Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Apo Basa Rokuparidza Risingakanganwiki

Apo Basa Rokuparidza Risingakanganwiki

Apo Basa Rokuparidza Risingakanganwiki

“Zuva riri kupisa zvikuru. Kanzira komugomo kanoita sekasina magumo. Takunda zvipingamupinyi zvakawanda, pakupedzisira tinosvika kwatanga tichienda: musha uri kure zvikuru. Kuneta kunoguma nomufaro patinogogodza pasuo rokutanga uye tinogamuchirwa nomutsa. Pamagumo ezuva racho, tagovera mabhuku ose atauya nawo uye tatanga kudzidza Bhaibheri nevanhu vakawanda. Vanhu vacho vanoda kudzidza. Zvino tinofanira kuenda, asi tinovimbisa kudzoka.”

ZVIITIKO zvakadai zvinoitika kakawanda kune rimwe boka remapiyona kuMexico. Mapiyona aya akatsunga kubatanidzwa nokushingaira mukuzadzika kwebasa iro Jesu Kristu akapa vadzidzi vake rokuti: “Muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira kurutivi rwuri kure zvikuru rwepasi.” (Mabasa 1:8) MuMexico, nhimbe chaidzo dzokuparidza—dzinonzi nzendo dzemapiyona—dzinorongwa kuitira kusvika kundima dzisina kugoverwa ungano uye, naizvozvo, dzisiri kugamuchira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari nguva dzose. Kakawanda kacho idzi indima dziri kure kana kuti dzakaoma kusvika kwadziri. Ungano dziri kwakataramuka dzine ndima yakakura kwazvo yokuparidzira dzinobatsirwawo.

Kuti izive kuti inharaunda dzipi dzenyika dzichaparidzirwa munzendo dzemapiyona, hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha inoongorora zvinoda kuitwa mundima iyoyo. * Kana izvi zvangoitwa, mapoka emapiyona chaiwo anotumirwa kunoparidza ndima yacho. Anopiwa motokari dzakakodzerana nemigwagwa isina kunyatsonaka, isina tara. Motokari idzi dzinoshandiswawo kuchengetera mabhuku uye sepokurara pazvinenge zvakafanira.

Kubvuma Nokuzvidira

Kubvira muna October 1996, vamwe vaparidzi vemashoko akanaka vakakokwawo kuti vaite basa iri, vachienda nemapiyona chaiwo. Vaparidzi voUmambo pamwe chete nemapiyona enguva dzose anoda kushanda kunodiwa vaparidzi vakawanda, vanopinda munhimbe yacho panguva dzakasiyana-siyana. Vamwe vanotumirwa kuungano dziri munzira yacho kuitira kuti vatarisire ndima uye kukudziridza kufarira kunenge kwawanikwa. Vaparidzi vechiduku nemapiyona akawanda vakabvuma kukokwa uku uye vakawana zviitiko zvinokurudzira zvakawanda.

Somuenzaniso, Abimael, mumwe muKristu wechiduku uyo aiva nebasa rinobhadhara chaizvo pakambani yenhare, akasarudza kuita basa rokuparidza munharaunda dziri kwakataramuka idzodzo. Vashandirwi vake pavakaziva kuti akanga ava kuda kusiya basa, vakati vanoda kumukwidziridza uye kumuwedzera mari yaanotambira. Vaaishanda navo vakamumanikidza, vachitaura zvakasimba kuti dzakanga dzawira mutswanda uye aiva fuza kana akaramba. Zvisinei, Abimael akanga akatsunga kutsigira nhimbe yokuparidza chaiko kwemwedzi mitatu. Anakidzwa nebasa iri, Abimael akasarudza kumbogara muungano iri kwakataramuka kuri kudiwa vaparidzi chaizvo. Iye zvino ava nebasa ringori nanewo uye akadzidza kurarama upenyu hwake zvakareruka.

