Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | VANHU VAKARATIDZWA KUDENGA VAKAONEI?

Vanhu Vanotii Nezvekudenga?

Vanhu Vanotii Nezvekudenga?

Wakambozvibvunza here kuti kudenga kwakamboita sei uye kuti ndivanaani vanogarako? Kana wakambozvibvunza, ziva kuti hausi woga. Vanhu vava nemakore vachitaura zvakasiyana-siyana. Vamwe vanoti kudenga inzvimbo izere nemufaro inogarwa nengirozi uye ndiko kunoendwa nevanhu vakanaka kana vafa. Asiwo vamwe vanoti ndiko kunogara vanamwari vakasiyana-siyana.

Vanhu vakawanda vanoti hazviiti kuti tizive chokwadi nezveupenyu hwekudenga nekuti hapana akambobvako akataura zvakwakaita. Uku kunyepa, nekuti Jesu Kristu asati auya panyika aimbova kudenga. Paaiva panyika akaudza vatungamiriri vezvitendero kuti: “Handina kuburuka ndichibva kudenga kuzoita zvandinoda, asi zvinodiwa naiye akandituma.” Jesu akanga achitaura zvinhu zvaakanga aona paakaudza vadzidzi vake kuti: “Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara.”—Johani 6:38; 14:2.

Baba vaJesu vanonzi Jehovha, uye vanogara kudenga. (Pisarema 83:18) Kunze kwaJehovha Mwari naJesu Kristu hapana angakwanisa kunyatsotsanangura kuti kudenga kwakaita sei. Jehovha naJesu vakaita zvekurotsa vamwe vanhu vakatendeka kuti vaone zvakaita kudenga.

Nyaya inotevera inotaura nezvedzimwe ndima dziri muBhaibheri dzinotaura zvinhu zvakaonekwa nevamwe vacho. Paunenge uchidziverenga, yeuka kuti zvinhu zvekudenga zvakasiyana chaizvo nezvinhu zvatinoona kana kubata. Mwari akaita kuti zvakaonekwa izvi zvitsanangurwe nemashoko ari nyore atinokwanisa kunyatsonzwisisa. Zvavakaona zvichakubatsira kunzwisisa kuti ndivanaani vanogara ‘munzvimbo zhinji dzokugara’ dzekudenga.