Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vechiduku—Jehovha Haasi Kuzokanganwa Basa Renyu!

Vechiduku—Jehovha Haasi Kuzokanganwa Basa Renyu!

Vechiduku—Jehovha Haasi Kuzokanganwa Basa Renyu!

“Mwari haasi asina kururama kuti angabve akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake, pakuti makashumira vatsvene uye munoramba muchishumira.”—VAHEBHERU 6:10.

1. Mabhuku eBhaibheri aVaHebheru naMaraki anoratidza sei kuti Jehovha anokoshesa basa rako?

WATI wamboitira imwe shamwari yako mutsa ukasatendwa here? Zvinogona kurwadza zvikuru kana chiito chomutsa chikarerutswa kana kuti, zvakatoipa, chikakanganwika zvachose. Zvisinei, zvakasiyana sei patinoita basa romwoyo wose kuna Jehovha! Bhaibheri rinoti: “Mwari haasi asina kururama kuti angabve akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake, pakuti makashumira vatsvene uye munoramba muchishumira.” (VaHebheru 6:10) Funga kuti izvozvo zvinorevei. Jehovha aizozviona sechiito chokusarurama—chivi—kana aizokanganwa zvawakaita uye zvauchiri kuita mubasa rake. NdiMwari anoonga zvechokwadi!—Maraki 3:10.

2. Chii chinoita kuti kushumira Jehovha kuve kunokosha zvikuru?

2 Une mukana unokosha kwazvo wokunamata nokushumira Mwari anoonga uyu. Sezvo kuchingova nevamwe vako mamiriyoni matanhatu vaunonamata navo zvichienzaniswa nevanhu mabhiriyoni matanhatu pasi pose, kutaura chokwadi ropafadzo yaunayo haiwanzowaniki. Uyezve, chokwadi chokuti uri kunzwa nokuteerera zvinotaura mashoko akanaka chinoratidza kuti Jehovha anokufarira iwe pachako. Pamusoro pazvo, Jesu akati: “Hapana munhu angagona kuuya kwandiri kana Baba, vakandituma, vakasamukweva.” (Johani 6:44) Hungu, Jehovha anoita kuti munhu mumwe nomumwe abatsirwe nechibayiro chaKristu.

Kuonga Ropafadzo Yako Inokosha

3. Vanakomana vaKora vakaratidza sei kuonga ropafadzo yokushumira Jehovha?

3 Sezvakakurukurwa munyaya yakapfuura, uri muchinzvimbo chisina vakawanda chokufadza mwoyo waJehovha. (Zvirevo 27:11) Ichi ndechimwe chinhu chausingambofaniri kurerutsa. Mune rimwe remapisarema avo akafuridzirwa, vanakomana vaKora vakaratidza kuonga kwavo ropafadzo yokushumira Jehovha. Tinoverenga kuti: “Zuva rimwe pavazhe dzenyu rinokunda mamwe ane chiuru pakunaka. Ndinoti zviri nani kuti ndive murindi womukova mumba maMwari wangu, pakuti ndigare pamatende avane zvakaipa.”—Pisarema 84:10.

4. (a) Chii chingaita kuti vamwe vaone kunamata Jehovha sokunoshayisa rusununguko? (b) Jehovha anoratidza munzirai kuti anoda chaizvo kuona nokupa vashumiri vake mubayiro?

4 Ndiwo manzwiro aunoita here pamusoro peropafadzo yako yokushumira Baba vako vokudenga? Ichokwadi kuti dzimwe nguva zvingaita sokuti kunamata Jehovha kunoita kuti usasununguka. Ichokwadi kuti kurarama maererano nezvinotaura Bhaibheri kunoda kuti uzvipire. Zvisinei, pakupedzisira, chero chaunokumbirwa naJehovha chakanakira iwe. (Pisarema 1:1-3) Kuwedzera kune izvi, Jehovha anoona zvaunoedza kuita uye anoratidza kuonga kwake nokuda kwokutendeka kwako. Chokwadi, Pauro akanyora kuti Jehovha “anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose.” (VaHebheru 11:6) Jehovha ari kutsvaka mikana yokuita izvi. Mumwe muprofita akarurama womuIsraeri yekare akati: “Meso aJehovha anotarira-tarira kumativi ose enyika yose, kuti aratidze simba rake kuna iye une mwoyo wakarurama kwazvo kwaari.”—2 Makoronike 16:9.

