Ezekieri 4:1-17

  • Chiratidzo chekukombwa kweJerusarema (1-17)

    • Chivi chinotakurwa kwemazuva 390 nemazuva 40 (4-7)

4  “Zvino iwe mwanakomana wemunhu, tora chidhinha uchiise pamberi pako. Temerera pachiri mufananidzo weguta, iro Jerusarema.  Rikombe,+ vaka rusvingo rwekurirwisa,+ riunganidzire murwi wekurikomba,+ dzika misasa yekurirwisa uye ripoteredze nezvekugumurisa masvingo.+  Tora gango resimbi uriise pakati pako neguta racho kuti rive rusvingo rwesimbi. Ubve watarisa kwariri wakatsamwa, uye richava guta rakakombwa; unofanira kurikomba. Ichi chiratidzo kuimba yaIsraeri.+  “Ubve warara nerutivi rwako rweruboshwe, woisa kukanganisa kweimba yaIsraeri pauri.*+ Uchatakura kukanganisa kwavo kwemazuva aucharara nerutivi.  Ndichakutemera mazuva 390, ayo akaenzana nemakore ekukanganisa kwavo,+ uye uchatakura kukanganisa kweimba yaIsraeri.  Unofanira kuapedza. “Ucharara kechipiri nerutivi rwako rwerudyi, uye uchatakura kukanganisa kweimba yaJudha+ kwemazuva 40. Zuva rimwe chete richiva gore, zuva rimwe chete richiva gore, ndizvo zvandakusarudzira.  Uchatendeudzira chiso chako kuJerusarema+ wakarikomba, wakakwinya ruoko rwako, uye unofanira kuprofita pamusoro paro.  “Inzwa! ndichakusunga netambo kuti urege kupindukira kune rumwe rutivi rwako uchibva kune rumwe rutivi rwako, kusvikira wapedza mazuva ekukomba kwako.  “Uye unofanira kutora gorosi, bhari, bhinzi, nyemba, mapfunde, nesipereti,* wozviisa mumudziyo mumwe chete, wozvibikisa chingwa chako. Uchachidya kwemazuva 390 aunorara nerutivi.+ 10  Zuva rega rega uchayera zvekudya zvinorema mashekeri 20* wozvidya. Uchazvidya panguva dzichasarudzwa. 11  “Mvura yauchanwa ichaita zvekuyerwa, chikamu chimwe chete pazvikamu 6 zvehini.* Uchainwa panguva dzichasarudzwa. 12  “Uchachidya seuri kudya chingwa chebhari cheraundi; uchachibika ivo vachiona, uye tsvina yevanhu yakaoma ndiyo ichava huni dzako.” 13  Jehovha akatiwo: “VaIsraeri vachadyawo chingwa chavo saizvozvo, chisina kuchena, vari pakati pemarudzi andichavaparadzira kwaari.”+ 14  Ndakabva ndati: “Hazviiti Changamire Ishe Jehovha! Kubva ndichiri mudiki kusvika iye zvino, handisati ndambosvibiswa nekudya nyama yemhuka yakafa yega kana kuti yakabvamburwa nechikara,+ uye handisati ndambodya nyama isina kuchena.”+ 15  Saka akati kwandiri: “Zvakanaka, unogona kushandisa ndove yemombe panzvimbo petsvina yevanhu yakaoma, uye uchaishandisa pakubika chingwa chako.” 16  Akabva ati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, ndiri kuita kuti zvekudya zvipere muJerusarema,*+ uye vachadya chingwa chavo chichiita zvekuyerwa,+ mwoyo yavo ichinetseka chaizvo, uye mvura yavachanwa ichaita zvekuyerwa uye vachainwa vachitya kwazvo.+ 17  Izvi zvichaitika kuitira kuti pavachashaya chingwa nemvura vatarisane vachiratidza kupererwa, voonda, nemhaka yekukanganisa kwavo.

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “parwuri,” kureva, rutivi rweruboshwe rwaEzekieri.
Magiramu anenge 230. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Marita anenge 0,6. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
ChiHeb., “ndiri kutyora tumiti twechingwa muJerusarema.” Zvingava zvichireva tumiti twaiisirwa chingwa.