Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Uori Husingaperi?

Nei Uori Husingaperi?

“Munhu akatonga mumwe munhu achimukuvadza.”—MUPARIDZI 8:9.

MASHOKO aya anorondedzera nomazvo matongero anga achiita vanhu kubvira kare. Kutonga kwevanhu kwaita kuti vanhu vatambure chaizvo. Kubvira kare, vamwe vaiva nevavariro dzakanaka vaiedza kuti vanhu vagare zvakanaka asi vaizongokanganiswa nouori uye makaro. Sei zvakadaro? Nei uori husingaperi? Pane zvinhu zvitatu zviri pasi apa zvinonyanya kuhukonzera.

1. Chivi.

Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti tose tiri “pasi pechivi.” (VaRoma 3:9) Chivi ichi “chinogara” matiri kufanana nechirwere chisingarapiki chatinoberekwa tiinacho. Chivi ichi chava nezviuru zvemakore chichitonga vanhu samambo. “Mutemo” wechivi unoramba uchishanda matiri. Unoita kuti vakawanda vade kungoita zvakavanakira uye kuti vadzvinyirire vamwe vachida kuwana masimba nezvinhu.—VaRoma 5:21; 7:17, 20, 23, 25.

 2. Vanhu vakaipa vari munyika.

Vanhu vari munyika ino vane udyire. Saka zvinoomera vamwe kuti vasavatevedzera. Vanovatevedzera vacho vanopedzisira vava kuda zvinzvimbo zvokuti vanotorwira kuti vazviwane. Vanoda kuramba vachingounganidza mari nezvinhu zvavasingazoshandisi. Zvinosuwisa kuti vanotoita uori kuti vawane zvinhu izvozvo. Vanhu ivavo vanotevera “vanhu vazhinji pakuita zvakaipa” pane kuti varege kuvatevedzera.—Eksodho 23:2.

3. Satani Dhiyabhorosi.

Ngirozi yakapanduka Satani, iri “kutsausa nyika yose inogarwa.” (Zvakazarurwa 12:9) Anonakidzwa nokushandisa vanhu. Munhu wose ane chido chokuwana zvinhu nemari saka iye anobva ashandisa mukana iwoyo kumunyengedza kuti agume aita uori.

Izvi zvinoreva here kuti Satani anogona kungoita madiro nesu? Tichaona mhinduro yomubvunzo uyu munyaya inotevera.