Rwiyo rwaSoromoni 4:1-16
4 “Chokwadi wakanaka, mudiwa wangu!
Wakazonaka!
Maziso ako akaita seenjiva paanooneka kuseri kwejira rakafukidza kumeso kwako.
Bvudzi rako rakaita seboka rembudziDzakaita mudungwe dzichidzika nemakomo eGiriyedhi.+
2 Mazino ako akaita seboka remakwai achangobva kuveurwaAbva kunogezwa,Ese aine vana vaviri vaviri,Uye pasina kana rakarasikirwa nevana varo.
3 Muromo wako wakaita seshinda tsvuku,Uye matauriro ako anofadza.
Sepomegraneti* ratsemurwa nepakatiNdizvo zvakaita matama ako akavharwa nejira.
4 Mutsipa wako+ wakaita seshongwe yaDhavhidhi,+Yakavakwa nematombo akaturikidzana,Panoturikwa nhoo dzine chiuru,Nhoo dzese dzeraundi dzevarume vane simba.+
5 Mazamu ako maviri akaita setsvana mbiri dzemhara,Vana vemhara vanoberekwa panguva imwe chete,+Vanofura pakati pemaruva.”
6 “Kusvikira kwava kufefetera uye mimvuri yava kutiza,Ndichaenda kugomo remuraUye kuchikomo chezvinonhuhwirira zvichena.”+
7 “Zvese zviri pauri zvakanaka, mudiwa wangu,+Hauna panoshoreka.
8 Ngatibvei tese muRebhanoni, mwenga wangu,Ngatibvei tese muRebhanoni.+
Dzika uchibva pamusoro peAmana,Pamusoro peSeniri, pamusoro peHemoni,+Panzvimbo dzinogara shumba, pamakomo eingwe.
9 Wanditora mwoyo,+ hanzvadzi yangu, mwenga wangu,Wanditora mwoyo nekungonditarisa kamwe chete nemaziso ako,Nekungotarisa kwandaita chuma chimwe chete pachishongo chako chemuhuro.
10 Kuratidza kwako rudo kwakazonaka,+ hanzvadzi yangu, mwenga wangu!
Kuratidza kwako rudo kunopfuura waini,+Uye kunhuhwirira kwemafuta ako kunopfuura chero chii zvacho chinonhuhwirira!+
11 Mwenga wangu, miromo yako inodonha uchi hwemumazinga.+
Uchi nemukaka zviri pasi perurimi rwako,+Uye kunhuhwirira kwezvipfeko zvako kwakafanana nekunhuhwirira kweRebhanoni.
12 Hanzvadzi yangu, mwenga wangu, akaita semunda wakakiyiwa,Munda wakakiyiwa, chitubu chakanamwa.
13 Nhungirwa dzako* iparadhiso yemipomegraneti,*Ine michero yakanakisisa, nemihena pamwe chete neminadhi,
14 Nadhi+ nesafuroni, karamusi*+ uye sinamoni,+Pamwe chete nemiti yese yezvinonhuhwirira zvichena, mura nearosi,+Uye zvinonhuhwirira zvese zvakanaka kwazvo.+
15 Uri chitubu chemubindu, tsime remvura yakachena,Uye hova dzinoyerera dzinobva kuRebhanoni.+
16 Muka, iwe mhepo yekuchamhembe;Pinda, iwe mhepo yekumaodzanyemba.
Fefetera mubindu rangu.
Kunhuhwirira kwaro ngakupararire.”
“Mudiwa wangu ngaapinde mubindu rake,Adye michero yaro yakanakisisa.”
Mashoko Emuzasi
^ Pomegraneti muchero wakada kuita mutsvuku uye unoratidzika seapuro. Vamwe vanouti chibage cheChirungu.
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Ganda rako.”
^ Kana kuti “munda wemipomegraneti.”
^ Kureva, tsanga inonhuhwirira.