Mune chimwe chiitiko, Julissa aifanira kufamba nebhazi kwemaawa 22 kuti asvike kumugove wake. Pokupedzisira perwendo rwake, akasiyiwa nebhazi raipedzisira kusimuka musi wacho. Zvisinei, paiva nekarori kaitakura vashandi. Julissa akazvishingisa akavakumbira kuti vamutakurewo. Aitya zvinonzwisisika nokuti ndiye oga aiva mukadzi pakati pevarume vakawanda kudaro. Paakatanga kuparidzira mumwe murume wechiduku, akaziva kuti aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha! “Kunze kwaizvozvo,” Julissa anoyeuka kudaro, “mutyairi wekarori ikako aiva mukuru muungano yandakanga ndaiswa!”

Vakwegura Vanoitawo Basa

Zvisinei, iri harisi basa revechiduku chete. Adela, imwe hanzvadzi yakwegura, aigara achida kupedzera nguva yakawanda mubasa rokuparidza. Mukana wacho wakamuka paakagamuchira chikumbiro chokuita basa chairo iri rokuparidza. Anoti: “Ndakanakidzwa nomugove wangu zvokuti ndakakumbira vakuru vaiva muungano yacho kuti vanditendere kugara muungano yacho kusvikira pane imwe nguva. Ndinofara nokuti kunyange zvazvo ndakwegura, ndichiri kushandisika kuna Jehovha.”

Saizvozvowo, akurudzirwa nokuonga Jehovha uye kuda vamwe vanhu, Martha ane makore 60 akati aida kubatanidzwawo munhimbe iyi. Achiona kuti madaro acho uye mamiriro enharaunda yacho zvaitadzisa boka rake kusvika kuvanhu vose, akatenga motokari yokuti mapiyona ashandise. Chipo chehanzvadzi iyi chakaita kuti zvibvire kushanda ndima yakakura uye kutaurira vanhu vakawanda chokwadi cheBhaibheri.

Kubvuma Kunofadza

Vavariro yeavo vanoita nhimbe chaidzo dzokuparidza idzi ndeyoku‘ita vadzidzi.’ Panyaya iyi, migumisiro yacho yave yakanaka kwazvo. Vanhu vari kwakataramuka vakagamuchira chokwadi chinoponesa upenyu chinobva muBhaibheri. (Mateu 28:19, 20) Kwakatangwa zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda. Izvi zvinoitiswa nevaparidzi vanogara munharaunda yacho kana kuti nevaevhangeri vave vachigara mundima yacho. Mune zvimwe zviitiko, kwakarongwa mapoka evaparidzi, uye mune zvimwe kwakaumbwa ungano duku.

Magdaleno neshamwari dzake vakashandisa zvifambiso zvavose kuti vasvike kundima iri kwakataramuka kwavakagoverwa. Vari munzira, vakashandisa mukana wacho kuparidzira mutyairi. “Murume uyu akatiudza kuti vhiki yakanga yapfuura yacho, zvimwe Zvapupu zvakanga zvauya kumba kwake iye asipo. Paakadzoka, mhuri yake yakamurondedzera zvayakanga yanzwa. Takamuudza kuti takanga tisingagari pedyo asi kuti takanga tabva kumatunhu akasiyana-siyana munyika macho kuitira kuti titsigire nhimbe chaiyo yokuparidza iyi uye kuti tose zvedu takanga tazvibhadharira mari yorwendo rwedu. Afadzwa nazvo, mutyairi uyu akati aizotanga kudzidza Bhaibheri pamwe chete nemhuri yake vhiki iyoyo. Akatotsigira basa racho nokusatibhadharisa rwendo rwacho.”

Magdaleno akafadzwawo nokuteerera kwaiita zvizvarwa zvomumakomo eChiapas. “Ini nomudzimai wangu takataura neboka revechiduku 26 vanopinda Chechi yePresbyterian nezvemashoko oUmambo. Vose vakanyatsoteerera kwemaminitsi 30. Vakabudisa maBhaibheri avo, uye takakwanisa kupupurira kwavari zvakakwana nezvezvinangwa zvaJehovha. Ruzhinji rwevanhu vacho rune maBhaibheri avo mumutauro weTzeltal.” Zvidzidzo zveBhaibheri zvinoverengeka zvakatangwa.