5. (a) Ndeipi imwe yenzira dzakanakisisa yaungaratidza nayo kuti mwoyo wako wakaperera kuna Jehovha? (b) Nei kutaura nevamwe nezvokutenda kwako kungaratidzika sokwakaoma?

5 Imwe yenzira dzakanakisisa dzaungaratidza nadzo kuti mwoyo wako wakaperera kuna Jehovha ndeyokutaura nevamwe nezvake. Wati wambotaura nevamwe vaunodzidza navo kuchikoro nezvokutenda kwako here? Pakutanga, kuita izvi kungaratidza sokunotyisa, uye pfungwa yacho ingaita kuti unzwe kakutya. ‘Ko kana vakandiseka?’ ungabvunza kudaro. ‘Ko vakafunga kuti chitendero changu hachinzwisisiki?’ Jesu akabvuma kuti havasi vose vaizoteerera shoko roUmambo. (Johani 15:20) Zvisinei izvi hazvirevi kuti upenyu hwako huchangova hwokushorwa nokurambwa nevamwe. Kusiyana neizvi, zvimwe Zvapupu zvechiduku zvakawana vamwe vanoteerera uye zvakatoremekedzwa zvikuru nevezera razvo nokutsigira zvazvinotenda.

“Jehovha Achakubatsira”

6, 7. (a) Mumwe musikana wemakore 17 akakwanisa sei kupupurira vaanodzidza navo? (b) Wadzidzei mune zvakaitika kuna Jennifer?

6 Asi ungawana sei ushingi hwokutaura nezvokutenda kwako? Unodii kusarudza kuva akatendeseka uye kubuda pachena vanhu pavanokubvunza nezvechitendero chako? Funga nezvezvakaitika kuna Jennifer ane makore 17. “Paiva panguva yokuzorora masikati kuchikoro. Zvakaitikawo kuti vasikana vaiva patafura yangu vaikurukura nezvechitendero, uye mumwe wevasikana vacho akandibvunza kuti ndiri wechitendero chipi,” anodaro. Jennifer akatya kupindura here? “Hungu,” anobvuma, “nokuti ndakanga ndisina chokwadi chokuti vachati kudii nazvo.” Saka Jennifer akaitei? Anoenderera mberi achiti, “Ndakaudza vasikana vacho kuti ndaiva mumwe weZvapupu zvaJehovha.” “Pakutanga vakaita sevashamiswa. Sezviri pachena, vaiva nekapfungwa kokuti Zvapupu zvaJehovha vanhu vasinganzwisisiki. Izvi zvakaita kuti vandibvunze mibvunzo, uye ndakakwanisa kururamisa dzimwe pfungwa dzisina kururama dzavaiva nadzo. Kunyange pashure pezuva iroro, vamwe vevasikana vacho vaiuya kuzondibvunza mubvunzo.”

7 Jennifer akazvidemba here nokuti akashandisa mukana wokutaura pamusoro pezvaanotenda? Kana! “Ndakafara nazvo apo nguva yokudya yakanga yapera,” anodaro. “Iye zvino vasikana ivavo vava kuti nzwisisei kuti Zvapupu zvaJehovha ndivanaani chaizvo.” Zano raJennifer iye zvino riri nyore kwazvo: “Kana ukaona zvakaoma kupupurira kune vaunodzidza navo kana kuvadzidzisi, ipa munyengetero mupfupi. Jehovha achakubatsira. Uchafara kuti washandisa zvakanaka mukana wako wokupupura.”—1 Petro 3:15.

8. (a) Munyengetero wakabatsira sei Nehemia paakangoerekana atarisana neimwe nyaya? (b) Ndeapi mamwe mamiriro ezvinhu okuchikoro apo ungada kupa munyengetero mupfupi, chinyararire kuna Jehovha?

8 Ona kuti Jennifer anokurudzira ‘kupa munyengetero mupfupi’ kuna Jehovha panomuka mukana wokupupurira nezvokutenda kwako. Izvi ndizvo chaizvo zvakaitwa naNehemia, mudiri waMambo wePersia, Atashasta, paakangoerekana atarisana neimwe nyaya. Nehemia akanga akaora mwoyo zvaionekwa nokuti akanga audzwa nezvedambudziko revaJudha uye akanga anzwa kuti masvingo nemasuo eJerusarema zvakanga zvangova matongo. Mambo akaona kuti Nehemia airatidzika kuti ari kushushikana, saka akabvunza Nehemia kuti zvakanga zvaita sei. Asati apindura, Nehemia akanyengeterera kutungamirirwa. Adaro akakumbira noushingi kubvumirwa kudzokera kuJerusarema kunobatsira kuvakazve guta rakanga raparara. Atashasta akabvumira Nehemia. (Nehemia 2:1-8) Tinodzidzei? Kana uchinzwa kutya panomuka mukana wokupa uchapupu maererano nokutenda kwako, usaregeredza mukana wako wokupa munyengetero muchinyararire. ‘Kandira kufunganya kwako kwose pana Jehovha, nokuti ane hanya newe,’ akanyora kudaro Petro.—1 Petro 5:7; Pisarema 55:22.

