Numeri 14:1-45
14 Ungano yese yakabva yaita zhowezhowe, uye vanhu vakaramba vachiridza mhere, uye vachichema usiku ihwohwo hwese.+
2 VaIsraeri vese vakatanga kugunun’unira Mozisi naAroni,+ uye ungano yese yakatanga kutaura zvakaipa kwavari, ichiti: “Dai takafira hedu munyika yeIjipiti, kana kuti dai takafira hedu murenje rino!
3 Jehovha ari kutiendeserei kunyika iyi kuti tiurayiwe nebakatwa?+ Madzimai edu nevana vedu vachapambwa.+ Hazvisi nani here kuti tidzokere hedu kuIjipiti?”+
4 Vaitotaurirana vachiti: “Ngatigadzei mutungamiriri, tidzokere kuIjipiti!”+
5 Mozisi naAroni vakabva vapfugama, vakaisa misoro yavo pasi ungano yese yevaIsraeri yaivapo ichiona.
6 Joshua+ mwanakomana waNuni naKarebhi+ mwanakomana waJefune, avo vaiva pakati pevaya vakanosora* nyika, vakabvarura nguo dzavo,
7 uye vakati kuungano yese yevaIsraeri: “Nyika yatakafamba nemairi tichiisora inyika yakanaka kwazvo.+
8 Kana Jehovha akatifarira, achatiendesa kunyika iyi, otipa nyika inoyerera uchi nemukaka.+
9 Asi musapandukira Jehovha uye musatya vanhu vemunyika yacho,+ nekuti tichavaparadza.* Havasisina chinovadzivirira, uye Jehovha anesu.+ Musavatya.”
10 Asi ungano yese yakataura nezvekuti vatemwe nematombo.+ Kubwinya kwaJehovha kwakabva kwaonekwa nevaIsraeri vese kuri pamusoro petende rekusanganira.+
11 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Vanhu ava vari kuda kusvika riini vasingandiremekedzi,+ uye vari kuda kusvika riini vasingatendi mandiri pasinei nezviratidzo zvese zvandakaita pakati pavo?+
12 Rega ndivarove nedenda, ndivadzinge, uye rega ndikuite rudzi rukuru, rune simba kuvapfuura.”+
13 Asi Mozisi akati kuna Jehovha: “Makabudisa vanhu venyu muIjipiti muchishandisa simba renyu. Saka kana mukaita izvi, vaIjipiti vachazvinzwa,+
14 uye vachataura nezvazvo kuvagari vemunyika ino. Naivowo vakanzwa kuti imi, Jehovha, muri pakati pevanhu ava,+ uye makazviratidza kwavari chiso nechiso.+ Ndimi Jehovha, uye gore renyu rakamira pamusoro pavo, uye munovatungamirira neshongwe yegore masikati uye neshongwe yemoto usiku.+
15 Kana mukauraya vanhu ava vese panguva imwe chete,* marudzi akanzwa nezvemukurumbira wenyu achati:
16 ‘Jehovha akatadza kusvitsa vanhu ava munyika yaakavapikira kuti aizovapa, saka akavaurayira murenje.’+
17 Saka ndapota, Jehovha, simba renyu ngarive guru sezvamakavimbisa pamakati:
18 ‘Jehovha, anononoka kutsamwa uye azere nerudo rusingachinji,+ anoregerera kukanganisa nekutadza, asi haazombosiyi munhu ane mhosva asina kurangwa, anoranga vanakomana nemhaka yekukanganisa kwemadzibaba avo kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechizvarwa chechina.’+
19 Ndapota, regererai kutadza kwevanhu ava maererano neukuru hwerudo rwenyu rusingachinji, sezvamanga muchiregerera vanhu ava kubvira muIjipiti kusvikira zvino.”+
20 Jehovha akabva ati: “Ndavaregerera sezvawataura.+
21 Asi kunyange zvakadaro, ndinopika neupenyu hwangu, nyika yese ichazadzwa nekubwinya kwaJehovha.+
22 Zvisinei, hapana kana murume mumwe chete pavarume vakaona kubwinya kwangu nezviratidzo+ zvangu zvandakaita muIjipiti nemurenje asi vakaramba vachindiedza+ kagumi aka uye vakasateerera inzwi rangu+
