Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Utano

Utano

Mwari ane basa here nemabatiro atinozviita?

“Usava mumwe wevanonwisa waini, mumwe wevanokara nyama.”—Zvirevo 23:20.

NEI ZVICHIKOSHA?

Bhaibheri harisi bhuku rezveutano, uye haridonongodzi twose twunofanira kuitwa nemunhu. Asi, kuverenga Bhaibheri kunogona kukubatsira kunzwisisa kuti Mwari anoti chii panyaya dzeutano.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Magwaro akawanda anoratidza kuti Mwari anonzwa sei nezvemabatiro atinoita miviri yedu. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoshora kuita zvinhu zvinopfuura mwero zvakadai sekudhakwa uye kukara. (Zvirevo 23:20) Mutemo waMwari wakapiwa vaIsraeri vekare waisanganisira zvinhu zvavaisafanira kuita zvaivadzora uye zvaitobatsira kuti vasarwara. Mutemo wacho waisanganisira zvinhu zvavaifanira kuita kuti pasava nenjodzi. (Dheuteronomio 22:8) Zviri pachena kuti Bhaibheri rinotikurudzira kuti titarisire zvakanaka miviri yedu uye titore matanho okuchengetedza utano hwedu.

Maererano neBhaibheri, nei tichirwara?

Chivi chakapinda munyika nomunhu mumwe chete uye rufu rwakapinda nechivi.’—VaRoma 5:12.

ZVINOTAURWA NEVANHU

Vakawanda vanoti vanhu vakatanga vari mhuka. Nemhaka yechikonzero ichi vanobva vati ndizvo zvinokonzera kuti vanhu varware. Vamwe vanofunga kuti zvinhu zvakashata zvakadai semidzimu yakaipa ndizvo zvinoita kuti vanhu varware.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Maererano nezvinotaurwa neBhaibheri, kurwara kwatinoita imhaka yekupanduka kwakaita Adhamu naEvha. (VaRoma 5:12) Vabereki vedu vokutanga Adhamu naEvha vaiva noutano hwakanaka vasati vapandukira Mwari. Vaizviziva kuti vaizofa kana vakasateerera Mwari uyo aivatarisira norudo. (Genesisi 2:16, 17) Kunyange zvakadaro vakapira Mwari gotsi vachibva varasikirwa noutano hwavo hwakanaka.

Kupanduka kwakaita vabereki vedu vokutanga kwakaita kuti varasikirwe neutano hwakanaka zvichibva zvatapukirawo kwatiri. Saka, pasinei nezvingaedzwa kuitwa nevanhu pakuedza kupedza zvirwere, tinongoramba tichirwara.

ZVII ZVAUNGAITA?

Bhaibheri rinodzidzisa kuti kana ukayananiswa naMwari kuburikidza nokuteerera mirayiro yake youchenjeri, uchava noutano hwakanaka muparadhiso pasi pano. (Isaya 33:24) Mwari anovimbisa kubvisa kurwadziwa, urwere uye rufu.—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Bhaibheri rinoshora here kuti munhu aende kuchipatara?

“Vanhu vakagwinya havadi chiremba, asi vanorwara vanomuda.”Mateu 9:12.

ZVINOTAURWA NEVANHU

Vamwe vanokurudzira kuti munhu aporeswe achiita zvokunamatirwa kwete zvokuenda kuchipatara.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Mwari aibvumira kuti pave nevanhu vairapa pakati pevanhu vake munguva dzakanyorwa Bhaibheri. (Genesisi 38:28; VaKorose 4:14) Hapana Bhaibheri parinotaura kuti Mwari haana kufadzwa nekushandisa kwavaiita makwenzi pakurapa, mafuta okuzora, zvokudya zvavaibvumirwa kudya kana kusadya uyewo dzimwewo nzira dzokurapa. Jesu akasvika pakutotaura kuti “vanhu vakagwinya havadi chiremba, asi vanorwara vanomuda.”—Mateu 9:12.

Asi, Bhaibheri hariti nzira dzose dzokurapa dzakanaka. Somuenzaniso, Bhaibheri haritenderi zvinonzi nevanhu mazuva ano kuporeswa nomweya. Kurapwa kunosanganisira zvemidzimu hakutenderwi naMwari. (VaGaratiya 5:19-21) Pane kuti tishandise nzira dzinoshorwa neBhaibheri, chinhu chine musoro chatinofanira kuita kana tatarisana neurwere kutsvaka nzira yakanaka yokurapwa kana ichiwanika.