo kunyatsofanana nemwedzi yomuBhaibheri. Uyezve, mamwe mabasa okurima angadaro aiitwa panguva dzakasiyana mune dzimwe nzvimbo dzeNyika Yakapikirwa.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 11]

ZVINGANGOVE ZVAIVE ZVAKANYORWA PAKARENDA YEGEZERI:

“Mwedzi yokuunganidza uye yokukohwa maorivhi;

mwedzi yokudyara;

mwedzi yemafuro omuchirimo

mwedzi wokucheka mufarakisi;

mwedzi wokukohwa bhari;

mwedzi wokukohwa gorosi nokuyera;

mwedzi yokucheka mabukira;

mwedzi wemichero yomuzhizha.”

[yakasainwa na-:] Abhija *

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 41 Zvakabva mubhuku rinonzi Bhuku Remanyoro revaJudha vokuSiriya, Bhuku 1, raJohn C. L. Gibson, 1971, [Textbook of Syrian Semitic Inscriptions, Volume 1].

[Kwazvakatorwa]

Archaeological Museum of Istanbul

[Chati/Mifananidzo iri papeji 9]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

NISANI (ABHIBHI)

March—April

IYARI (ZIVHI)

April—May

SIVHANI

May—June

TAMUZI

June—July

ABHI

July—August

ERURI

August—September

TISHRI (ETANIMU)

September—October

HESHIVHANI (BHURI)

October—November

KISREVHI

November—December

TEBHETI

December—January

SHEBHATI

January—February

ADHARI

February—March

VHEADHARI

March

[Kwazvakatorwa]

Murimi: Garo Nalbandian

[Mufananidzo uri papeji 8]

Matongo akacherwa paGezeri

[Kwazvakatorwa]

© 2003 BiblePlaces.com

[Mifananidzo iri papeji 10]

Muarumondi

[Mufananidzo uri papeji 10]

Mufurakisi

[Kwazvakatorwa]

Dr. David Darom

[Mufananidzo uri papeji 10]

Bhari

[Kwazvakatorwa]

U.S. Department of Agriculture