“Akagadzirira Kuzvidzivirira”

9. Leah ane makore 13 akakwanisa sei kugovera mabhuku 23 aVechiduku?

9 Funga nezvezvimwezve zvakaitika. Leah, ane makore 13, akanga achiverenga bhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda * panguva yake yokuzorora masikati kuchikoro. “Vamwe vakanga vari kundiona,” anodaro, “uye nenguva isipi boka rakanga ramira richidongorera nepamapfudzi angu. Vakatanga kubvunza kuti bhuku racho raiva rei.” Zuva iroro parakazopera, vasikana vaviri vakanga vakumbira Leah bhuku raVechiduku. Pasina nguva refu vasikana ava vakanga vava kupawo vamwe bhuku iri, uye naivowo vakanga vava kudawo ravo. Muvhiki shomanana dzakazotevera, Leah akagovera mabhuku 23 aVechiduku kune vaanodzidza navo neshamwari dzavo. Zvaiva nyore here kuna Leah kuti ataure apo vamwe vakatanga kubvunza nezvebhuku raakanga achiverenga? Kana! “Pakutanga, ndaitya,” anobvuma kudaro. “Zvisinei, ndakanyengetera, uye ndakaziva kuti Jehovha aiva neni.”

10, 11. Kamwe kasikana kechiIsraeri kakakwanisa kubatsira sei mukuru mukuru weuto reSiriya kudzidza nezvaJehovha, uye pashure pacho mukuru mukuru uyu akachinja sei?

10 Zvakaitika kuna Leah zvingakuyeuchidza nezvechiitiko chakafanana chakasangana nekamwe kasikana kechiIsraeri kakanga katapwa kuSiriya. Naamani, mukuru mukuru weuto reSiriya, aiva nemaperembudzi. Mudzimai wake angave ndiye akanga atanga kurukurirano yakazoita kuti kasikana aka kataure zvakaitenda. “Dai ishe wangu aiva kumuprofita uri paSamariya,” kakadaro. “Ungadai akavaporesa maperembudzi ake.”—2 Madzimambo 5:1-3.

11 Somugumisiro wokusatya kwekasikana aka, Naamani akasvika pakuziva kuti “hapana Mwari pasi pose, asi pakati paIsraeri.” Akatosarudza kuti akanga asingazo“bayiri vamwe vanamwari chipiriso chinopiswa kana chimwe chibayiro asi Jehovha oga.” (2 Madzimambo 5:15, 17) Jehovha akatokomborera kasikana ikako nokuda kwokushinga kwako. Anogona uye achaitirawo vechiduku izvozvo nhasi. Leah akawana kuti izvozvo ndezvechokwadi. Nokufamba kwenguva, vamwe vevaanodzidza navo kuchikoro vakauya kuzotaura naye kuti bhuku raVechiduku rakanga richivabatsira pamufambiro wavo. “Ndakafara,” anodaro Leah, “nokuti ndaiziva kuti ndakanga ndiri kubatsira vamwe kudzidza zvakawanda nezvaJehovha uye kuvabatsira kuchinja upenyu hwavo.”

12. Ungawana sei simba rokudzivirira kutenda kwako?

12 Unogona kuva nezviitiko zvakafanana nezvaJennifer naLeah. Tevedzera zvakarayirwa naPetro, uyo akanyora kuti somuKristu nguva dzose unofanira kuva ‘akagadzirira kuzvidzivirira kune munhu wose anokubvunza chikonzero chetariro iri mauri, asi uchiita kudaro nounyoro noruremekedzo rukuru.’ (1 Petro 3:15) Ungaita sei izvozvo? Tevedzera nzira yevaKristu vomuzana remakore rokutanga vakanyengetera kuna Jehovha kuti avabatsire kuparidza “vasingatyi.” (Mabasa 4:29) Ipapo shinga kutaura nevamwe pamusoro pezvaunodavira. Ungashamiswa nezvinozoitika. Uyezve, uchafadza mwoyo waJehovha.

