Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Batsira Vamwe Kugamuchira Shoko roUmambo

Batsira Vamwe Kugamuchira Shoko roUmambo

Batsira Vamwe Kugamuchira Shoko roUmambo

“Agiripa akati kuna Pauro: ‘Ungandinyengetedza kuva muKristu nenguva pfupi.’”—MABASA 26:28.

1, 2. Zvakafamba sei kuti Pauro amire pamberi paGavhuna Fesito naMambo Herodhi Agiripa II?

PAKESARIYA muna 58 C.E., Gavhuna weRoma Pokiyo Fesito akashanyirwa naMambo Herodhi Agiripa II nehanzvadzi yake Bhenisi. Vakokwa naGavhuna Fesito, vakauya “vachivhaira kwazvo vakapinda mukamuri raitongerwa mhaka vane vatungamiriri vehondo nevarume vakatanhamara muguta.” Fesito akarayira kuti muapostora wechiKristu Pauro aunzwe pamberi pavo. Zvakaitika sei kuti muteveri waJesu Kristu uyu amire pamberi pechigaro chokutonga chaGavhuna Fesito?—Mabasa 25:13-23.

2 Zvakataurwa naFesito kuvaeni vake zvinopindura mubvunzo iwoyo. Akati: “Mambo Agiripa nemi varume mose munesu, muri kuona munhu uyu wandakakumbirwa nevanhu vazhinji vose vevaJudha muJerusarama nokuno, vachidanidzira kuti haachafaniri kurarama. Asi ndakanzwisisa kuti hapana chakaipa chaakanga aita chakafanirwa norufu. Nokudaro murume akati akwirira kune Anoremekedzwa, ndakasarudza kumutumira. Asi pamusoro pake handina chinhu chaicho chokunyora kunaShe wangu. Nokudaro ndamuunza pamberi penyu, uye zvikurukuru pamberi penyu imi, Mambo Agiripa, kuitira kuti, kana kuongorora kwokutonga kwaitwa, ndiwane chimwe chinhu chokunyora. Nokuti zvinoratidzika kuva upenzi kwandiri kuti nditumire musungwa ndisingaratidziwo mhosva dzaanopomerwa.”—Mabasa 25:24-27.

3. Nei vatungamiriri vechitendero vakapomera Pauro mhosva?

3 Mashoko aFesito anoratidza kuti Pauro akanga achipomerwa mhosva dzenhema dzokumukira—mhosva yaiva nechirango chorufu. (Mabasa 25:11) Zvisinei, Pauro akanga asina mhosva. Kupomera kwacho kwaikonzerwa negodo revatungamiriri vechitendero muJerusarema. Vaishora basa raPauro somuzivisi woUmambo uye vaivenga zvikuru kuti aibatsira vamwe kuva vateveri vaJesu Kristu. Pauro akazounzwa kuguta rechiteshi chengarava reKesariya, achibva Jerusarema akarindwa chaizvo, achibva akwirira kuna Kesari. Kubva ipapo aizoendeswa kuRoma.

4. Mambo Agiripa akataura mashokoi anoshamisa?

4 Fungidzira Pauro ari muimba yagavhuna pamberi peboka rinosanganisira mutongi wechikamu chinokosha choUmambo hweRoma. Mambo Agiripa anotendeukira kuna Pauro oti: “Unotenderwa kutaura.” Sezvo Pauro anotaura asingamiri, chinhu chinoshamisa chinoitika. Zvinotaura Pauro zvinotanga kubaya mwoyo wamambo. Zvechokwadi, Mambo Agiripa anoti: “Ungandinyengetedza kuva muKristu nenguva pfupi.”—Mabasa 26:1-28.

5. Nei mashoko aPauro kuna Agiripa aishanda zvikuru?

5 Pafunge! Pamusana pokuzvidzivirira kwaPauro zvinonwisa mvura, mutongi akabayiwa mwoyo nesimba reShoko raMwari rinopinda mukatikati. (VaHebheru 4:12) Chii chakanga chichibaya mwoyo zvakadaro pakuzvidzivirira kwaPauro? Uye chii chatingadzidza kuna Pauro chinogona kutibatsira mubasa redu rokuita vadzidzi? Kana tikaongorora kuzvidzivirira kwake, zvinhu zvikuru zviviri zvinobuda pachena: (1) Pauro akanga achinyengetedza muhurukuro yake. (2) Akashandisa zivo yake yeShoko raMwari nounyanzvi, sokungoshandisa chishandiso zvinobudirira kunoita mhizha.

