Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kukurudzirwa Kushumira

Kukurudzirwa Kushumira

Kukurudzirwa Kushumira

CHII chingaita kuti vakaroorana 24 vakasimba vasiye mhuri dzavo, shamwari, nenzvimbo dzavakajaira kuti vaite basa roumishinari kune dzimwe nyika? Nei vangafara kuenda kunzvimbo dzakadai sePapua New Guinea neTaiwan, uyewo kunyika dzokuAfrica neLatin-America? Kungava kuda kunakidzwa nechinhu chitsva here? Kwete. Asi, vanokurudzirwa nokuda Mwari nomuvakidzani kwechokwadi.—Mateu 22:37-39.

Vanhu ava ndivanaani? Ndeavo vakapedza kudzidza mukirasi yechi109 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi. Musi woMugovera, September 9, 2000, vanhu vanokwana 5 198 vakaungana paWatchtower Educational Center—iri paPatterson, muNew York—uye mune dzimwe nzvimbo kuti vateerere zano rorudo ringabatsira vakapedza kudzidza kuva mamishinari anobudirira.

Sachigaro wepurogiramu yacho aiva Stephen Lett, nhengo yeDare Rokudzidzisa reDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha. Akavakira mashoko ake okutanga pana Mateu 5:13, anoti “Imi muri munyu wepasi.” Hama Lett vakatsanangura kuti mashoko aJesu anoshanda chaizvoizvo kuvadzidzi vari kupedza kudzidza. Somuenzaniso, munyu unoita kuti zvokudya zvinake. Saizvozvowo, nebasa rawo rokuparidza rinobudirira, mamishinari akafanana nomunyu munzira yokufananidzira.

Kurudziro Inopiwa Pakuparadzana

Ipapo Hama Lett vakasuma vamwe vakashumira Jehovha kwenguva yakareba avo vakapa hurukuro dzapaMagwaro pfupi asi dzine simba. Wokutanga aiva John Wischuk, anoshanda muDhipatimendi Rokunyora. Musoro wehurukuro yake wokuti, “Pisarema Pfupi Pane Ose Rinosimudzira Chido Choumishinari,” wakanga wakavakirwa pana Pisarema 117. Nhasi, munyika yose “ndudzi” na“vanhu vose” vanofanira kupiwa uchapupu hwaJehovha noUmambo hwake. Vadzidzi vakakurudzirwa kuzadzisa zvinotaura Pisarema 117 nokukurudzira vamwe ku“Rumbidza Jehovha.”

Sachigaro akasumazve Guy Pierce weDare Rinodzora. Akataura musoro unoti “Ivai Vanobvuma Kuchinja Zviri Nyore, asi Makasimba.” Shoko raMwari rakasimba. Jehovha Mwari anonzi Dombo pana Dheuteronomio 32:4, asi Shoko rake rinobvumira kuchinja mukuti rakanyorerwa mapoka ose emitauro netsika—hungu, kuvanhu vose. Vadzidzi vakarayirwa kuparidza Shoko raMwari, vachibvumira shoko raro kubaya mwoyo nehana dzavanhu. (2 VaKorinde 4:2) “Ivai vakasimba nokuda kwenheyo dzakarurama, asi ivai vanobvuma kuchinja zviri nyore. Musatarisire pasi vari mumugove wenyu nemhaka yokuti tsika yavo yakasiyana,” Hama Pierce vakakurudzira kudaro.

Karl Adams, mumwe wavarayiridzi veGiriyedhi, ave achishanda padzimbahwe romunyika yose kwamakore anoda kusvika 53, akataura musoro unoita kuti munhu afunge wokuti “Muchaendepi Kana Mabva Pano?” Chokwadi, vakaroorana vacho vari 24 vakawana migove youmishinari kunyika 20 dzakasiyana-siyana kupota pasi rose, asi mubvunzo wakamutswa wokuti, Kana mangovako uye maiona, ipapo muchaitei? Tinogara munyika isingadi kudzikama. Vanhu vanoda kuenda kunzvimbo itsva uye kuita zvinhu zvitsva vachiedza kuzvifadza. Nepo, vadzidzi vakawana basa rinobva kuna Jehovha kunzvimbo yaanoda kuti vatarisire “makwai” ake zvisina udyire. Havafaniri kuva savaya muIsraeri yakare vakarasikirwa nomukana wokushandiswa naJehovha kukomborera vanhu vose pamusana poudyire. Asi, vanofanira kutevedzera Jesu Kristu, uyo aiita kuda kwaBaba vake nguva dzose asina udyire uye aiteerera mumamiriro ose ezvinhu aaitarisana nawo.—Johani 8:29; 10:16.