Kushora Kwakapomhodzwa

Imwe nharaunda yomuChiapas yakanga isina kushanyirwa neshoko roUmambo kwemakore anopfuura maviri nokuda kwokushora kwaiita vamwe vanhu. Teresa, mumwe muevhangeri wenguva yakazara, akaona kuti zvimwe Zvapupu zvaitya kuparidza mumusha iwoyo. “Chakashamisa vose ndechokuti vanhu vacho vaida kwazvo kuteerera. Patakapedza kuparidza, kwakatanga kunaya zvikuru. Tichitsvaka pokuhwanda, takasvika pamusha womumwe munhu aiva nomutsa zvikuru ainzi Sebastián, uyo akatibvumira kupinda kuti tihwande mvura. Tangopinda, ndakamubvunza kana akanga atoshanyirwa. Paakati kwete, ndakatanga kupupurira kwaari ndokutanga kudzidza naye Bhaibheri ndichishandisa bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. * Patakapedza, Sebastián akakumbira achidonhedza misodzi kuti tidzoke kuzodzidza naye.”

Rimwe boka rakashanyira Chiapas rinoshuma kuti: “Pamusana pokutsigira kwaJehovha takava nemigumisiro yakanaka. Muvhiki yokutanga, takatanga kudzidza nevanhu 27; mune yechipiri, takakoka vanhu vacho kuti vaone vhidhiyo yedu inonzi The Bible—Its Power in Your Life. Paiva nevanhu makumi matanhatu. Munhu wose akaida. Pakupedzisira, takati zvinganaka kudzidza navo Bhaibheri seboka. Zvinoshamisa kuti, mapoka maviri evadzidzi akatangwa mumusha uyu.

“Tapedza kushanda mundima dzakanga dzagoverwa, takadzoka kunoshanyira musha wacho kuti tinosimbisa vanofarira uye kuona kuti mapoka evadzidzi veBhaibheri akanga arongwa akanga ari kuita sei. Takavakoka kuhurukuro yavose neChidzidzo cheNharireyomurindi. Zvisinei, pakanga pasina nzvimbo yakakura zvakakwana kuti tiitire misangano. Munhu akapa musha wake nokuda kweboka rokudzidza akanongedzera kuchivanze chokuseri kweimba yake ndokuti: ‘Misangano inogona kuitirwa kuseri kweimba.’”

Kupera kwevhiki iyoyo mapiyona akanga ashanya uye vanhu vaifarira vakafara kubatsira kugadzira chivanze chacho kuti chishandiswe kuitira misangano. Pamusangano wokutanga paiva nevanhu 103. Iye zvino vanhu 40 vari kudzidziswa Bhaibheri mumusha iwoyo.

“Chiitiko Chinofadza Kwazvo”

Kunze kwokuva nemigumisiro inofadza mubasa rokuparidza, vaya vakaita basa rouevhangeri iri vakabatsirika zvikuru pachavo. María, mumwe piyona wechiduku akaitawo imwe yemhimbe idzi, anotaura manzwiro ake nenzira iyi: “Chaiva chiitiko chinofadza kwazvo nokuda kwezvikonzero zviviri. Mufaro wangu mubasa rokuparidza wakawedzera, uye ukama hwangu naJehovha hwakawedzera kusimba. Imwe nguva pataikwira gomo, takanzwa taneta. Takumbira Jehovha kuti atibatsire, takanzwa zvinotaurwa naIsaya 40:29-31 kuti: ‘Vanomirira Jehovha vachawana simba idzva.’ Saka takasvikako tikatanga kudzidzisa vanhu vakatigamuchira nomutsa mukuru.”

