Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vechiduku Vanotaura Nezvokutenda Kwavo

Vechiduku Vanotaura Nezvokutenda Kwavo

Vechiduku Vanotaura Nezvokutenda Kwavo

PANE vechiduku vakawanda vari pakati peZvapupu zvaJehovha. Vanoda Mwari uye vanoedza kurarama maererano nemitemo yake iri muBhaibheri. Vechiduku ava vanofara nokutenda kwavo, uye vanotaurira vamwe kuchikoro zvavanotenda vakasununguka. Ona mimwe mienzaniso.

▪ Paaiva mugiredhi rechitanhatu, Holly nevamwe vaaidzidza navo vakapiwa basa rokuti vanyore rondedzero yomubvunzo waiti “Ungapedza sei chinetso chougandanga usingaiti zvechisimba?” Holly akashandisa mukana uyu kunyora nezvetariro yake yeramangwana inotaurwa muBhaibheri. Akatsanangura kuti nhoroondo yevanhu inoratidza kuti ‘kana mumwe munhu ane simba pamusoro pomumwe, anomuitira zvakaipa.’ (Muparidzi 8:9) Akabva ataura nezvetariro bedzi yechokwadi yevanhu—Umambo hwaMwari. “Sezvo Jesu ari iye Mambo akagadzwa woUmambo ihwohwo,” akanyora kudaro, “zvinetso zvose, kusanganisira ugandanga, zvichabviswa.” Holly akanyatsotsanangura kuti Jesu achaita sei zviri kutadzwa nevatungamiriri vevanhu. “Paaiva pasi pano,” Holly akanyora kudaro, “Jesu akaratidza kuti aizova mutungamiriri akadini. Aiva norudo, uye aitarisira vanhu zvakanaka. Akaratidza simba raaiva naro achiporesa varwere nokumutsa vakafa. Hapana hurumende yevanhu inogona kumutsa vakafa. Asi Umambo hwaMwari huchagona.” Holly akapedzisa rondedzero yake nemashoko okuti, “Mwari bedzi ndiye achapedza zvose, kwete vanhu.”

Nechepakaperera rondedzero yake, mudzidzisi wake akanyora kuti: “Aha-a! Wanyora zvemandorokwati, Holly. Uye zvakanyatsofungwa.” Mudzidzisi wacho akaomeswa mate mukanwa nokushandisa Magwaro kwakaitwa naHolly. Izvi zvakapa Holly mukana wokuti ataure nomudzidzisi wake nezveChikoro chaMwari Choushumiri, purogiramu yokukurukura uye yokudzidzisa yevhiki yoga yoga inoitwa neZvapupu zvaJehovha. Mudzidzisi wake akagamuchira bhuku rinoshandiswa muChikoro Choushumiri.

Jessica akataurawo nezvokutenda kwake paainyora rondedzero dzokuchikoro. “Ndakanyora rondedzero nhatu pamusoro pokutenda kwangu,” anodaro. “Imwe yaitaura nezveZvapupu zvaJehovha uye kodzero dzechitendero. Mudzidzisi wacho akaiisa muraibhurari kuitira kuti vaya vaida vagone kuiverenga. Nguva ichangobva kupfuura ndakanyora nezvezuva rokubhabhatidzwa kwangu uye kuti raikosha zvakadini kwandiri. Vadzidzi vakachinjana mapepa ezvavakanga vari kugadzirira kunyora, saka vandinodzidza navo vakava nomukana wokuverenga zvandakanga ndanyora. Mumwe musikana akati: ‘Ibasa rakanaka. Zvinobatsira kuziva mabasa anouya munhu akava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Makorokoto wakabhabhatidzwa!’ Mumwe musikana akati: ‘Nyaya yako yanga yakanaka kwazvo! Ndinofara nokuti une kutenda kwakasimba kudaro!’ Mumwe mukomana akangonyora kuti: ‘Wakagona kufunga. Makorokoto.’”

Melissa paaiva nemakore 11, akava nomukana wakasiyana nemimwe wokutaura nezvokutenda kwake. “Mukoti wepachikoro pedu akauya kukirasi yedu yesayenzi kuzotaura nezvokuzvidzivirira kwemiviri yedu pazvirwere. Nyaya yokuwedzerwa ropa yakaerekana yava mudariro. Pashure pokudzidza ndakaudza mudzidzisi wangu wesayenzi nezveimwe vhidhiyo inotaura nezveropa. Ndakauya nayo kuchikoro zuva rakatevera racho, uye mudzidzisi wangu akaenda nayo kumba akaiona nemhuri yake. Mangwana acho akauya nevhidhiyo iya kuchikoro akairatidza makirasi maviri, kusanganisira yandaiva. Akabva ataura zvakanaka pamusoro peZvapupu zvaJehovha, achiudza kirasi kuti kudai Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvisina kushinga, zvinotsiva kuwedzerwa ropa zvingadai zvichinetsa kuwana. Paakanga ava kundidzorera vhidhiyo akabvunza kuti, ‘Ndingawana sei imwe vhidhiyo yokuisa muraibhurari yechikoro?’ Ndakamupa imwe. Akafara chaizvo, kunyange neniwo!”

Holly, Jessica, naMelissa ndevamwe vaduku veZvapupu zvaJehovha vanotevera kurudziro yeBhaibheri yokuyeuka Musiki wavo. (Muparidzi 12:1) Ko iwe uri kudarowo here? Kana zvakadaro, unogona kuva nechokwadi chokuti uri kuita kuti mwoyo waJehovha ufare.—Zvirevo 27:11; VaHebheru 6:10.

Imi vechiduku pamunotaura zvamunotenda nevamunodzidza navo uye vadzidzisi venyu, zvinopa uchapupu hwakasimba pamusoro paJehovha Mwari uye zvinangwa zvake. Zvinosimbisawo kutenda kwenyu, uye zvinoita kuti munzwe manyukunyuku okuti mune ropafadzo yokuva pakati pevashumiri vaMwari. (Jeremia 9:24) Kupupurira kuchikoro kunodzivirirawo. Jessica anorondedzera achiti, “Chimwe chakanakira kutaura zvandinotenda ndechokuti vana vechikoro havandimanikidzi kuita zvinhu zvisingapindirani nezvinotaura Bhaibheri.”

[Mifananidzo iri papeji 12]

Holly

[Mifananidzo iri papeji 12, 13]

Jessica

[Mifananidzo iri papeji 13]

Melissa