Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anoda Kuti Umuteerere

Jehovha Anoda Kuti Umuteerere

Jehovha Anoda Kuti Umuteerere

“Mwanakomana wangu, iva akachenjera ufadze mwoyo wangu.”—Zvirevo 27:11.

1. Mafungiro api azara munyika mazuva ano?

MAFUNGIRO okuzvimiririra nokusateerera azara munyika mazuva ano. Muapostora Pauro anotsanangura chikonzero chacho mutsamba yaakanyorera vaKristu vaigara kuEfeso, achiti: “Makambofamba maererano nemamiriro ezvinhu enyika ino, maererano nomutongi wesimba remhepo, iwo mafungiro anoshanda zvino muvanakomana vasingateereri.” (VaEfeso 2:1, 2) Chokwadi ungataura kuti Satani Dhiyabhorosi, “mutongi wesimba remhepo,” azadza nyika yose nemafungiro okusateerera. Akanga achizviita muzana remakore rokutanga, uye ave achizviita zvakatonyanya kubva paakadzingwa kudenga panenge panguva yeHondo Yenyika I.—Zvakazarurwa 12:9.

2, 3. Tine zvikonzero zvipi zvokuti titeerere Jehovha?

2 Zvisinei, sevaKristu tinoziva kuti Jehovha Mwari akakodzera kuti timuteerere zvinobva pamwoyo nokuti ndiye Musiki wedu, Musimboti woupenyu hwedu, Changamire anotida, uye Mununuri wedu. (Pisarema 148:5, 6; Mabasa 4:24; VaKorose 1:13; Zvakazarurwa 4:11) VaIsraeri vomunguva yaMosesi vaiziva kuti Jehovha ndiye aiva Mupi Woupenyu noMuponesi wavo. Nokudaro Mosesi akavaudza kuti: “Munofanira kuchenjerera kuti muite sezvamakarayirwa naJehovha Mwari wenyu.” (Dheuteronomio 5:32) Chokwadi, Jehovha aikodzera kuti vamuteerere. Asi nenguva isipi vakarega kuteerera Changamire wavo.

3 Kuteerera kwedu Musiki wezvinhu zvose kunokosha zvakadini? Mwari akamboudza muprofita Samueri kuti audze Mambo Sauro kuti: “Kuteerera kuri nani kupfuura chibayiro.” (1 Samueri 15:22, 23) Nei zvakadaro?

Zvinoita Kuti Kuteerera Kuve “Nani Kupfuura Chibayiro”

4. Tingaitira Jehovha chimwe chinhu mupfungwa ipi?

4 Zvaari iye Musiki, Jehovha ndiye muridzi wezvinhu zvose zvatiinazvo. Kana zvakadaro, pane zvatingamuitira here? Hungu, tinokwanisa kumuitira chimwe chinhu chinokosha zvikuru. Chii ichocho? Mhinduro yacho tinoiwana muzano rinotevera, rokuti: “Mwanakomana wangu, iva akachenjera ufadze mwoyo wangu, kuti ndigone kupindura iye anondishora.” (Zvirevo 27:11) Tinokwanisa kuteerera Mwari. Kunyange zvazvo tiine mamiriro ezvinhu akasiyana-siyana uye takakurira kwakasiyana, kana tikateerera, mumwe nomumwe wedu anogona kuratidza kuti Satani akareva nhema paakati vanhu havagoni kuramba vakatendeka kuna Mwari pavanosangana nemiedzo. Iyoyo iropafadzo inokosha kwazvo!

5. Musiki anonzwa sei kana tikasateerera? Taura muenzaniso.

5 Mwari anofarira zvatinosarudza. Kana tikasateerera, anonzwa sei? Anorwadziwa paanoona munhu achiita zvisina kuchenjera. (Pisarema 78:40, 41) Ngatitii munhu ane chirwere cheshuga arega kudya zvinovaka muviri zvaakanga arayirwa nachiremba oramba achingodya zvaakarambidzwa. Chiremba wake ane hanya naye anganzwa sei? Tine chokwadi chokuti Jehovha anorwadziwa kana vanhu vakasamuteerera, nokuti anoziva zvinozoitika kana tikasatevedzera zvaanotaura kuti tiwane upenyu.

6. Chii chichatibatsira kuti titeerere Mwari?

6 Chii chichatibatsira somunhu oga kuti titeerere? Zvakakodzera kuti mumwe nomumwe wedu akumbire Mwari “mwoyo unoteerera,” sezvakaita Mambo Soromoni. Akakumbira mwoyo wakadaro kuti “azive chakanaka nechakaipa” paaizotonga vamwe vaIsraeri. (1 Madzimambo 3:9) Tinofanira kuva no“mwoyo unoteerera” kana tichizoziva zvakanaka nezvakaipa munyika yakazara nemafungiro okusateerera. Mwari akatipa Shoko rake, mabhuku anobatsira kudzidza Bhaibheri, misangano yechiKristu, nevakuru veungano vane hanya kuitira kuti tive no“mwoyo unoteerera.” Tiri kunyatsoshandisa urongwa uhwu hunoratidza kuti Mwari anotida here?