Shandisa Unyanzvi Hwokunyengetedza

6, 7. (a) Sokushandiswa kwarinoitwa muBhaibheri, shoko rokuti “kunyengetedza” rinorevei? (b) Kunyengetedza kunoita basa rei mukubatsira vamwe kugamuchira zvinodzidziswa neBhaibheri?

6 Mubhuku raMabasa, mashoko echiGiriki anoshandurwa kuti kunyengetedza anoshandiswa ashandiswazve muzvine chokuita naPauro. Anorevei pabasa redu rokuita vadzidzi?

7 Mumutauro wokutanga weMagwaro echiKristu echiGiriki, “nyengetedza” rinoreva “kuwana” kana kuti kukonzera “kuchinja kwepfungwa uchishandisa zvikonzero kana kuti kufunga zvakanaka,” rinodaro Vine’s Expository Dictionary of New Testament Words. Kuongorora zvinonyanyoreva shoko racho kunopa chimwe chiedza. Kunopa pfungwa yokuvimba. Naizvozvo kana ukanyengetedza munhu kugamuchira zvinodzidziswa neBhaibheri, wawana chivimbo chake, zvokuti anotenda kuti dzidziso iyoyo ndeyechokwadi. Zviri pachena kuti hazvina kukwana kuudza munhu zvinotaura Bhaibheri kuitira kuti aridavire oita chimwe chinhu maererano nazvo. Muteereri wako anofanira kugutsikana kuti zvaunotaura ndezvechokwadi, pasinei nokuti munhu iyeye mwana, muvakidzani, unoshanda naye, unodzidza naye, kana kuti ihama yokunyama.—2 Timoti 3:14, 15.

8. Kuita kuti munhu agutsikane nechokwadi choRugwaro kunosanganisirei?

8 Ungaita sei kuti munhu agutsikane kuti zvaunotaura kubva muShoko raMwari ndicho chokwadi? Kuburikidza nokutaura zvine musoro, kutaura zvinonzwisisika, uye kuteterera kwomwoyo wose, Pauro akaedza kuita kuti vanhu vaaitaura navo vachinje pfungwa dzavo. * Naizvozvo, pane kungotaura kuti chimwe chinhu ndechechokwadi unofanira kupa uchapupu hunogutsa hwokutsigira zvaunotaura. Izvi zvingaitwa sei? Iva nechokwadi chokuti zvaunotaura zvinovakirwa zvakasimba paShoko raMwari uye kwete pamafungiro ako pachako. Uyezve, shandisa uchapupu hwokuwedzera kutsigira zvaunotaura nomwoyo wose zvichibva muMagwaro. (Zvirevo 16:23) Somuenzaniso, kana ukataura kuti vanhu vanoteerera vachava noupenyu muparadhiso yepasi, tsigira mashoko iwayo noRugwaro, rwakadai saRuka 23:43 naIsaya 65:21-25. Ungapa sei uchapupu hwokuwedzera hwokutsigira pfungwa yako yomuMagwaro? Ungashandisa mienzaniso inozivikanwa nomuteereri wako. Ungamuyeuchidza nezvomufaro uri nyore uye usingatengwi unowanika mukunyura kwezuva kwakanaka, kunhuwirira kweruva, kunaka kwomuchero, kana kuti mufaro wokuona amai veshiri vachidyisa vana vavo. Mubatsire kuona kuti mufaro wakadaro uchapupu hwokuti Musiki anoda kuti tinakidzwe noupenyu pasi pano.—Muparidzi 3:11, 12.