Musoro unoti “Koshesa Zvinhu Zvakadzika zvaMwari” ndiwo wakakurukurwa naWallace Liverance, mabharani weChikoro cheGiriyedhi. Magwaro anotaura ataurazve nezveShoko raMwari achirifananidza nepfuma, matombo anokosha, simbi dzinokosha, nezvinhu zvinokosheswa nokutsvakwa zvikuru. Zvirevo 2:1-5 inoratidza kuti, kuti tiwane “zivo yaMwari,” tinofanira kuitsvaka setiri kutsvaka “pfuma yakavanzwa.” Mukurukuri akakurudzira vadzidzi kuramba vachichera muzvinhu zvakadzika zvaMwari sezvavanoshumira mumigove yavo mitsva. Hama Liverance vakataura kuti: “Izvi zvinoshanda, nokuti zvinovaka kutenda nechivimbo muna Jehovha uye zvichasimbisa kutsunga kwenyu kuramba muri kumugove wenyu. Zvichakubatsirai kutaura nokutendiswa uye kuti muve mudzidzisi anobudirira kwazvo sezvamunotsanangurira vamwe zvinangwa zvaMwari.”

Achishandisa kirasi, mumwe murayiridzi weChikoro cheGiriyedhi akataura nzira iyo Jehovha akakomborera basa romumunda ravadzidzi mumwedzi mishanu yakanga yadarika. Lawrence Bowen akaratidza mashoko omuapostora Pauro ari pana Mabasa 20:20 pamusoro poushumiri hwake hwapachena muEfeso, achisimbisa kuti Pauro akashandisa mikana yose kupa uchapupu. Zvakaitika kuvadzidzi zvakaenzanisira kuti, kufanana naPauro, vaya vanokurudzirwa nokuda Mwari nomuvakidzani munguva yedu havamboregi kutaura chokwadi nokuita kuti simba reShoko raMwari rishande mune vamwe. Izvi zvinoguma nokukomborerwa naJehovha zvikuru.

Vagara Nebasa Vanotaura

Pavaidzidza, vadzidzi vekirasi iyi yeGiriyedhi vakabatsirwa zvikurukuru nokukwanisa kusonganirana nenhengo dzaMatare Emapazi dzinobva kunyika 23, dzakanga dziriwo paPatterson Educational Center dzichirovedzwa basa rinokosha. Leon Weaver naMerton Campbell veDhipatimendi Rebasa vakabvunzurudza nhengo dzakasiyana-siyana dzaMatare Emapazi, dzimwe dzacho dzakambodzidzawo paGiriyedhi. Zvaipa chivimbo kuvadzidzi nemhuri neshamwari dzavo kunzwa kune mamishinari aya ane unyanzvi.

Zano rakapiwa vadzidzi vekirasi yaipedza kudzidza kuvabatsira kujaira kumigove yavo yokune dzimwe nyika raisanganisira mashoko akadai seaya: “Ivai nepfungwa dzakanaka. Kana mukawana chimwe chinhu chamusingazivi kana kuti chamusinganzwisisi, musarega. Vimbai naJehovha”; “dzidzai kufara nezviripo, uye vimbai kuti Jehovha achakupai zvamunoda muupenyu.” Zvimwe zvakataurwa zvakanga zviri zvokubatsira vadzidzi kuramba vachifara mumigove yavo. Zvimwe zvishomanana zvakataurwa zvaiva izvi: “Musaenzanisa mugove wamunawo nokwamunobva”; “dzidzai mutauro womunzvimbo yacho uye utaurei zvakanaka kuitira kuti mugone kutaura nevanhu”; “dzidzai miitiro netsika zvevanhu vacho, nokuti izvi zvichakubatsirai kuramba muri mumigove yenyu.” Mashoko aya aikurudzira kwazvo kumamishinari matsva.

