Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kudzingiswa Kunoratidza Kuti Wava Murume Here?

Kudzingiswa Kunoratidza Kuti Wava Murume Here?

Kudzingiswa Kunoratidza Kuti Wava Murume Here?

MUNYIKA dzakawanda, vakomana vacheche vanodzingiswa zvichiitirwa utano. Mune dzimwe nyika, vanhurume havadzingiswi kwoupenyu hwavo hwose. Kune vamwe, vakadai sevaJudha nevaMuslim, kudzingiswa hakungoitirwi utano, kune zvakunoreva muchitendero chavo.

Zvisinei, kune mamwe marudzi, kudzingiswa itsika inoitwa mukomana paanova murume. Izvi zvinowanzosanganisira kuendesa mukomana kuchikoro chinodzidzisa tsika, kwaanonodzingiswa achigara kure nemisha kwevhiki dzinoverengeka kusvikira apora. Panguva iyi, mukomana wacho ane zvinhu zvaanofanira kutevedzera uye anodzidziswa kuva murume. Kudzingiswa kwakadai kunofanira kuitwa here kuti mukomana aratidze kuti ava murume? Ngationei zvinotaura Bhaibheri nezvemaonero anoita Mwari nyaya yacho.—Zvirevo 3:5, 6.

Maonero Anoita Mwari Kudzingiswa

Kare, vamwe vanhu vakaita sevaIjipiti vaidzingiswa, kureva kuti vanhurume vaichekwa chikanda chepamberi chenhengo yokubereka nayo. Zvisinei, Abrahamu haana kuberekerwa mutsika yakadaro. Kutaura zvazviri, kwemakore akawanda, Abrahamu akanga asina kudzingiswa. Uyezve, paakanga asina kudzingiswa, Abrahamu akaratidza kuti aiva murume akasimba. Aine boka duku revarume, akatevera akakurira mauto emadzimambo mana akanga apamba Roti, mwana womukoma wake. (Genesisi 14:8-16) Kwapera makore anenge 14, Mwari akarayira Abrahamu kuti adzingiswe uye kuti adzingise imba yake yose. Mwari akazviitirei?

Zviri pachena kuti chakanga chisiri chiratidzo chokuti Abrahamu akanga akura kubva pakuva mukomana kusvika pakuva murume. Aitova nemakore 99! (Genesisi 17:1, 26, 27) Mwari akamuudza kuti nei aifanira kudzingiswa, achiti: “Munofanira kudzingiswa nyama yezvikanda zvenyu zvepamberi, uye chichava chiratidzo chesungano pakati pangu nemi.” (Genesisi 17:11) Sungano yaAbrahamu iyoyo yaisanganisira vimbiso yaMwari yokuti achishandisa Abrahamu, zvikomborero zvikuru zvaizouya ku“mhuri dzose dzepanyika.” (Genesisi 12:2, 3) Saka mukuona kwaMwari, kudzingiswa kwakanga kusina chokuita nokuva murume. Kwaiitirwa kuratidza kuti munhu aiva mumwe wevazukuru vaAbrahamu, vaIsraeri vaiva neropafadzo yoku“chengeteswa mashoko matsvene aMwari.”—VaRoma 3:1, 2.

Nokufamba kwenguva, rudzi rwaIsraeri rwakaratidza kuti rwakanga rusina kukodzera kupiwa ropafadzo iyoyo parwakaramba Mwana wechokwadi waAbrahamu, Jesu Kristu. Nokudaro, vakarambwa naMwari, uye kudzingiswa kwavo kwakanga kusingacharevi chinhu mukuona kwaMwari. Zvisinei, vamwe vaKristu vomuzana remakore rokutanga C.E. vakasimbirira pakuti Mwari akanga achiri kuda kuti vanhu vadzingiswe. (Mabasa 11:2, 3; 15:5) Nemhaka yeizvi, muapostora Pauro akatuma Tito kuti a“ruramise zvinhu zvakanga zvisina kururama” muungano dzakasiyana-siyana. Pauro akanyorera Tito nezvechinhu chimwe chete chakanga chisina kururama, achiti: “Kune vanhu vazhinji vasingadzoreki, vanotaura zvinhu zvisina zvazvinobatsira, uye vanonyengera, kunyanya vanhu vaya vanoomerera pakudzingiswa. Zvakakodzera kuvhara miromo yaivava, vanhu ivava zvavanoramba vachitsausa dzimba dzose nokudzidzisa zvinhu zvavasingafaniri kudzidzisa, kuti vawane pfuma inowanikwa nenzira dzokusatendeseka.”—Tito 1:5, 10, 11.

