Ezekieri 4:1-17
4 “Zvino iwe mwanakomana wemunhu, tora chidhinha uchiise pamberi pako. Temerera pachiri mufananidzo weguta, iro Jerusarema.
2 Rikombe,+ vaka rusvingo rwekurirwisa,+ riunganidzire murwi wekurikomba,+ dzika misasa yekurirwisa uye ripoteredze nezvekugumurisa masvingo.+
3 Tora gango resimbi uriise pakati pako neguta racho kuti rive rusvingo rwesimbi. Ubve watarisa kwariri wakatsamwa, uye richava guta rakakombwa; unofanira kurikomba. Ichi chiratidzo kuimba yaIsraeri.+
4 “Ubve warara nerutivi rwako rweruboshwe, woisa kukanganisa kweimba yaIsraeri pauri.*+ Uchatakura kukanganisa kwavo kwemazuva aucharara nerutivi.
5 Ndichakutemera mazuva 390, ayo akaenzana nemakore ekukanganisa kwavo,+ uye uchatakura kukanganisa kweimba yaIsraeri.
6 Unofanira kuapedza.
“Ucharara kechipiri nerutivi rwako rwerudyi, uye uchatakura kukanganisa kweimba yaJudha+ kwemazuva 40. Zuva rimwe chete richiva gore, zuva rimwe chete richiva gore, ndizvo zvandakusarudzira.
7 Uchatendeudzira chiso chako kuJerusarema+ wakarikomba, wakakwinya ruoko rwako, uye unofanira kuprofita pamusoro paro.
8 “Inzwa! ndichakusunga netambo kuti urege kupindukira kune rumwe rutivi rwako uchibva kune rumwe rutivi rwako, kusvikira wapedza mazuva ekukomba kwako.
9 “Uye unofanira kutora gorosi, bhari, bhinzi, nyemba, mapfunde, nesipereti,* wozviisa mumudziyo mumwe chete, wozvibikisa chingwa chako. Uchachidya kwemazuva 390 aunorara nerutivi.+
10 Zuva rega rega uchayera zvekudya zvinorema mashekeri 20* wozvidya. Uchazvidya panguva dzichasarudzwa.
11 “Mvura yauchanwa ichaita zvekuyerwa, chikamu chimwe chete pazvikamu 6 zvehini.* Uchainwa panguva dzichasarudzwa.
12 “Uchachidya seuri kudya chingwa chebhari cheraundi; uchachibika ivo vachiona, uye tsvina yevanhu yakaoma ndiyo ichava huni dzako.”
13 Jehovha akatiwo: “VaIsraeri vachadyawo chingwa chavo saizvozvo, chisina kuchena, vari pakati pemarudzi andichavaparadzira kwaari.”+
14 Ndakabva ndati: “Hazviiti Changamire Ishe Jehovha! Kubva ndichiri mudiki kusvika iye zvino, handisati ndambosvibiswa nekudya nyama yemhuka yakafa yega kana kuti yakabvamburwa nechikara,+ uye handisati ndambodya nyama isina kuchena.”+
15 Saka akati kwandiri: “Zvakanaka, unogona kushandisa ndove yemombe panzvimbo petsvina yevanhu yakaoma, uye uchaishandisa pakubika chingwa chako.”
16 Akabva ati kwandiri: “Mwanakomana wemunhu, ndiri kuita kuti zvekudya zvipere muJerusarema,*+ uye vachadya chingwa chavo chichiita zvekuyerwa,+ mwoyo yavo ichinetseka chaizvo, uye mvura yavachanwa ichaita zvekuyerwa uye vachainwa vachitya kwazvo.+
17 Izvi zvichaitika kuitira kuti pavachashaya chingwa nemvura vatarisane vachiratidza kupererwa, voonda, nemhaka yekukanganisa kwavo.
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “parwuri,” kureva, rutivi rweruboshwe rwaEzekieri.
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Magiramu anenge 230. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
^ Marita anenge 0,6. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
^ ChiHeb., “ndiri kutyora tumiti twechingwa muJerusarema.” Zvingava zvichireva tumiti twaiisirwa chingwa.