9. Tingaratidza sei kuti tinonzwisisa mubasa redu rokuparidza?

9 Pakuedza kunyengetedza munhu kugamuchira imwe dzidziso yeBhaibheri, ngwarira kuti chido chako hachikuiti kuti unzwike somunhu asinganzwisisi, wobva wavhara pfungwa nomwoyo zvomuteereri wako. Bhuku reChikoro Choushumiri rinoyambira kuti: “Mashoko echokwadi anotaurwa nokusachenjerera anofumura chitendero chenhema chave chichikosheswa nomumwe munhu kwenguva refu, kunyange achitsigirwa nendima dzeMagwaro asingaperi, haawanzogamuchirwi. Somuenzaniso, kana mhemberero dzakakurumbira dzikangonzi dzakaipa nokuti ndedzechihedheni, izvi hazvingachinji maonero adzinoitwa nomumwe munhu. Kukurukura nomunhu uchiita kuti afunge kunowanzobudirira.” Nei tichifanira kuratidza kuti tinonzwisisa? Bhuku racho rinoti: “Nzira yokukurukura nayo nomunhu uchiita kuti afunge inoita kuti ade kukurukura, inopa vanhu chimwe chinhu chokufunga nezvacho gare gare, uye inosiya mukana wakavhurika wokuzokurukurazve. Inogona kuva nesimba guru rokuchinja.”—VaKorose 4:6.

Kunyengetedza Kunokurudzira Mwoyo

10. Pauro akasuma kuzvidzivirira kwake pamberi paAgiripa nenzira ipi?

10 Iye zvino ngatichitarisisai mashoko aPauro okuzvidzivirira ari muna Mabasa chitsauko 26. Cherechedza kuti akatanga sei hurukuro yake. Kuti asume nyaya yake, Pauro akawana chikonzero chepamutemo chokurumbidza Agiripa, kunyange zvazvo mambo wacho aiita unzenza hunonyadzisa nehanzvadzi yake Bhenisi. Pauro akati: “Pamusoro pezvinhu zvose zvandinopomerwa nevaJudha, Mambo Agiripa, ndinofara kuti pamberi penyu imi pandinofanira kutaura ndichizvidzivirira nhasi, zvikurukuru zvamuri nyanzvi patsika dzose nenharo dziri pakati pevaJudha. Naizvozvo ndinokukumbirai kuti mundinzwe nokushivirira.”—Mabasa 26:2, 3.

11. Mashoko aPauro kuna Agiripa anoratidza sei ruremekedzo, uye akabatsirei?

11 Wacherechedza here kuti Pauro akabvuma chinzvimbo chakakwirira chaAgiripa nokumudana nezita rake rokuremekedza, rokuti Mambo? Izvi zvairatidza kuremekedza, uye nokusarudza kwake manzwi nouchenjeri, Pauro akakudza Agiripa. (1 Petro 2:17) Muapostora wacho akabvuma kuti Agiripa aiva nyanzvi patsika dzakaoma nemitemo yevanhu vake vechiJudha vaaitonga uye akati aifara kuti aigona kuzvidzivirira pamberi pomutongi anoziva zvakadaro. Pauro, muKristu, haana kuita sokuti aiziva kupfuura Agiripa, uyo aisava muKristu. (VaFiripi 2:3) Pane kudaro, Pauro akakumbira mambo kuti amuteerere nokushivirira. Nokudaro, Pauro akaita kuti pave nemamiriro ezvinhu ayo Agiripa, pamwe chete nevamwe vateereri, vaizokwanisa kugamuchira nyore zvaakanga ava kuda kutaura. Akanga ari kuvaka hwaro, chinhu chavaibvumirana vose chokuvakira pfungwa dzake.

12. Mubasa rokuzivisa Umambo, tingasvika sei pamwoyo yevateereri vedu?

12 Kufanana naPauro paaiva pamberi paAgiripa, kubvira pasumo kusvikira pamhedziso yemharidzo dzedu dzeshoko roUmambo, ngatikurukurei zvinosvika pamwoyo. Tinogona kuita izvi nokuratidza kuremekedza kwechokwadi munhu watinenge tichiparidzira uye nokuratidza kufarira kwechokwadi mararamire ake kubva kare uye kufunga kwake.—1 VaKorinde 9:20-23.

