Jeremiya 1:1-19
1 Aya ndiwo mashoko aJeremiya* mwanakomana waHirikiya, mumwe wevapristi vemuAnatoti+ munyika yaBhenjamini.
2 Shoko raJehovha rakauya kwaari mumazuva aJosiya+ mwanakomana waAmone,+ mambo weJudha, mugore rechi13 rekutonga kwake.
3 Rakauyawo mumazuva aJehoyakimu+ mwanakomana waJosiya, mambo weJudha, kusvikira pakupera kwegore rechi11 raZedhekiya+ mwanakomana waJosiya, mambo weJudha, kusvikira Jerusarema ratapwa mumwedzi wechishanu.+
4 Shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti:
5 “Ndakakuziva* ndisati ndakuumba mudumbu,+Uye ndakakutsvenesa* usati waberekwa.*+
Ndakakuita muprofita kumarudzi.”
6 Asi ini ndakati: “Maiwee, Changamire Ishe Jehovha!
Handigoni kutaura,+ nekuti ndinongovawo hangu mukomana.”*+
7 Jehovha akabva ati kwandiri:
“Usati, ‘Ndinongovawo hangu mukomana.’
Nekuti unofanira kuenda kune vese vandichakutuma kwavari,Uye unofanira kutaura zvese zvandinokurayira.+
8 Usatya chimiro chavo,+Nekuti ‘ndinewe kuti ndikuponese,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”
9 Jehovha akabva atambanudza ruoko rwake, akabata muromo wangu.+ Uye Jehovha akati kwandiri: “Ndaisa mashoko angu mumuromo mako.+
10 Hona nhasi ndakugadza kuti uve nesimba pamarudzi uye paumambo, kuti udzure nekukoromora, kuti uparadze nekuputsa, uye kuti uvake nekudyara.”+
11 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri richiti: “Jeremiya, uri kuonei?” Saka ndakati: “Ndiri kuona bazi remuti wemuarumondi.”*
12 Jehovha akati kwandiri: “Waona zvakanaka, nekuti ndakanyatsomuka kuti ndizadzise shoko rangu.”
13 Shoko raJehovha rakauya kwandiri kechipiri richiti: “Uri kuonei?” Saka ndakati: “Ndiri kuona hari* iri kufashaira,* uye yakarereka, muromo wayo wakafuratira kuchamhembe.”
14 Jehovha akabva ati kwandiri:
“Dambudziko richatsvudzuka richibva kuchamhembe,Richiuya pavagari vese vemunyika.+
15 Nekuti ‘ndiri kushevedza mhuri dzese dzeumambo hwekuchamhembe,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,+‘Uye huchauya; humwe nehumwe huchagadzika chigaro chahwoPamagedhi eJerusarema,+Nepamasvingo aro kumativi eseUye pamaguta ese eJudha.+
16 Ndichazivisa mitongo yangu pavari pamusoro pezvakaipa zvavo zvese,Nekuti vakandisiya,+Uye vari kukwidza utsi hwezvibayiro kune vamwe vanamwari,+Vachikotamira mabasa emaoko avo.’+
17 Asi iwe gadzirira kuita basa,*Uye unofanira kusimuka wovaudza zvese zvandinokurayira.
Usavatya,+Kuti ini ndirege kukutyisa pamberi pavo.
18 Nekuti nhasi ndakuita guta rakakomberedzwa nemasvingo,Mbiru yesimbi, uye masvingo emhangura kuti urwisane nenyika yacho yese,+Nemadzimambo eJudha nemachinda ayo,Nevapristi vayo nevanhu vemunyika yacho.+
19 Vacharwa neweAsi havazokukundi,Nekuti ‘ndinewe+ kuti ndikuponese,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”
Mashoko Emuzasi
^ Zita iri rinogona kunge richireva kuti “Jehovha Anokwidziridza.”
^ Kana kuti “Ndakakusarudza.”
^ Kana kuti “ndakakutsaura.”
^ ChiHeb., “usati wabuda muchibereko.”
^ Kana kuti “ndichiri mudiki.”
^ ChiHeb., “reuya akamuka.”
^ Kana kuti “hari yekubikira ine muromo muhombe.”
^ ChiHeb., “iri kupfutidzwa,” zvichiratidza kuti iri pamoto wakapfutidzwa.
^ ChiHeb., “sunga hudyu dzako.”