Mavhidhiyo Nezvirongwa Chaizvo

13. Vamwe vechiduku vakashandisa mikana ipi kuti vapupurire? (Ona mabhokisi ari pamapeji 20 ne21.)

13 Vechiduku vakawanda vakatsanangurira vavanodzidza navo kana vadzidzisi nezvokutenda kwavo vachishandisa mavhidhiyo. Dzimwe nguva zvirongwa zvokuchikoro zvakaita kuti pave nemikana yokurumbidza Jehovha. Somuenzaniso, vamwe vakomana vaviri vemakore 15, vose vari Zvapupu zvaJehovha, vakapiwa basa sevamwe vekirasi yenhoroondo yenyika yose rokuti vanyore mashoko pamusoro pechitendero chimwe munyika yose. Vaviri ava vakabatsirana kunyora mashoko pamusoro peZvapupu zvaJehovha, vachitora mashoko mubhuku raZvapupu zvaJehovha—Vazivisi Vanoshingaira voUmambo. * Vaifanira kutaurawo mushumo wemaminitsi mashanu. Pashure pacho, mudzidzisi nevadzidzi vakanga vaine mibvunzo yakawanda kwazvo zvokuti vakomana vacho vakaramba vari pamberi pekirasi kwemamwe maminitsi 20. Kwevhiki dzinoverengeka pashure pacho, vavanodzidza navo vakaramba vachibvunza mibvunzo pamusoro peZvapupu zvaJehovha!

14, 15. (a) Nei kutya munhu uri musungo? (b) Nei uchifanira kunzwa chivimbo chokutaurira vamwe zvaunotenda?

14 Sezvinoratidzwa nezviitiko zvapfuura, unogona kuwana zvikomborero zvakawanda nokutaurira vamwe pamusoro pezvaunodavira uye zvaunotenda somumwe weZvapupu zvaJehovha. Usarega kutya munhu kuchikutadzisa kuwana ropafadzo nomufaro wokubatsira vamwe kusvika pakuziva Jehovha. Bhaibheri rinotaura kuti: “Kutya munhu kunouyisa musungo; asi ani naani unovimba naJehovha, uchachengetwa.”—Zvirevo 29:25.

15 Yeuka, sowechiduku wechiKristu, une chimwe chinhu icho vezera rako vanoda kwazvo—mararamiro akanakisisa iye zvino uye chipikirwa choupenyu husingaperi munguva yemberi. (1 Timoti 4:8) Nenzira inofadza, kuUnited States—uko unofunga kuti vanhu vazhinji havakendengi kana kuti vanongofunga zvenyika—kumwe kuongorora kwakaratidza kuti hafu yose yevechiduku inokoshesa zvechitendero, uye chikamu chimwe muzvitatu chinoti kutenda muchitendero ndicho “chinhu chinokosha kupfuura zvose chinovatungamirira” muupenyu hwavo. Zvinhu zvingangodaro zvakafanana mumamwe mativi akawanda enyika. Saka vezera rako kuchikoro vangangofara kuteerera zvauchataura nezveBhaibheri.

Sowechiduku, Swedera Pedyo naJehovha

16. Kufadza Jehovha kunosanganisirei kunze kwokungotaura nevamwe nezvake?

16 Ichokwadi kuti kufadza mwoyo waJehovha haisiri nyaya yokungotaura nezvake chete. Unofanirawo kuita kuti mufambiro wako uenderane nezvaanoda. Muapostora Johani akanyora kuti: “Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake; asi mirayiro yake hairemi.” (1 Johani 5:3) Uchawana kuti izvi ndezvechokwadi kana ukaswedera pedyo naJehovha. Izvozvo ungazviita sei?

17. Ungaswedera sei pedyo naJehovha?

17 Wana nguva yokuverenga Bhaibheri nemabhuku eBhaibheri. Paunodzidza zvakawanda nezvaJehovha, ndipo pazvichaitawo nyore kumuteerera uye kutaura nezvake kune vamwe. “Munhu akanaka anoburitsa zvakanaka papfuma yakanaka yemwoyo wake,” akadaro Jesu, “nokuti muromo wake unotaura zvinobva pazvakawanda zvemwoyo.” (Ruka 6:45) Saka zadza mwoyo wako nezvinhu zvakanaka. Wadii kuronga zvaungada kuita panyaya iyi? Pamwe unogona kuvandudza kugadzirira kwaunoita misangano yeungano vhiki iri kuuya iyi. Ungazoronga kubatanidzwa nokupa mhinduro pfupi asi inobva pamwoyo. Chokwadi, zvinokosha kuti ushandisewo zvinhu zvaunodzidza.—VaFiripi 4:9.