Mumwe piyona wechiduku ane makore 17, Claudia, anotiudza kuti: “Ndabatsirika zvikuru. Ndadzidza kuva nounyanzvi zvikuru muushumiri, izvo zvandipa mufaro wakakura, uye izvi zvaita kuti ndive nevavariro pakunamata. Ndasimbawo pakunamata. Kumba amai vaindiitira zvinhu zvose. Iye zvino, noruzivo rwakakura, ndava kunzwa ndine mutoro zvikuru. Somuenzaniso, ndaisisarudza zvokudya. Asi iye zvino sezvo ndaifanira kuchinjira kumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana, handichanyunyuti pamusoro pezvokudya. Rudzi urwu rwebasa rwandibatsira kukudziridza ushamwari hwakanaka kwazvo. Tinogovana zvinhu zvose zvatinazvo uye tinobatsirana.”

Kukohwa Kunofadza

Migumisiro yebasa chairo iri ndeyei? Pakasvika mavambo a2002, mapiyona anenge 28 300 akanga aitawo nzendo dzemapiyona idzi. Akanga adzidzisa Bhaibheri vanhu 140 000, achipedzera maawa anopfuura mamiriyoni maviri mubasa rokuparidza. Kuti abatsire vanhu kudzidza chokwadi cheBhaibheri, akanga agovera mabhuku anenge 121 000 uye magazini anoda kusvika 730 000. Hazvishamisi kuti mamwe mapiyona adzidze Bhaibheri nevanhu 20 kana kupfuura.

Vari kugamuchira mutsa uyu vanoonga kwazvo zvimwe zvokuwedzera zvakaitwa kuti shoko reBhaibheri risvitswe kwavari. Pasinei nourombo hwavo, vakawanda vanoomerera pakuti vaparidzi vacho vagamuchire mipiro. Vamwe ambuya vanoshayiwa vane makore 70 vanogara vachipa chimwe chinhu kumapiyona anovashanyira. Akaramba kuchigamuchira, vanochema. Imwe mhuri inoshayiwa inoudza vaevhangeri venguva yakazara kuti sheche yakavakandira mazai yovakurudzira kutora mazai acho.

Zvinotokosha zvikuru, vanhu vakatendeseka ivavo vanoratidza kuonga zvechokwadi zvinhu zvine chokuita nokunamata. Somuenzaniso, mumwe mukadzi wechiduku anofamba oga maawa matatu nechidimbu kuti anopinda misangano yechiKristu, asingarovhi mumwe wayo. Pasinei nokuti anonetswa nemabvi ake, mumwe mudzimai akwegura akafamba kwemaawa maviri kuti anowana murayiridzo unobva muBhaibheri pakashanya mutariri anofambira. Vamwe vakanga vasingagoni kuverenga nokunyora vaida kudzidza kuverenga nokunyora kuitira kuti vabatsirike nedzidzo yeBhaibheri. Zvose zvavakaita zvakakomborerwa zvikuru.

Mubhuku raMabasa, Ruka anorondedzera chiratidzo chakaonekwa nomuapostora Pauro, achiti: “Mumwe murume weMakedhoniya akanga amire achimuteterera achiti: ‘Yambukirai kuMakedhoniya mutibetsere.’” Pauro akaita saizvozvo achida. Nhasi, munharaunda dziri kwakataramuka dzeMexico, vakawanda vakabvuma nepfungwa yakafanana, vachiratidza kuti vanoda kuzivisa mashoko akanaka “kusvikira kurutivi rwuri kure zvikuru rwepasi.”—Mabasa 1:8; 16:9, 10.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Mune rimwe gore richangopfuura, inopfuura 8 muzana yendima iri muMexico yakanga isingaparidzirwi zvakakwana nguva dzose neungano dzeZvapupu zvaJehovha. Izvi zvinoreva kuti kune vanhu 8 200 000 vanogara mundima dziri kwakataramuka kusingawanzoparidzwa.

^ ndima 17 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mifananidzo iri papeji 9]

Zvapupu zvakawanda zvokuMexico zvakabatanidzwa munhimbe chaidzo dzokuparidza