7. Nei Jehovha achisimbisa kuteerera kupfuura zvibayiro?

7 Nezvenyaya iyi, yeuka kuti munguva yakapfuura Jehovha akazivisa vanhu vake kuti kuteerera kwaikosha zvikuru kupfuura kupa zvibayiro zvemhuka. (Zvirevo 21:3, 27; Hosiya 6:6; Mateu 12:7) Zvaizodaro sei, sezvo Jehovha ari iye akanga arayira vanhu vake kuti vape zvibayiro izvozvo? Chinangwa chomunhu ari kupa chibayiro ndechei? Ari kuzviitira kufadza Mwari here? Kana kuti ari kungoita masiyandaita? Kana munhu anonamata achida kufadza Mwari zvechokwadi, achava nechokwadi chokuti anoteerera mitemo yose yaMwari. Mwari haana basa nezvibayiro zvemhuka, asi kuteerera chinhu chinokosha chatingamuitira.

Muenzaniso Unotichenjedza

8. Nei Mwari akaramba kuti Sauro arambe ari mambo?

8 Nhoroondo yaMambo Sauro iri muBhaibheri inoratidza kuti kuteerera kunokosha. Paakatanga kutonga, Sauro aizvininipisa uye aiziva pokugumira, ‘achizviti aiva muduku.’ Zvisinei, nokufamba kwenguva akanga ava kudada uye ava kuzvinyengera. (1 Samueri 10:21, 22; 15:17) Pane imwe nguva, Sauro aifanira kurwa nevaFiristiya. Samueri akaudza mambo kuti amumirire kuti azopa zvibayiro kuna Jehovha uye kumuudza zvimwe zvokuita. Zvisinei, Samueri haana kukurumidza kusvika sezvaaitarisirwa, uye vanhu vakatanga kupararira. Aona kuti anonoka, Sauro “akapa chibayiro chinopiswa.” Izvi hazvina kufadza Jehovha. Samueri paakazosvika, mambo akapembedza kusateerera kwake, achiti Samueri zvaakanga anonoka, ‘akazvigombedzera’ kupa chibayiro chinopiswa kuti anzwirwe nyasha naJehovha. Kuna Mambo Sauro, kupa chibayiro ichocho kwainyanya kukosha kupfuura kuteerera zvaakanga audzwa zvokuti amirire Samueri kuti azopa chibayiro chacho. Samueri akamuudza kuti: “Waita zvoupenzi. Hauna kuchengeta murayiro waJehovha Mwari wako waakakurayira.” Kusateerera Jehovha kwakabvisisa Sauro pachigaro choumambo.—1 Samueri 10:8; 13:5-13.

9. Sauro akaratidza sei tsika yokusateerera Mwari?

9 Pane zvakaitika izvi, mambo ane zvaakadzidza here? Kwete! Pave paya, Jehovha akarayira Sauro kuti atsakatise rudzi rwevaAmareki, rwakanga rwamborwisa vaIsraeri rusina kudenhwa. Sauro aifanira kuparadza zvipfuwo zvavo zvose. Akateerera Jehovha pa“akauraya vaAmareki kubvira kuHavhira kusvikira kuShuri.” Samueri paakauya kuzomuona, mambo akanzwa manyukunyuku okukunda kwaakanga aita achibva ati: “Makakomborerwa naJehovha. Ndakaita zvakataurwa naJehovha.” Asi kusiyana nezvavakanga vaudzwa zvakajeka, Sauro nevanhu vake vakanga varega Mambo Agagi ari mupenyu ne“makwai nemombe zvakanaka kwazvo nezvakakora nemakondohwe nezvose zvakanga zvakanaka.” Mambo Sauro akapembedza kusateerera kwake achiti: “Vanhu vakanzwira tsitsi makwai nemombe zvakanaka kwazvo, nechinangwa chokubayira kuna Jehovha Mwari wenyu.”—1 Samueri 15:1-15.

10. Sauro akatadza kudzidza chidzidzo chipi?

10 Zvadaro, Samueri akaudza Sauro kuti: “Jehovha anofarira zvinopiwa zvinopiswa nezvibayiro sokufarira kwaanoita kuteerera inzwi raJehovha here? Tarira! Kuteerera kuri nani kupfuura chibayiro, kunzwa kuri nani kupfuura mafuta emakondohwe.” (1 Samueri 15:22) Sezvo Jehovha akanga ataura kuti mhuka idzodzo dzaifanira kuparadzwa, aisazodzigamuchira kuti dzipiwe sezvibayiro.