18. Kunyange ukashorwa, unogona kuva nechivimbo chei?

18 Zvikomborero zvinobva mukushumira Jehovha zvinogara nguva refu—zvechokwadi, nokusingaperi. Ichokwadi kuti nguva nenguva ungashorwa zvakati kuti kana kutukwa nokuti uri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Asi funga nezvaMosesi. Bhaibheri rinoti “akaramba akatarira kuripwa kwomubayiro.” (VaHebheru 11:24-26) Iwewo unogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha achakupa mubayiro nokuda kwezvose zvaunoedza kuita kuti udzidze nezvake uye kutaura nezvake. Chokwadi, haazombo‘kanganwi basa rako norudo rwawakaratidza nokuda kwezita rake.’—VaHebheru 6:10.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 13 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Unoyeuka Here?

• Nei ungava nechokwadi chokuti Jehovha anokoshesa basa rako?

• Inzira dzipi dzokupupurira kuchikoro dzakawanikwa nevamwe dzichibudirira?

• Ungawana sei simba rokupupurira vaunodzidza navo?

• Ungaswedera sei pedyo naJehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 20]

Kunyange Vaduku Kwazvo Vanorumbidza Jehovha!

Kunyange vasati vasvika makore 13 vave vachikwanisa kupupurira kuchikoro. Inzwa zvimwe zvakaitika zvinotevera.

Kirasi yegiredhi rechishanu yaAmber ane makore gumi yakanga ichiverenga bhuku rinotaura nezvokutambudzwa kwevaJudha nevaNazi muHondo Yenyika II. Amber akafunga zvokuunzira mudzidzisi wake vhidhiyo inonzi Purple Triangles. Mudzidzisi wacho akashamiswa kuti Zvapupu zvaJehovha zvakatambudzwawo muutongi hweNazi. Mudzidzisi wacho akaratidza kirasi yose vhidhiyo yacho.

Aine makore masere, Alexa akanyorera kirasi yake tsamba achitsanangura chikonzero nei zvakanga zvisingaiti kuti abatanidzwe mumhemberero yavo yeKrisimasi. Mudzidzisi wake akafadzwa nazvo chaizvo zvokuti akaverengesa Alexa tsamba yacho zvinonzwika mukirasi yake pachake uyewo mudzimwe kirasi mbiri zvakare! “Ndakadzidziswa kuremekedza vanotenda zvakasiyana nezvandinotenda,” akadaro ava kuda kupedza, “uye ndinokutendai nokuda kwokuremekedza chisarudzo changu chokusapemberera Krisimasi.”

Nguva pfupi achangobva kutanga giredhi rokutanga, Eric akaenda kuchikoro neBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri akakumbira kuriratidza vaanodzidza navo. “Pane zvandafunga zviri nani,” akadaro mudzidzisi wake. “Wadii kuverengera kirasi nyaya imwe?” Eric akaita kudaro. Apedza, akakumbira vose vaida bhuku racho kuti vasimudze ruoko. Vanhu gumi nevasere—kusanganisira mudzidzisi—vakaita kudaro! Iye zvino Eric anofunga kuti ane ndima yake pachake yokupupurira.

Whitney ane makore mapfumbamwe anofara nebhurocha raZvapupu zvaJehovha Nedzidzo. * “Amai vangu vanowanzopa vadzidzisi vangu bhurocha iri gore rimwe nerimwe,” anodaro, “asi gore rino ndakaita kudaro pachangu. Bhurocha iroro rakaita kuti mudzidzisi wangu andidome so‘mudzidzi akakunda vamwe vose muvhiki iyoyo.’”

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 56 Mabhuku ose ataurwa anobudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 21]

Mamiriro Ezvinhu Akashandiswa Nevamwe Kutaura Nezvokutenda Kwavo

Pavakanzi vape mushumo kana kuita chimwe chirongwa chechikoro, vamwe vakasarudza nyaya yakavabvumira kupupurira

Vechiduku vanoverengeka vakapa mudzidzisi wavo vhidhiyo kana bhuku rinoenderana nenyaya iri kudzidzwa mukirasi

Vamwe vechiduku pavaiverenga Bhaibheri kana bhuku reBhaibheri panguva dzokuzorora vamwe vechiduku vakauya kuzovabvunza mibvunzo

[Mufananidzo uri papeji 18]

Vane ruzivo rwakakura vanogona kubatsira kudzidzisa vechiduku kushumira Jehovha