Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Rinotii?

Bhaibheri Rinotii?

Mwari anopindura minyengetero yese here?

UNGATI ANOPINDURA MINYENGETERO . . .

  • Yese here?

  • Imwe here?

  • Kana kuti haapinduri

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

“Jehovha ari pedyo navose . . . vanodana kwaari zvechokwadi.”—Pisarema 145:18.

NDEZVIPI ZVIMWE ZVATINODZIDZA MUBHAIBHERI?

  • Mwari haapinduri minyengetero yevanhu vasingamuteereri. (Isaya 1:15) Asi kana vakachinja mararamiro avo anogona kuvapindura.—Isaya 1:18.

  • Mwari anopindura minyengetero inoenderana nezvaanoda zviri muBhaibheri.—1 Johani 5:14.

Tinofanira kunyengetera takaita sei?

VAMWE VANHU VANOTI munhu anofanira kupfugama, kukotamisa uso kana kuti kubatanidza maoko pese paanenge achinyengetera. Unotiwo kudii?

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Mwari akapindura minyengetero yevanhu vaiva ‘vakagara pasi,’ ‘vakasimuka,’ ‘vakazvambarara’ uye ‘vakapfugama.’ (1 Makoronike 17:16; 2 Makoronike 30:27; Ezra 10:1; Mabasa 9:40) Anotinzwa pasinei nekuti tiri kunyengetera takaita sei.

NDEZVIPI ZVIMWE ZVATINODZIDZA MUBHAIBHERI?