Shandisa Shoko raMwari Nounyanzvi

13. Kufanana naPauro, ungakurudzira sei vateereri vako?

13 Pauro aida kukurudzira vateereri vake kuita zvinoenderana nemashoko akanaka. (1 VaTesaronika 1:5-7) Kuti adaro, aitaura zvaisvika pamwoyo yavo yokufananidzira, panobva shungu dzokuita zvinhu. Tichidzokera pakuzvidzivirira kwaPauro pamberi paAgiripa, cherechedza nzira iyo Pauro ‘akabata nayo shoko raMwari zvakarurama’ nokutaura nezvezvinhu zvakataurwa naMosesi nevaprofita.—2 Timoti 2:15.

14. Tsanangura nzira iyo Pauro akashandisa nayo kunyengetedza paaiva pamberi paAgiripa.

14 Pauro aiziva kuti Agiripa aiva muJudha wezita chete. Kuti afadze Agiripa uyo aiziva zvechiJudha, Pauro akataura kuti kuparidza kwake chaizvoizvo kwaisanganisira ‘kusataura chinhu kunze kwezvinhu zvakataurwa neVaprofita naMosesi kuti zvaizoitika’ maererano nokufa nokumutswa kwaMesiya. (Mabasa 26:22, 23) Achitaura naAgiripa zvakananga, Pauro akabvunza kuti: “Imi, Mambo Agiripa, munotenda Vaprofita here?” Agiripa akanga ava pakati nepakati. Kana aizoti akanga asingatendi vaprofita, zvaizokanganisa mukurumbira wake somunhu aidavira chiJudha. Asi kana aizobvumirana nezvaitaurwa naPauro, aizova achitora chinzvimbo chokubvumirana pachena nomuapostora wacho uye aigona kuzoguma anzi muKristu. Pauro akazvipindurira mubvunzo wake nokuchenjera, achiti “Ndinoziva kuti munotenda.” Mwoyo waAgiripa wakamuita kuti apindure sei? Akati: “Ungandinyengetedza kuva muKristu nenguva pfupi.” (Mabasa 26:27, 28) Kunyange zvazvo Agiripa asina kuva muKristu, zviri pachena kuti neimwe nzira Pauro akabaya mwoyo wake neshoko rake.—VaHebheru 4:12.

15. Pauro akakwanisa sei kutanga ungano muTesaronika?

15 Wacherechedza here kuti kupa kwaPauro mashoko akanaka kwaisanganisira zvose kuzivisa nokunyengetedza? Sezvo Pauro akashandisa nzira iyoyo sezvaai‘bata shoko raMwari zvakarurama,’ vamwe vakamunzwa havana kuzongova vateereri bedzi asi vakava vatendi. Ndizvo zvakaitika muTesaronika, uko Pauro akatsvaka vaJudha neveMamwe Marudzi vaitya Mwari pasinagogi. Nhoroondo iri pana Mabasa 17:2-4 inoti: “Nokudaro maererano netsika yaPauro akapinda mavaiva, uye kwemasabata matatu akataurirana navo achishandisa Magwaro, achitsanangura uye achitendisa nezvakanyorwa kuti zvakanga zvakafanira kuti Kristu atambure uye kuti amuke kubva kuvakafa . . . Nemhaka yaizvozvo vamwe vavo vakava vatendi.” Pauro ainyengetedza. Aibatsira munhu kuti afunge, aitsanangura, uye airatidza achishandisa Magwaro kuti Jesu akanga ariye Mesiya akapikirwa kare kare. Zvakaguma nei? Pakaumbwa ungano yevatendi.

16. Ungawana sei mufaro mukuru mukuzivisa Umambo?

16 Ungava nounyanzvi hwakakura hwokunyengetedza pakutsanangura Shoko raMwari here? Kana zvakadaro, uchagutsikana nokufara zvikuru mubasa rako rokuparidza nokudzidzisa vanhu nezvoUmambo hwaMwari. Izvi ndizvo zvave zvichiitika kuvaparidzi vemashoko akanaka vakatevedzera mazano okushandisa Bhaibheri zvikuru mubasa rokuparidza.

17. Kuratidza kuti kushandisa Bhaibheri muushumiri hwedu kunobatsira sei, rondedzera zvawakasangana nazvo kana kuti taura pfungwa huru yezviri mundima ino.