Teerera Muzvinhu Zvose

11, 12. (a) Jehovha anoona sei zvatinoita kuti timufadze mukunamata kwedu? (b) Munhu angazvinyengedza sei achiti ari kuita zvinodiwa naMwari uku asingamuteereri?

11 Jehovha anofara zvikuru kuona vashumiri vake vakatendeka vachiramba vakatsiga pasinei nokutambudzwa, vachiparidza Umambo pasinei nokuti vanhu havakendengi, uye vachipinda misangano yechiKristu kunyange zvazvo vakaomerwa nokuwana chouviri! Kuteerera muzvinhu zvakadai zvoupenyu hwedu hwokunamata kunoita kuti mwoyo wake ufare! Zvatinoita mukunamata Jehovha zvinokosha kana tichizviita norudo. Vanhu vangasaona basa redu rakaoma, asi Mwari anoona zvatinoita nomwoyo wose uye anozviyeuka.—Mateu 6:4.

12 Zvisinei, kuti tinyatsofadza Mwari wedu, tinofanira kumuteerera pane zvose zvatinoita. Hatifaniri kuzvinyengedza tichifunga kuti tinogona kumboti tambararei tichisiya zvinodiwa naMwari chero bedzi tichimunamata mune zvimwe. Somuenzaniso, munhu angazvinyengedza achiti hapana chinomuwana kana akaita mamwe mabasa okunamata, asi oita unzenza kana kuita zvimwe zvinhu zvakaipa zvakakomba. Kana tikadaro, tinenge taigochera pautsi!—VaGaratiya 6:7, 8.

13. Patinenge tiri toga, tingaratidza sei kuti tinoteerera Jehovha?

13 Naizvozvo tingazvibvunza kuti, ‘Ndiri kuteerera Jehovha pane zvandinoita zuva nezuva here, kunyange panyaya dzomuhana mangu?’ Jesu akati: “Munhu akatendeka pazvinhu zvidukuduku akatendekawo pazvinhu zvikuru, uye munhu asina kururama pazvinhu zvidukuduku haanawo kururama pazvinhu zvikuru.” (Ruka 16:10) Tiri ‘kufamba-famba nomwoyo wakarurama’ kunyange ‘mumba medu’ matisingaonekwi nevamwe here? (Pisarema 101:2) Chokwadi, patinenge tiri mumba medu, tingaedzwa kuti zvionekwe kana takarurama. Munyika dzakawanda umo makombiyuta aita fararira nemisha yose, mifananidzo inonyadzisira inoonekwa nokungodzvanya bhatani chete. Makore mashomanana akapfuura, munhu aitofanira kuenda kunzvimbo dzinoratidza varaidzo younzenza kuti aone zvinhu izvozvo. Tichateerera here mashoko aJesu okuti: “Munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make”? Chokwadi, ticharega zvachose here kutarira mifananidzo younzenza? (Mateu 5:28; Jobho 31:1, 9, 10; Pisarema 119:37; Zvirevo 6:24, 25; VaEfeso 5:3-5) Zvakadini nepurogiramu dzepaTV dzinoratidza chisimba? Tine maonero akaita seaMwari wedu here, uyo “unovenga munhu wose anoda zvechisimba”? (Pisarema 11:5) Kana kuti zvakadini nokunyanyisa kunwa doro uchiita zvokuverevedza? Bhaibheri rinorambidza kudhakwa, uyewo rinoyambira vaKristu kuti vasagara vachinwa “waini zhinji.”—Tito 2:3; Ruka 21:34, 35; 1 Timoti 3:3.

14. Zvii zvatingaita kuratidza kuti tinoteerera Mwari panyaya dzemari?

14 Pamwe patinofanira kungwarira panyaya dzemari. Somuenzaniso, tingabatanidzwa here muzvirongwa zvokukurumidza kupfuma izvo zvingatoonekwa sokubiridzira? Tinonzwa tichida kushandisa nzira dzisiri dzepamutemo kuti tisabhadhara mitero here? Kana kuti tinonyatsoteerera here murayiro wokuti: “Ipai vose zvakavakodzera, kune anorayira mutero, mutero”?—VaRoma 13:7.

