Isaya 18:1-7
-
Mashoko pamusoro peItiopiya (1-7)
18 Ine nhamo nyika yezvipembenene zvine mapapiro anoriraIri munzvimbo yenzizi dzeItiopiya!+
2 Inotuma nhume nemugungwaDziri muzvikepe zvenhokwe mumvura, ichiti:
“Endai, imi nhume dzinokurumidza,Kurudzi rwevanhu varefu uye vane ganda rinotsvedzerera,Kuvanhu vanotyiwa kwese kwese,+Kurudzi rune simba uye runokunda,*Rune nyika yakakukurwa nenzizi.”
3 Imi mese vagari vemunyika nemi vagari vepasi,Zvamuchaona zvichaita sechiratidzo chakasimudzwa* pamakomo,Uye muchanzwa ruzha rwakaita sekurira kwehwamanda.
4 Nekuti Jehovha akati kwandiri:
“Ndicharamba ndakanyarara ndotarisa nzvimbo* yangu isingachinji,Sekupisa kunoita zuva parinenge rakacheka nyika,Segore redova pakupisa kwenguva yekukohwa.
5 Nekuti kukohwa kusati kwasvika,Kutumbuka pakunopera uye ruva parinova zambiringa rava kuibva,Nhungirwa dzichabviswa nemapanga ekuchekerera mitiUye tumapazi tunotanda tuchadimburwa twobviswa.
6 Zvese zvichasiyirwa shiri dzemumakomo dzinodya nyamaNemhuka dzepanyika.
Shiri dzinodya nyama dzichapedzera zhizha pazviri,Uye mhuka dzese dzepanyika dzichapedzera nguva yekukohwa pazviri.
7 Panguva iyoyo pachaunzwa chipo kuna Jehovha wemauto,Chichibva kuvanhu varefu, vane ganda rinotsvedzerera,Vanhu vanotyiwa kwese kwese,Rudzi rune simba uye runokunda,*Rune nyika yakakukurwa nenziziChichienda kunzvimbo ine zita raJehovha wemauto, Gomo reZiyoni.”+