Zano raPauro richiri kushanda. Kana muKristu wechokwadi akati mwana womumwe adzingiswe, zvechokwadi angave achiita zvinopesana neMagwaro. Pane kuva “munhu anopindira munyaya dzevamwe vanhu,” muKristu anosiyira vabereki vomwana nyaya dzakadaro kuti vasarudze zvavanoda. (1 Petro 4:15) Uyezve, Pauro akafuridzirwa kuti anyore nezvokudzingiswa maererano noMutemo waMosesi, kuti: “Pane munhu chero upi zvake akadanwa akadzingiswa here? Ngaarege kuva asina kudzingiswa. Pane munhu chero upi zvake akadanwa asina kudzingiswa here? Ngaarege kudzingiswa. Kudzingiswa hakurevi chinhu, uye kusadzingiswa hakurevi chinhu, asi kuchengetwa kwemirayiro yaMwari kunodaro. Mumwe nomumwe ngaarambe ari sezvaakanga ari paakadanwa.”—1 VaKorinde 7:18-20.

Zvakadini “Nezvikoro Zvokudzingiswa?”

Zvakadini kana vabereki vaKristu vakasarudza kuti vanakomana vavo vadzingiswe? Zvingava zvichienderana neBhaibheri here kuti vaendese vanakomana vavo kuzvinonzi zvikoro zvokudzingiswa zvambotaurwa? Kuenda kuzvikoro zvakadaro hakungorevi kubviswa chikanda chepamberi. Kwevhiki dzinoverengeka, anenge achipinda chikoro chacho anenge achiwadzana nevakomana uye vadzidzisi vasiri vanamati vaJehovha. Pane zvakawanda zvinodzidziswa kuzvikoro izvi zvisingaenderani netsika dzakanaka dzeBhaibheri. Bhaibheri rinonyevera kuti: “Ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.”—1 VaKorinde 15:33.

Panewo ngozi dziri kuwedzera dzokukuvara kwevanopinda zvikoro izvi. Muna 2003 magazini youtano inonzi South African Medical Journal yakanyevera kuti: “Gore rino migumisiro inotyisa inokonzerwa nokudzingiswa yakaonekwa zvakare. Masangano makuru anobudisa nhau munyika yose ari kutaura nezvokufa uye kukuvara zvokutoremadzwa kuri kuitika muzvikoro izvi. . . . Muchidimbu, zvinonzi ‘zvikoro zvokudzingisa’ zvemazuva ano hazvisi zvikoro chaizvo, uye zvine ngozi.”

Kunze kwokukuvadzwa kungaitwa pwere, pane ngozi yakatokura yezvokunamata. Zvinodzidziswa uye zvinoitwa kuzvikoro zvokudzingisa zvakabatana chaizvo nokudavira midzimu uye kunamatwa kwemadzisekuru akafa. Somuenzaniso, pane kubvuma kuti kusacheka nomazvo uye kuitirwa panzvimbo isina kuchena ndizvo zvakaita kuti vakuvare, vakawanda vanofunga kuti kusafara kwemadzisekuru akafa kana kuti kuroyiwa ndizvo zvakaita kuti njodzi idzi dziitike. Panyaya yokubatana nechitendero chenhema, Bhaibheri rinorayira kuti: “Musasungwa zvisina kukodzera pajoko nevasingatendi. Nokuti kururama kune ushamwari hwei nokusateerera mutemo? Kana kuti chiedza chine mugove wei nerima? . . . ‘Naizvozvo ibvai pakati pavo, muzviparadzanise,’ anodaro Jehovha, ‘musabata chinhu chisina kuchena’; ‘uye ini ndichakugamuchirai.’” (2 VaKorinde 6:14-17) Tichifunga nezvezano iri, hakungavi kuchenjera kuti vabereki vaKristu vaendese vana vavo vakomana kuchikoro chokudzingisa.

Chii Chinoita Kuti muKristu Anzi Murume?

Kudzingiswa kana kusadzingiswa kwomuKristu hakuratidzi kuti murume. VaKristu vechokwadi vanonyanya kuva nehanya nokufadza Mwari, kwete ku“da kunzi vakanaka panyama.”—VaGaratiya 6:12.

Zvisinei, kuti muKristu afadze Mwari, anofanira ‘kudzingiswa pamwoyo.’ (Dheuteronomio 10:16; 30:6; Mateu 5:8) Izvozvo hazviitwi nokucheka nebanga, asi kuramba zvido zvakaipa uye pfungwa dzokudada, dzakadai sokufunga kuti kudzingiswa panyama kunoita kuti munhu ave nani pane vamwe. Kana muKristu akatsungirira miedzo uye akamira “akasimba mukutenda,” anogona kuratidza kuti murume, pasinei nokuti akadzingiswa kana kuti haana.—1 VaKorinde 16:13; Jakobho 1:12.