23 vachafa vakaona nyika yandakapikira madzibaba avo. Hapana kana mumwe wavo asingandiremekedzi achaiona.+
24 Asi nekuti muranda wangu Karebhi+ akaratidza kuti akasiyana nevamwe, uye akaramba achinditevera nemwoyo wese, zvechokwadi ndichamuendesa kunyika kwaakaenda, uye vana vake vachaitora.+
25 Sezvo vaAmareki nevaKenani+ vari kugara mubani, mangwana munofanira kutendeuka, monanga kurenje nenzira yekuGungwa Dzvuku.”+
26 Jehovha akabva ati kuna Mozisi naAroni:
27 “Ungano iyi yakaipa icharamba ichindigunun’unira kusvika riini?+ Ndanzwa kugunun’una kuri kuita vaIsraeri nezvangu.+
28 Vaudze kuti, ‘“Ndinopika neupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “ndichakuitirai zvandanzwa muchitaura!+
29 Zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino,+ mese vakaverengwa kubvira pane vane makore 20 zvichikwira, imi mese mandigunun’unira.+
30 Hapana kana mumwe wenyu achapinda munyika yandakapika* kuti muchagara,+ kunze kwaKarebhi, mwanakomana waJefune naJoshua mwanakomana waNuni.+
31 “‘“Uye ndichapinza vana venyu, vamati vachapambwa,+ uye ndivo vachaziva nyika yamakaramba.+
32 Asi zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino.
33 Vanakomana venyu vachava vafudzi murenje kwemakore 40,+ uye vachazvidavirira pamabasa enyu ekusatendeka,* kusvikira chitunha chenyu chekupedzisira chawa murenje.+
34 Zvichienderana nemazuva amakasora nyika yacho, mazuva 40,+ zuva richiva gore, zuva richiva gore, muchazvidavirira kutadza kwenyu kwemakore 40,+ kuti muzive zvinoitika kana mukandipikisa.*
35 “‘“Ini, Jehovha, ndataura. Izvi ndizvo zvandichaitira ungano yese iyi yakaipa, vaya vakaungana vachipikisana neni: Vachaperera murenje rino, uye vachafira muno.+
36 Varume vaya vakatumwa naMozisi kunosora nyika yacho uye vakaita kuti ungano yese imugunun’unire pavakadzoka vachiiudza mashoko anopedza simba nezvenyika yacho,+
37 ivo varume vakauya nemashoko anopedza simba nezvenyika yacho vacharohwa naJehovha vofa pamberi pake.+
38 Asi Joshua mwanakomana waNuni naKarebhi mwanakomana waJefune, avo vaiva pakati pevaya vakaenda kunosora nyika, vacharamba vari vapenyu.”’”+
39 Mozisi paakataura mashoko aya kuvaIsraeri vese, vanhu vakatanga kuchema kwazvo.
40 Uyezve, vakafumomuka, vakaedza kukwira pamusoro pegomo, vachiti: “Iye zvino tagadzirira kukwira kunzvimbo yakataurwa naJehovha, nekuti takatadza.”+
41 Asi Mozisi akati: “Muri kuitirei zvamusina kuudzwa naJehovha? Hazvisi kuzobudirira izvi.
42 Musaenda, nekuti Jehovha haasi pakati penyu; muchakundwa nevavengi venyu.+
43 Nekuti vaAmareki nevaKenani vakakugarirai ikoko kuti vakurwisei,+ uye muchaurayiwa nebakatwa. Jehovha haasi kuzova nemi nekuti makasiya kutevera Jehovha.”+
44 Zvisinei, vakazvikudza vakakwidza negomo,+ asi areka yesungano yaJehovha haina kubva mumusasa pamwe chete naMozisi.+
45 VaAmareki nevaKenani vaigara mugomo iroro vakadzika, vakavarwisa, vakavadzingirira kusvikira kuHoma.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “vakanoongorora.”
^ Kana kuti “nekuti ivo kudya kwedu.”
^ ChiHeb., “semunhu mumwe chete.”
^ ChiHeb., “yandakasimudzira ruoko rwangu.”
^ ChiHeb., “echipfambi.”
^ Kana kuti “kana mukavengana neni.”