Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanakidzwa nokuverenga magazini eNharireyomurindi omunguva pfupi yapfuura here? Ona kana uchigona kupindura mibvunzo inotevera:

Chii chinokosha kuti tigadzirise kupesana kwatingaita nomumwe munhu?

Chokutanga tinofanira kuziva kuti hatitani kuva nepfungwa namaitiro zvisina kururama. Ipapo tinofanira kufungisisa kana tirisu takakonzera chinetso chacho kwete mumwe munhu wacho.—8/15, peji 23.

“Nguva dzokudzorerwa kwezvinhu zvose,” dzinodudzwa pana Mabasa 3:21 dzichavapo rini?

Kudzorerwa kwacho kunoitika mumatanho maviri. Kutanga, pane kudzorerwa kuparadhiso yomudzimu kwave kuchiitika kubva muna 1919. Kumwe kudzorerwa kuchavapo pachaitwa pasi redu kuti rivezve paradhiso chaiyo.—9/1, mapeji 17, 18.

Svosve harina mutongi pakudii, sezvinotaurwa pana Zvirevo 6:6-8, asi richitipa muenzaniso wakanaka?

Panzvimbo yamasvosve, pane zimai, asi zimai chete mukuti rinoita mazai uye kuti ndiro zimai renzvimbo yacho. Masvosve anoshanda nesimba, uye ndizvo zvatinofanira kuitawo, tichiedza kuvandudza basa redu, kunyange tisiri kuteverwa mumashure.—9/15, peji 26.

Uprofita hwaHurdha, hwakanyorwa pana 2 Madzimambo 22:20, hwokuti Josia aizofa mu“rugare” hwakanga hwakarurama here zvaakakuvadzwa kusvika pakufa pakurwa?

Hungu, akafa murugare mupfungwa yokuti akafa zvakaipa zvomuna 609-607 B.C.E. zvisati zvaitika vaBhabhironi pavakakomba nokuparadza Jerusarema.—9/15, peji 30.

Kurondedzera kwakaita Soromoni mukadzi se“hadzi yenondo yakanaka, ne[“mbudzi yomumakomo,” NW] inofadza” kwakanga kuri kutaura zvakanaka pakudii? (Zvirevo 5:18, 19)

Ngururu hadzi, kana kuti mbudzi yomumakomo, imhuka yakanyarara uye inoyevedza. Kunyage zvakadaro, inogona kurarama uye kuberekera munzvimbo dzine matombo, dzisiri nyore kusvika dzisingawaniki-waniki zvokudya.—10/1, mapeji 30, 31.

Henry Grew naGeorge Storrs vaiva vanaani?

Varume vaviri ava vakararama muma1800 uye vaiva vadzidzi veBhaibheri vaida kwazvo. Grew akadzidza kuti Utatu hahusi mumagwaro, sezvakaitawo dzidziso yokusafa kwomweya neyemoto wehero. Storrs akaziva kuti vamwe vachawana upenyu husingagumi pasi pano. Vose vakatangira Charles Taze Russell, uyo akatanga kubudisa magazini ino muma 1879.—10/15, mapeji 26-30.

Zvapupu zvaJehovha zvinoona sei kurapwa pachishandiswa ropa romunhu pachake?

Zvichivakira zvazvinotenda muBhaibheri, hazvichengeti ropa razvo zvozobvuma kuriisirwa nomutsinga. MuKristu mumwe nomumwe anozvisarudzira kuti ropa rake richaitwa sei mukati mokuvhiyiwa, kuongororwa utano, kana kurapwa kwamazuva ano. Anofanira kufunga zvinotaurwa neBhaibheri nezveropa ndokuyeuka kuti akazvitsaurira zvakakwana kuna Mwari.—10/15, mapeji 30, 31.

Kuongorora kwakaitwa kumavambo kwegore rino kwakaratidza chii chinokosha chiri kudiwa neZvapupu zvaJehovha mupasi rose?

Pari kudiwa Horo dzoUmambo dzinopfuura 11 000 munyika dzichiri kusimukira, kusina mari yakawanda. Mipiro inobva kuvaKristu vari munyika dzakawanda iri kuendeswa kunobatsira mukuvakwa kwenzvimbo dzokusanganira dzakakwana.—11/1, peji 30.

Ndaapi mamwe amashoko omutauro wapakuvamba anoshandiswa muBhaibheri ane chokuita nokunamata?

Rimwe nderokuti lei·tour·giʹa, rinoshandurwa kuti “basa rinoitirwa vanhu vose.” Rimwe racho nderokuti la·treiʹa, rinoshandurwa kuti “basa dzvene.” (VaHebheru 10:11; Ruka 2:36, 37)—11/15, mapeji 11, 12.

Chidzidzoi chinokosha chatingadzidza munhoroondo yeBhaibheri yaAdhamu naEvha?

Kuedza kupi nokupi kuzvimirira pana Jehovha Mwari ufuza husingatauriki.—11/15, mapeji 24-7.

Uchapupu hupi hweMagwaro huripo hwokuti Mwari anopa simba vashumiri vake?

Dhavhidhi, Habhakuki, uye muapostora Pauro vose vakapa uchapupu hwavo voga hwokuti Jehovha Mwari akanga avapa simba. (Pisarema 60:12; Habhakuki 3:19; VaFiripi 4:13) Saka tinogona kuva nechivimbo chokuti Mwari anoda uye anokwanisa kutisimbisa.—12/1, mapeji 10, 11.