17 Somuenzaniso, mumwe mutariri anofambira weZvapupu zvaJehovha akanyora kuti: “Hama nehanzvadzi dzinoverengeka dzava kutakura Bhaibheri muruoko rwadzo padzinenge dzichipupurira paimba neimba. Izvi zvakabatsira vaparidzi vacho kuverengera vanhu vakawanda vavanosangana navo rugwaro. Zvakabatsira saimba nomuparidzi kubatanidza ushumiri hwedu neBhaibheri, kwete nemagazini kana mabhuku chete.” Chokwadi, kuti tinofamba neBhaibheri richioneka here patinenge tiri mubasa rokuparidza kana kwete zvinoenderana nemamiriro ezvinhu akasiyana-siyana, kusanganisira tsika dzomunzvimbo yedu. Kunyange zvakadaro, tinofanira kuda kuva nomukurumbira wokushandisa Shoko raMwari nounyanzvi kuti tinyengetedze vamwe kugamuchira shoko roUmambo.

Ona Ushumiri Sezvinoita Mwari

18, 19. (a) Mwari anoona sei ushumiri hwedu, uye nei tichifanira kuva nemaonero ake? (b) Chii chichatibatsira kushanyazve zvinobudirira? (Ona bhokisi rakanzi “Nzira Yokubudirira Nayo Pakushanyazve,” riri papeji 16.)

18 Imwe nzira yokusvika pamwoyo yevateereri vedu inosanganisira kuona ushumiri sezvinoita Mwari uye kushivirira. Mwari anoda kuti vanhu vose “vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.” (1 Timoti 2:3, 4) Ichocho hachisicho chido chedu here? Jehovha anoshivirirawo, uye kushivirira kwake kunopa vakawanda mikana yokupfidza. (2 Petro 3:9) Saka, patinowana mumwe munhu anoda kuteerera shoko roUmambo, zvingava zvakanaka kudzoka tadzokazve kuti tisimudzire kufarira ikoko. Zvinotora nguva nokushivirira kuti tione mbeu dzechokwadi dzichikura. (1 VaKorinde 3:6) Bhokisi riri munyaya ino rine musoro unoti “Nzira Yokubudirira Nayo Pakushanyazve” rinopa mazano okusimudzira kufarira kwakadaro. Yeuka, upenyu hwevanhu—zvinetso zvavo nemamiriro ezvinhu—zviri kuramba zvichichinja. Zvingada kuedza kakawanda kuti uvawane vari pamusha, asi zvakakodzera kuti tidaro. Tinoda kuvapa mukana wokunzwa shoko raMwari roruponeso. Naizvozvo, nyengeterera uchenjeri kuna Jehovha Mwari kuti uve nounyanzvi hwokunyengetedza mubasa rako rokubatsira vamwe kugamuchira shoko roUmambo.

19 Kana munhu anoda kunzwa zvakawanda nezveshoko roUmambo angowanika, chiizve icho isu sevashandi vechiKristu tingaita? Nyaya yedu inotevera inobatsira.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Nokuda kwemamwe mashoko pamusoro pokunyengetedza, ona zvidzidzo 48 ne49 zvebhuku raBatsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Unoyeuka Here?

• Chii chakaita kuti kuzvidzivirira kwaPauro pamberi paMambo Agiripa kubudirire?

• Shoko redu ringasvika sei pamwoyo?

• Chii chichatibatsira kushandisa Shoko raMwari zvinobudirira pakusvika pamwoyo?

• Tingaona sei ushumiri sezvinoita Mwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 16]

Nzira Yokubudirira Nayo Pakushanyazve

• Farira vanhu zvechokwadi.

• Sarudza nyaya yeBhaibheri inonakidza kukurukura.

• Siya pokuzotangira pose paunoshanyazve.

• Ramba uchifunga nezvomunhu wacho kana waenda.

• Dzokera nokukurumidza, pamwe pashure pezuva rimwe chete kana maviri, kuti usimudzire kufarira kwacho.

• Ramba uchifunga kuti chinangwa chako ndechokutanga chidzidzo cheBhaibheri chepamusha.

• Nyengeterera kuti Jehovha aite kuti kufarira kwacho kukure.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Pauro akashandisa kunyengetedza paaiva pamberi paGavhuna Fesito naMambo Agiripa