Kubvunzurudza kwapera, David Splane, aimbova mumishinari uye akapedza kudzidza mukirasi yechi42 yeGiriyedhi ava kushumira senhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, akavakira hurukuro inokosha pamusoro unobata pfungwa unoti “Vadzidzi Kana Kuti Vakapedza Kudzidza—Ndechipi?” Akabvunza kirasi yaipedza kudzidza kuti: “Muchazviona sei sezvamunoenda kumugove wenyu woumishinari? Sevakapedza kudzidza vanoziva zvinhu zvose nezvebasa roumishinari here kana kuti sevadzidzi vachine zvakawanda zvokudzidza?” Hama Splane vakataura kuti akapedza kudzidza akachenjera anozviona somudzidzi. Mamishinari anofanira kuva namaonero okuti munhu wose waanosangana naye mumugove wavo woumishinari anokwanisa kuvadzidzisa chimwe chinhu. (VaFiripi 2:3) Vadzidzi vakakurudzirwa kunyatsoshandira pamwe namamwe mamishinari biyavo, hofisi yebazi, uye ungano yomunzvimbo yacho. Makabudirira bvunzo dzenyu dzokupedzisira, asi hamuna kurega kuva vadzidzi. Itai kuti munhu wose ajekerwe kuti muripo kuti mudzidze,” vakakurudzira kudaro Hama Splane.

Hurukuro iyi yapera, vadzidzi vakatambira zvitupa zvavo, uye migove yavo yakaziviswa vateereri. Yaiva nguva inosvimhisa misodzi kuvadzidzi vanopedza kudzidza sezvo mumwe aimiririra kirasi yacho akazoverenga chisarudzo chaitaura nezvokutsunga kwevakapedza kudzidza vacho kubvumira kuti zvavakadzidza muShoko raMwari zvivaite kuti vaite zviito zvikuru zvebasa dzvene.

Vose vaiva muvateereri vangabvumirana nazvo kuti zano rakagamuchirwa rakasimbisa kutsunga kwevakapedza kudzidza kuratidza kuda Mwari nomuvakidzani. Rakaitawo kuti vave vakatsunga zvikuru kupfuura zvavanga vakaita kubatsira vanhu mumudzimu mumigove yavo youmishinari.

[Bhokisi riri papeji 25]

NEZVEKIRASI YACHO

Nyika dzinomiririrwa: 10

Nyika dzavakaendeswa: 20

Vadzidzi: 48

Avhareji yezera: 33,7

Avhareji yamakore muchokwadi: 16,2

Avhareji yamakore muushumiri hwenguva yakazara: 12,5

[Mufananidzo uri papeji 26]

Kirasi Inopedza Kudzidza yechi109 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi

Pamazita akarongwa pasi apa, mitsetse inoverengwa kubva mberi zvichidzokera shure, uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe zvichienda kurudyi mumutsetse woga woga.

(1) Collins, E.; Miles, L.; Alvarado, A.; Lake, J. (2) Van Dusen, L.; Biharie, A.; Heikkinen, H.; Koós, S.; Smith, H. (3) Ashford, J.; Ashford, C.; Boor, C.; Richard, L.; Wilburn, D.; Lake, J. (4) Chichii, K.; Chichii, H.; Ramirez, M.; Baumann, D.; Becker, G.; Biharie, S.; Ramirez, A. (5) Van Dusen, W.; Lemâtre, H.; Pisko, J.; Cutts, L.; Russell, H.; Johnson, R. (6) Becker, F.; Baumann, D.; Johnson, K.; Pifer, A.; Madsen, C.; Lemâtre, J.; Heikkinen, P. (7) Smith, R.; Russell, J.; Collins, A.; Pisko, D.; Wilburn, R.; Koós, G. (8) Cutts, B.; Boor, J.; Madsen, N.; Pifer, S.; Richard, E.; Miles, B.; Alvarado, R.