Kuteerera Kunobva Pakuti Tinomuda

15. Nei uchiteerera mirayiro yaJehovha?

15 Kuteerera mitemo yaMwari kunoita kuti tikomborerwe. Somuenzaniso, kana tikasaputa fodya, tikava netsika dzakanaka, uye tikaremekedza utsvene hweropa, hatizobatwi nezvimwe zvirwere. Uyewo, kana tikararama maererano nechokwadi chiri muBhaibheri mune zvimwe zvinhu zvoupenyu, tingabatsirwa kuti tichengetedze mari, tigarisane nevamwe zvakanaka, kana kuti tiwirirane mumhuri. (Isaya 48:17) Rubatsiro rwakadaro zvikomborero zvinoratidza pachena kuti mitemo yaMwari inoshanda. Asi chikonzero chikuru chokuteerera Jehovha ndechokuti tinomuda. Hatishumiri Mwari nokuti pane zvatinowana. (Jobho 1:9-11; 2:4, 5) Mwari akatipa rusununguko rwokuti tisarudze watinoda kuteerera. Tinosarudza kuteerera Jehovha nokuti tinoda kumufadza uye tinoda kuita zvakarurama.—VaRoma 6:16, 17; 1 Johani 5:3.

16, 17. (a) Jesu akateerera sei Mwari zvichibva pakuti aimuda nomwoyo wose? (b) Tingatevedzera sei Jesu?

16 Jesu akasiya muenzaniso wakakwana wokuteerera Jehovha nokuti aimuda nomwoyo wose. (Johani 8:28, 29) Paakanga ari pasi pano, Jesu “akadzidza kuteerera pazvinhu zvaakatambura.” (VaHebheru 5:8, 9) Sei? Jesu “akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, chokwadi, rufu padanda rokutambudzikira.” (VaFiripi 2:7, 8) Kunyange zvazvo Jesu akanga amboteerera paaiva kudenga, akaedzwazve kuti zvionekwe kana aizoteerera paaiva pasi pano. Tine chokwadi chokuti pane zvose Jesu anonyatsokwanisa kuti ashumire soMupristi Mukuru wehama dzake dzomudzimu uyewo wevamwe vanhu vanotenda.—VaHebheru 4:15; 1 Johani 2:1, 2.

17 Zvakadini nesu? Tinokwanisa kutevedzera Jesu tichiita kuti kuteerera zvinodiwa naMwari kuve chinhu chokutanga pane zvatinoita. (1 Petro 2:21) Isu pachedu tingagutsikana kana kuda kwatinoita Mwari kukaita kuti tide kuita zvinorayirwa naJehovha, kunyange patingamanikidzwa kana kunzwa tichida kuita zvakasiyana. (VaRoma 7:18-20) Izvi zvinosanganisira kuda kwedu kuteerera zvinotaurwa nevaya vanenge vachititungamirira mukunamata, kunyange zvazvo vasina kukwana. (VaHebheru 13:17) Kuteerera mirayiro yaMwari patinenge tiri toga kunokosha kuna Jehovha.

18, 19. Kuteerera kwatinoita Mwari nomwoyo wose kunoguma nei?

18 Mazuva ano, kuteerera Jehovha kungasanganisira kutsungirira kuti tirambe takavimbika patinenge tichitambudzwa. (Mabasa 5:29) Uyewo, kuteerera murayiro waJehovha wokuparidza nokudzidzisa kunoda kuti titsungirire kusvikira mamiriro ezvinhu epanguva ino aguma. (Mateu 24:13, 14; 28:19, 20) Tinofanira kutsungirira kuti tirambe tichiungana pamwe chete nehama dzedu, kunyange zvazvo tinganzwa kuti taremerwa nezvinonetsa zvenyika. Mwari wedu anotida anonyatsoziva zvose zvatinoedza kuita kuti timuteerere munyaya dzakadaro. Zvisinei, kuti titeerere zvakakwana, tinofanira kurwisana nenyama yedu inoda zvokutadza tosiya zvakaipa, tichivavarira kuda zvinhu zvakanaka.—VaRoma 12:9.

19 Patinoshumira Jehovha nokuti tinomuda uyewo nokuti tinomuonga nomwoyo wose, anotipa mubayiro nokuti “anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.” (VaHebheru 11:6) Zvibayiro zvakanaka zvinokosha uye zvinodiwa, asi Jehovha anonyanyofadzwa patinomuteerera zvakakwana nokuti tinomuda.—Zvirevo 3:1, 2.

Ungapindura Sei?

• Nei tingati pane chatingaitira Jehovha?

• Zvii zvakakanganiswa naSauro?

• Ungaratidza sei kuti unotenda kuti kuteerera kuri nani kupfuura chibayiro?

• Chii chinoita kuti uteerere Jehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 26]

Chiremba ane hanya anganzwa sei nezvomurwere anorega kutevedzera zvaakamurayira?

[Mufananidzo uri papeji 28]

Nei Mambo Sauro asina kuzofarirwa naJehovha?

[Mifananidzo iri papeji 30]

Uri kuteerera mirayiro yaMwari paunenge uri woga mumba mako here?