Enda pane zvauri kuda

Maverengerwo Enguva muBhaibheri Anoratidzei Nezvegore ra1914?

Maverengerwo Enguva muBhaibheri Anoratidzei Nezvegore ra1914?

Mhinduro yeBhaibheri

 Maverengerwo enguva muBhaibheri anoratidza kuti Umambo hwaMwari hwakagadzwa kudenga muna 1914. Izvi zvinoratidzwa nouprofita hwakanyorwa muBhaibheri pana Dhanieri chitsauko 4.

 Zvinotaurwa nouprofita hwacho. Mwari akaita kuti Mambo Nebhukadhinezari arote zimuti zihombe rakatemwa. Chigutsa chawo chakaitwa kuti chisatungira ‘kwenguva nomwe,’ uye kana nguva iyi yapera chaizotungirazve.​—Dhanieri 4:1, 10-16.

 Kuzadzika kwokutanga kwouprofita hwacho. Zimuti zihombe iri raifananidzira Mambo Nebhukadhinezari. (Dhanieri 4:20-22) Akaita sokunge ‘atemwa’ paakatanga kurwara pfungwa uye paakamira kutonga kwemakore 7. (Dhanieri 4:25) Mwari paakazoita kuti pfungwa dzake dzichishanda zvakanaka, Nebhukadhinezari akatangazve kutonga uye akabvuma kuti Mwari ndiye Mutongi mukuru.​—Dhanieri 4:34-36.

 Umboo hunoratidza kuti uprofita uhwu hune zvimwe zvahwaireva. Chinangwa chouprofita uhwu chaiva chokuti “vanhu vapenyu vazive kuti Wokumusorosoro ndiye Mutongi muumambo hwose hwevanhu uye kuti anohupa waanoda, anogadza pahuri munhu akaderera kwazvo pakati pevanhu.” (Dhanieri 4:17) Nebhukadhinezari aizvikudza ndiye here uyo Mwari aida kupa utongi uhwu? Aiwa, nokuti Mwari akanga ambomurotesa achimuonesa kuti hapana kana munhu wepanyika anokodzera kupiwa basa iri kunyange iye Nebhukadhinezari. Asi kuti Mwari pachake ‘aizomutsa umambo husingazomboparadzwi.’—Dhanieri 2:31-44.

 Mwari akanga agara ane umambo hwaimiririra utongi hwake pano pasi: rudzi rwekare rwevaIsraeri. Mwari akarega utongi ihwohwo huchiparadzwa nokuti vatongi vacho vakanga vasisina kuvimbika, asi akagara ataura kuti aizopa utongi kumunhu aiva “ane kodzero yepamutemo.” (Ezekieri 21:25-27) Bhaibheri rinoratidza kuti Jesu Kristu ndiye aiva nekodzero yokupiwa utongi uhwu uye aizotonga nokusingaperi. (Ruka 1:30-33) Jesu akanga akasiyana naNebhukadhinezari pakuti aiva ‘nemwoyo unozvininipisa’ sokuprofitwa kwazvakanga zvaitwa.​—Mateu 11:29.

 Muti unotaurwa pana Dhanieri chitsauko 4 unofananidzirei? Pane dzimwe nguva muBhaibheri miti inofananidzira utongi. (Ezekieri 17:22-24; 31:2-5) Pakuzadzika kukuru kwaDhanieri chitsauko 4 muti mukuru unofananidzira utongi hwaMwari.

 Kutemwa kwomuti kunofananidzirei? Kutemwa kwomuti sezvo kwaifananidzira kuvhiringidzwa kweutongi hwaNebhukadhinezari, kwaifananidzirawo zvakare kuvhiringidzwa kweutongi hwaMwari pasi pano. Izvi zvakaitika apo Nebhukadhinezari akaparadza Jerusarema, umo maiva nemadzimambo echiIsraeri akanga achitonga achimiririra Jehovha.​—1 Makoronike 29:23.

 “Nguva nomwe” dzinofananidzirei? “Nguva nomwe” dzinomiririra nguva iyo Mwari akarega marudzi achitonga nyika iye asingapindiri. Maererano nemaverengerwo anoitwa nguva muBhaibheri, “nguva nomwe” dzakatanga muna October 607 B.C.E., apo Jerusarema rakaparadzwa nevaBhabhironi. a​—2 Madzimambo 25:1, 8-10.

 “Nguva nomwe” dzakareba sei? Hadzina kureba makore 7 sezvakaitika kuna Nebhukadhinezari. Jesu akaratidza kureba kwayakaita paakati “Jerusarema [raifananidzira utongi hwaMwari] richatsikwa-tsikwa nemamwe marudzi, kusvikira nguva dzakatarwa dzemamwe marudzi dzakwana.” (Ruka 21:24) “Nguva dzakatarwa dzemamwe marudzi” idzo Mwari akarega utongi hwake ‘huchitsikwa-tsikwa nemamwe marudzi’ dzakafanana ‘nenguva nomwe’ dzinotaurwa muna Dhanieri chitsauko 4. Saka izvi zvinoreva kuti Jesu paakanga achiri panyika “nguva nomwe” idzi dzakanga dzichiri kuenderera mberi.

 Bhaibheri rinotibatsira kuziva kuti “nguva nomwe” idzodzo dzouprofita dzakareba zvakadini. Rinoti nguva nhatu nehafu dzakaenzana nemazuva 1 260, saka “nguva nomwe’ dzaizova dzakareba mazuva 2 520. (Zvakazarurwa 12:6, 14) Tikashandisa zvinotaurwa nouprofita kuti ‘zuva rimwe chete igore’ mazuva 2 520 anomirira makore 2 520. Saka, “nguva nomwe” kana kuti makore 2 520 aizopera muna October 1914.​—Numeri 14:34; Ezekieri 4:6.

a Kuti unzwe zvakawanda nezvekuti sei tichiti raiva gore ra607 B.C.E, ona nyaya inoti “Jerusarema Rekare Rakaparadzwa Rini?—Chikamu Chokutanga,” mapeji 26-​31 muNharireyomurindi yaOctober 1, 2011, uye inoti “Jerusarema Rekare Rakaparadzwa Rini?—Chikamu Chechipiri,” muNharireyomurindi yaNovember 1, 2011 mapeji 22-28.